Daniel 5 (BOSCB)

1 Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo. 2 Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye navarongo vake vanwiremo. 3 Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi. 4 Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe, vesirivha, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe. 5 Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora. 6 Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika. 7 Mambo akadana vaya vamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo uye akanditaurira zvarunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.” 8 Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva. 9 Saka Mambo Bherishazari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika. 10 Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko, akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu! 11 Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wenʼanga, nowevamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki. 12 Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa zita rokuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo uye ano kunzwisisa, kugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirahwe uye nokupedza matambudziko akaoma. Daidzai Dhanieri, uye iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.” 13 Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here? 14 Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro. 15 Vachenjeri nevamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu uye vagondiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira. 16 Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro uye unopedza matambudziko akaoma. Kana ukagona kuverenga runyoro uye ukanditaurira zvarunoreva, uchapfekedzwa nguo yepepuru, uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro muumambo.” 17 Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro, ndichaverengera mambo runyoro ndigomuudza zvarunoreva.” 18 “Haiwa mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe, ukuru, kukudzwa nokubwinya. 19 Nokuda kwechinzvimbo chakakwirira chaakamupa, vanhu vose nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakadedera uye vakamutya. Avo vaaida kuuraya, aiuraya, avo vaaida kuraramisa, airaramisa; avo vaaida kusimudzira, aisimudzira; uye avo vaaida kuninipisa, aininipisa. 20 Asi mwoyo wake wakati wazvikudza uye waomeswa nokuzvikudza, akabviswa pachigaro chake choushe vakamutorera kukudzwa kwake. 21 Akadzingwa pakati pavanhu akapiwa pfungwa yemhuka; akagara pakati pembizi akadya uswa semombe; uye muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anogadza pamusoro pavo ani zvake waanoda. 22 “Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi. 23 Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose. 24 Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa. 25 “Izvi ndizvo zvakanyorwa:mene, mene, tekere, ufasini. 26 “Hezvino zvinoreva mashoko aya: “Mene: Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa. 27 Tekere: Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka. 28 Peresi: Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.” 29 Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akanga ava mutongi wapamusoro wechitatu muumambo. 30 Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa, 31 Dhariasi muMedhia akatora umambo ane makore makumi matanhatu namaviri.

In Other Versions

Daniel 5 in the ANGEFD

Daniel 5 in the ANTPNG2D

Daniel 5 in the AS21

Daniel 5 in the BAGH

Daniel 5 in the BBPNG

Daniel 5 in the BBT1E

Daniel 5 in the BDS

Daniel 5 in the BEV

Daniel 5 in the BHAD

Daniel 5 in the BIB

Daniel 5 in the BLPT

Daniel 5 in the BNT

Daniel 5 in the BNTABOOT

Daniel 5 in the BNTLV

Daniel 5 in the BOATCB

Daniel 5 in the BOATCB2

Daniel 5 in the BOBCV

Daniel 5 in the BOCNT

Daniel 5 in the BOECS

Daniel 5 in the BOGWICC

Daniel 5 in the BOHCB

Daniel 5 in the BOHCV

Daniel 5 in the BOHLNT

Daniel 5 in the BOHNTLTAL

Daniel 5 in the BOICB

Daniel 5 in the BOILNTAP

Daniel 5 in the BOITCV

Daniel 5 in the BOKCV

Daniel 5 in the BOKCV2

Daniel 5 in the BOKHWOG

Daniel 5 in the BOKSSV

Daniel 5 in the BOLCB

Daniel 5 in the BOLCB2

Daniel 5 in the BOMCV

Daniel 5 in the BONAV

Daniel 5 in the BONCB

Daniel 5 in the BONLT

Daniel 5 in the BONUT2

Daniel 5 in the BOPLNT

Daniel 5 in the BOSNC

Daniel 5 in the BOTLNT

Daniel 5 in the BOVCB

Daniel 5 in the BOYCB

Daniel 5 in the BPBB

Daniel 5 in the BPH

Daniel 5 in the BSB

Daniel 5 in the CCB

Daniel 5 in the CUV

Daniel 5 in the CUVS

Daniel 5 in the DBT

Daniel 5 in the DGDNT

Daniel 5 in the DHNT

Daniel 5 in the DNT

Daniel 5 in the ELBE

Daniel 5 in the EMTV

Daniel 5 in the ESV

Daniel 5 in the FBV

Daniel 5 in the FEB

Daniel 5 in the GGMNT

Daniel 5 in the GNT

Daniel 5 in the HARY

Daniel 5 in the HNT

Daniel 5 in the IRVA

Daniel 5 in the IRVB

Daniel 5 in the IRVG

Daniel 5 in the IRVH

Daniel 5 in the IRVK

Daniel 5 in the IRVM

Daniel 5 in the IRVM2

Daniel 5 in the IRVO

Daniel 5 in the IRVP

Daniel 5 in the IRVT

Daniel 5 in the IRVT2

Daniel 5 in the IRVU

Daniel 5 in the ISVN

Daniel 5 in the JSNT

Daniel 5 in the KAPI

Daniel 5 in the KBT1ETNIK

Daniel 5 in the KBV

Daniel 5 in the KJV

Daniel 5 in the KNFD

Daniel 5 in the LBA

Daniel 5 in the LBLA

Daniel 5 in the LNT

Daniel 5 in the LSV

Daniel 5 in the MAAL

Daniel 5 in the MBV

Daniel 5 in the MBV2

Daniel 5 in the MHNT

Daniel 5 in the MKNFD

Daniel 5 in the MNG

Daniel 5 in the MNT

Daniel 5 in the MNT2

Daniel 5 in the MRS1T

Daniel 5 in the NAA

Daniel 5 in the NASB

Daniel 5 in the NBLA

Daniel 5 in the NBS

Daniel 5 in the NBVTP

Daniel 5 in the NET2

Daniel 5 in the NIV11

Daniel 5 in the NNT

Daniel 5 in the NNT2

Daniel 5 in the NNT3

Daniel 5 in the PDDPT

Daniel 5 in the PFNT

Daniel 5 in the RMNT

Daniel 5 in the SBIAS

Daniel 5 in the SBIBS

Daniel 5 in the SBIBS2

Daniel 5 in the SBICS

Daniel 5 in the SBIDS

Daniel 5 in the SBIGS

Daniel 5 in the SBIHS

Daniel 5 in the SBIIS

Daniel 5 in the SBIIS2

Daniel 5 in the SBIIS3

Daniel 5 in the SBIKS

Daniel 5 in the SBIKS2

Daniel 5 in the SBIMS

Daniel 5 in the SBIOS

Daniel 5 in the SBIPS

Daniel 5 in the SBISS

Daniel 5 in the SBITS

Daniel 5 in the SBITS2

Daniel 5 in the SBITS3

Daniel 5 in the SBITS4

Daniel 5 in the SBIUS

Daniel 5 in the SBIVS

Daniel 5 in the SBT

Daniel 5 in the SBT1E

Daniel 5 in the SCHL

Daniel 5 in the SNT

Daniel 5 in the SUSU

Daniel 5 in the SUSU2

Daniel 5 in the SYNO

Daniel 5 in the TBIAOTANT

Daniel 5 in the TBT1E

Daniel 5 in the TBT1E2

Daniel 5 in the TFTIP

Daniel 5 in the TFTU

Daniel 5 in the TGNTATF3T

Daniel 5 in the THAI

Daniel 5 in the TNFD

Daniel 5 in the TNT

Daniel 5 in the TNTIK

Daniel 5 in the TNTIL

Daniel 5 in the TNTIN

Daniel 5 in the TNTIP

Daniel 5 in the TNTIZ

Daniel 5 in the TOMA

Daniel 5 in the TTENT

Daniel 5 in the UBG

Daniel 5 in the UGV

Daniel 5 in the UGV2

Daniel 5 in the UGV3

Daniel 5 in the VBL

Daniel 5 in the VDCC

Daniel 5 in the YALU

Daniel 5 in the YAPE

Daniel 5 in the YBVTP

Daniel 5 in the ZBP