2 Samuel 12 (BOSCB)

1 Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari, akataura akati, “Pakanga pane varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo. 2 Mupfumi uyu akanga ana makwai mazhinji kwazvo uye nemombe zhinji, 3 asi murombo akanga asina chinhu kusara kwegwayana rimwe chete raakanga atenga. Akarirera, rikakura naye navana vake. Raidya pamwe chete naye, richinwira pamukombe waayinwira, uye richirara pamaoko ake. Rakanga rakaita somwanasikana kwaari. 4 “Zvino muenzi aipfuura hake akasvika kumupfumi uya, asi mupfumi uyu haana kuda kubata rimwe ramakwai ake kana mombe kuti agadzirire zvokudya mupfuuri uyu akanga asvika kwaari. Asi iye akatora gwayana romurombo akarigadzirira uya akanga asvika kwaari.” 5 Dhavhidhi akatsamwira munhu uyu zvikuru kwazvo akati kuna Natani, “Chokwadi naJehovha mupenyu, munhu akaita zvinhu zvakadai anofanira kufa! 6 Anofanira kuripira gwayana iri kakapetwa runa pamusoro, nokuti akaita zvinhu zvakadai akasava netsitsi.” 7 Ipapo Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndimi munhu uyo! Zvanzi naJehovha: Mwari weIsraeri: ‘Ndakakuzodza kuti uve mambo weIsraeri, uye ndakakununura kubva paruoko rwaSauro. 8 Ndakapa kwauri imba yatenzi wako, uye vakadzi vatenzi wako ndakavaisa mumaoko ako. Ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha. Uye dai zvose izvi zvakava zvishoma, ndaidai ndakakupa zvimwezve. 9 Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni. 10 Naizvozvo, munondo hauchazobvi mumba mako, nokuti wakandizvidza uye ukatora mukadzi waUria muHiti kuti ave wako.’ 11 “Zvanzi naJehovha: ‘Kubva mumba mako chaimo ndichauyisa njodzi pamusoro pako. Ndichatora vakadzi vako iwe wakatarira ndigovapa kuno mumwe ari pedyo newe, uye acharara navo masikati machena. 12 Iwe wakaita muchivande, asi ini ndichazviita masikati machena pamberi peIsraeri yose.’ ” 13 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Jehovha.”Natani akapindura akati, “Jehovha akuregerera chitadzo chako. Haungafi hako kwete. 14 Asi nokuda kwokuti waita izvi, waita kuti vavengi vaJehovha vamuzvidze kwazvo, mwanakomana uyu wauchaberekerwa achafa.” 15 Mushure mokunge Natani adzokera kumba, Jehovha akarova mwana akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUria, akabva arwara. 16 Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Mwari. Akatsanya uye akapinda mumba make akapedza usiku nousiku akarara pasi. 17 Vakuru veimba yake vakamira paakanga ari, vachida kuti amuke pasi paakanga ari, asi iye akaramba, uye haana kuda kuti adye navo. 18 Pazuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana akanga afa, nokuti vakafunga kuti, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, takataura naDhavhidhi asi haana kuda kutiteerera. Zvino tichamuudza sei kuti mwana afa? Achazvikuvadza zvikada.” 19 Dhavhidhi akaona kuti varanda vake vakanga vachizevezerana ndokubva aziva kuti mwana akanga afa. Akabvunza akati, “Mwana afa kanhi?”Vakapindura vakati, “Hongu afa.” 20 Ipapo Dhavhidhi akamuka pasi paakanga ari. Mushure mokunge ashamba, akazora mafuta, uye akapfeka zvimwe zvipfeko, akapinda mumba maJehovha akanamata. Ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya vakamupa, akadya. 21 Varanda vake vakamubvunza vakati, “Ko, muri kuitirei zvinhu zvakadai? Mwana paakanga achiri mupenyu makatsanya uye mukachema, asi zvino mwana afa, momuka modya!” 22 Iye akapindura akati, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, ndakatsanya uye ndikachema. Ndaifunga kuti, ‘Ndiani anoziva? Zvimwe Jehovha angandinzwira nyasha akaita kuti mwana ararame.’ 23 Asi zvino zvaafa, ndichatsanyireiko? Ko, ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzoki kwandiri.” 24 Zvino Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akaenda kwaari akandorara naye. Akabereka mwanakomana, vakamutumidza kuti Soromoni. Jehovha akamuda; 25 uye nokuti Jehovha akamuda, akatuma shoko nokuna Natani muprofita kuti amutumidze kuti Jedhidhia. 26 Zvino Joabhu akandorwa naRabha wavaAmoni uye akatora nhare yamambo. 27 Ipapo Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, achiti, “Ndarwisa Rabha ndikatora nzvimbo inobva mvura yeguta iri. 28 Naizvozvo unganidzai varwi vose mukombe guta mugorikunda. Zvikasadaro ini ndichatora guta, uye rinozotumidzwa zita rangu.” 29 Naizvozvo Dhavhidhi akaunganidza hondo yose ndokubva aenda kuRabha, akandorirwisa akaritora. 30 Akabvisa korona pamusoro wamambo wavo, kurema kwayo kwaisvika tarenda rimwe chete uye yakanga yakanamirwa mabwe anokosha, uye yakaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo kubva muguta iri 31 uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavapa basa ravaishanda namajeko, mapiki namatemo, uye akavapa basa rokukanya zvidhina. Akaita izvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yose vakadzokera kuJerusarema.

In Other Versions

2 Samuel 12 in the ANGEFD

2 Samuel 12 in the ANTPNG2D

2 Samuel 12 in the AS21

2 Samuel 12 in the BAGH

2 Samuel 12 in the BBPNG

2 Samuel 12 in the BBT1E

2 Samuel 12 in the BDS

2 Samuel 12 in the BEV

2 Samuel 12 in the BHAD

2 Samuel 12 in the BIB

2 Samuel 12 in the BLPT

2 Samuel 12 in the BNT

2 Samuel 12 in the BNTABOOT

2 Samuel 12 in the BNTLV

2 Samuel 12 in the BOATCB

2 Samuel 12 in the BOATCB2

2 Samuel 12 in the BOBCV

2 Samuel 12 in the BOCNT

2 Samuel 12 in the BOECS

2 Samuel 12 in the BOGWICC

2 Samuel 12 in the BOHCB

2 Samuel 12 in the BOHCV

2 Samuel 12 in the BOHLNT

2 Samuel 12 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 12 in the BOICB

2 Samuel 12 in the BOILNTAP

2 Samuel 12 in the BOITCV

2 Samuel 12 in the BOKCV

2 Samuel 12 in the BOKCV2

2 Samuel 12 in the BOKHWOG

2 Samuel 12 in the BOKSSV

2 Samuel 12 in the BOLCB

2 Samuel 12 in the BOLCB2

2 Samuel 12 in the BOMCV

2 Samuel 12 in the BONAV

2 Samuel 12 in the BONCB

2 Samuel 12 in the BONLT

2 Samuel 12 in the BONUT2

2 Samuel 12 in the BOPLNT

2 Samuel 12 in the BOSNC

2 Samuel 12 in the BOTLNT

2 Samuel 12 in the BOVCB

2 Samuel 12 in the BOYCB

2 Samuel 12 in the BPBB

2 Samuel 12 in the BPH

2 Samuel 12 in the BSB

2 Samuel 12 in the CCB

2 Samuel 12 in the CUV

2 Samuel 12 in the CUVS

2 Samuel 12 in the DBT

2 Samuel 12 in the DGDNT

2 Samuel 12 in the DHNT

2 Samuel 12 in the DNT

2 Samuel 12 in the ELBE

2 Samuel 12 in the EMTV

2 Samuel 12 in the ESV

2 Samuel 12 in the FBV

2 Samuel 12 in the FEB

2 Samuel 12 in the GGMNT

2 Samuel 12 in the GNT

2 Samuel 12 in the HARY

2 Samuel 12 in the HNT

2 Samuel 12 in the IRVA

2 Samuel 12 in the IRVB

2 Samuel 12 in the IRVG

2 Samuel 12 in the IRVH

2 Samuel 12 in the IRVK

2 Samuel 12 in the IRVM

2 Samuel 12 in the IRVM2

2 Samuel 12 in the IRVO

2 Samuel 12 in the IRVP

2 Samuel 12 in the IRVT

2 Samuel 12 in the IRVT2

2 Samuel 12 in the IRVU

2 Samuel 12 in the ISVN

2 Samuel 12 in the JSNT

2 Samuel 12 in the KAPI

2 Samuel 12 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 12 in the KBV

2 Samuel 12 in the KJV

2 Samuel 12 in the KNFD

2 Samuel 12 in the LBA

2 Samuel 12 in the LBLA

2 Samuel 12 in the LNT

2 Samuel 12 in the LSV

2 Samuel 12 in the MAAL

2 Samuel 12 in the MBV

2 Samuel 12 in the MBV2

2 Samuel 12 in the MHNT

2 Samuel 12 in the MKNFD

2 Samuel 12 in the MNG

2 Samuel 12 in the MNT

2 Samuel 12 in the MNT2

2 Samuel 12 in the MRS1T

2 Samuel 12 in the NAA

2 Samuel 12 in the NASB

2 Samuel 12 in the NBLA

2 Samuel 12 in the NBS

2 Samuel 12 in the NBVTP

2 Samuel 12 in the NET2

2 Samuel 12 in the NIV11

2 Samuel 12 in the NNT

2 Samuel 12 in the NNT2

2 Samuel 12 in the NNT3

2 Samuel 12 in the PDDPT

2 Samuel 12 in the PFNT

2 Samuel 12 in the RMNT

2 Samuel 12 in the SBIAS

2 Samuel 12 in the SBIBS

2 Samuel 12 in the SBIBS2

2 Samuel 12 in the SBICS

2 Samuel 12 in the SBIDS

2 Samuel 12 in the SBIGS

2 Samuel 12 in the SBIHS

2 Samuel 12 in the SBIIS

2 Samuel 12 in the SBIIS2

2 Samuel 12 in the SBIIS3

2 Samuel 12 in the SBIKS

2 Samuel 12 in the SBIKS2

2 Samuel 12 in the SBIMS

2 Samuel 12 in the SBIOS

2 Samuel 12 in the SBIPS

2 Samuel 12 in the SBISS

2 Samuel 12 in the SBITS

2 Samuel 12 in the SBITS2

2 Samuel 12 in the SBITS3

2 Samuel 12 in the SBITS4

2 Samuel 12 in the SBIUS

2 Samuel 12 in the SBIVS

2 Samuel 12 in the SBT

2 Samuel 12 in the SBT1E

2 Samuel 12 in the SCHL

2 Samuel 12 in the SNT

2 Samuel 12 in the SUSU

2 Samuel 12 in the SUSU2

2 Samuel 12 in the SYNO

2 Samuel 12 in the TBIAOTANT

2 Samuel 12 in the TBT1E

2 Samuel 12 in the TBT1E2

2 Samuel 12 in the TFTIP

2 Samuel 12 in the TFTU

2 Samuel 12 in the TGNTATF3T

2 Samuel 12 in the THAI

2 Samuel 12 in the TNFD

2 Samuel 12 in the TNT

2 Samuel 12 in the TNTIK

2 Samuel 12 in the TNTIL

2 Samuel 12 in the TNTIN

2 Samuel 12 in the TNTIP

2 Samuel 12 in the TNTIZ

2 Samuel 12 in the TOMA

2 Samuel 12 in the TTENT

2 Samuel 12 in the UBG

2 Samuel 12 in the UGV

2 Samuel 12 in the UGV2

2 Samuel 12 in the UGV3

2 Samuel 12 in the VBL

2 Samuel 12 in the VDCC

2 Samuel 12 in the YALU

2 Samuel 12 in the YAPE

2 Samuel 12 in the YBVTP

2 Samuel 12 in the ZBP