Numbers 35 (BOSCB)

1 Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Rayira vaIsraeri kuti vape vaRevhi maguta okuti vagare kubva panhaka ichatorwa navaIsraeri. Uye muvape mafuro akapoteredza maguta avo. 3 Ipapo vachava namaguta okugara uye namafuro emombe dzavo, makwai nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose. 4 “Mafuro akapoteredza maguta amunopa vaRevhi achasvitsa makubhiti chiuru chimwe chete kubva pamasvingo eguta. 5 Uyere makubhiti zviuru zviviri nechokunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva, kurutivi rwezasi uyere makubhiti zviuru zviviri, uye kurutivi rwokumavirira makubhiti zviuru zviviri, uye nechokumusoro, makubhiti zviuru zviviri, guta riri pakati. Nzvimbo iyi ichava mafuro amaguta. 6 “Maguta matanhatu pane auchapa vaRevhi achava outiziro, kuti munhu anenge auraya mumwe atizireko. Pamusoro paiwayo, muvape mamwe maguta makumi mana namaviri. 7 Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva makumi mana namasere, pamwe chete namafuro avo. 8 Maguta amunopa vaRevhi kubva munyika inotorwa navaIsraeri anofanira kupiwa zvakaenzanirana nenhaka yorudzi rumwe norumwe: Utore maguta akawanda kubva kurudzi rune akawanda, asi utore mashoma kubva kurudzi rune mashoma.” 9 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 10 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani, 11 musarudze mamwe maguta kuti ave outiziro, okuti munhu anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko. 12 Achava nzvimbo dzoutiziro kubva kumutsivi, kuitira kuti munhu anopomerwa mhosva youmhondi arege kufa asati atongwa pamberi peungano. 13 Maguta matanhatu amunopa aya achava maguta enyu outiziro. 14 Mupe maguta matatu mhiri kwaJorodhani uye mamwe matatu muKenani kuti ave maguta outiziro. 15 Maguta matanhatu aya achava nzvimbo youtiziro yavaIsraeri, vatorwa kana vamwe vanhu vagere pakati pavo, kuitira kuti ani naani anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko. 16 “ ‘Kana munhu akarova mumwe nesimbi akafa, iye imhondi; mhondi ichafanira kuurayiwa. 17 Uye kana ani naani aine dombo muruoko rwake rinogona kuuraya, akarova mumwe munhu naro akafa, iye imhondi; mhondi inofanira kuurayiwa. 18 Uye kana ani naani akange ane danda muruoko rwake rinogona kuuraya, uye akarova mumwe munhu akafa, iye imhondi; mhondi ichaurayiwa. 19 Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo; paanosangana naye, achamuuraya. 20 Kana ani zvake anga ane ruvengo kare akasundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari nobwoni iye akafa, 21 uye kana akamurova nechibhakera achimuvenga munhu uyo akafa, munhu iyeye anofanira kuurayiwa; munhu iyeye imhondi. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo paanosangana naye. 22 “ ‘Asi kana panga pasina ruvengo mumwe akakaruka asundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari asingaiti nobwoni, 23 kana anga asingamuoni, akapotsera dombo kwaari rinogona kumuuraya, uye iye akafa, ipapo sezvo anga asiri muvengi wake uye anga asingafungi kumukuvadza, 24 ungano inofanira kutonga pakati pake nomutsivi weropa maererano nemitemo iyi. 25 Ungano inofanira kudzivirira munhu anopomerwa umhondi kubva pamutsivi weropa uye vachamudzosera kuguta routiziro uko kwaakanga atizira. Anofanira kugara ikoko kusvikira muprista mukuru afa, uyo akanga akazodzwa namafuta matsvene. 26 “ ‘Asi kana uyo anopomerwa akangobuda kunze akadarika muganhu weguta routiziro, uko kwaakatizira, 27 uye mutsivi weropa akamuwana ari kunze kweguta, mutsivi weropa achauraya muurayi uyu akasapiwa mhosva youmhondi. 28 Muurayi anofanira kugara muguta rake routiziro kusvikira pakufa kwomuprista mukuru; anofanira kudzokera chete kunzvimbo yake kana muprista mukuru afa. 29 “ ‘Izvi zvinofanira kuva murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose anotevera, kwose kwamunogara. 30 “ ‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete. 31 “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Anofanira kufa zvirokwazvo. 32 “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro yomunhu upi zvake akatiza kuguta routiziro nokudaro muchimutendera kudzokera kuti andogarazve munyika yake muprista mukuru asati afa. 33 “ ‘Murege kusvibisa nyika yamunogara. Kuteura ropa kunosvibisa nyika, uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi chete neropa romunhu akariteura. 34 Musasvibisa nyika yamugere uye yandinogara, nokuti ini Jehovha, ndigere pakati pavaIsraeri.’ ”

In Other Versions

Numbers 35 in the ANGEFD

Numbers 35 in the ANTPNG2D

Numbers 35 in the AS21

Numbers 35 in the BAGH

Numbers 35 in the BBPNG

Numbers 35 in the BBT1E

Numbers 35 in the BDS

Numbers 35 in the BEV

Numbers 35 in the BHAD

Numbers 35 in the BIB

Numbers 35 in the BLPT

Numbers 35 in the BNT

Numbers 35 in the BNTABOOT

Numbers 35 in the BNTLV

Numbers 35 in the BOATCB

Numbers 35 in the BOATCB2

Numbers 35 in the BOBCV

Numbers 35 in the BOCNT

Numbers 35 in the BOECS

Numbers 35 in the BOGWICC

Numbers 35 in the BOHCB

Numbers 35 in the BOHCV

Numbers 35 in the BOHLNT

Numbers 35 in the BOHNTLTAL

Numbers 35 in the BOICB

Numbers 35 in the BOILNTAP

Numbers 35 in the BOITCV

Numbers 35 in the BOKCV

Numbers 35 in the BOKCV2

Numbers 35 in the BOKHWOG

Numbers 35 in the BOKSSV

Numbers 35 in the BOLCB

Numbers 35 in the BOLCB2

Numbers 35 in the BOMCV

Numbers 35 in the BONAV

Numbers 35 in the BONCB

Numbers 35 in the BONLT

Numbers 35 in the BONUT2

Numbers 35 in the BOPLNT

Numbers 35 in the BOSNC

Numbers 35 in the BOTLNT

Numbers 35 in the BOVCB

Numbers 35 in the BOYCB

Numbers 35 in the BPBB

Numbers 35 in the BPH

Numbers 35 in the BSB

Numbers 35 in the CCB

Numbers 35 in the CUV

Numbers 35 in the CUVS

Numbers 35 in the DBT

Numbers 35 in the DGDNT

Numbers 35 in the DHNT

Numbers 35 in the DNT

Numbers 35 in the ELBE

Numbers 35 in the EMTV

Numbers 35 in the ESV

Numbers 35 in the FBV

Numbers 35 in the FEB

Numbers 35 in the GGMNT

Numbers 35 in the GNT

Numbers 35 in the HARY

Numbers 35 in the HNT

Numbers 35 in the IRVA

Numbers 35 in the IRVB

Numbers 35 in the IRVG

Numbers 35 in the IRVH

Numbers 35 in the IRVK

Numbers 35 in the IRVM

Numbers 35 in the IRVM2

Numbers 35 in the IRVO

Numbers 35 in the IRVP

Numbers 35 in the IRVT

Numbers 35 in the IRVT2

Numbers 35 in the IRVU

Numbers 35 in the ISVN

Numbers 35 in the JSNT

Numbers 35 in the KAPI

Numbers 35 in the KBT1ETNIK

Numbers 35 in the KBV

Numbers 35 in the KJV

Numbers 35 in the KNFD

Numbers 35 in the LBA

Numbers 35 in the LBLA

Numbers 35 in the LNT

Numbers 35 in the LSV

Numbers 35 in the MAAL

Numbers 35 in the MBV

Numbers 35 in the MBV2

Numbers 35 in the MHNT

Numbers 35 in the MKNFD

Numbers 35 in the MNG

Numbers 35 in the MNT

Numbers 35 in the MNT2

Numbers 35 in the MRS1T

Numbers 35 in the NAA

Numbers 35 in the NASB

Numbers 35 in the NBLA

Numbers 35 in the NBS

Numbers 35 in the NBVTP

Numbers 35 in the NET2

Numbers 35 in the NIV11

Numbers 35 in the NNT

Numbers 35 in the NNT2

Numbers 35 in the NNT3

Numbers 35 in the PDDPT

Numbers 35 in the PFNT

Numbers 35 in the RMNT

Numbers 35 in the SBIAS

Numbers 35 in the SBIBS

Numbers 35 in the SBIBS2

Numbers 35 in the SBICS

Numbers 35 in the SBIDS

Numbers 35 in the SBIGS

Numbers 35 in the SBIHS

Numbers 35 in the SBIIS

Numbers 35 in the SBIIS2

Numbers 35 in the SBIIS3

Numbers 35 in the SBIKS

Numbers 35 in the SBIKS2

Numbers 35 in the SBIMS

Numbers 35 in the SBIOS

Numbers 35 in the SBIPS

Numbers 35 in the SBISS

Numbers 35 in the SBITS

Numbers 35 in the SBITS2

Numbers 35 in the SBITS3

Numbers 35 in the SBITS4

Numbers 35 in the SBIUS

Numbers 35 in the SBIVS

Numbers 35 in the SBT

Numbers 35 in the SBT1E

Numbers 35 in the SCHL

Numbers 35 in the SNT

Numbers 35 in the SUSU

Numbers 35 in the SUSU2

Numbers 35 in the SYNO

Numbers 35 in the TBIAOTANT

Numbers 35 in the TBT1E

Numbers 35 in the TBT1E2

Numbers 35 in the TFTIP

Numbers 35 in the TFTU

Numbers 35 in the TGNTATF3T

Numbers 35 in the THAI

Numbers 35 in the TNFD

Numbers 35 in the TNT

Numbers 35 in the TNTIK

Numbers 35 in the TNTIL

Numbers 35 in the TNTIN

Numbers 35 in the TNTIP

Numbers 35 in the TNTIZ

Numbers 35 in the TOMA

Numbers 35 in the TTENT

Numbers 35 in the UBG

Numbers 35 in the UGV

Numbers 35 in the UGV2

Numbers 35 in the UGV3

Numbers 35 in the VBL

Numbers 35 in the VDCC

Numbers 35 in the YALU

Numbers 35 in the YAPE

Numbers 35 in the YBVTP

Numbers 35 in the ZBP