1 Samuel 19 (BOSCB)
1 Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani navaranda vake vose kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani aida Dhavhidhi zvikuru 2 akamuudza akati, “Baba vangu Sauro vari kutsvaka mukana wokukuuraya. Ungware, mangwana mangwanani; uende undovanda uye ugare ikoko. 3 Ini ndichabuda ndigondomira nababa vangu mumunda maunenge uri. Ndichataura navo pamusoro pako ndigozokuudza zvandinenge ndaona.” 4 Jonatani akataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro baba vake akati kwavari, “Mambo ngaarege kuita zvakaipa kumuranda wake Dhavhidhi; haana kukutadzirai, uye zvaakaita zvakakubatsirai zvikuru kwazvo. 5 Akabata upenyu hwake mumaoko ake paakauraya muFiristia. Jehovha akakundira vaIsraeri vose nokukunda kukuru, uye imi makazviona mukafara. Zvino munoitireiko zvakaipa kumunhu asina mhosva saDhavhidhi nokumuuraya pasina chikonzero?” 6 Sauro akateerera kuna Jonatani akaita mhiko iyi achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Dhavhidhi haangaurayiwi.” 7 Saka Jonatani akadana Dhavhidhi sapamazuva akare akamuudza zvose zvavakanga vataurirana. Akauya naye kuna Sauro, uye Dhavhidhi akava naSauro. 8 Hondo yakavapozve, Dhavhidhi akabuda akaenda akandorwa navaFiristia. Akavauraya nokuuraya kukuru zvokuti vakatiza pamberi pake. 9 Asi mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha wakauya pamusoro paSauro paakanga agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake. Dhavhidhi paakanga achiridza mbira, 10 Sauro akaedza kumubayira kumadziro nepfumo rake, asi Dhavhidhi akamunzvenga Sauro akabayira pfumo mukati mamadziro. Usiku ihwohwo Dhavhidhi akatiza, akapunyuka. 11 Sauro akatuma vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vairinde uye kuti vamuuraye mangwanani. Asi Mikari, mukadzi waDhavhidhi, akamuudza kuti, “Kana ukasatiza noupenyu hwako manheru ano, mangwana uchaurayiwa.” 12 Saka Mikari akaburutsa Dhavhidhi napawindo, iye akatiza akapunyuka. 13 Ipapo Mikari akatora chidhori akachiradzika pamubhedha, akachifukidza nejira akaisa mvere dzembudzi kumusoro wacho. 14 Sauro akati atuma vanhu kundobata Dhavhidhi, Mikari akati, “Ari kurwara.” 15 Ipapo Sauro akadzorera vanhu kwakare kuti vandoona Dhavhidhi akataura kwavari akati, “Uyai naye kuno kwandiri ari pamubhedha wake kuti ndigomuuraya.” 16 Asi varume vakati vapinda, vakaona kuti pakanga pane chidhori pamubhedha, uye kuti pamusoro wacho paiva nemvere dzembudzi. 17 Sauro akati kuna Mikari, “Seiko wakandinyengera kudai uchiendesa muvengi wangu kure kuti apunyuke?”Mikari akamuudza kuti, “Iye ati kwandiri, ‘Ndirege ndiende hangu. Ndichakuurayireiko iwe?’ ” 18 Dhavhidhi akati atiza, apunyuka, akaenda kuna Samueri kuRama akamuudza zvose zvakanga zvaitwa kwaari naSauro. Ipapo iye naSamueri vakaenda kuNayoti vakandogarako. 19 Shoko rakasvika kuna Sauro richiti, “Dhavhidhi ari kuNayoti paRama.” 20 Saka akatuma vanhu kundomubata. Asi vakati vaona boka ravaprofita vachiprofita, naSamueri amire ipapo somutungamiri wavo, Mweya waMwari wakauya pamusoro pavanhu vaSauro, naivowo vakaprofita. 21 Sauro akaudzwa nezvazvo, akatumazve vamwe varume, naivowo vakaprofita. 22 Pakupedzisira, iye akaendawo kuRama akaenda kutsime guru rapaSeku. Zvino akabvunza akati, “Samueri naDhavhidhi varipiko?”Ivo vakati, “Uko kuNayoti paRama.” 23 Saka Sauro akaenda kuNayoti paRama. Asi Mweya waMwari wakauya kunyange pamusoro pake, akafamba achiprofita kusvikira kuNayoti. 24 Akabvisa nguo dzake akaprofitawo pamberi paSamueri uye akavata pasi akashama zuva rose nousiku hwose. Naizvozvo vanhu vanoti, “NaSaurowo ari pakati pavaprofita here?”
In Other Versions
1 Samuel 19 in the ANGEFD
1 Samuel 19 in the ANTPNG2D
1 Samuel 19 in the AS21
1 Samuel 19 in the BAGH
1 Samuel 19 in the BBPNG
1 Samuel 19 in the BBT1E
1 Samuel 19 in the BDS
1 Samuel 19 in the BEV
1 Samuel 19 in the BHAD
1 Samuel 19 in the BIB
1 Samuel 19 in the BLPT
1 Samuel 19 in the BNT
1 Samuel 19 in the BNTABOOT
1 Samuel 19 in the BNTLV
1 Samuel 19 in the BOATCB
1 Samuel 19 in the BOATCB2
1 Samuel 19 in the BOBCV
1 Samuel 19 in the BOCNT
1 Samuel 19 in the BOECS
1 Samuel 19 in the BOGWICC
1 Samuel 19 in the BOHCB
1 Samuel 19 in the BOHCV
1 Samuel 19 in the BOHLNT
1 Samuel 19 in the BOHNTLTAL
1 Samuel 19 in the BOICB
1 Samuel 19 in the BOILNTAP
1 Samuel 19 in the BOITCV
1 Samuel 19 in the BOKCV
1 Samuel 19 in the BOKCV2
1 Samuel 19 in the BOKHWOG
1 Samuel 19 in the BOKSSV
1 Samuel 19 in the BOLCB
1 Samuel 19 in the BOLCB2
1 Samuel 19 in the BOMCV
1 Samuel 19 in the BONAV
1 Samuel 19 in the BONCB
1 Samuel 19 in the BONLT
1 Samuel 19 in the BONUT2
1 Samuel 19 in the BOPLNT
1 Samuel 19 in the BOSNC
1 Samuel 19 in the BOTLNT
1 Samuel 19 in the BOVCB
1 Samuel 19 in the BOYCB
1 Samuel 19 in the BPBB
1 Samuel 19 in the BPH
1 Samuel 19 in the BSB
1 Samuel 19 in the CCB
1 Samuel 19 in the CUV
1 Samuel 19 in the CUVS
1 Samuel 19 in the DBT
1 Samuel 19 in the DGDNT
1 Samuel 19 in the DHNT
1 Samuel 19 in the DNT
1 Samuel 19 in the ELBE
1 Samuel 19 in the EMTV
1 Samuel 19 in the ESV
1 Samuel 19 in the FBV
1 Samuel 19 in the FEB
1 Samuel 19 in the GGMNT
1 Samuel 19 in the GNT
1 Samuel 19 in the HARY
1 Samuel 19 in the HNT
1 Samuel 19 in the IRVA
1 Samuel 19 in the IRVB
1 Samuel 19 in the IRVG
1 Samuel 19 in the IRVH
1 Samuel 19 in the IRVK
1 Samuel 19 in the IRVM
1 Samuel 19 in the IRVM2
1 Samuel 19 in the IRVO
1 Samuel 19 in the IRVP
1 Samuel 19 in the IRVT
1 Samuel 19 in the IRVT2
1 Samuel 19 in the IRVU
1 Samuel 19 in the ISVN
1 Samuel 19 in the JSNT
1 Samuel 19 in the KAPI
1 Samuel 19 in the KBT1ETNIK
1 Samuel 19 in the KBV
1 Samuel 19 in the KJV
1 Samuel 19 in the KNFD
1 Samuel 19 in the LBA
1 Samuel 19 in the LBLA
1 Samuel 19 in the LNT
1 Samuel 19 in the LSV
1 Samuel 19 in the MAAL
1 Samuel 19 in the MBV
1 Samuel 19 in the MBV2
1 Samuel 19 in the MHNT
1 Samuel 19 in the MKNFD
1 Samuel 19 in the MNG
1 Samuel 19 in the MNT
1 Samuel 19 in the MNT2
1 Samuel 19 in the MRS1T
1 Samuel 19 in the NAA
1 Samuel 19 in the NASB
1 Samuel 19 in the NBLA
1 Samuel 19 in the NBS
1 Samuel 19 in the NBVTP
1 Samuel 19 in the NET2
1 Samuel 19 in the NIV11
1 Samuel 19 in the NNT
1 Samuel 19 in the NNT2
1 Samuel 19 in the NNT3
1 Samuel 19 in the PDDPT
1 Samuel 19 in the PFNT
1 Samuel 19 in the RMNT
1 Samuel 19 in the SBIAS
1 Samuel 19 in the SBIBS
1 Samuel 19 in the SBIBS2
1 Samuel 19 in the SBICS
1 Samuel 19 in the SBIDS
1 Samuel 19 in the SBIGS
1 Samuel 19 in the SBIHS
1 Samuel 19 in the SBIIS
1 Samuel 19 in the SBIIS2
1 Samuel 19 in the SBIIS3
1 Samuel 19 in the SBIKS
1 Samuel 19 in the SBIKS2
1 Samuel 19 in the SBIMS
1 Samuel 19 in the SBIOS
1 Samuel 19 in the SBIPS
1 Samuel 19 in the SBISS
1 Samuel 19 in the SBITS
1 Samuel 19 in the SBITS2
1 Samuel 19 in the SBITS3
1 Samuel 19 in the SBITS4
1 Samuel 19 in the SBIUS
1 Samuel 19 in the SBIVS
1 Samuel 19 in the SBT
1 Samuel 19 in the SBT1E
1 Samuel 19 in the SCHL
1 Samuel 19 in the SNT
1 Samuel 19 in the SUSU
1 Samuel 19 in the SUSU2
1 Samuel 19 in the SYNO
1 Samuel 19 in the TBIAOTANT
1 Samuel 19 in the TBT1E
1 Samuel 19 in the TBT1E2
1 Samuel 19 in the TFTIP
1 Samuel 19 in the TFTU
1 Samuel 19 in the TGNTATF3T
1 Samuel 19 in the THAI
1 Samuel 19 in the TNFD
1 Samuel 19 in the TNT
1 Samuel 19 in the TNTIK
1 Samuel 19 in the TNTIL
1 Samuel 19 in the TNTIN
1 Samuel 19 in the TNTIP
1 Samuel 19 in the TNTIZ
1 Samuel 19 in the TOMA
1 Samuel 19 in the TTENT
1 Samuel 19 in the UBG
1 Samuel 19 in the UGV
1 Samuel 19 in the UGV2
1 Samuel 19 in the UGV3
1 Samuel 19 in the VBL
1 Samuel 19 in the VDCC
1 Samuel 19 in the YALU
1 Samuel 19 in the YAPE
1 Samuel 19 in the YBVTP
1 Samuel 19 in the ZBP