Exodus 29 (BOSCB)

1 “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondobwe maviri asina chinongo. 2 Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta. 3 Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondobwe maviri. 4 Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova wokupinda nawo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura. 5 Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanhire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi. 6 Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene. 7 Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake. 8 Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi 9 uye ugoisa mabhanhire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake. 10 “Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo. 11 Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana. 12 Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari. 13 Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari. 14 Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi. 15 “Utore rimwe regondobwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro. 16 Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari. 17 Ucheke gondobwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu. 18 Ipapo ugopisa gondobwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 19 “Utore rimwe gondobwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro. 20 Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari. 21 Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa. 22 “Utore pagondobwe iri mafuta, mafuta apamuswe, mafuta akapoteredza zvomukati, akafukidza chiropa, itsvo dzose dziri mbiri namafuta ari padziri, uye nechidya chokurudyi. (Iri ndiro gondobwe rokugadzwa.) 23 Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete. 24 Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. 25 Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 26 Shure kwokunge watora chityu chegondobwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako. 27 “Unatse mitezo iyo yegondobwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa. 28 Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana. 29 “Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka. 30 Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe. 31 “Utore gondobwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene. 32 Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondobwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana. 33 Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene. 34 Uye kana pakava nenyama yegondobwe rokugadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani, muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene. 35 “Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza. 36 Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene. 37 Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene. 38 “Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete. 39 Ubayire rimwe chete mangwanani uye nerimwe chete madekwana. 40 Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehini chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa. 41 Ubayire rimwe gwayana zuva richangovira pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto. 42 “Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kuzvizvarwa zvose. 43 Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu. 44 “Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista. 45 Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo. 46 Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo.

In Other Versions

Exodus 29 in the ANGEFD

Exodus 29 in the ANTPNG2D

Exodus 29 in the AS21

Exodus 29 in the BAGH

Exodus 29 in the BBPNG

Exodus 29 in the BBT1E

Exodus 29 in the BDS

Exodus 29 in the BEV

Exodus 29 in the BHAD

Exodus 29 in the BIB

Exodus 29 in the BLPT

Exodus 29 in the BNT

Exodus 29 in the BNTABOOT

Exodus 29 in the BNTLV

Exodus 29 in the BOATCB

Exodus 29 in the BOATCB2

Exodus 29 in the BOBCV

Exodus 29 in the BOCNT

Exodus 29 in the BOECS

Exodus 29 in the BOGWICC

Exodus 29 in the BOHCB

Exodus 29 in the BOHCV

Exodus 29 in the BOHLNT

Exodus 29 in the BOHNTLTAL

Exodus 29 in the BOICB

Exodus 29 in the BOILNTAP

Exodus 29 in the BOITCV

Exodus 29 in the BOKCV

Exodus 29 in the BOKCV2

Exodus 29 in the BOKHWOG

Exodus 29 in the BOKSSV

Exodus 29 in the BOLCB

Exodus 29 in the BOLCB2

Exodus 29 in the BOMCV

Exodus 29 in the BONAV

Exodus 29 in the BONCB

Exodus 29 in the BONLT

Exodus 29 in the BONUT2

Exodus 29 in the BOPLNT

Exodus 29 in the BOSNC

Exodus 29 in the BOTLNT

Exodus 29 in the BOVCB

Exodus 29 in the BOYCB

Exodus 29 in the BPBB

Exodus 29 in the BPH

Exodus 29 in the BSB

Exodus 29 in the CCB

Exodus 29 in the CUV

Exodus 29 in the CUVS

Exodus 29 in the DBT

Exodus 29 in the DGDNT

Exodus 29 in the DHNT

Exodus 29 in the DNT

Exodus 29 in the ELBE

Exodus 29 in the EMTV

Exodus 29 in the ESV

Exodus 29 in the FBV

Exodus 29 in the FEB

Exodus 29 in the GGMNT

Exodus 29 in the GNT

Exodus 29 in the HARY

Exodus 29 in the HNT

Exodus 29 in the IRVA

Exodus 29 in the IRVB

Exodus 29 in the IRVG

Exodus 29 in the IRVH

Exodus 29 in the IRVK

Exodus 29 in the IRVM

Exodus 29 in the IRVM2

Exodus 29 in the IRVO

Exodus 29 in the IRVP

Exodus 29 in the IRVT

Exodus 29 in the IRVT2

Exodus 29 in the IRVU

Exodus 29 in the ISVN

Exodus 29 in the JSNT

Exodus 29 in the KAPI

Exodus 29 in the KBT1ETNIK

Exodus 29 in the KBV

Exodus 29 in the KJV

Exodus 29 in the KNFD

Exodus 29 in the LBA

Exodus 29 in the LBLA

Exodus 29 in the LNT

Exodus 29 in the LSV

Exodus 29 in the MAAL

Exodus 29 in the MBV

Exodus 29 in the MBV2

Exodus 29 in the MHNT

Exodus 29 in the MKNFD

Exodus 29 in the MNG

Exodus 29 in the MNT

Exodus 29 in the MNT2

Exodus 29 in the MRS1T

Exodus 29 in the NAA

Exodus 29 in the NASB

Exodus 29 in the NBLA

Exodus 29 in the NBS

Exodus 29 in the NBVTP

Exodus 29 in the NET2

Exodus 29 in the NIV11

Exodus 29 in the NNT

Exodus 29 in the NNT2

Exodus 29 in the NNT3

Exodus 29 in the PDDPT

Exodus 29 in the PFNT

Exodus 29 in the RMNT

Exodus 29 in the SBIAS

Exodus 29 in the SBIBS

Exodus 29 in the SBIBS2

Exodus 29 in the SBICS

Exodus 29 in the SBIDS

Exodus 29 in the SBIGS

Exodus 29 in the SBIHS

Exodus 29 in the SBIIS

Exodus 29 in the SBIIS2

Exodus 29 in the SBIIS3

Exodus 29 in the SBIKS

Exodus 29 in the SBIKS2

Exodus 29 in the SBIMS

Exodus 29 in the SBIOS

Exodus 29 in the SBIPS

Exodus 29 in the SBISS

Exodus 29 in the SBITS

Exodus 29 in the SBITS2

Exodus 29 in the SBITS3

Exodus 29 in the SBITS4

Exodus 29 in the SBIUS

Exodus 29 in the SBIVS

Exodus 29 in the SBT

Exodus 29 in the SBT1E

Exodus 29 in the SCHL

Exodus 29 in the SNT

Exodus 29 in the SUSU

Exodus 29 in the SUSU2

Exodus 29 in the SYNO

Exodus 29 in the TBIAOTANT

Exodus 29 in the TBT1E

Exodus 29 in the TBT1E2

Exodus 29 in the TFTIP

Exodus 29 in the TFTU

Exodus 29 in the TGNTATF3T

Exodus 29 in the THAI

Exodus 29 in the TNFD

Exodus 29 in the TNT

Exodus 29 in the TNTIK

Exodus 29 in the TNTIL

Exodus 29 in the TNTIN

Exodus 29 in the TNTIP

Exodus 29 in the TNTIZ

Exodus 29 in the TOMA

Exodus 29 in the TTENT

Exodus 29 in the UBG

Exodus 29 in the UGV

Exodus 29 in the UGV2

Exodus 29 in the UGV3

Exodus 29 in the VBL

Exodus 29 in the VDCC

Exodus 29 in the YALU

Exodus 29 in the YAPE

Exodus 29 in the YBVTP

Exodus 29 in the ZBP