2 Chronicles 33 (BOSCB)
1 Manase akanga ane makore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinonyangadza pamberi paJehovha zvaiitwa nendudzi dzakadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. 3 Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekia. Akavaka aritari dzaBhaari uye akagadzira matanda aAshera. Akakotamira nyeredzi dzose dzokudenga akadzishumira. 4 Akavaka aritari mutemberi yaJehovha yakanga yanzi naJehovha, “Zita rangu richaramba riri muJerusarema nokusingaperi.” 5 Muzvivanze zvose zvetemberi yaJehovha akavaka aritari dzenyeredzi dzose dzedenga. 6 Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake. 7 Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi. 8 Handichatenderizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzibude munyika yandakavimbisa madzitateguru enyu. Kana chete vakachenjerera kuita zvose zvandakavarayira maererano nemirayiro yose, mitemo, nezvandakatema zvakapiwa kubudikidza naMozisi.” 9 Asi Manase akatungamirira Judha navanhu veJerusarema mukurasika, zvokuti vakaita zvakatonyanya kuipa kupfuura ndudzi dzose dzakanga dzaparadzwa pamberi pavaIsraeri. 10 Jehovha akataura kuna Manase navanhu vake, asi ivo havana kuteerera. 11 Saka Jehovha akauyisa vatungamiri vehondo yavaAsiria kuzovarwisa vakatora Manase somusungwa, vakaisa chikokovonho mumhino yake, vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi. 12 Mukutambudzika kwake akatsvaka Jehovha Mwari wake akazvininipisa kwazvo pamberi paMwari wamadzibaba ake. 13 Uye paakanyengetera kwaari, Jehovha akasundwa nokuzvininipisa kwake akateerera kudemba kwake. Saka akamudzosa kuJerusarema uye kuumambo hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiMwari. 14 Mushure maizvozvi akavakazve rusvingo rwokunze rweGuta raDhavhidhi, kumavirira kwechitubu chepaGihoni mumupata, kusvika pavanopinda napo paSuo reHove akakomberedza chikomo chaOferi; akachiitawo kuti chinyanye kukwirira. Akamisa vakuru vehondo mumaguta ose ane masvingo muJudha. 15 Akaparadza vamwari vose vedzimwe nyika akabvisa chifananidzo kubva mutemberi yaJehovha nearitari dzaakanga avaka pachikomo chetemberi nomuJerusarema akadzikanda kunze kweguta. 16 Ipapo akavakazve aritari yaJehovha akabayira zvipiriso zvokuwadzana nokuvonga pairi. Uye akataurira Judha kuti ishumire Jehovha, Mwari weIsraeri. 17 Zvisinei, vanhu vakaramba vachibayira panzvimbo dzakakwirira, asi kuna Jehovha Mwari wavo chete. 18 Zvimwe zvakaitwa naManase panguva yokutonga kwake, kusanganisira munyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko akataurwa navaoni kwaari muzita raJehovha Mwari waIsraeri, zvakanyorwa munhoroondo dzamadzimambo eIsraeri. 19 Munyengetero wake uye kuti Mwari akasundwa sei nokuzvininipisa kwake, nezvivi zvake zvose nokusatendeka kwake, nenzvimbo dzaakavakira nzvimbo dzakakwirira nokumisa matanda aAshera nezvifananidzo asati azvininipisa, zvose zvakanyorwa munhoroondo dzavaoni. 20 Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mumuzinda wake. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. 21 Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. 22 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa naManase baba vake. Amoni akashumira uye akapa zvibayiro zvakanga zvagadzirwa naManase. 23 Asi haana kuzoita sababa vake, haana kuzvininipisa pamberi paJehovha. Amoni akawedzera mhosva yake. 24 Makurukota aAmoni akarangana akamuuraya mumuzinda wake. 25 Ipapo vanhu venyika yose vakauraya vose vakanga varangana kuuraya mambo Amoni. Vakaita Josia mwanakomana wake mambo panzvimbo yake.
In Other Versions
2 Chronicles 33 in the ANGEFD
2 Chronicles 33 in the ANTPNG2D
2 Chronicles 33 in the AS21
2 Chronicles 33 in the BAGH
2 Chronicles 33 in the BBPNG
2 Chronicles 33 in the BBT1E
2 Chronicles 33 in the BDS
2 Chronicles 33 in the BEV
2 Chronicles 33 in the BHAD
2 Chronicles 33 in the BIB
2 Chronicles 33 in the BLPT
2 Chronicles 33 in the BNT
2 Chronicles 33 in the BNTABOOT
2 Chronicles 33 in the BNTLV
2 Chronicles 33 in the BOATCB
2 Chronicles 33 in the BOATCB2
2 Chronicles 33 in the BOBCV
2 Chronicles 33 in the BOCNT
2 Chronicles 33 in the BOECS
2 Chronicles 33 in the BOGWICC
2 Chronicles 33 in the BOHCB
2 Chronicles 33 in the BOHCV
2 Chronicles 33 in the BOHLNT
2 Chronicles 33 in the BOHNTLTAL
2 Chronicles 33 in the BOICB
2 Chronicles 33 in the BOILNTAP
2 Chronicles 33 in the BOITCV
2 Chronicles 33 in the BOKCV
2 Chronicles 33 in the BOKCV2
2 Chronicles 33 in the BOKHWOG
2 Chronicles 33 in the BOKSSV
2 Chronicles 33 in the BOLCB
2 Chronicles 33 in the BOLCB2
2 Chronicles 33 in the BOMCV
2 Chronicles 33 in the BONAV
2 Chronicles 33 in the BONCB
2 Chronicles 33 in the BONLT
2 Chronicles 33 in the BONUT2
2 Chronicles 33 in the BOPLNT
2 Chronicles 33 in the BOSNC
2 Chronicles 33 in the BOTLNT
2 Chronicles 33 in the BOVCB
2 Chronicles 33 in the BOYCB
2 Chronicles 33 in the BPBB
2 Chronicles 33 in the BPH
2 Chronicles 33 in the BSB
2 Chronicles 33 in the CCB
2 Chronicles 33 in the CUV
2 Chronicles 33 in the CUVS
2 Chronicles 33 in the DBT
2 Chronicles 33 in the DGDNT
2 Chronicles 33 in the DHNT
2 Chronicles 33 in the DNT
2 Chronicles 33 in the ELBE
2 Chronicles 33 in the EMTV
2 Chronicles 33 in the ESV
2 Chronicles 33 in the FBV
2 Chronicles 33 in the FEB
2 Chronicles 33 in the GGMNT
2 Chronicles 33 in the GNT
2 Chronicles 33 in the HARY
2 Chronicles 33 in the HNT
2 Chronicles 33 in the IRVA
2 Chronicles 33 in the IRVB
2 Chronicles 33 in the IRVG
2 Chronicles 33 in the IRVH
2 Chronicles 33 in the IRVK
2 Chronicles 33 in the IRVM
2 Chronicles 33 in the IRVM2
2 Chronicles 33 in the IRVO
2 Chronicles 33 in the IRVP
2 Chronicles 33 in the IRVT
2 Chronicles 33 in the IRVT2
2 Chronicles 33 in the IRVU
2 Chronicles 33 in the ISVN
2 Chronicles 33 in the JSNT
2 Chronicles 33 in the KAPI
2 Chronicles 33 in the KBT1ETNIK
2 Chronicles 33 in the KBV
2 Chronicles 33 in the KJV
2 Chronicles 33 in the KNFD
2 Chronicles 33 in the LBA
2 Chronicles 33 in the LBLA
2 Chronicles 33 in the LNT
2 Chronicles 33 in the LSV
2 Chronicles 33 in the MAAL
2 Chronicles 33 in the MBV
2 Chronicles 33 in the MBV2
2 Chronicles 33 in the MHNT
2 Chronicles 33 in the MKNFD
2 Chronicles 33 in the MNG
2 Chronicles 33 in the MNT
2 Chronicles 33 in the MNT2
2 Chronicles 33 in the MRS1T
2 Chronicles 33 in the NAA
2 Chronicles 33 in the NASB
2 Chronicles 33 in the NBLA
2 Chronicles 33 in the NBS
2 Chronicles 33 in the NBVTP
2 Chronicles 33 in the NET2
2 Chronicles 33 in the NIV11
2 Chronicles 33 in the NNT
2 Chronicles 33 in the NNT2
2 Chronicles 33 in the NNT3
2 Chronicles 33 in the PDDPT
2 Chronicles 33 in the PFNT
2 Chronicles 33 in the RMNT
2 Chronicles 33 in the SBIAS
2 Chronicles 33 in the SBIBS
2 Chronicles 33 in the SBIBS2
2 Chronicles 33 in the SBICS
2 Chronicles 33 in the SBIDS
2 Chronicles 33 in the SBIGS
2 Chronicles 33 in the SBIHS
2 Chronicles 33 in the SBIIS
2 Chronicles 33 in the SBIIS2
2 Chronicles 33 in the SBIIS3
2 Chronicles 33 in the SBIKS
2 Chronicles 33 in the SBIKS2
2 Chronicles 33 in the SBIMS
2 Chronicles 33 in the SBIOS
2 Chronicles 33 in the SBIPS
2 Chronicles 33 in the SBISS
2 Chronicles 33 in the SBITS
2 Chronicles 33 in the SBITS2
2 Chronicles 33 in the SBITS3
2 Chronicles 33 in the SBITS4
2 Chronicles 33 in the SBIUS
2 Chronicles 33 in the SBIVS
2 Chronicles 33 in the SBT
2 Chronicles 33 in the SBT1E
2 Chronicles 33 in the SCHL
2 Chronicles 33 in the SNT
2 Chronicles 33 in the SUSU
2 Chronicles 33 in the SUSU2
2 Chronicles 33 in the SYNO
2 Chronicles 33 in the TBIAOTANT
2 Chronicles 33 in the TBT1E
2 Chronicles 33 in the TBT1E2
2 Chronicles 33 in the TFTIP
2 Chronicles 33 in the TFTU
2 Chronicles 33 in the TGNTATF3T
2 Chronicles 33 in the THAI
2 Chronicles 33 in the TNFD
2 Chronicles 33 in the TNT
2 Chronicles 33 in the TNTIK
2 Chronicles 33 in the TNTIL
2 Chronicles 33 in the TNTIN
2 Chronicles 33 in the TNTIP
2 Chronicles 33 in the TNTIZ
2 Chronicles 33 in the TOMA
2 Chronicles 33 in the TTENT
2 Chronicles 33 in the UBG
2 Chronicles 33 in the UGV
2 Chronicles 33 in the UGV2
2 Chronicles 33 in the UGV3
2 Chronicles 33 in the VBL
2 Chronicles 33 in the VDCC
2 Chronicles 33 in the YALU
2 Chronicles 33 in the YAPE
2 Chronicles 33 in the YBVTP
2 Chronicles 33 in the ZBP