1 Timothy 1 (BOSCB)

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu, 2 kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. 3 Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema, 4 kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda. 5 Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi. 6 Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo. 7 Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa. 8 Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka. 9 Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, 10 mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi 11 inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri. 12 Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake. 13 Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda. 14 Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu. 15 Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo. 16 Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi. 17 Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. 18 Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka, 19 wakabata kutenda uye nehana yakanaka. Vamwe vakaramba mirayiro iyi vakarasikirwa nokutenda kwavo. 20 Vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, avo vandakaisa kuna Satani kuti vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.

In Other Versions

1 Timothy 1 in the ANGEFD

1 Timothy 1 in the ANTPNG2D

1 Timothy 1 in the AS21

1 Timothy 1 in the BAGH

1 Timothy 1 in the BBPNG

1 Timothy 1 in the BBT1E

1 Timothy 1 in the BDS

1 Timothy 1 in the BEV

1 Timothy 1 in the BHAD

1 Timothy 1 in the BIB

1 Timothy 1 in the BLPT

1 Timothy 1 in the BNT

1 Timothy 1 in the BNTABOOT

1 Timothy 1 in the BNTLV

1 Timothy 1 in the BOATCB

1 Timothy 1 in the BOATCB2

1 Timothy 1 in the BOBCV

1 Timothy 1 in the BOCNT

1 Timothy 1 in the BOECS

1 Timothy 1 in the BOGWICC

1 Timothy 1 in the BOHCB

1 Timothy 1 in the BOHCV

1 Timothy 1 in the BOHLNT

1 Timothy 1 in the BOHNTLTAL

1 Timothy 1 in the BOICB

1 Timothy 1 in the BOILNTAP

1 Timothy 1 in the BOITCV

1 Timothy 1 in the BOKCV

1 Timothy 1 in the BOKCV2

1 Timothy 1 in the BOKHWOG

1 Timothy 1 in the BOKSSV

1 Timothy 1 in the BOLCB

1 Timothy 1 in the BOLCB2

1 Timothy 1 in the BOMCV

1 Timothy 1 in the BONAV

1 Timothy 1 in the BONCB

1 Timothy 1 in the BONLT

1 Timothy 1 in the BONUT2

1 Timothy 1 in the BOPLNT

1 Timothy 1 in the BOSNC

1 Timothy 1 in the BOTLNT

1 Timothy 1 in the BOVCB

1 Timothy 1 in the BOYCB

1 Timothy 1 in the BPBB

1 Timothy 1 in the BPH

1 Timothy 1 in the BSB

1 Timothy 1 in the CCB

1 Timothy 1 in the CUV

1 Timothy 1 in the CUVS

1 Timothy 1 in the DBT

1 Timothy 1 in the DGDNT

1 Timothy 1 in the DHNT

1 Timothy 1 in the DNT

1 Timothy 1 in the ELBE

1 Timothy 1 in the EMTV

1 Timothy 1 in the ESV

1 Timothy 1 in the FBV

1 Timothy 1 in the FEB

1 Timothy 1 in the GGMNT

1 Timothy 1 in the GNT

1 Timothy 1 in the HARY

1 Timothy 1 in the HNT

1 Timothy 1 in the IRVA

1 Timothy 1 in the IRVB

1 Timothy 1 in the IRVG

1 Timothy 1 in the IRVH

1 Timothy 1 in the IRVK

1 Timothy 1 in the IRVM

1 Timothy 1 in the IRVM2

1 Timothy 1 in the IRVO

1 Timothy 1 in the IRVP

1 Timothy 1 in the IRVT

1 Timothy 1 in the IRVT2

1 Timothy 1 in the IRVU

1 Timothy 1 in the ISVN

1 Timothy 1 in the JSNT

1 Timothy 1 in the KAPI

1 Timothy 1 in the KBT1ETNIK

1 Timothy 1 in the KBV

1 Timothy 1 in the KJV

1 Timothy 1 in the KNFD

1 Timothy 1 in the LBA

1 Timothy 1 in the LBLA

1 Timothy 1 in the LNT

1 Timothy 1 in the LSV

1 Timothy 1 in the MAAL

1 Timothy 1 in the MBV

1 Timothy 1 in the MBV2

1 Timothy 1 in the MHNT

1 Timothy 1 in the MKNFD

1 Timothy 1 in the MNG

1 Timothy 1 in the MNT

1 Timothy 1 in the MNT2

1 Timothy 1 in the MRS1T

1 Timothy 1 in the NAA

1 Timothy 1 in the NASB

1 Timothy 1 in the NBLA

1 Timothy 1 in the NBS

1 Timothy 1 in the NBVTP

1 Timothy 1 in the NET2

1 Timothy 1 in the NIV11

1 Timothy 1 in the NNT

1 Timothy 1 in the NNT2

1 Timothy 1 in the NNT3

1 Timothy 1 in the PDDPT

1 Timothy 1 in the PFNT

1 Timothy 1 in the RMNT

1 Timothy 1 in the SBIAS

1 Timothy 1 in the SBIBS

1 Timothy 1 in the SBIBS2

1 Timothy 1 in the SBICS

1 Timothy 1 in the SBIDS

1 Timothy 1 in the SBIGS

1 Timothy 1 in the SBIHS

1 Timothy 1 in the SBIIS

1 Timothy 1 in the SBIIS2

1 Timothy 1 in the SBIIS3

1 Timothy 1 in the SBIKS

1 Timothy 1 in the SBIKS2

1 Timothy 1 in the SBIMS

1 Timothy 1 in the SBIOS

1 Timothy 1 in the SBIPS

1 Timothy 1 in the SBISS

1 Timothy 1 in the SBITS

1 Timothy 1 in the SBITS2

1 Timothy 1 in the SBITS3

1 Timothy 1 in the SBITS4

1 Timothy 1 in the SBIUS

1 Timothy 1 in the SBIVS

1 Timothy 1 in the SBT

1 Timothy 1 in the SBT1E

1 Timothy 1 in the SCHL

1 Timothy 1 in the SNT

1 Timothy 1 in the SUSU

1 Timothy 1 in the SUSU2

1 Timothy 1 in the SYNO

1 Timothy 1 in the TBIAOTANT

1 Timothy 1 in the TBT1E

1 Timothy 1 in the TBT1E2

1 Timothy 1 in the TFTIP

1 Timothy 1 in the TFTU

1 Timothy 1 in the TGNTATF3T

1 Timothy 1 in the THAI

1 Timothy 1 in the TNFD

1 Timothy 1 in the TNT

1 Timothy 1 in the TNTIK

1 Timothy 1 in the TNTIL

1 Timothy 1 in the TNTIN

1 Timothy 1 in the TNTIP

1 Timothy 1 in the TNTIZ

1 Timothy 1 in the TOMA

1 Timothy 1 in the TTENT

1 Timothy 1 in the UBG

1 Timothy 1 in the UGV

1 Timothy 1 in the UGV2

1 Timothy 1 in the UGV3

1 Timothy 1 in the VBL

1 Timothy 1 in the VDCC

1 Timothy 1 in the YALU

1 Timothy 1 in the YAPE

1 Timothy 1 in the YBVTP

1 Timothy 1 in the ZBP