2 Chronicles 2 (BOSCB)

1 Soromoni akada kuvaka temberi yeZita raJehovha uye nomuzinda wakewo. 2 Akatuma varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamabwe, navarume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo mumakomo uye varume zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri vavo. 3 Soromoni akatumira shoko iri kuna Hiramu mambo weTire:“Nditumireiwo matanda emisidhari sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi pamakavatumira misidhari yokuvakisa muzinda wavo kuti vagaremo. 4 Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuhwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi. 5 “Temberi yandichavaka ichange iri huru nokuti Mwari wedu mukuru kupinda vamwari vose. 6 Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange mumatenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake? 7 “Saka zvino nditumirewo, murume ano unyanzvi hwokushandisa goridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi uye nemicheka yepepuru nemitsvuku neyebhuruu, ane ruzivo rwezvokuveza kuti ashande muJudha neJerusarema pamwe chete navarume vakachenjera vakasiyiwa naDhavhidhi baba vangu. 8 “Nditumireiwo misidhari, mipaini namatanda emiarigumi kubva kuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vanhu venyu vane unyanzvi mukutema matanda ikoko. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete nevako 9 kuti ndiwane matanda mazhinji kwazvo nokuti temberi yandichavaka inofanira kuva huru uye yakanaka zvikuru. 10 Ndichapa varanda vako vachatema matanda, zviyero zviuru makumi maviri zvegorosi, zviyero zviuru makumi maviri zvebhari, mabhati ewaini zviuru makumi maviri uye mabhati amafuta omuorivhi zviuru makumi maviri.” 11 Hiramu mambo weTire akapindura netsamba kuna Soromoni akati:“Nokuti Jehovha anoda vanhu vake, akakuita mambo wavo.” 12 Uye Hiramu akaenderera mberi achiti:“Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe iye akaita denga nenyika! Akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera, azere noungwaru nokunzwisisa, achavakira Jehovha temberi uye uye achazvivakirawo muzinda wake. 13 “Ndiri kukutumira Hurami-Abhi murume ano unyanzvi kwazvo. 14 Mai vake vaibva kuDhani uye baba vake vaibva kuTire. Akadzidziswa kushanda negoridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi, matombo namatanda uye nemicheka yepepuru neyebhuruu, nemitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. Ane ruzivo mukuveza kwamarudzi ose uye anogona kuveza achiteedzera zvose zvaanenge arayirwa. Achashanda nemhizha dzenyu pamwe chete nedzaishe wangu Dhavhidhi baba vako. 15 “Zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake gorosi nebhari namafuta omuorivhi newaini zvamakavimbisa, 16 isu tichatema matanda ose kubva kuRebhanoni omuonde uye tichaaeredzesa pamagwa nemugungwa achidzika kusvika kuJopa. Munogona ipapo kuzoatora moaendesa kuJerusarema.” 17 Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva muIsraeri mushure mokuverengwa kwavanhu nababa vake Dhavhidhi; uye vakawanikwa vari zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu. 18 Akarayira zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamatombo uye zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo muzvikomo, uye zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri pamusoro pavo kuti vanhu varambe vachishanda.

In Other Versions

2 Chronicles 2 in the ANGEFD

2 Chronicles 2 in the ANTPNG2D

2 Chronicles 2 in the AS21

2 Chronicles 2 in the BAGH

2 Chronicles 2 in the BBPNG

2 Chronicles 2 in the BBT1E

2 Chronicles 2 in the BDS

2 Chronicles 2 in the BEV

2 Chronicles 2 in the BHAD

2 Chronicles 2 in the BIB

2 Chronicles 2 in the BLPT

2 Chronicles 2 in the BNT

2 Chronicles 2 in the BNTABOOT

2 Chronicles 2 in the BNTLV

2 Chronicles 2 in the BOATCB

2 Chronicles 2 in the BOATCB2

2 Chronicles 2 in the BOBCV

2 Chronicles 2 in the BOCNT

2 Chronicles 2 in the BOECS

2 Chronicles 2 in the BOGWICC

2 Chronicles 2 in the BOHCB

2 Chronicles 2 in the BOHCV

2 Chronicles 2 in the BOHLNT

2 Chronicles 2 in the BOHNTLTAL

2 Chronicles 2 in the BOICB

2 Chronicles 2 in the BOILNTAP

2 Chronicles 2 in the BOITCV

2 Chronicles 2 in the BOKCV

2 Chronicles 2 in the BOKCV2

2 Chronicles 2 in the BOKHWOG

2 Chronicles 2 in the BOKSSV

2 Chronicles 2 in the BOLCB

2 Chronicles 2 in the BOLCB2

2 Chronicles 2 in the BOMCV

2 Chronicles 2 in the BONAV

2 Chronicles 2 in the BONCB

2 Chronicles 2 in the BONLT

2 Chronicles 2 in the BONUT2

2 Chronicles 2 in the BOPLNT

2 Chronicles 2 in the BOSNC

2 Chronicles 2 in the BOTLNT

2 Chronicles 2 in the BOVCB

2 Chronicles 2 in the BOYCB

2 Chronicles 2 in the BPBB

2 Chronicles 2 in the BPH

2 Chronicles 2 in the BSB

2 Chronicles 2 in the CCB

2 Chronicles 2 in the CUV

2 Chronicles 2 in the CUVS

2 Chronicles 2 in the DBT

2 Chronicles 2 in the DGDNT

2 Chronicles 2 in the DHNT

2 Chronicles 2 in the DNT

2 Chronicles 2 in the ELBE

2 Chronicles 2 in the EMTV

2 Chronicles 2 in the ESV

2 Chronicles 2 in the FBV

2 Chronicles 2 in the FEB

2 Chronicles 2 in the GGMNT

2 Chronicles 2 in the GNT

2 Chronicles 2 in the HARY

2 Chronicles 2 in the HNT

2 Chronicles 2 in the IRVA

2 Chronicles 2 in the IRVB

2 Chronicles 2 in the IRVG

2 Chronicles 2 in the IRVH

2 Chronicles 2 in the IRVK

2 Chronicles 2 in the IRVM

2 Chronicles 2 in the IRVM2

2 Chronicles 2 in the IRVO

2 Chronicles 2 in the IRVP

2 Chronicles 2 in the IRVT

2 Chronicles 2 in the IRVT2

2 Chronicles 2 in the IRVU

2 Chronicles 2 in the ISVN

2 Chronicles 2 in the JSNT

2 Chronicles 2 in the KAPI

2 Chronicles 2 in the KBT1ETNIK

2 Chronicles 2 in the KBV

2 Chronicles 2 in the KJV

2 Chronicles 2 in the KNFD

2 Chronicles 2 in the LBA

2 Chronicles 2 in the LBLA

2 Chronicles 2 in the LNT

2 Chronicles 2 in the LSV

2 Chronicles 2 in the MAAL

2 Chronicles 2 in the MBV

2 Chronicles 2 in the MBV2

2 Chronicles 2 in the MHNT

2 Chronicles 2 in the MKNFD

2 Chronicles 2 in the MNG

2 Chronicles 2 in the MNT

2 Chronicles 2 in the MNT2

2 Chronicles 2 in the MRS1T

2 Chronicles 2 in the NAA

2 Chronicles 2 in the NASB

2 Chronicles 2 in the NBLA

2 Chronicles 2 in the NBS

2 Chronicles 2 in the NBVTP

2 Chronicles 2 in the NET2

2 Chronicles 2 in the NIV11

2 Chronicles 2 in the NNT

2 Chronicles 2 in the NNT2

2 Chronicles 2 in the NNT3

2 Chronicles 2 in the PDDPT

2 Chronicles 2 in the PFNT

2 Chronicles 2 in the RMNT

2 Chronicles 2 in the SBIAS

2 Chronicles 2 in the SBIBS

2 Chronicles 2 in the SBIBS2

2 Chronicles 2 in the SBICS

2 Chronicles 2 in the SBIDS

2 Chronicles 2 in the SBIGS

2 Chronicles 2 in the SBIHS

2 Chronicles 2 in the SBIIS

2 Chronicles 2 in the SBIIS2

2 Chronicles 2 in the SBIIS3

2 Chronicles 2 in the SBIKS

2 Chronicles 2 in the SBIKS2

2 Chronicles 2 in the SBIMS

2 Chronicles 2 in the SBIOS

2 Chronicles 2 in the SBIPS

2 Chronicles 2 in the SBISS

2 Chronicles 2 in the SBITS

2 Chronicles 2 in the SBITS2

2 Chronicles 2 in the SBITS3

2 Chronicles 2 in the SBITS4

2 Chronicles 2 in the SBIUS

2 Chronicles 2 in the SBIVS

2 Chronicles 2 in the SBT

2 Chronicles 2 in the SBT1E

2 Chronicles 2 in the SCHL

2 Chronicles 2 in the SNT

2 Chronicles 2 in the SUSU

2 Chronicles 2 in the SUSU2

2 Chronicles 2 in the SYNO

2 Chronicles 2 in the TBIAOTANT

2 Chronicles 2 in the TBT1E

2 Chronicles 2 in the TBT1E2

2 Chronicles 2 in the TFTIP

2 Chronicles 2 in the TFTU

2 Chronicles 2 in the TGNTATF3T

2 Chronicles 2 in the THAI

2 Chronicles 2 in the TNFD

2 Chronicles 2 in the TNT

2 Chronicles 2 in the TNTIK

2 Chronicles 2 in the TNTIL

2 Chronicles 2 in the TNTIN

2 Chronicles 2 in the TNTIP

2 Chronicles 2 in the TNTIZ

2 Chronicles 2 in the TOMA

2 Chronicles 2 in the TTENT

2 Chronicles 2 in the UBG

2 Chronicles 2 in the UGV

2 Chronicles 2 in the UGV2

2 Chronicles 2 in the UGV3

2 Chronicles 2 in the VBL

2 Chronicles 2 in the VDCC

2 Chronicles 2 in the YALU

2 Chronicles 2 in the YAPE

2 Chronicles 2 in the YBVTP

2 Chronicles 2 in the ZBP