Psalms 113 (BOSCB)
1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha,rumbidzai zita raJehovha. 2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe,kubva zvino kusvikira narini. 3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro,zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa. 4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose;kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga. 5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu,iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro, 6 anokotamira pasi kuti aonezviri kudenga napanyika? 7 Anosimudza murombo kubva muguruva,uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota; 8 anovagadza namachinda,namachinda avanhu vavo. 9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.