2 Chronicles 24 (BOSCB)

1 Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhia uye vaibva kuBheerishebha. 2 Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJehoyadha muprista. 3 Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana. 4 Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha. 5 Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo. 6 Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?” 7 Zvino vanakomana vaAtaria mukadzi uya akaipa vakanga vamanikidzira kupinda mutemberi yaMwari uye vakanga vashandisa kunyange midziyo yayo inoera mukunamata Bhaari. 8 Mambo akati arayira, bhokisi rakagadzirwa rikaiswa pasuo retemberi yaJehovha. 9 Shoko rakatumwa muJudha neJerusarema kuti vaifanira kuuyisa kuna Jehovha mutero wakanga warayirwa naMozisi muranda waMwari kuti vaIsraeri vape murenje. 10 Machinda ose navanhu vose vakauyisa zvipo zvavo nomufaro, vakazvikanda mubhokisi kusvikira razara. 11 Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda. 12 Mambo naJehoyadha akaipa kuvanhu vaizoita basa raidiwa patemberi yaJehovha. Vakaripira vavezi vamatombo navavezi vamatanda kuti vamise pakare temberi yaJehovha, uyewo vapfuri vesimbi nendarira kuti vagadziridze temberi. 13 Varume vaibata basa iri vaiva nounyanzvi uye kugadziridza kwose kwakaenderera mberi mumaoko avo. Vakavakazve temberi yaMwari sezvayakanga yakaita pakutanga, vakaisimbisa. 14 Pavakapedza vakauyisa imwe mari yose yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye yakagadziriswa midziyo yomutemberi yaJehovha: midziyo yokushandisa neyezvipiriso zvinopiswa namadhishi nezvimwe zvegoridhe nesirivha. Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, zvipiriso zvinopiswa zvaitopiwa nguva nenguva mutemberi yaJehovha. 15 Zvino Jehoyadha akanga akura ava namakore mazhinji, uye akafa ava namakore zana namakumi matatu. 16 Akavigwa namadzimambo muGuta raDhavhidhi, nokuda kwezvakanaka zvaakanga aitira Mwari muIsraeri nomutemberi yake. 17 Mushure mokufa kwaJehoyadha, vakuru veJudha vakauya kuzopa rukudzo kuna mambo, uye akateerera kwavari. 18 Vakasiya temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba avo, vakanamata matanda aAshera nezvifananidzo. Nokuda kwokutadza kwavo, kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro peJudha neJerusarema. 19 Kunyange zvazvo Jehovha akatumira vaprofita kuvanhu kuti vavadzosere kwaari, uye kunyange vaipupura zvakaipa nezvavo, havana kuteerera. 20 Ipapo mweya waJehovha wakauya pana Zekaria, mwanakomana waJehoyadha muprista. Akamira pamberi pavanhu akati, “Zvanzi naMwari, ‘Sei musingateereri mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira. Nokuti makasiya Jehovha, iye akusiyaiwo.’ ” 21 Asi ivo vakamupandukira uye nokurayira kwaMambo vakamutaka namabwe kusvikira afa, muchivanze chetemberi yaJehovha. 22 Mambo Joashi haana kurangarira tsitsi dzaJehoyadha baba vaZekaria dzavakanga vamuratidza, asi akauraya mwanakomana wake, uye iye paakanga ava kufa akati, “Jehovha ngaazvione izvi uye aite kuti muzvidavirire.” 23 Pakupera kwegore hondo yeAramu yakauya kuzorwisa Joashi; yakapamba Judha neJerusarema uye ikauraya vatungamiri vose vavanhu. Vakatumira zvavakanga vapamba zvose kuna mambo wavo kuDhamasiko. 24 Kunyange zvazvo hondo yavaAramu yakanga ine varume vashoma shoma, Jehovha akaisa hondo huru kwazvo mumaoko avo. Nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, kutongwa kwakaiswa pamusoro paJoashi. 25 VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi, asi kwete mumakuva amadzimambo. 26 Avo vakarangana pamusoro pake vaiti Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mudzimai wechiAmoni, naJehozabhadhi, mwanakomana waShimiriti muMoabhu. 27 Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

In Other Versions

2 Chronicles 24 in the ANGEFD

2 Chronicles 24 in the ANTPNG2D

2 Chronicles 24 in the AS21

2 Chronicles 24 in the BAGH

2 Chronicles 24 in the BBPNG

2 Chronicles 24 in the BBT1E

2 Chronicles 24 in the BDS

2 Chronicles 24 in the BEV

2 Chronicles 24 in the BHAD

2 Chronicles 24 in the BIB

2 Chronicles 24 in the BLPT

2 Chronicles 24 in the BNT

2 Chronicles 24 in the BNTABOOT

2 Chronicles 24 in the BNTLV

2 Chronicles 24 in the BOATCB

2 Chronicles 24 in the BOATCB2

2 Chronicles 24 in the BOBCV

2 Chronicles 24 in the BOCNT

2 Chronicles 24 in the BOECS

2 Chronicles 24 in the BOGWICC

2 Chronicles 24 in the BOHCB

2 Chronicles 24 in the BOHCV

2 Chronicles 24 in the BOHLNT

2 Chronicles 24 in the BOHNTLTAL

2 Chronicles 24 in the BOICB

2 Chronicles 24 in the BOILNTAP

2 Chronicles 24 in the BOITCV

2 Chronicles 24 in the BOKCV

2 Chronicles 24 in the BOKCV2

2 Chronicles 24 in the BOKHWOG

2 Chronicles 24 in the BOKSSV

2 Chronicles 24 in the BOLCB

2 Chronicles 24 in the BOLCB2

2 Chronicles 24 in the BOMCV

2 Chronicles 24 in the BONAV

2 Chronicles 24 in the BONCB

2 Chronicles 24 in the BONLT

2 Chronicles 24 in the BONUT2

2 Chronicles 24 in the BOPLNT

2 Chronicles 24 in the BOSNC

2 Chronicles 24 in the BOTLNT

2 Chronicles 24 in the BOVCB

2 Chronicles 24 in the BOYCB

2 Chronicles 24 in the BPBB

2 Chronicles 24 in the BPH

2 Chronicles 24 in the BSB

2 Chronicles 24 in the CCB

2 Chronicles 24 in the CUV

2 Chronicles 24 in the CUVS

2 Chronicles 24 in the DBT

2 Chronicles 24 in the DGDNT

2 Chronicles 24 in the DHNT

2 Chronicles 24 in the DNT

2 Chronicles 24 in the ELBE

2 Chronicles 24 in the EMTV

2 Chronicles 24 in the ESV

2 Chronicles 24 in the FBV

2 Chronicles 24 in the FEB

2 Chronicles 24 in the GGMNT

2 Chronicles 24 in the GNT

2 Chronicles 24 in the HARY

2 Chronicles 24 in the HNT

2 Chronicles 24 in the IRVA

2 Chronicles 24 in the IRVB

2 Chronicles 24 in the IRVG

2 Chronicles 24 in the IRVH

2 Chronicles 24 in the IRVK

2 Chronicles 24 in the IRVM

2 Chronicles 24 in the IRVM2

2 Chronicles 24 in the IRVO

2 Chronicles 24 in the IRVP

2 Chronicles 24 in the IRVT

2 Chronicles 24 in the IRVT2

2 Chronicles 24 in the IRVU

2 Chronicles 24 in the ISVN

2 Chronicles 24 in the JSNT

2 Chronicles 24 in the KAPI

2 Chronicles 24 in the KBT1ETNIK

2 Chronicles 24 in the KBV

2 Chronicles 24 in the KJV

2 Chronicles 24 in the KNFD

2 Chronicles 24 in the LBA

2 Chronicles 24 in the LBLA

2 Chronicles 24 in the LNT

2 Chronicles 24 in the LSV

2 Chronicles 24 in the MAAL

2 Chronicles 24 in the MBV

2 Chronicles 24 in the MBV2

2 Chronicles 24 in the MHNT

2 Chronicles 24 in the MKNFD

2 Chronicles 24 in the MNG

2 Chronicles 24 in the MNT

2 Chronicles 24 in the MNT2

2 Chronicles 24 in the MRS1T

2 Chronicles 24 in the NAA

2 Chronicles 24 in the NASB

2 Chronicles 24 in the NBLA

2 Chronicles 24 in the NBS

2 Chronicles 24 in the NBVTP

2 Chronicles 24 in the NET2

2 Chronicles 24 in the NIV11

2 Chronicles 24 in the NNT

2 Chronicles 24 in the NNT2

2 Chronicles 24 in the NNT3

2 Chronicles 24 in the PDDPT

2 Chronicles 24 in the PFNT

2 Chronicles 24 in the RMNT

2 Chronicles 24 in the SBIAS

2 Chronicles 24 in the SBIBS

2 Chronicles 24 in the SBIBS2

2 Chronicles 24 in the SBICS

2 Chronicles 24 in the SBIDS

2 Chronicles 24 in the SBIGS

2 Chronicles 24 in the SBIHS

2 Chronicles 24 in the SBIIS

2 Chronicles 24 in the SBIIS2

2 Chronicles 24 in the SBIIS3

2 Chronicles 24 in the SBIKS

2 Chronicles 24 in the SBIKS2

2 Chronicles 24 in the SBIMS

2 Chronicles 24 in the SBIOS

2 Chronicles 24 in the SBIPS

2 Chronicles 24 in the SBISS

2 Chronicles 24 in the SBITS

2 Chronicles 24 in the SBITS2

2 Chronicles 24 in the SBITS3

2 Chronicles 24 in the SBITS4

2 Chronicles 24 in the SBIUS

2 Chronicles 24 in the SBIVS

2 Chronicles 24 in the SBT

2 Chronicles 24 in the SBT1E

2 Chronicles 24 in the SCHL

2 Chronicles 24 in the SNT

2 Chronicles 24 in the SUSU

2 Chronicles 24 in the SUSU2

2 Chronicles 24 in the SYNO

2 Chronicles 24 in the TBIAOTANT

2 Chronicles 24 in the TBT1E

2 Chronicles 24 in the TBT1E2

2 Chronicles 24 in the TFTIP

2 Chronicles 24 in the TFTU

2 Chronicles 24 in the TGNTATF3T

2 Chronicles 24 in the THAI

2 Chronicles 24 in the TNFD

2 Chronicles 24 in the TNT

2 Chronicles 24 in the TNTIK

2 Chronicles 24 in the TNTIL

2 Chronicles 24 in the TNTIN

2 Chronicles 24 in the TNTIP

2 Chronicles 24 in the TNTIZ

2 Chronicles 24 in the TOMA

2 Chronicles 24 in the TTENT

2 Chronicles 24 in the UBG

2 Chronicles 24 in the UGV

2 Chronicles 24 in the UGV2

2 Chronicles 24 in the UGV3

2 Chronicles 24 in the VBL

2 Chronicles 24 in the VDCC

2 Chronicles 24 in the YALU

2 Chronicles 24 in the YAPE

2 Chronicles 24 in the YBVTP

2 Chronicles 24 in the ZBP