Ruth 2 (BOSCB)

1 Zvino Naomi aiva nehama yokumurume wake, aibva kuimba yaErimereki, murume akasimukira, zita rake richinzi Bhoazi. 2 Zvino Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha.”Naomi akati kwaari, “Enda hako mwanasikana wangu.” 3 Naizvozvo akaenda kuminda akatanga kunongera ari muminda achitevera shure kwavacheki. Zvakaitika ndezvokuti akabva angoenda kundoshanda mumunda waBhoazi, uyo aibva kuimba yaErimereki. 4 Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!”Ivo vakapindura vachiti, “Jehovha akuropafadzei!” 5 Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndewani?” 6 Mutariri akapindura akati, “Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu. 7 Ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.” 8 Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava. 9 Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.” 10 Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?” 11 Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi. 12 Jehovha ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.” 13 Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.” 14 Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.”Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara. 15 Paakasimuka kuti anongere, Bhoazi akarayira majaya ake achiti, “Kunyange akaunganidza pakati pezvisote, musamudzivisa. 16 Asi, mumuvhomorere dzimwe tsama, kubva pamasumbu enyu mumusiyire agononga, uye musamutsiura.” 17 Naizvozvo Rute akanongera ari mumunda kusvikira manheru. Ipapo akapura bhari raakanga aunganidza, rikasvika pachiero cheefa. 18 Akaritakura akaenda naro kuguta, vamwene vake vakaona kuti akanga aunganidza zvakadini. Rute akavigirawo vamwene vake zvaakanga asiya paakanga adya akaguta. 19 Vamwene vake vakamubvunza vakati, “Nhasi wanga uchinongera uri kupiko? Washandirepi? Ngaaropafadzwe murume uyo akuona.”Ipapo Rute akaudza vamwene vake pamusoro pomunhu akanga ari mwene wenzvimbo yaakanga achishandira. Akati kwaari, “Zita romurume wandashanda naye nhasi ndiBhoazi.” 20 Naomi akati kumuroora wake, “Jehovha ngaamuropafadze! Iye asina kurega kuratidza tsitsi kuvapenyu navakafa.” Akatizve, “Murume iyeye ihama yedu yapedyo; mumwe wavadzikinuri vedu.” 21 Ipapo Rute muMoabhu akati, “Abva ati kwandiri, ‘Gara navashandi vangu kusvikira vapedza kucheka zviyo zvangu zvose.’ ” 22 Naomi akati kuna Rute muroora wake, “Zvichava zvakanaka kwauri mwanangu, kuti uende navasikana vake, nokuti ukaenda mumunda womumwe ungazokanganiswa.” 23 Saka Rute akagara pedyo navasikana vaishandira Bhoazi achinongera kusvikira kuchekwa kwegorosi nebhari kwapera. Uye iye akagara navamwene vake.

In Other Versions

Ruth 2 in the ANGEFD

Ruth 2 in the ANTPNG2D

Ruth 2 in the AS21

Ruth 2 in the BAGH

Ruth 2 in the BBPNG

Ruth 2 in the BBT1E

Ruth 2 in the BDS

Ruth 2 in the BEV

Ruth 2 in the BHAD

Ruth 2 in the BIB

Ruth 2 in the BLPT

Ruth 2 in the BNT

Ruth 2 in the BNTABOOT

Ruth 2 in the BNTLV

Ruth 2 in the BOATCB

Ruth 2 in the BOATCB2

Ruth 2 in the BOBCV

Ruth 2 in the BOCNT

Ruth 2 in the BOECS

Ruth 2 in the BOGWICC

Ruth 2 in the BOHCB

Ruth 2 in the BOHCV

Ruth 2 in the BOHLNT

Ruth 2 in the BOHNTLTAL

Ruth 2 in the BOICB

Ruth 2 in the BOILNTAP

Ruth 2 in the BOITCV

Ruth 2 in the BOKCV

Ruth 2 in the BOKCV2

Ruth 2 in the BOKHWOG

Ruth 2 in the BOKSSV

Ruth 2 in the BOLCB

Ruth 2 in the BOLCB2

Ruth 2 in the BOMCV

Ruth 2 in the BONAV

Ruth 2 in the BONCB

Ruth 2 in the BONLT

Ruth 2 in the BONUT2

Ruth 2 in the BOPLNT

Ruth 2 in the BOSNC

Ruth 2 in the BOTLNT

Ruth 2 in the BOVCB

Ruth 2 in the BOYCB

Ruth 2 in the BPBB

Ruth 2 in the BPH

Ruth 2 in the BSB

Ruth 2 in the CCB

Ruth 2 in the CUV

Ruth 2 in the CUVS

Ruth 2 in the DBT

Ruth 2 in the DGDNT

Ruth 2 in the DHNT

Ruth 2 in the DNT

Ruth 2 in the ELBE

Ruth 2 in the EMTV

Ruth 2 in the ESV

Ruth 2 in the FBV

Ruth 2 in the FEB

Ruth 2 in the GGMNT

Ruth 2 in the GNT

Ruth 2 in the HARY

Ruth 2 in the HNT

Ruth 2 in the IRVA

Ruth 2 in the IRVB

Ruth 2 in the IRVG

Ruth 2 in the IRVH

Ruth 2 in the IRVK

Ruth 2 in the IRVM

Ruth 2 in the IRVM2

Ruth 2 in the IRVO

Ruth 2 in the IRVP

Ruth 2 in the IRVT

Ruth 2 in the IRVT2

Ruth 2 in the IRVU

Ruth 2 in the ISVN

Ruth 2 in the JSNT

Ruth 2 in the KAPI

Ruth 2 in the KBT1ETNIK

Ruth 2 in the KBV

Ruth 2 in the KJV

Ruth 2 in the KNFD

Ruth 2 in the LBA

Ruth 2 in the LBLA

Ruth 2 in the LNT

Ruth 2 in the LSV

Ruth 2 in the MAAL

Ruth 2 in the MBV

Ruth 2 in the MBV2

Ruth 2 in the MHNT

Ruth 2 in the MKNFD

Ruth 2 in the MNG

Ruth 2 in the MNT

Ruth 2 in the MNT2

Ruth 2 in the MRS1T

Ruth 2 in the NAA

Ruth 2 in the NASB

Ruth 2 in the NBLA

Ruth 2 in the NBS

Ruth 2 in the NBVTP

Ruth 2 in the NET2

Ruth 2 in the NIV11

Ruth 2 in the NNT

Ruth 2 in the NNT2

Ruth 2 in the NNT3

Ruth 2 in the PDDPT

Ruth 2 in the PFNT

Ruth 2 in the RMNT

Ruth 2 in the SBIAS

Ruth 2 in the SBIBS

Ruth 2 in the SBIBS2

Ruth 2 in the SBICS

Ruth 2 in the SBIDS

Ruth 2 in the SBIGS

Ruth 2 in the SBIHS

Ruth 2 in the SBIIS

Ruth 2 in the SBIIS2

Ruth 2 in the SBIIS3

Ruth 2 in the SBIKS

Ruth 2 in the SBIKS2

Ruth 2 in the SBIMS

Ruth 2 in the SBIOS

Ruth 2 in the SBIPS

Ruth 2 in the SBISS

Ruth 2 in the SBITS

Ruth 2 in the SBITS2

Ruth 2 in the SBITS3

Ruth 2 in the SBITS4

Ruth 2 in the SBIUS

Ruth 2 in the SBIVS

Ruth 2 in the SBT

Ruth 2 in the SBT1E

Ruth 2 in the SCHL

Ruth 2 in the SNT

Ruth 2 in the SUSU

Ruth 2 in the SUSU2

Ruth 2 in the SYNO

Ruth 2 in the TBIAOTANT

Ruth 2 in the TBT1E

Ruth 2 in the TBT1E2

Ruth 2 in the TFTIP

Ruth 2 in the TFTU

Ruth 2 in the TGNTATF3T

Ruth 2 in the THAI

Ruth 2 in the TNFD

Ruth 2 in the TNT

Ruth 2 in the TNTIK

Ruth 2 in the TNTIL

Ruth 2 in the TNTIN

Ruth 2 in the TNTIP

Ruth 2 in the TNTIZ

Ruth 2 in the TOMA

Ruth 2 in the TTENT

Ruth 2 in the UBG

Ruth 2 in the UGV

Ruth 2 in the UGV2

Ruth 2 in the UGV3

Ruth 2 in the VBL

Ruth 2 in the VDCC

Ruth 2 in the YALU

Ruth 2 in the YAPE

Ruth 2 in the YBVTP

Ruth 2 in the ZBP