Exodus 3 (BOSCB)

1 Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure mugwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari. 2 Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. 3 Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.” 4 Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!”Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.” 5 Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” 6 Ipapo akati, “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho.” Uye Mozisi akafukidza chiso chake, nokuti akanga achitya kutarisa Mwari. 7 Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo. 8 Saka ndaburuka kuti ndivanunure vabve muruoko rwavaIjipita uye kuti ndivabudise munyika iyo ndivaise kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera mukaka nouchi, nzvimbo yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. 9 Uye zvino kuchema kwavaIsraeri kwasvika kwandiri, uye ndaona nzira yavanotambudzwa nayo navaIjipita. 10 Saka chienda, zvino, ndiri kukutuma kuna Faro kuti undobudisa vanhu vangu vaIsraeri kubva muIjipiti.” 11 Asi Mozisi akati kuna Mwari, “Ndini aniko ini kuti ndiende kuna Faro kuti ndinobudisa vaIsraeri kubva muIjipiti?” 12 Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” 13 Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?” 14 Mwari akati kuna Mozisi, “NDIRI WANDIRI. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDIRI’ andituma kwamuri.” 15 Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose. 16 “Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti. 17 Uye ndakavimbisa kukubudisai mukutambudzika kwenyu muIjipiti ndikuisei kunyika yavaKenani, navaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi, nyika inoyerera mukaka nouchi.” ’ 18 “Vakuru vavaIsraeri vachakuteerera. Ipapo iwe navakuru vavaIsraeri munofanira kuenda kuna mambo weIjipiti munoti kwaari, ‘Jehovha Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Regai tifambe rwendo rwamazuva matatu tiende kurenje kuti tindobayira kuna Jehovha Mwari wedu.’ 19 Asi ndinoziva kuti mambo weIjipiti haasi kuzokutenderai kunze kwokunge ruoko rune simba rwamumanikidza. 20 Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutenderai kuenda. 21 “Uye ndichaita kuti vaIjipita vaitire vanhu ava nyasha, zvokuti pamunoenda hamuendi musina chinhu. 22 Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make, zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.”

In Other Versions

Exodus 3 in the ANGEFD

Exodus 3 in the ANTPNG2D

Exodus 3 in the AS21

Exodus 3 in the BAGH

Exodus 3 in the BBPNG

Exodus 3 in the BBT1E

Exodus 3 in the BDS

Exodus 3 in the BEV

Exodus 3 in the BHAD

Exodus 3 in the BIB

Exodus 3 in the BLPT

Exodus 3 in the BNT

Exodus 3 in the BNTABOOT

Exodus 3 in the BNTLV

Exodus 3 in the BOATCB

Exodus 3 in the BOATCB2

Exodus 3 in the BOBCV

Exodus 3 in the BOCNT

Exodus 3 in the BOECS

Exodus 3 in the BOGWICC

Exodus 3 in the BOHCB

Exodus 3 in the BOHCV

Exodus 3 in the BOHLNT

Exodus 3 in the BOHNTLTAL

Exodus 3 in the BOICB

Exodus 3 in the BOILNTAP

Exodus 3 in the BOITCV

Exodus 3 in the BOKCV

Exodus 3 in the BOKCV2

Exodus 3 in the BOKHWOG

Exodus 3 in the BOKSSV

Exodus 3 in the BOLCB

Exodus 3 in the BOLCB2

Exodus 3 in the BOMCV

Exodus 3 in the BONAV

Exodus 3 in the BONCB

Exodus 3 in the BONLT

Exodus 3 in the BONUT2

Exodus 3 in the BOPLNT

Exodus 3 in the BOSNC

Exodus 3 in the BOTLNT

Exodus 3 in the BOVCB

Exodus 3 in the BOYCB

Exodus 3 in the BPBB

Exodus 3 in the BPH

Exodus 3 in the BSB

Exodus 3 in the CCB

Exodus 3 in the CUV

Exodus 3 in the CUVS

Exodus 3 in the DBT

Exodus 3 in the DGDNT

Exodus 3 in the DHNT

Exodus 3 in the DNT

Exodus 3 in the ELBE

Exodus 3 in the EMTV

Exodus 3 in the ESV

Exodus 3 in the FBV

Exodus 3 in the FEB

Exodus 3 in the GGMNT

Exodus 3 in the GNT

Exodus 3 in the HARY

Exodus 3 in the HNT

Exodus 3 in the IRVA

Exodus 3 in the IRVB

Exodus 3 in the IRVG

Exodus 3 in the IRVH

Exodus 3 in the IRVK

Exodus 3 in the IRVM

Exodus 3 in the IRVM2

Exodus 3 in the IRVO

Exodus 3 in the IRVP

Exodus 3 in the IRVT

Exodus 3 in the IRVT2

Exodus 3 in the IRVU

Exodus 3 in the ISVN

Exodus 3 in the JSNT

Exodus 3 in the KAPI

Exodus 3 in the KBT1ETNIK

Exodus 3 in the KBV

Exodus 3 in the KJV

Exodus 3 in the KNFD

Exodus 3 in the LBA

Exodus 3 in the LBLA

Exodus 3 in the LNT

Exodus 3 in the LSV

Exodus 3 in the MAAL

Exodus 3 in the MBV

Exodus 3 in the MBV2

Exodus 3 in the MHNT

Exodus 3 in the MKNFD

Exodus 3 in the MNG

Exodus 3 in the MNT

Exodus 3 in the MNT2

Exodus 3 in the MRS1T

Exodus 3 in the NAA

Exodus 3 in the NASB

Exodus 3 in the NBLA

Exodus 3 in the NBS

Exodus 3 in the NBVTP

Exodus 3 in the NET2

Exodus 3 in the NIV11

Exodus 3 in the NNT

Exodus 3 in the NNT2

Exodus 3 in the NNT3

Exodus 3 in the PDDPT

Exodus 3 in the PFNT

Exodus 3 in the RMNT

Exodus 3 in the SBIAS

Exodus 3 in the SBIBS

Exodus 3 in the SBIBS2

Exodus 3 in the SBICS

Exodus 3 in the SBIDS

Exodus 3 in the SBIGS

Exodus 3 in the SBIHS

Exodus 3 in the SBIIS

Exodus 3 in the SBIIS2

Exodus 3 in the SBIIS3

Exodus 3 in the SBIKS

Exodus 3 in the SBIKS2

Exodus 3 in the SBIMS

Exodus 3 in the SBIOS

Exodus 3 in the SBIPS

Exodus 3 in the SBISS

Exodus 3 in the SBITS

Exodus 3 in the SBITS2

Exodus 3 in the SBITS3

Exodus 3 in the SBITS4

Exodus 3 in the SBIUS

Exodus 3 in the SBIVS

Exodus 3 in the SBT

Exodus 3 in the SBT1E

Exodus 3 in the SCHL

Exodus 3 in the SNT

Exodus 3 in the SUSU

Exodus 3 in the SUSU2

Exodus 3 in the SYNO

Exodus 3 in the TBIAOTANT

Exodus 3 in the TBT1E

Exodus 3 in the TBT1E2

Exodus 3 in the TFTIP

Exodus 3 in the TFTU

Exodus 3 in the TGNTATF3T

Exodus 3 in the THAI

Exodus 3 in the TNFD

Exodus 3 in the TNT

Exodus 3 in the TNTIK

Exodus 3 in the TNTIL

Exodus 3 in the TNTIN

Exodus 3 in the TNTIP

Exodus 3 in the TNTIZ

Exodus 3 in the TOMA

Exodus 3 in the TTENT

Exodus 3 in the UBG

Exodus 3 in the UGV

Exodus 3 in the UGV2

Exodus 3 in the UGV3

Exodus 3 in the VBL

Exodus 3 in the VDCC

Exodus 3 in the YALU

Exodus 3 in the YAPE

Exodus 3 in the YBVTP

Exodus 3 in the ZBP