2 Samuel 11 (BOSCB)

1 Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. 2 Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo, 3 uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?” 4 Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora. Akauya kwaari, iye akarara naye; nokuti akanga azvinatsa pakusachena kwake. Ipapo akadzokera kumba kwake. 5 Mukadzi uyu akabata pamuviri ndokubva atuma shoko kuna Dhavhidhi achiti, “Ndava nemimba.” 6 Saka Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu akati, “Nditumire Uria muHiti.” Saka Joabhu akamutumira kuna Dhavhidhi. 7 Uria akati asvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhu aiva akadini hake, zvose navarwi uye kuti hondo yaifamba sei. 8 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Uria, “Enda hako kuimba yako unoshamba tsoka dzako.” Naizvozvo Uria akabva pamuzinda wamambo, uye achangoenda, mambo akamutumira chipo. 9 Asi Uria akarara pasuo romuzinda navaranda vose vatenzi wake akasaenda kumba kwake. 10 Zvino Dhavhidhi paakaudzwa kuti, “Uria haana kuenda kumba kwake,” akamubvunza akati, “Hauna kubva parwendo here? Sei usina kuenda kumba kwako?” 11 Uria akati kuna Dhavhidhi, “Areka navaIsraeri pamwe chete navaJudha vagere mumatende, uye tenzi wangu Joabhu navanhu vaishe wangu vari mumisasa kusango. Ko, ini ndaigozoenda sei kumba kwangu kuti ndidye ndichinwa nokurara nomudzimai wangu? Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, handingaiti chinhu chakadaro!” 12 Ipapo Dhavhidhi akati kwaari, “Chigara hako pano kwezuva rimwe chete, mangwana ndigokutendera hangu kuti udzokere.” Naizvozvo Uria akagara muJerusarema zuva iroro neraitevera. 13 Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake. 14 Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria. 15 Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.” 16 Saka Joabhu paakanga akakomba guta, akaisa Uria panzvimbo yaaiziva kuti ndipo paiva navarume voumhare. 17 Varume veguta pavakabuda vakarwa naJoabhu, vamwe vevarume vehondo yaDhavhidhi vakakundwa; uye Uria muHiti akafawo. 18 Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo. 19 Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo, 20 hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo? 21 Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’ ” 22 Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu. 23 Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta. 24 Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.” 25 Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.” 26 Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema. 27 Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.

In Other Versions

2 Samuel 11 in the ANGEFD

2 Samuel 11 in the ANTPNG2D

2 Samuel 11 in the AS21

2 Samuel 11 in the BAGH

2 Samuel 11 in the BBPNG

2 Samuel 11 in the BBT1E

2 Samuel 11 in the BDS

2 Samuel 11 in the BEV

2 Samuel 11 in the BHAD

2 Samuel 11 in the BIB

2 Samuel 11 in the BLPT

2 Samuel 11 in the BNT

2 Samuel 11 in the BNTABOOT

2 Samuel 11 in the BNTLV

2 Samuel 11 in the BOATCB

2 Samuel 11 in the BOATCB2

2 Samuel 11 in the BOBCV

2 Samuel 11 in the BOCNT

2 Samuel 11 in the BOECS

2 Samuel 11 in the BOGWICC

2 Samuel 11 in the BOHCB

2 Samuel 11 in the BOHCV

2 Samuel 11 in the BOHLNT

2 Samuel 11 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 11 in the BOICB

2 Samuel 11 in the BOILNTAP

2 Samuel 11 in the BOITCV

2 Samuel 11 in the BOKCV

2 Samuel 11 in the BOKCV2

2 Samuel 11 in the BOKHWOG

2 Samuel 11 in the BOKSSV

2 Samuel 11 in the BOLCB

2 Samuel 11 in the BOLCB2

2 Samuel 11 in the BOMCV

2 Samuel 11 in the BONAV

2 Samuel 11 in the BONCB

2 Samuel 11 in the BONLT

2 Samuel 11 in the BONUT2

2 Samuel 11 in the BOPLNT

2 Samuel 11 in the BOSNC

2 Samuel 11 in the BOTLNT

2 Samuel 11 in the BOVCB

2 Samuel 11 in the BOYCB

2 Samuel 11 in the BPBB

2 Samuel 11 in the BPH

2 Samuel 11 in the BSB

2 Samuel 11 in the CCB

2 Samuel 11 in the CUV

2 Samuel 11 in the CUVS

2 Samuel 11 in the DBT

2 Samuel 11 in the DGDNT

2 Samuel 11 in the DHNT

2 Samuel 11 in the DNT

2 Samuel 11 in the ELBE

2 Samuel 11 in the EMTV

2 Samuel 11 in the ESV

2 Samuel 11 in the FBV

2 Samuel 11 in the FEB

2 Samuel 11 in the GGMNT

2 Samuel 11 in the GNT

2 Samuel 11 in the HARY

2 Samuel 11 in the HNT

2 Samuel 11 in the IRVA

2 Samuel 11 in the IRVB

2 Samuel 11 in the IRVG

2 Samuel 11 in the IRVH

2 Samuel 11 in the IRVK

2 Samuel 11 in the IRVM

2 Samuel 11 in the IRVM2

2 Samuel 11 in the IRVO

2 Samuel 11 in the IRVP

2 Samuel 11 in the IRVT

2 Samuel 11 in the IRVT2

2 Samuel 11 in the IRVU

2 Samuel 11 in the ISVN

2 Samuel 11 in the JSNT

2 Samuel 11 in the KAPI

2 Samuel 11 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 11 in the KBV

2 Samuel 11 in the KJV

2 Samuel 11 in the KNFD

2 Samuel 11 in the LBA

2 Samuel 11 in the LBLA

2 Samuel 11 in the LNT

2 Samuel 11 in the LSV

2 Samuel 11 in the MAAL

2 Samuel 11 in the MBV

2 Samuel 11 in the MBV2

2 Samuel 11 in the MHNT

2 Samuel 11 in the MKNFD

2 Samuel 11 in the MNG

2 Samuel 11 in the MNT

2 Samuel 11 in the MNT2

2 Samuel 11 in the MRS1T

2 Samuel 11 in the NAA

2 Samuel 11 in the NASB

2 Samuel 11 in the NBLA

2 Samuel 11 in the NBS

2 Samuel 11 in the NBVTP

2 Samuel 11 in the NET2

2 Samuel 11 in the NIV11

2 Samuel 11 in the NNT

2 Samuel 11 in the NNT2

2 Samuel 11 in the NNT3

2 Samuel 11 in the PDDPT

2 Samuel 11 in the PFNT

2 Samuel 11 in the RMNT

2 Samuel 11 in the SBIAS

2 Samuel 11 in the SBIBS

2 Samuel 11 in the SBIBS2

2 Samuel 11 in the SBICS

2 Samuel 11 in the SBIDS

2 Samuel 11 in the SBIGS

2 Samuel 11 in the SBIHS

2 Samuel 11 in the SBIIS

2 Samuel 11 in the SBIIS2

2 Samuel 11 in the SBIIS3

2 Samuel 11 in the SBIKS

2 Samuel 11 in the SBIKS2

2 Samuel 11 in the SBIMS

2 Samuel 11 in the SBIOS

2 Samuel 11 in the SBIPS

2 Samuel 11 in the SBISS

2 Samuel 11 in the SBITS

2 Samuel 11 in the SBITS2

2 Samuel 11 in the SBITS3

2 Samuel 11 in the SBITS4

2 Samuel 11 in the SBIUS

2 Samuel 11 in the SBIVS

2 Samuel 11 in the SBT

2 Samuel 11 in the SBT1E

2 Samuel 11 in the SCHL

2 Samuel 11 in the SNT

2 Samuel 11 in the SUSU

2 Samuel 11 in the SUSU2

2 Samuel 11 in the SYNO

2 Samuel 11 in the TBIAOTANT

2 Samuel 11 in the TBT1E

2 Samuel 11 in the TBT1E2

2 Samuel 11 in the TFTIP

2 Samuel 11 in the TFTU

2 Samuel 11 in the TGNTATF3T

2 Samuel 11 in the THAI

2 Samuel 11 in the TNFD

2 Samuel 11 in the TNT

2 Samuel 11 in the TNTIK

2 Samuel 11 in the TNTIL

2 Samuel 11 in the TNTIN

2 Samuel 11 in the TNTIP

2 Samuel 11 in the TNTIZ

2 Samuel 11 in the TOMA

2 Samuel 11 in the TTENT

2 Samuel 11 in the UBG

2 Samuel 11 in the UGV

2 Samuel 11 in the UGV2

2 Samuel 11 in the UGV3

2 Samuel 11 in the VBL

2 Samuel 11 in the VDCC

2 Samuel 11 in the YALU

2 Samuel 11 in the YAPE

2 Samuel 11 in the YBVTP

2 Samuel 11 in the ZBP