Deuteronomy 5 (BOSCB)

1 Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati:Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muiteerere 2 Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhi. 3 Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano. 4 Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo. 5 Panguva iyo ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi kuti ndizivise kwamuri shoko raJehovha, nokuti makanga muchitya moto mukasakwira mugomo. Uye iye akati: 6 “Ndini Jehovha Mwari wako akakubudisa kubva munyika yeIjipiti, munyika youranda. 7 “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. 8 Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura. 9 Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga, 10 asi ndichiratidza rudo kune chiuru chemarudzi avanondida, vanochengeta mirayiro yangu. 11 Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva ani naani anoreva zita rake pasina. 12 Chengeta zuva reSabata rive dzvene, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako. 13 Ubate basa mazuva matanhatu, nokuita basa rako rose, 14 asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Nomusi uyo usabata basa ripi zvaro, kunyange iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, uye murandarume kana murandakadzi wako, nenzombe yako kana mbongoro yako kana chimwe chezvipfuwo zvako, nomutorwa ari mukati mamasuo ako, kuitira kuti murandarume nomurandakadzi wako azorore sewe. 15 Murangarire kuti imi maimbova varanda munyika yeIjipiti uye kuti Jehovha Mwari wenyu akakubudisai nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa. Naizvozvo Jehovha Mwari wako anokurayira kuti uchengete zuva reSabata. 16 Kudza baba vako namai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti mazuva ako ave mazhinji uye kuti zvigokuitira zvakanaka panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. 17 Usauraya. 18 Usaita upombwe. 19 Usaba. 20 Usapupura nhema pamusoro pomuvakidzani wako. 21 Usachiva mudzimai womuvakidzani wako. Usachochora imba kana munda womuvakidzani wako, muranda kana murandakadzi wake, nzombe kana mbongoro kana chimwe chinhu chomuvakidzani wako.” 22 Iyi ndiyo mirayiro yakataurwa naJehovha nenzwi guru kuungano yenyu yose pagomo paya ari mukati memoto, mugore nerima guru, uye haana kuwedzera mamwe. Ipapo akaanyora pamahwendefa maviri amabwe ndokuapa kwandiri. 23 Pamakanzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, varume vose vanotungamira marudzi enyu, navakuru venyu vakauya kwandiri. 24 Uye makati, “Jehovha Mwari wedu atiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto. Nhasi taona kuti munhu anogona kurarama kunyange dai Mwari akataura naye. 25 Asi zvino, tingafireiko? Uyu moto mukuru uchatiparadza, uye tichafa kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu. 26 Nokuti ndianiko munhu anofa akambonzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, uye akararama? 27 Swedera undonzwa zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu. Zvino iwe ugozotiudza zvose hazvo zvauchaudzwa naJehovha Mwari wedu. Tichazvinzwa tigozviita.” 28 Jehovha akakunzwai pamakataura kwandiri uye Jehovha akati kwandiri, “Ndanzwa zvataurwa navanhu kwauri. Zvose zvavataura zvakanaka. 29 Haiwa, dai mwoyo yavo yainditya nokuchengeta zvose zvandakarayira nguva dzose, kuti zvivaitire zvakanaka ivo navana vavo nokusingaperi! 30 “Enda undovaudza kuti vadzokere kumatende avo. 31 Asi iwe mira pano pandiri kuti ndikupe zvandakarayira, mitemo nemirayiro yose yaunofanira kuvadzidzisa kuti vazviite panyika yandinovapa kuti ive yavo.” 32 Saka chenjerai kuti muite zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu; musatsauka kurudyi kana kuruboshwe. 33 Mufambe nenzira yose yamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame nokubudirira uye kuti mazuva enyu ave mazhinji panyika iyo ichava yenyu.

In Other Versions

Deuteronomy 5 in the ANGEFD

Deuteronomy 5 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 5 in the AS21

Deuteronomy 5 in the BAGH

Deuteronomy 5 in the BBPNG

Deuteronomy 5 in the BBT1E

Deuteronomy 5 in the BDS

Deuteronomy 5 in the BEV

Deuteronomy 5 in the BHAD

Deuteronomy 5 in the BIB

Deuteronomy 5 in the BLPT

Deuteronomy 5 in the BNT

Deuteronomy 5 in the BNTABOOT

Deuteronomy 5 in the BNTLV

Deuteronomy 5 in the BOATCB

Deuteronomy 5 in the BOATCB2

Deuteronomy 5 in the BOBCV

Deuteronomy 5 in the BOCNT

Deuteronomy 5 in the BOECS

Deuteronomy 5 in the BOGWICC

Deuteronomy 5 in the BOHCB

Deuteronomy 5 in the BOHCV

Deuteronomy 5 in the BOHLNT

Deuteronomy 5 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 5 in the BOICB

Deuteronomy 5 in the BOILNTAP

Deuteronomy 5 in the BOITCV

Deuteronomy 5 in the BOKCV

Deuteronomy 5 in the BOKCV2

Deuteronomy 5 in the BOKHWOG

Deuteronomy 5 in the BOKSSV

Deuteronomy 5 in the BOLCB

Deuteronomy 5 in the BOLCB2

Deuteronomy 5 in the BOMCV

Deuteronomy 5 in the BONAV

Deuteronomy 5 in the BONCB

Deuteronomy 5 in the BONLT

Deuteronomy 5 in the BONUT2

Deuteronomy 5 in the BOPLNT

Deuteronomy 5 in the BOSNC

Deuteronomy 5 in the BOTLNT

Deuteronomy 5 in the BOVCB

Deuteronomy 5 in the BOYCB

Deuteronomy 5 in the BPBB

Deuteronomy 5 in the BPH

Deuteronomy 5 in the BSB

Deuteronomy 5 in the CCB

Deuteronomy 5 in the CUV

Deuteronomy 5 in the CUVS

Deuteronomy 5 in the DBT

Deuteronomy 5 in the DGDNT

Deuteronomy 5 in the DHNT

Deuteronomy 5 in the DNT

Deuteronomy 5 in the ELBE

Deuteronomy 5 in the EMTV

Deuteronomy 5 in the ESV

Deuteronomy 5 in the FBV

Deuteronomy 5 in the FEB

Deuteronomy 5 in the GGMNT

Deuteronomy 5 in the GNT

Deuteronomy 5 in the HARY

Deuteronomy 5 in the HNT

Deuteronomy 5 in the IRVA

Deuteronomy 5 in the IRVB

Deuteronomy 5 in the IRVG

Deuteronomy 5 in the IRVH

Deuteronomy 5 in the IRVK

Deuteronomy 5 in the IRVM

Deuteronomy 5 in the IRVM2

Deuteronomy 5 in the IRVO

Deuteronomy 5 in the IRVP

Deuteronomy 5 in the IRVT

Deuteronomy 5 in the IRVT2

Deuteronomy 5 in the IRVU

Deuteronomy 5 in the ISVN

Deuteronomy 5 in the JSNT

Deuteronomy 5 in the KAPI

Deuteronomy 5 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 5 in the KBV

Deuteronomy 5 in the KJV

Deuteronomy 5 in the KNFD

Deuteronomy 5 in the LBA

Deuteronomy 5 in the LBLA

Deuteronomy 5 in the LNT

Deuteronomy 5 in the LSV

Deuteronomy 5 in the MAAL

Deuteronomy 5 in the MBV

Deuteronomy 5 in the MBV2

Deuteronomy 5 in the MHNT

Deuteronomy 5 in the MKNFD

Deuteronomy 5 in the MNG

Deuteronomy 5 in the MNT

Deuteronomy 5 in the MNT2

Deuteronomy 5 in the MRS1T

Deuteronomy 5 in the NAA

Deuteronomy 5 in the NASB

Deuteronomy 5 in the NBLA

Deuteronomy 5 in the NBS

Deuteronomy 5 in the NBVTP

Deuteronomy 5 in the NET2

Deuteronomy 5 in the NIV11

Deuteronomy 5 in the NNT

Deuteronomy 5 in the NNT2

Deuteronomy 5 in the NNT3

Deuteronomy 5 in the PDDPT

Deuteronomy 5 in the PFNT

Deuteronomy 5 in the RMNT

Deuteronomy 5 in the SBIAS

Deuteronomy 5 in the SBIBS

Deuteronomy 5 in the SBIBS2

Deuteronomy 5 in the SBICS

Deuteronomy 5 in the SBIDS

Deuteronomy 5 in the SBIGS

Deuteronomy 5 in the SBIHS

Deuteronomy 5 in the SBIIS

Deuteronomy 5 in the SBIIS2

Deuteronomy 5 in the SBIIS3

Deuteronomy 5 in the SBIKS

Deuteronomy 5 in the SBIKS2

Deuteronomy 5 in the SBIMS

Deuteronomy 5 in the SBIOS

Deuteronomy 5 in the SBIPS

Deuteronomy 5 in the SBISS

Deuteronomy 5 in the SBITS

Deuteronomy 5 in the SBITS2

Deuteronomy 5 in the SBITS3

Deuteronomy 5 in the SBITS4

Deuteronomy 5 in the SBIUS

Deuteronomy 5 in the SBIVS

Deuteronomy 5 in the SBT

Deuteronomy 5 in the SBT1E

Deuteronomy 5 in the SCHL

Deuteronomy 5 in the SNT

Deuteronomy 5 in the SUSU

Deuteronomy 5 in the SUSU2

Deuteronomy 5 in the SYNO

Deuteronomy 5 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 5 in the TBT1E

Deuteronomy 5 in the TBT1E2

Deuteronomy 5 in the TFTIP

Deuteronomy 5 in the TFTU

Deuteronomy 5 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 5 in the THAI

Deuteronomy 5 in the TNFD

Deuteronomy 5 in the TNT

Deuteronomy 5 in the TNTIK

Deuteronomy 5 in the TNTIL

Deuteronomy 5 in the TNTIN

Deuteronomy 5 in the TNTIP

Deuteronomy 5 in the TNTIZ

Deuteronomy 5 in the TOMA

Deuteronomy 5 in the TTENT

Deuteronomy 5 in the UBG

Deuteronomy 5 in the UGV

Deuteronomy 5 in the UGV2

Deuteronomy 5 in the UGV3

Deuteronomy 5 in the VBL

Deuteronomy 5 in the VDCC

Deuteronomy 5 in the YALU

Deuteronomy 5 in the YAPE

Deuteronomy 5 in the YBVTP

Deuteronomy 5 in the ZBP