1 Kings 11 (BOSCB)

1 Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti. 2 Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo. 3 Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake. 4 Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake. 5 Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni. 6 Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake. 7 Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni. 8 Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuhwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo. 9 Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri. 10 Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha. 11 Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako. 12 Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako. 13 Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.” 14 Ipapo Jehovha akamutsa Hadhadhi muEdhomu, weimba youmambo yeEdhomu kuti arwise Soromoni. 15 Dhavhidhi panguva yaakanga achirwa neEdhomu, Joabhu, mutungamiri wehondo, uyo akanga aenda kundoviga vakanga vafa, akauraya varume vose muEdhomu. 16 Joabhu navaIsraeri vose vakagarako kwemwedzi mitanhatu, kusvikira vauraya varume vose muEdhomu. 17 Asi Hadhadhi, uyo akanga achiri mukomana, akatizira kuIjipiti namamwe machinda echiEdhomu aimboshandira baba vake. 18 Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya. 19 Faro akafadzwa naHadhadhi zvokuti akamupa muramu wake, mununʼuna wavahosi vake Tapenesi, kuti ave mukadzi wake. 20 Mununʼuna waTapenesi uyu akamuberekera mwanakomana anonzi Genubhati, akakurira mumuzinda wamambo. Imomo, Genubhati akagara pamwe chete navana vaFaro. 21 Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.” 22 Faro akamubvunza akati, “Washayeiko kuno zvowoda kudzokera kunyika yako?”Hadhadhi akapindura akati, “Hapana, asi regai ndiende zvangu!” 23 Mwari akamutsira Soromoni mumwe muvengi, Rezoni, mwanakomana waEriadha, akanga atiza kubva kuna tenzi wake Hadhadhezeri mambo weZobha. 24 Akazviunganidzira varume akabva ava mutungamiri wechikwata chavapanduki panguva yakaparadzwa mauto okuZobha naDhavhidhi; vapanduki ava vakaenda kuDhamasiko, kwavakagara uye vakatonga. 25 Rezoni akava muvengi weIsraeri kwoupenyu hwaSoromoni hwose, akapamhidzira padambudziko raikonzerwa naHadhadhi. Rezoni akatonga muAramu uye akanga achivenga Israeri. 26 Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akapandukirawo mambo. Aiva mumwe wamachinda aSoromoni, ari worudzi rwaEfuremu wokuZaredha, uye mai vake vainzi Zeruya vari chirikadzi. 27 Heino nhoroondo yokupandukira mambo kwaakaita: Soromoni akavaka Miro, akagadzira pakanga paputsika murusvingo rweguta rababa vake Dhavhidhi. 28 Zvino Jerobhoamu aiva murume wesimba noumhare, uye Soromoni akaona kuti jaya iri raishanda kwazvo akabva amuita mutariri wavashandi vose veimba yaJosefa. 29 Zvino panguva iyoyo Jerobhoamu akati achibva muJerusarema, Ahija muprofita wokuShiro akasangana naye panzira, akapfeka jasi idzva nomucheka. Vaviri ava vaiva voga kusango, 30 ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarura-bvarura kuita zvipenga gumi nezviviri. 31 Ipapo akati kuna Jerobhoamu, “Zvitorere zvipenga gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Tarira, ndichabvarura umambo kubva muruoko rwaSoromoni ndigokupa marudzi gumi. 32 Asi nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi neguta reJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, achava norudzi rumwe chete. 33 Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni. 34 “ ‘Asi handizobvisi umambo hwose kubva muruoko rwaSoromoni; ndamuita mutongi mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakasarudza, akachengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. 35 Ndichatora umambo kubva mumaoko omwanakomana wake ndigokupa marudzi gumi. 36 Ndichapa mwanakomana wake rudzi rumwe chete kuitira kuti Dhavhidhi muranda wangu arambe ane mwenje nguva dzose pamberi pangu muJerusarema, guta randakasarudza kuisa Zita rangu. 37 Zvisinei, kana uri iwe, ndichakutora, uye uchatonga pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wako; uchava mambo weIsraeri. 38 Kana ukaita chipi nechipi chandicharayira uye ukafamba munzira dzangu ukaita zvakarurama pamberi pangu uye ukachengeta mitemo nemirayiro yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe. Ndichakuvakira imba seyandakavakira Dhavhidhi uye ndichakupa Israeri. 39 Ndichatambudza vana vaDhavhidhi nokuda kwenyaya iyi, asi kwete nokusingaperi.’ ” 40 Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoamu, asi Jerobhoamu akatizira kuIjipiti, kuna mambo Shishaki, akagarako kusvikira Soromoni afa. 41 Zvino mamwe mabasa aSoromoni, nezvose zvaakaita nouchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzaSoromoni? 42 Soromoni akatonga Israeri yose muJerusarema kwamakore makumi mana. 43 Ipapo akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

In Other Versions

1 Kings 11 in the ANGEFD

1 Kings 11 in the ANTPNG2D

1 Kings 11 in the AS21

1 Kings 11 in the BAGH

1 Kings 11 in the BBPNG

1 Kings 11 in the BBT1E

1 Kings 11 in the BDS

1 Kings 11 in the BEV

1 Kings 11 in the BHAD

1 Kings 11 in the BIB

1 Kings 11 in the BLPT

1 Kings 11 in the BNT

1 Kings 11 in the BNTABOOT

1 Kings 11 in the BNTLV

1 Kings 11 in the BOATCB

1 Kings 11 in the BOATCB2

1 Kings 11 in the BOBCV

1 Kings 11 in the BOCNT

1 Kings 11 in the BOECS

1 Kings 11 in the BOGWICC

1 Kings 11 in the BOHCB

1 Kings 11 in the BOHCV

1 Kings 11 in the BOHLNT

1 Kings 11 in the BOHNTLTAL

1 Kings 11 in the BOICB

1 Kings 11 in the BOILNTAP

1 Kings 11 in the BOITCV

1 Kings 11 in the BOKCV

1 Kings 11 in the BOKCV2

1 Kings 11 in the BOKHWOG

1 Kings 11 in the BOKSSV

1 Kings 11 in the BOLCB

1 Kings 11 in the BOLCB2

1 Kings 11 in the BOMCV

1 Kings 11 in the BONAV

1 Kings 11 in the BONCB

1 Kings 11 in the BONLT

1 Kings 11 in the BONUT2

1 Kings 11 in the BOPLNT

1 Kings 11 in the BOSNC

1 Kings 11 in the BOTLNT

1 Kings 11 in the BOVCB

1 Kings 11 in the BOYCB

1 Kings 11 in the BPBB

1 Kings 11 in the BPH

1 Kings 11 in the BSB

1 Kings 11 in the CCB

1 Kings 11 in the CUV

1 Kings 11 in the CUVS

1 Kings 11 in the DBT

1 Kings 11 in the DGDNT

1 Kings 11 in the DHNT

1 Kings 11 in the DNT

1 Kings 11 in the ELBE

1 Kings 11 in the EMTV

1 Kings 11 in the ESV

1 Kings 11 in the FBV

1 Kings 11 in the FEB

1 Kings 11 in the GGMNT

1 Kings 11 in the GNT

1 Kings 11 in the HARY

1 Kings 11 in the HNT

1 Kings 11 in the IRVA

1 Kings 11 in the IRVB

1 Kings 11 in the IRVG

1 Kings 11 in the IRVH

1 Kings 11 in the IRVK

1 Kings 11 in the IRVM

1 Kings 11 in the IRVM2

1 Kings 11 in the IRVO

1 Kings 11 in the IRVP

1 Kings 11 in the IRVT

1 Kings 11 in the IRVT2

1 Kings 11 in the IRVU

1 Kings 11 in the ISVN

1 Kings 11 in the JSNT

1 Kings 11 in the KAPI

1 Kings 11 in the KBT1ETNIK

1 Kings 11 in the KBV

1 Kings 11 in the KJV

1 Kings 11 in the KNFD

1 Kings 11 in the LBA

1 Kings 11 in the LBLA

1 Kings 11 in the LNT

1 Kings 11 in the LSV

1 Kings 11 in the MAAL

1 Kings 11 in the MBV

1 Kings 11 in the MBV2

1 Kings 11 in the MHNT

1 Kings 11 in the MKNFD

1 Kings 11 in the MNG

1 Kings 11 in the MNT

1 Kings 11 in the MNT2

1 Kings 11 in the MRS1T

1 Kings 11 in the NAA

1 Kings 11 in the NASB

1 Kings 11 in the NBLA

1 Kings 11 in the NBS

1 Kings 11 in the NBVTP

1 Kings 11 in the NET2

1 Kings 11 in the NIV11

1 Kings 11 in the NNT

1 Kings 11 in the NNT2

1 Kings 11 in the NNT3

1 Kings 11 in the PDDPT

1 Kings 11 in the PFNT

1 Kings 11 in the RMNT

1 Kings 11 in the SBIAS

1 Kings 11 in the SBIBS

1 Kings 11 in the SBIBS2

1 Kings 11 in the SBICS

1 Kings 11 in the SBIDS

1 Kings 11 in the SBIGS

1 Kings 11 in the SBIHS

1 Kings 11 in the SBIIS

1 Kings 11 in the SBIIS2

1 Kings 11 in the SBIIS3

1 Kings 11 in the SBIKS

1 Kings 11 in the SBIKS2

1 Kings 11 in the SBIMS

1 Kings 11 in the SBIOS

1 Kings 11 in the SBIPS

1 Kings 11 in the SBISS

1 Kings 11 in the SBITS

1 Kings 11 in the SBITS2

1 Kings 11 in the SBITS3

1 Kings 11 in the SBITS4

1 Kings 11 in the SBIUS

1 Kings 11 in the SBIVS

1 Kings 11 in the SBT

1 Kings 11 in the SBT1E

1 Kings 11 in the SCHL

1 Kings 11 in the SNT

1 Kings 11 in the SUSU

1 Kings 11 in the SUSU2

1 Kings 11 in the SYNO

1 Kings 11 in the TBIAOTANT

1 Kings 11 in the TBT1E

1 Kings 11 in the TBT1E2

1 Kings 11 in the TFTIP

1 Kings 11 in the TFTU

1 Kings 11 in the TGNTATF3T

1 Kings 11 in the THAI

1 Kings 11 in the TNFD

1 Kings 11 in the TNT

1 Kings 11 in the TNTIK

1 Kings 11 in the TNTIL

1 Kings 11 in the TNTIN

1 Kings 11 in the TNTIP

1 Kings 11 in the TNTIZ

1 Kings 11 in the TOMA

1 Kings 11 in the TTENT

1 Kings 11 in the UBG

1 Kings 11 in the UGV

1 Kings 11 in the UGV2

1 Kings 11 in the UGV3

1 Kings 11 in the VBL

1 Kings 11 in the VDCC

1 Kings 11 in the YALU

1 Kings 11 in the YAPE

1 Kings 11 in the YBVTP

1 Kings 11 in the ZBP