1 Kings 15 (BOSCB)

1 Mugore regumi namasere roumambo hwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija akagadzwa samambo weJudha. 2 Akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka mwanasikana waAbhisharomu. 3 Akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi. 4 Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje muJerusarema nokumutsa mwanakomana kuti amutevere paumambo uye nokusimbisa Jerusarema. 5 Nokuti Dhavhidhi akanga aita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha uye akanga asina kutadza kuchengeta kana ipi zvayo yemirayiro yaJehovha mumazuva ose oupenyu hwake, kunze kwenyaya yaUria muHiti. 6 Paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu muupenyu hwose hwaAbhija. 7 Kana zviri zvimwe zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaAbhija, nazvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aJudha? Pakati paAbhija naJerobhoamu pakanga pane hondo. 8 Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa, mwanakomana wake, akamutevera paumambo. 9 Mugore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo weIsraeri, Asa akava mambo weJudha, 10 uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana negore rimwe chete. Zita rambuya vake rainzi Maaka, mwanasikana waAbhisharomu. 11 Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi. 12 Akabvisa varume vaizviita zvifeve zvavamwe varume panzvimbo dzokupira munyika uye akabvisa zvifananidzo zvose zvakanga zvaitwa namadzibaba ake. 13 Akabvisawo mbuya vake Maaka pachinzvimbo chavo samai vamambo, nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda iri akaripisa muMupata weKidhironi. 14 Kunyange asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira, mwoyo waAsa wakanga wakazvipira zvizere kuna Jehovha muupenyu hwake hwose. 15 Akauyisa mutemberi yaJehovha sirivha negoridhe nezvinhu zvaakanga akumikidza iye nababa vake. 16 Pakanga pane hondo pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri munguva yose yavakanga vachitonga. 17 Bhaasha, mambo weIsraeri, akaenda kundorwa neJudha, akasimbisa Rama kuti adzivise ani naani zvake kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha. 18 Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko. 19 Akati, “Ngatinyoreranei chibvumirano imi neni, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndakutumirai chipo chesirivha negoridhe. Zvino imi chiputsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo weIsraeri kuitira kuti abve kuno kwandiri.” 20 Bheni-Hadhadhi akabvumirana naMambo Asa akatumira vatungamiri vamauto ake kuti vandorwisa maguta eIsraeri. Akakunda Ijoni, Dhani, Abheri Bheti Maaka neKinereti yose pamwe chete neNafutari. 21 Bhaasha paakanzwa izvi akaregera kuvaka Rama akadzokera kuTiza. 22 Ipapo Mambo Asa akarayira Judha yose, hapana akasiyiwa, ivo vakatora kubva kuRama matombo namatanda akanga achishandiswa naBhaasha ikoko. Mambo Asa akaashandisa kuvaka Gebha muBhenjamini, neMizipawo. 23 Kana zviri zvimwe zvose zvakaitika panguva yokutonga kwaAsa, zvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Zvisinei, panguva yokukwegura kwake, tsoka dzake dzakabatwa nechirwere. 24 Ipapo Asa akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino mwanakomana wake Jehoshafati akamutevera paumambo. 25 Nadhabhi, mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri. 26 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzababa vake nomuchivi chavo, icho chaakaita kuti Israeri iite. 27 Bhaasha, mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, akamuuraya paGibhetoni guta romuFiristia, panguva yarakanga rakombwa naNadhabhi navaIsraeri vose. 28 Bhaasha akauraya Nadhabhi mugore rechitatu raAsa, mambo weJudha, uye akamutevera paumambo. 29 Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro, 30 nokuda kwezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite, uye nokuti akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe. 31 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri? 32 Pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri, pakanga pane hondo panguva yose yokutonga kwavo. 33 Mugore rechitatu raAsa mambo weJudha, Bhaasha, mwanakomana waAhija, akava mambo weIsraeri yose muTiza, uye akatonga kwamakore makumi maviri namana. 34 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite.

In Other Versions

1 Kings 15 in the ANGEFD

1 Kings 15 in the ANTPNG2D

1 Kings 15 in the AS21

1 Kings 15 in the BAGH

1 Kings 15 in the BBPNG

1 Kings 15 in the BBT1E

1 Kings 15 in the BDS

1 Kings 15 in the BEV

1 Kings 15 in the BHAD

1 Kings 15 in the BIB

1 Kings 15 in the BLPT

1 Kings 15 in the BNT

1 Kings 15 in the BNTABOOT

1 Kings 15 in the BNTLV

1 Kings 15 in the BOATCB

1 Kings 15 in the BOATCB2

1 Kings 15 in the BOBCV

1 Kings 15 in the BOCNT

1 Kings 15 in the BOECS

1 Kings 15 in the BOGWICC

1 Kings 15 in the BOHCB

1 Kings 15 in the BOHCV

1 Kings 15 in the BOHLNT

1 Kings 15 in the BOHNTLTAL

1 Kings 15 in the BOICB

1 Kings 15 in the BOILNTAP

1 Kings 15 in the BOITCV

1 Kings 15 in the BOKCV

1 Kings 15 in the BOKCV2

1 Kings 15 in the BOKHWOG

1 Kings 15 in the BOKSSV

1 Kings 15 in the BOLCB

1 Kings 15 in the BOLCB2

1 Kings 15 in the BOMCV

1 Kings 15 in the BONAV

1 Kings 15 in the BONCB

1 Kings 15 in the BONLT

1 Kings 15 in the BONUT2

1 Kings 15 in the BOPLNT

1 Kings 15 in the BOSNC

1 Kings 15 in the BOTLNT

1 Kings 15 in the BOVCB

1 Kings 15 in the BOYCB

1 Kings 15 in the BPBB

1 Kings 15 in the BPH

1 Kings 15 in the BSB

1 Kings 15 in the CCB

1 Kings 15 in the CUV

1 Kings 15 in the CUVS

1 Kings 15 in the DBT

1 Kings 15 in the DGDNT

1 Kings 15 in the DHNT

1 Kings 15 in the DNT

1 Kings 15 in the ELBE

1 Kings 15 in the EMTV

1 Kings 15 in the ESV

1 Kings 15 in the FBV

1 Kings 15 in the FEB

1 Kings 15 in the GGMNT

1 Kings 15 in the GNT

1 Kings 15 in the HARY

1 Kings 15 in the HNT

1 Kings 15 in the IRVA

1 Kings 15 in the IRVB

1 Kings 15 in the IRVG

1 Kings 15 in the IRVH

1 Kings 15 in the IRVK

1 Kings 15 in the IRVM

1 Kings 15 in the IRVM2

1 Kings 15 in the IRVO

1 Kings 15 in the IRVP

1 Kings 15 in the IRVT

1 Kings 15 in the IRVT2

1 Kings 15 in the IRVU

1 Kings 15 in the ISVN

1 Kings 15 in the JSNT

1 Kings 15 in the KAPI

1 Kings 15 in the KBT1ETNIK

1 Kings 15 in the KBV

1 Kings 15 in the KJV

1 Kings 15 in the KNFD

1 Kings 15 in the LBA

1 Kings 15 in the LBLA

1 Kings 15 in the LNT

1 Kings 15 in the LSV

1 Kings 15 in the MAAL

1 Kings 15 in the MBV

1 Kings 15 in the MBV2

1 Kings 15 in the MHNT

1 Kings 15 in the MKNFD

1 Kings 15 in the MNG

1 Kings 15 in the MNT

1 Kings 15 in the MNT2

1 Kings 15 in the MRS1T

1 Kings 15 in the NAA

1 Kings 15 in the NASB

1 Kings 15 in the NBLA

1 Kings 15 in the NBS

1 Kings 15 in the NBVTP

1 Kings 15 in the NET2

1 Kings 15 in the NIV11

1 Kings 15 in the NNT

1 Kings 15 in the NNT2

1 Kings 15 in the NNT3

1 Kings 15 in the PDDPT

1 Kings 15 in the PFNT

1 Kings 15 in the RMNT

1 Kings 15 in the SBIAS

1 Kings 15 in the SBIBS

1 Kings 15 in the SBIBS2

1 Kings 15 in the SBICS

1 Kings 15 in the SBIDS

1 Kings 15 in the SBIGS

1 Kings 15 in the SBIHS

1 Kings 15 in the SBIIS

1 Kings 15 in the SBIIS2

1 Kings 15 in the SBIIS3

1 Kings 15 in the SBIKS

1 Kings 15 in the SBIKS2

1 Kings 15 in the SBIMS

1 Kings 15 in the SBIOS

1 Kings 15 in the SBIPS

1 Kings 15 in the SBISS

1 Kings 15 in the SBITS

1 Kings 15 in the SBITS2

1 Kings 15 in the SBITS3

1 Kings 15 in the SBITS4

1 Kings 15 in the SBIUS

1 Kings 15 in the SBIVS

1 Kings 15 in the SBT

1 Kings 15 in the SBT1E

1 Kings 15 in the SCHL

1 Kings 15 in the SNT

1 Kings 15 in the SUSU

1 Kings 15 in the SUSU2

1 Kings 15 in the SYNO

1 Kings 15 in the TBIAOTANT

1 Kings 15 in the TBT1E

1 Kings 15 in the TBT1E2

1 Kings 15 in the TFTIP

1 Kings 15 in the TFTU

1 Kings 15 in the TGNTATF3T

1 Kings 15 in the THAI

1 Kings 15 in the TNFD

1 Kings 15 in the TNT

1 Kings 15 in the TNTIK

1 Kings 15 in the TNTIL

1 Kings 15 in the TNTIN

1 Kings 15 in the TNTIP

1 Kings 15 in the TNTIZ

1 Kings 15 in the TOMA

1 Kings 15 in the TTENT

1 Kings 15 in the UBG

1 Kings 15 in the UGV

1 Kings 15 in the UGV2

1 Kings 15 in the UGV3

1 Kings 15 in the VBL

1 Kings 15 in the VDCC

1 Kings 15 in the YALU

1 Kings 15 in the YAPE

1 Kings 15 in the YBVTP

1 Kings 15 in the ZBP