Exodus 30 (BOSCB)

1 “Uite aritari yokupisira zvinonhuhwira namatanda omuunga. 2 Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti maviri, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo. 3 Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka, 4 uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura. 5 Uite mapango aya nomuti womuunga uye uafukidze negoridhe. 6 Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe. 7 “Aroni anofanira kupisa zvinonhuhwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje. 8 Anofanira kupisazve zvinonhuhwira paanenge achitungidza mwenje zuva richangovira saka zvinonhuhwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. 9 Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuhwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo. 10 Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.” 11 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 12 “Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga. 13 Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha. 14 Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana anopfuura iwayo, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha. 15 Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu. 16 Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.” 17 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 18 “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendarira. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri. 19 Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura. 20 Pose pavachapinda muTende Rokusangana vachashamba kuitira kuti varege kufa. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, 21 vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.” 22 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 23 “Tora zvinonhuhwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekeri emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuhwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe, 24 mashekeri omuunga mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehini yamafuta omuorivhi. 25 Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuhwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Achava mafuta matsvene okuzodza. 26 Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro, 27 tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira, 28 aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo. 29 Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene. 30 “Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista. 31 Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza kuzvizvarwa zvinotevera. 32 Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene. 33 Ani naani anoita mafuta anonhuhwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ” 34 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuhwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuhwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana, 35 uye ugoita zvinonhuhwira zvakavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Zvinofanira kurungwa nomunyu, uye zvitsvene. 36 Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri. 37 Usazviitira zvinonhuhwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha. 38 Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuhwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”

In Other Versions

Exodus 30 in the ANGEFD

Exodus 30 in the ANTPNG2D

Exodus 30 in the AS21

Exodus 30 in the BAGH

Exodus 30 in the BBPNG

Exodus 30 in the BBT1E

Exodus 30 in the BDS

Exodus 30 in the BEV

Exodus 30 in the BHAD

Exodus 30 in the BIB

Exodus 30 in the BLPT

Exodus 30 in the BNT

Exodus 30 in the BNTABOOT

Exodus 30 in the BNTLV

Exodus 30 in the BOATCB

Exodus 30 in the BOATCB2

Exodus 30 in the BOBCV

Exodus 30 in the BOCNT

Exodus 30 in the BOECS

Exodus 30 in the BOGWICC

Exodus 30 in the BOHCB

Exodus 30 in the BOHCV

Exodus 30 in the BOHLNT

Exodus 30 in the BOHNTLTAL

Exodus 30 in the BOICB

Exodus 30 in the BOILNTAP

Exodus 30 in the BOITCV

Exodus 30 in the BOKCV

Exodus 30 in the BOKCV2

Exodus 30 in the BOKHWOG

Exodus 30 in the BOKSSV

Exodus 30 in the BOLCB

Exodus 30 in the BOLCB2

Exodus 30 in the BOMCV

Exodus 30 in the BONAV

Exodus 30 in the BONCB

Exodus 30 in the BONLT

Exodus 30 in the BONUT2

Exodus 30 in the BOPLNT

Exodus 30 in the BOSNC

Exodus 30 in the BOTLNT

Exodus 30 in the BOVCB

Exodus 30 in the BOYCB

Exodus 30 in the BPBB

Exodus 30 in the BPH

Exodus 30 in the BSB

Exodus 30 in the CCB

Exodus 30 in the CUV

Exodus 30 in the CUVS

Exodus 30 in the DBT

Exodus 30 in the DGDNT

Exodus 30 in the DHNT

Exodus 30 in the DNT

Exodus 30 in the ELBE

Exodus 30 in the EMTV

Exodus 30 in the ESV

Exodus 30 in the FBV

Exodus 30 in the FEB

Exodus 30 in the GGMNT

Exodus 30 in the GNT

Exodus 30 in the HARY

Exodus 30 in the HNT

Exodus 30 in the IRVA

Exodus 30 in the IRVB

Exodus 30 in the IRVG

Exodus 30 in the IRVH

Exodus 30 in the IRVK

Exodus 30 in the IRVM

Exodus 30 in the IRVM2

Exodus 30 in the IRVO

Exodus 30 in the IRVP

Exodus 30 in the IRVT

Exodus 30 in the IRVT2

Exodus 30 in the IRVU

Exodus 30 in the ISVN

Exodus 30 in the JSNT

Exodus 30 in the KAPI

Exodus 30 in the KBT1ETNIK

Exodus 30 in the KBV

Exodus 30 in the KJV

Exodus 30 in the KNFD

Exodus 30 in the LBA

Exodus 30 in the LBLA

Exodus 30 in the LNT

Exodus 30 in the LSV

Exodus 30 in the MAAL

Exodus 30 in the MBV

Exodus 30 in the MBV2

Exodus 30 in the MHNT

Exodus 30 in the MKNFD

Exodus 30 in the MNG

Exodus 30 in the MNT

Exodus 30 in the MNT2

Exodus 30 in the MRS1T

Exodus 30 in the NAA

Exodus 30 in the NASB

Exodus 30 in the NBLA

Exodus 30 in the NBS

Exodus 30 in the NBVTP

Exodus 30 in the NET2

Exodus 30 in the NIV11

Exodus 30 in the NNT

Exodus 30 in the NNT2

Exodus 30 in the NNT3

Exodus 30 in the PDDPT

Exodus 30 in the PFNT

Exodus 30 in the RMNT

Exodus 30 in the SBIAS

Exodus 30 in the SBIBS

Exodus 30 in the SBIBS2

Exodus 30 in the SBICS

Exodus 30 in the SBIDS

Exodus 30 in the SBIGS

Exodus 30 in the SBIHS

Exodus 30 in the SBIIS

Exodus 30 in the SBIIS2

Exodus 30 in the SBIIS3

Exodus 30 in the SBIKS

Exodus 30 in the SBIKS2

Exodus 30 in the SBIMS

Exodus 30 in the SBIOS

Exodus 30 in the SBIPS

Exodus 30 in the SBISS

Exodus 30 in the SBITS

Exodus 30 in the SBITS2

Exodus 30 in the SBITS3

Exodus 30 in the SBITS4

Exodus 30 in the SBIUS

Exodus 30 in the SBIVS

Exodus 30 in the SBT

Exodus 30 in the SBT1E

Exodus 30 in the SCHL

Exodus 30 in the SNT

Exodus 30 in the SUSU

Exodus 30 in the SUSU2

Exodus 30 in the SYNO

Exodus 30 in the TBIAOTANT

Exodus 30 in the TBT1E

Exodus 30 in the TBT1E2

Exodus 30 in the TFTIP

Exodus 30 in the TFTU

Exodus 30 in the TGNTATF3T

Exodus 30 in the THAI

Exodus 30 in the TNFD

Exodus 30 in the TNT

Exodus 30 in the TNTIK

Exodus 30 in the TNTIL

Exodus 30 in the TNTIN

Exodus 30 in the TNTIP

Exodus 30 in the TNTIZ

Exodus 30 in the TOMA

Exodus 30 in the TTENT

Exodus 30 in the UBG

Exodus 30 in the UGV

Exodus 30 in the UGV2

Exodus 30 in the UGV3

Exodus 30 in the VBL

Exodus 30 in the VDCC

Exodus 30 in the YALU

Exodus 30 in the YAPE

Exodus 30 in the YBVTP

Exodus 30 in the ZBP