Exodus 16 (BOSCB)

1 Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. 2 Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. 3 VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.” 4 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira. 5 Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.” 6 Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti, 7 uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?” 8 Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.” 9 Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ” 10 Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. 11 Jehovha akati kuna Mozisi, 12 “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” 13 Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa. 14 Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje. 15 VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii.Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. 16 Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeri rimwe chete.’ ” 17 VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma. 18 Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira. 19 Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.” 20 Kunyange zvakadaro, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuhwa. Saka Mozisi akavatsamwira. 21 Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyungudika. 22 Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri maviri pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi. 23 Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’ ” 24 Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuhwa kana kuva namakonye mazviri. 25 Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi. 26 Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.” 27 Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana. 28 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakakurayirai? 29 Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhatu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.” 30 Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe. 31 Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa chine uchi. 32 Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera zvizvarwa zvinotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’ ” 33 Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe zvizvarwa zvinotevera.” 34 Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo. 35 VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani. 36 (Omeri ndiro chegumi cheefa.)

In Other Versions

Exodus 16 in the ANGEFD

Exodus 16 in the ANTPNG2D

Exodus 16 in the AS21

Exodus 16 in the BAGH

Exodus 16 in the BBPNG

Exodus 16 in the BBT1E

Exodus 16 in the BDS

Exodus 16 in the BEV

Exodus 16 in the BHAD

Exodus 16 in the BIB

Exodus 16 in the BLPT

Exodus 16 in the BNT

Exodus 16 in the BNTABOOT

Exodus 16 in the BNTLV

Exodus 16 in the BOATCB

Exodus 16 in the BOATCB2

Exodus 16 in the BOBCV

Exodus 16 in the BOCNT

Exodus 16 in the BOECS

Exodus 16 in the BOGWICC

Exodus 16 in the BOHCB

Exodus 16 in the BOHCV

Exodus 16 in the BOHLNT

Exodus 16 in the BOHNTLTAL

Exodus 16 in the BOICB

Exodus 16 in the BOILNTAP

Exodus 16 in the BOITCV

Exodus 16 in the BOKCV

Exodus 16 in the BOKCV2

Exodus 16 in the BOKHWOG

Exodus 16 in the BOKSSV

Exodus 16 in the BOLCB

Exodus 16 in the BOLCB2

Exodus 16 in the BOMCV

Exodus 16 in the BONAV

Exodus 16 in the BONCB

Exodus 16 in the BONLT

Exodus 16 in the BONUT2

Exodus 16 in the BOPLNT

Exodus 16 in the BOSNC

Exodus 16 in the BOTLNT

Exodus 16 in the BOVCB

Exodus 16 in the BOYCB

Exodus 16 in the BPBB

Exodus 16 in the BPH

Exodus 16 in the BSB

Exodus 16 in the CCB

Exodus 16 in the CUV

Exodus 16 in the CUVS

Exodus 16 in the DBT

Exodus 16 in the DGDNT

Exodus 16 in the DHNT

Exodus 16 in the DNT

Exodus 16 in the ELBE

Exodus 16 in the EMTV

Exodus 16 in the ESV

Exodus 16 in the FBV

Exodus 16 in the FEB

Exodus 16 in the GGMNT

Exodus 16 in the GNT

Exodus 16 in the HARY

Exodus 16 in the HNT

Exodus 16 in the IRVA

Exodus 16 in the IRVB

Exodus 16 in the IRVG

Exodus 16 in the IRVH

Exodus 16 in the IRVK

Exodus 16 in the IRVM

Exodus 16 in the IRVM2

Exodus 16 in the IRVO

Exodus 16 in the IRVP

Exodus 16 in the IRVT

Exodus 16 in the IRVT2

Exodus 16 in the IRVU

Exodus 16 in the ISVN

Exodus 16 in the JSNT

Exodus 16 in the KAPI

Exodus 16 in the KBT1ETNIK

Exodus 16 in the KBV

Exodus 16 in the KJV

Exodus 16 in the KNFD

Exodus 16 in the LBA

Exodus 16 in the LBLA

Exodus 16 in the LNT

Exodus 16 in the LSV

Exodus 16 in the MAAL

Exodus 16 in the MBV

Exodus 16 in the MBV2

Exodus 16 in the MHNT

Exodus 16 in the MKNFD

Exodus 16 in the MNG

Exodus 16 in the MNT

Exodus 16 in the MNT2

Exodus 16 in the MRS1T

Exodus 16 in the NAA

Exodus 16 in the NASB

Exodus 16 in the NBLA

Exodus 16 in the NBS

Exodus 16 in the NBVTP

Exodus 16 in the NET2

Exodus 16 in the NIV11

Exodus 16 in the NNT

Exodus 16 in the NNT2

Exodus 16 in the NNT3

Exodus 16 in the PDDPT

Exodus 16 in the PFNT

Exodus 16 in the RMNT

Exodus 16 in the SBIAS

Exodus 16 in the SBIBS

Exodus 16 in the SBIBS2

Exodus 16 in the SBICS

Exodus 16 in the SBIDS

Exodus 16 in the SBIGS

Exodus 16 in the SBIHS

Exodus 16 in the SBIIS

Exodus 16 in the SBIIS2

Exodus 16 in the SBIIS3

Exodus 16 in the SBIKS

Exodus 16 in the SBIKS2

Exodus 16 in the SBIMS

Exodus 16 in the SBIOS

Exodus 16 in the SBIPS

Exodus 16 in the SBISS

Exodus 16 in the SBITS

Exodus 16 in the SBITS2

Exodus 16 in the SBITS3

Exodus 16 in the SBITS4

Exodus 16 in the SBIUS

Exodus 16 in the SBIVS

Exodus 16 in the SBT

Exodus 16 in the SBT1E

Exodus 16 in the SCHL

Exodus 16 in the SNT

Exodus 16 in the SUSU

Exodus 16 in the SUSU2

Exodus 16 in the SYNO

Exodus 16 in the TBIAOTANT

Exodus 16 in the TBT1E

Exodus 16 in the TBT1E2

Exodus 16 in the TFTIP

Exodus 16 in the TFTU

Exodus 16 in the TGNTATF3T

Exodus 16 in the THAI

Exodus 16 in the TNFD

Exodus 16 in the TNT

Exodus 16 in the TNTIK

Exodus 16 in the TNTIL

Exodus 16 in the TNTIN

Exodus 16 in the TNTIP

Exodus 16 in the TNTIZ

Exodus 16 in the TOMA

Exodus 16 in the TTENT

Exodus 16 in the UBG

Exodus 16 in the UGV

Exodus 16 in the UGV2

Exodus 16 in the UGV3

Exodus 16 in the VBL

Exodus 16 in the VDCC

Exodus 16 in the YALU

Exodus 16 in the YAPE

Exodus 16 in the YBVTP

Exodus 16 in the ZBP