Exodus 23 (BOSCB)

1 “Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa. 2 “Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji, 3 uye usatsaura munhu murombo uchienda kudivi rake pamhaka yake. 4 “Kana ukaona nzombe yomuvengi wako kana mbongoro yake yarasika, ona kuti waidzosera kwaari. 5 Kana ukaona mbongoro yomunhu anokuvenga yawira pasi nokuda kwokuremerwa, usaisiya ipapo; iva nechokwadi kuti wamubatsira pairi. 6 “Usaramba kururamisira varombo vavanhu vokwako pamatare edzimhosva. 7 Usava nechokuita nokupomerwa kwemhosva yenhema uye usatongera rufu munhu asina mhosva, kana munhu akatendeka, nokuti ini handizopembedzi munhu ane mhosva. 8 “Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vaya vanoona uye inomonyorora mashoko owakarurama. 9 “Musadzvinyirira mutorwa; imi pachenyu munoziva kuti zvakaita sei kuva mutorwa, nokuti makanga muri vatorwa muIjipiti. 10 “Makore matanhatu munofanira kudyara minda yenyu mugokohwa zvirimwa, 11 asi pagore rechinomwe nyika ngairege kurimwa kana kushandiswa. Ipapo varombo vari pakati pavanhu venyu vangawanawo zvokudya kubva mairi, uye zvikara zvesango zvigodya zvavanenge vasiya. Muitewo zvimwe chetezvo kuminda yenyu yemizambiringa neyemiorivhi. 12 “Muite basa renyu mazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe musashanda, kuitira kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore uye nhapwa yakaberekerwa mumba mako, nomutorwa, vazororewo. 13 “Muchenjerere kuti muite zvose zvandakareva kwamuri. Musareva mazita avamwe vamwari; ngaarege kunzwikwa pamiromo yenyu. 14 “Katatu pagore munofanira kupemberera mutambo kwandiri. 15 “Mupemberere Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso; mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayirai. Muite izvi panguva dzakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo ndipo pamakabuda kubva muIjipiti.“Hakuna munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu. 16 “Mupemberere Mutambo woKukohwa nezvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvamakadyara muminda yenyu.“Mupemberere Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore, pamunounganidza zvirimwa zvenyu kubva mumunda. 17 “Varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha katatu pagore. 18 “Musapa ropa rechibayiro kwandiri pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso.“Mafuta ezvipiriso zvangu zvomutambo haafaniri kuchengetwa kusvikira mangwana mangwanani. 19 “Muuye nezvakanakisisa zvezvibereko zvokutanga zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu.“Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo. 20 “Tarirai, ndiri kutumira mutumwa pamberi penyu kuti akuchengetei munzira uye kuti akusvitsei kunzvimbo yandakakugadzirirai. 21 Murerekere nzeve dzenyu kwaari mugoteerera zvaanoreva. Musamumukira; iye haangazoregereri kumukira kwenyu, sezvo Zita rangu riri maari. 22 Kana mukanyatsoteerera kune zvaanoreva nokuita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi kuvavengi venyu uye ndichapikisa avo vanokupikisai. 23 Mutumwa wangu achakutungamirirai uye achakupinzai munyika yavaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaKenani, vaHivhi navaJebhusi, uye ndichavapedza chose. 24 Musapfugamira vamwari vavo kana kuvanamata kana kuwadzana namabasa avo. Munofanira kuvaparadza uye mugoputsa matombo avo anoyera. 25 Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu, 26 uye hakuna achabva pamuviri kana asingabereki munyika yenyu. Ndichakupai upenyu huzere. 27 “Ndichatuma kuvhundutsa kwangu pamberi penyu uye ndichauyisa nyonganiso pamusoro pendudzi dzose dzamunosangana nadzo. Ndichaita kuti vavengi venyu vose vatendeuke vagotiza. 28 Ndichatuma mago pamberi penyu kuti adzinge vaHivhi, vaKenani navaHiti kuti vabve munzira yenyu. 29 Asi handizovadzingi mugore rimwe chete, nokuti nyika ingazoita sango uye mhuka dzesango dzikakuwandirai. 30 Ndichavabvisa pamberi penyu zvishoma zvishoma, kusvikira manyatsowanda kuti mutore nyika. 31 “Ndichasimbisa miganhu yenyu kubva kuGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFiristia, uye kubva kuRenje kusvikira kuRwizi. Ndichaisa mumaoko enyu vanhu vagere munyika iyi uye imi muchavadzinga pamberi penyu. 32 Musaita sungano navo kana navamwari vavo. 33 Musavatendera kuti vagare munyika yenyu kuti varege kukuitai kuti munditadzire, nokuti kunamata vamwari vavo kuchava musungo kwamuri zvirokwazvo.”

In Other Versions

Exodus 23 in the ANGEFD

Exodus 23 in the ANTPNG2D

Exodus 23 in the AS21

Exodus 23 in the BAGH

Exodus 23 in the BBPNG

Exodus 23 in the BBT1E

Exodus 23 in the BDS

Exodus 23 in the BEV

Exodus 23 in the BHAD

Exodus 23 in the BIB

Exodus 23 in the BLPT

Exodus 23 in the BNT

Exodus 23 in the BNTABOOT

Exodus 23 in the BNTLV

Exodus 23 in the BOATCB

Exodus 23 in the BOATCB2

Exodus 23 in the BOBCV

Exodus 23 in the BOCNT

Exodus 23 in the BOECS

Exodus 23 in the BOGWICC

Exodus 23 in the BOHCB

Exodus 23 in the BOHCV

Exodus 23 in the BOHLNT

Exodus 23 in the BOHNTLTAL

Exodus 23 in the BOICB

Exodus 23 in the BOILNTAP

Exodus 23 in the BOITCV

Exodus 23 in the BOKCV

Exodus 23 in the BOKCV2

Exodus 23 in the BOKHWOG

Exodus 23 in the BOKSSV

Exodus 23 in the BOLCB

Exodus 23 in the BOLCB2

Exodus 23 in the BOMCV

Exodus 23 in the BONAV

Exodus 23 in the BONCB

Exodus 23 in the BONLT

Exodus 23 in the BONUT2

Exodus 23 in the BOPLNT

Exodus 23 in the BOSNC

Exodus 23 in the BOTLNT

Exodus 23 in the BOVCB

Exodus 23 in the BOYCB

Exodus 23 in the BPBB

Exodus 23 in the BPH

Exodus 23 in the BSB

Exodus 23 in the CCB

Exodus 23 in the CUV

Exodus 23 in the CUVS

Exodus 23 in the DBT

Exodus 23 in the DGDNT

Exodus 23 in the DHNT

Exodus 23 in the DNT

Exodus 23 in the ELBE

Exodus 23 in the EMTV

Exodus 23 in the ESV

Exodus 23 in the FBV

Exodus 23 in the FEB

Exodus 23 in the GGMNT

Exodus 23 in the GNT

Exodus 23 in the HARY

Exodus 23 in the HNT

Exodus 23 in the IRVA

Exodus 23 in the IRVB

Exodus 23 in the IRVG

Exodus 23 in the IRVH

Exodus 23 in the IRVK

Exodus 23 in the IRVM

Exodus 23 in the IRVM2

Exodus 23 in the IRVO

Exodus 23 in the IRVP

Exodus 23 in the IRVT

Exodus 23 in the IRVT2

Exodus 23 in the IRVU

Exodus 23 in the ISVN

Exodus 23 in the JSNT

Exodus 23 in the KAPI

Exodus 23 in the KBT1ETNIK

Exodus 23 in the KBV

Exodus 23 in the KJV

Exodus 23 in the KNFD

Exodus 23 in the LBA

Exodus 23 in the LBLA

Exodus 23 in the LNT

Exodus 23 in the LSV

Exodus 23 in the MAAL

Exodus 23 in the MBV

Exodus 23 in the MBV2

Exodus 23 in the MHNT

Exodus 23 in the MKNFD

Exodus 23 in the MNG

Exodus 23 in the MNT

Exodus 23 in the MNT2

Exodus 23 in the MRS1T

Exodus 23 in the NAA

Exodus 23 in the NASB

Exodus 23 in the NBLA

Exodus 23 in the NBS

Exodus 23 in the NBVTP

Exodus 23 in the NET2

Exodus 23 in the NIV11

Exodus 23 in the NNT

Exodus 23 in the NNT2

Exodus 23 in the NNT3

Exodus 23 in the PDDPT

Exodus 23 in the PFNT

Exodus 23 in the RMNT

Exodus 23 in the SBIAS

Exodus 23 in the SBIBS

Exodus 23 in the SBIBS2

Exodus 23 in the SBICS

Exodus 23 in the SBIDS

Exodus 23 in the SBIGS

Exodus 23 in the SBIHS

Exodus 23 in the SBIIS

Exodus 23 in the SBIIS2

Exodus 23 in the SBIIS3

Exodus 23 in the SBIKS

Exodus 23 in the SBIKS2

Exodus 23 in the SBIMS

Exodus 23 in the SBIOS

Exodus 23 in the SBIPS

Exodus 23 in the SBISS

Exodus 23 in the SBITS

Exodus 23 in the SBITS2

Exodus 23 in the SBITS3

Exodus 23 in the SBITS4

Exodus 23 in the SBIUS

Exodus 23 in the SBIVS

Exodus 23 in the SBT

Exodus 23 in the SBT1E

Exodus 23 in the SCHL

Exodus 23 in the SNT

Exodus 23 in the SUSU

Exodus 23 in the SUSU2

Exodus 23 in the SYNO

Exodus 23 in the TBIAOTANT

Exodus 23 in the TBT1E

Exodus 23 in the TBT1E2

Exodus 23 in the TFTIP

Exodus 23 in the TFTU

Exodus 23 in the TGNTATF3T

Exodus 23 in the THAI

Exodus 23 in the TNFD

Exodus 23 in the TNT

Exodus 23 in the TNTIK

Exodus 23 in the TNTIL

Exodus 23 in the TNTIN

Exodus 23 in the TNTIP

Exodus 23 in the TNTIZ

Exodus 23 in the TOMA

Exodus 23 in the TTENT

Exodus 23 in the UBG

Exodus 23 in the UGV

Exodus 23 in the UGV2

Exodus 23 in the UGV3

Exodus 23 in the VBL

Exodus 23 in the VDCC

Exodus 23 in the YALU

Exodus 23 in the YAPE

Exodus 23 in the YBVTP

Exodus 23 in the ZBP