1 Samuel 15 (BOSCB)

1 Samueri akati kuna Sauro, “Ndini ndakatumwa naJehovha kuti ndizokuzodza kuti uve mambo pamusoro pavanhu vake ivo vaIsraeri; saka teerera zvino kushoko rinobva kuna Jehovha. 2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndicharanga vaAmareki nokuda kwezvavakaita kuvaIsraeri pavakavadzivirira panzira panguva yavakabuda kubva kuIjipiti. 3 Zvino chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo zvose. Usavarega vari vapenyu uuraye varume navakadzi, vana navacheche, mombe namakwai, ngamera nembongoro.’ ” 4 Saka Sauro akadana vanhu akavaverenga paTeraimi, zviuru mazana maviri zvavarwi vetsoka uye varume vaibva kuJudha zviuru gumi. 5 Sauro akaenda kuguta ravaAmareki akavavandira ari mumupata. 6 Ipapo akati kuvaKeni, “Endai, ibvai kuvaAmareki kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo; nokuti makaita mwoyo munyoro kuvaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki. 7 Ipapo Sauro akarwisa vaAmareki kubva paHavhira kusvikira kuShuri, kumabvazuva kweIjipiti. 8 Akabata Agagi mambo wavaAmareki ari mupenyu, uye akaparadza chose vanhu vake vose nomunondo. 9 Asi Sauro nehondo yake vakarega Agagi namakwai akanakisisa nemombe, mhuru dzakakora uye namakwayana, zvakanga zvakanaka zvose. Izvi havana kuda kuzviparadza zvachose, asi zvinhu zvose zvakanga zvichizvidzikana uye zvisina simba ndizvo zvavakaparadza zvachose. 10 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti, 11 “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose. 12 Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.” 13 Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.” 14 Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?” 15 Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nazvo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” 16 Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.”Sauro akati, “Ndiudzei.” 17 Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri. 18 Uye akakutuma parwendo, achiti, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’ 19 Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?” 20 Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo. 21 Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” 22 Asi Samueri akapindura akati,“Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayirosezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here?Kuteerera kunokunda chibayiro,uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe. 23 Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka,uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo.Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha,naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.” 24 Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo. 25 Zvino ndinokukumbirisai, ndikanganwirei chivi changu mugodzoka neni, kuti ndigononamata Jehovha.” 26 Asi Samueri akati kwaari, “Handingadzoki newe. Wakaramba shoko raJehovha, saka Jehovha akuramba kuti uve mambo wavaIsraeri!” 27 Samueri akati atendeuka kuti abve, Sauro akabata mupendero wenguo yake, ukabvaruka. 28 Samueri akati kwaari, “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva kwauri nhasi uye ahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna iye ari nani panewe. 29 Iye Kubwinya kwaIsraeri haangarevi nhema kana kushandura pfungwa dzake; nokuti haasi munhu, kuti angashandura pfungwa dzake.” 30 Sauro akati, “Ndatadza hangu. Asi ndapota ndikudzei henyu pamberi pavakuru vavanhu vangu napamberi pavaIsraeri; dzokai neni kuitira kuti ndigononamata Jehovha Mwari wenyu.” 31 Saka Samueri akadzokera naSauro, ipapo Sauro akanamata Jehovha. 32 Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.”Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.” 33 Asi Samueri akati,“Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana,saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.”Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari. 34 Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwidza akaenda kumba kwake paGibhea raSauro. 35 Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri.

In Other Versions

1 Samuel 15 in the ANGEFD

1 Samuel 15 in the ANTPNG2D

1 Samuel 15 in the AS21

1 Samuel 15 in the BAGH

1 Samuel 15 in the BBPNG

1 Samuel 15 in the BBT1E

1 Samuel 15 in the BDS

1 Samuel 15 in the BEV

1 Samuel 15 in the BHAD

1 Samuel 15 in the BIB

1 Samuel 15 in the BLPT

1 Samuel 15 in the BNT

1 Samuel 15 in the BNTABOOT

1 Samuel 15 in the BNTLV

1 Samuel 15 in the BOATCB

1 Samuel 15 in the BOATCB2

1 Samuel 15 in the BOBCV

1 Samuel 15 in the BOCNT

1 Samuel 15 in the BOECS

1 Samuel 15 in the BOGWICC

1 Samuel 15 in the BOHCB

1 Samuel 15 in the BOHCV

1 Samuel 15 in the BOHLNT

1 Samuel 15 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 15 in the BOICB

1 Samuel 15 in the BOILNTAP

1 Samuel 15 in the BOITCV

1 Samuel 15 in the BOKCV

1 Samuel 15 in the BOKCV2

1 Samuel 15 in the BOKHWOG

1 Samuel 15 in the BOKSSV

1 Samuel 15 in the BOLCB

1 Samuel 15 in the BOLCB2

1 Samuel 15 in the BOMCV

1 Samuel 15 in the BONAV

1 Samuel 15 in the BONCB

1 Samuel 15 in the BONLT

1 Samuel 15 in the BONUT2

1 Samuel 15 in the BOPLNT

1 Samuel 15 in the BOSNC

1 Samuel 15 in the BOTLNT

1 Samuel 15 in the BOVCB

1 Samuel 15 in the BOYCB

1 Samuel 15 in the BPBB

1 Samuel 15 in the BPH

1 Samuel 15 in the BSB

1 Samuel 15 in the CCB

1 Samuel 15 in the CUV

1 Samuel 15 in the CUVS

1 Samuel 15 in the DBT

1 Samuel 15 in the DGDNT

1 Samuel 15 in the DHNT

1 Samuel 15 in the DNT

1 Samuel 15 in the ELBE

1 Samuel 15 in the EMTV

1 Samuel 15 in the ESV

1 Samuel 15 in the FBV

1 Samuel 15 in the FEB

1 Samuel 15 in the GGMNT

1 Samuel 15 in the GNT

1 Samuel 15 in the HARY

1 Samuel 15 in the HNT

1 Samuel 15 in the IRVA

1 Samuel 15 in the IRVB

1 Samuel 15 in the IRVG

1 Samuel 15 in the IRVH

1 Samuel 15 in the IRVK

1 Samuel 15 in the IRVM

1 Samuel 15 in the IRVM2

1 Samuel 15 in the IRVO

1 Samuel 15 in the IRVP

1 Samuel 15 in the IRVT

1 Samuel 15 in the IRVT2

1 Samuel 15 in the IRVU

1 Samuel 15 in the ISVN

1 Samuel 15 in the JSNT

1 Samuel 15 in the KAPI

1 Samuel 15 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 15 in the KBV

1 Samuel 15 in the KJV

1 Samuel 15 in the KNFD

1 Samuel 15 in the LBA

1 Samuel 15 in the LBLA

1 Samuel 15 in the LNT

1 Samuel 15 in the LSV

1 Samuel 15 in the MAAL

1 Samuel 15 in the MBV

1 Samuel 15 in the MBV2

1 Samuel 15 in the MHNT

1 Samuel 15 in the MKNFD

1 Samuel 15 in the MNG

1 Samuel 15 in the MNT

1 Samuel 15 in the MNT2

1 Samuel 15 in the MRS1T

1 Samuel 15 in the NAA

1 Samuel 15 in the NASB

1 Samuel 15 in the NBLA

1 Samuel 15 in the NBS

1 Samuel 15 in the NBVTP

1 Samuel 15 in the NET2

1 Samuel 15 in the NIV11

1 Samuel 15 in the NNT

1 Samuel 15 in the NNT2

1 Samuel 15 in the NNT3

1 Samuel 15 in the PDDPT

1 Samuel 15 in the PFNT

1 Samuel 15 in the RMNT

1 Samuel 15 in the SBIAS

1 Samuel 15 in the SBIBS

1 Samuel 15 in the SBIBS2

1 Samuel 15 in the SBICS

1 Samuel 15 in the SBIDS

1 Samuel 15 in the SBIGS

1 Samuel 15 in the SBIHS

1 Samuel 15 in the SBIIS

1 Samuel 15 in the SBIIS2

1 Samuel 15 in the SBIIS3

1 Samuel 15 in the SBIKS

1 Samuel 15 in the SBIKS2

1 Samuel 15 in the SBIMS

1 Samuel 15 in the SBIOS

1 Samuel 15 in the SBIPS

1 Samuel 15 in the SBISS

1 Samuel 15 in the SBITS

1 Samuel 15 in the SBITS2

1 Samuel 15 in the SBITS3

1 Samuel 15 in the SBITS4

1 Samuel 15 in the SBIUS

1 Samuel 15 in the SBIVS

1 Samuel 15 in the SBT

1 Samuel 15 in the SBT1E

1 Samuel 15 in the SCHL

1 Samuel 15 in the SNT

1 Samuel 15 in the SUSU

1 Samuel 15 in the SUSU2

1 Samuel 15 in the SYNO

1 Samuel 15 in the TBIAOTANT

1 Samuel 15 in the TBT1E

1 Samuel 15 in the TBT1E2

1 Samuel 15 in the TFTIP

1 Samuel 15 in the TFTU

1 Samuel 15 in the TGNTATF3T

1 Samuel 15 in the THAI

1 Samuel 15 in the TNFD

1 Samuel 15 in the TNT

1 Samuel 15 in the TNTIK

1 Samuel 15 in the TNTIL

1 Samuel 15 in the TNTIN

1 Samuel 15 in the TNTIP

1 Samuel 15 in the TNTIZ

1 Samuel 15 in the TOMA

1 Samuel 15 in the TTENT

1 Samuel 15 in the UBG

1 Samuel 15 in the UGV

1 Samuel 15 in the UGV2

1 Samuel 15 in the UGV3

1 Samuel 15 in the VBL

1 Samuel 15 in the VDCC

1 Samuel 15 in the YALU

1 Samuel 15 in the YAPE

1 Samuel 15 in the YBVTP

1 Samuel 15 in the ZBP