Ezekiel 16 (BOSCB)

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro 3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti. 4 Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka. 5 Hakuna munhu akakunzwira tsitsi kana kuva nengoni newe kuti akuitire chinhu chimwe chezvinhu izvi. Asi, wakarasirwa kusango, nokuti musi wawakaberekwa iwe wakashorwa. 6 “ ‘Ipapo ndakapfuura napo ndikakuona uchipfakanyika uri muropa rako, uye pawakanga uvete ipapo uri muropa rako, ndakati kwauri, “Rarama!” 7 Ndakakuita kuti ukure somuti wesango. Wakakura ukanyatsoumbika ukava ukomba hwakaisvonaka. Mazamu ako akakura nebvudzi rako rikakura, iyewe wakanga wakashama usina chinhu. 8 “ ‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu. 9 “ ‘Ndakakushambidza nemvura uye ndikakugeza kubvisa ropa rako, ndokukuzodza mafuta. 10 Ndakakufukidza nezvakarukwa zvakanaka ndikakupfekedza shangu dzamatehwe. 11 Ndakakufukidza nomucheka wakaisvonaka ndikakufukidza mucheka uno murango unokosha. Ndakakushongedza noukomba: ndikaisa zvishongo zvomumaoko nouketani pamutsipa wako, 12 uye ndakaisa mhete pamhuno yako, nemhete panzeve dzako uye nekorona yakanaka pamusoro wako. 13 Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi. 14 Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 15 “ ‘Asi iwe wakavimba norunako rwako ukashandisa mbiri yako kuti uve chifeve. Wakazadza munhu wose akapfuura napauri noufeve uye nokuda kworunako rwako ukava wake. 16 Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa. 17 Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo. 18 Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuhwira pamberi pazvo. 19 Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuhwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 20 “ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here? 21 Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo. 22 Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako. 23 “ ‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose, 24 wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha. 25 Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kuna ani zvake aipfuura napauri. 26 Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako. 27 Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako. 28 Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo. 29 Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana. 30 “ ‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari. 31 Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo. 32 “ ‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako! 33 Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu. 34 Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa. 35 “ ‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha! 36 Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako, 37 Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose. 38 Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu. 39 Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka vagokusiya usina kupfeka wakashama. 40 Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo. 41 Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako. 42 Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve. 43 “ ‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here? 44 “ ‘Munhu wose achataura tsumo achareva tsumo iyi pamusoro pako: “Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana.” 45 Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, vakashora murume wavo navana vavo; uye uri mununʼuna chaiye wamadzikoma ako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori. 46 Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye mununʼuna wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu. 47 Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo. 48 Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, mununʼuna wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako. 49 “ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomununʼuna wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa. 50 Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona. 51 Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanunʼuna vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe. 52 Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira mununʼuna wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti mununʼuna wako ave akarurama. 53 “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo, 54 kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza. 55 Uye vanunʼuna vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana vake, uye iwe navanasikana vako muchadzokera pane zvavaiva kare. 56 Haungazomborevi nezvomununʼuna wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako, 57 kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora. 58 Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha. 59 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu. 60 Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe. 61 Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanunʼuna vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe. 62 Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha. 63 Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ugozorega kushamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

In Other Versions

Ezekiel 16 in the ANGEFD

Ezekiel 16 in the ANTPNG2D

Ezekiel 16 in the AS21

Ezekiel 16 in the BAGH

Ezekiel 16 in the BBPNG

Ezekiel 16 in the BBT1E

Ezekiel 16 in the BDS

Ezekiel 16 in the BEV

Ezekiel 16 in the BHAD

Ezekiel 16 in the BIB

Ezekiel 16 in the BLPT

Ezekiel 16 in the BNT

Ezekiel 16 in the BNTABOOT

Ezekiel 16 in the BNTLV

Ezekiel 16 in the BOATCB

Ezekiel 16 in the BOATCB2

Ezekiel 16 in the BOBCV

Ezekiel 16 in the BOCNT

Ezekiel 16 in the BOECS

Ezekiel 16 in the BOGWICC

Ezekiel 16 in the BOHCB

Ezekiel 16 in the BOHCV

Ezekiel 16 in the BOHLNT

Ezekiel 16 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 16 in the BOICB

Ezekiel 16 in the BOILNTAP

Ezekiel 16 in the BOITCV

Ezekiel 16 in the BOKCV

Ezekiel 16 in the BOKCV2

Ezekiel 16 in the BOKHWOG

Ezekiel 16 in the BOKSSV

Ezekiel 16 in the BOLCB

Ezekiel 16 in the BOLCB2

Ezekiel 16 in the BOMCV

Ezekiel 16 in the BONAV

Ezekiel 16 in the BONCB

Ezekiel 16 in the BONLT

Ezekiel 16 in the BONUT2

Ezekiel 16 in the BOPLNT

Ezekiel 16 in the BOSNC

Ezekiel 16 in the BOTLNT

Ezekiel 16 in the BOVCB

Ezekiel 16 in the BOYCB

Ezekiel 16 in the BPBB

Ezekiel 16 in the BPH

Ezekiel 16 in the BSB

Ezekiel 16 in the CCB

Ezekiel 16 in the CUV

Ezekiel 16 in the CUVS

Ezekiel 16 in the DBT

Ezekiel 16 in the DGDNT

Ezekiel 16 in the DHNT

Ezekiel 16 in the DNT

Ezekiel 16 in the ELBE

Ezekiel 16 in the EMTV

Ezekiel 16 in the ESV

Ezekiel 16 in the FBV

Ezekiel 16 in the FEB

Ezekiel 16 in the GGMNT

Ezekiel 16 in the GNT

Ezekiel 16 in the HARY

Ezekiel 16 in the HNT

Ezekiel 16 in the IRVA

Ezekiel 16 in the IRVB

Ezekiel 16 in the IRVG

Ezekiel 16 in the IRVH

Ezekiel 16 in the IRVK

Ezekiel 16 in the IRVM

Ezekiel 16 in the IRVM2

Ezekiel 16 in the IRVO

Ezekiel 16 in the IRVP

Ezekiel 16 in the IRVT

Ezekiel 16 in the IRVT2

Ezekiel 16 in the IRVU

Ezekiel 16 in the ISVN

Ezekiel 16 in the JSNT

Ezekiel 16 in the KAPI

Ezekiel 16 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 16 in the KBV

Ezekiel 16 in the KJV

Ezekiel 16 in the KNFD

Ezekiel 16 in the LBA

Ezekiel 16 in the LBLA

Ezekiel 16 in the LNT

Ezekiel 16 in the LSV

Ezekiel 16 in the MAAL

Ezekiel 16 in the MBV

Ezekiel 16 in the MBV2

Ezekiel 16 in the MHNT

Ezekiel 16 in the MKNFD

Ezekiel 16 in the MNG

Ezekiel 16 in the MNT

Ezekiel 16 in the MNT2

Ezekiel 16 in the MRS1T

Ezekiel 16 in the NAA

Ezekiel 16 in the NASB

Ezekiel 16 in the NBLA

Ezekiel 16 in the NBS

Ezekiel 16 in the NBVTP

Ezekiel 16 in the NET2

Ezekiel 16 in the NIV11

Ezekiel 16 in the NNT

Ezekiel 16 in the NNT2

Ezekiel 16 in the NNT3

Ezekiel 16 in the PDDPT

Ezekiel 16 in the PFNT

Ezekiel 16 in the RMNT

Ezekiel 16 in the SBIAS

Ezekiel 16 in the SBIBS

Ezekiel 16 in the SBIBS2

Ezekiel 16 in the SBICS

Ezekiel 16 in the SBIDS

Ezekiel 16 in the SBIGS

Ezekiel 16 in the SBIHS

Ezekiel 16 in the SBIIS

Ezekiel 16 in the SBIIS2

Ezekiel 16 in the SBIIS3

Ezekiel 16 in the SBIKS

Ezekiel 16 in the SBIKS2

Ezekiel 16 in the SBIMS

Ezekiel 16 in the SBIOS

Ezekiel 16 in the SBIPS

Ezekiel 16 in the SBISS

Ezekiel 16 in the SBITS

Ezekiel 16 in the SBITS2

Ezekiel 16 in the SBITS3

Ezekiel 16 in the SBITS4

Ezekiel 16 in the SBIUS

Ezekiel 16 in the SBIVS

Ezekiel 16 in the SBT

Ezekiel 16 in the SBT1E

Ezekiel 16 in the SCHL

Ezekiel 16 in the SNT

Ezekiel 16 in the SUSU

Ezekiel 16 in the SUSU2

Ezekiel 16 in the SYNO

Ezekiel 16 in the TBIAOTANT

Ezekiel 16 in the TBT1E

Ezekiel 16 in the TBT1E2

Ezekiel 16 in the TFTIP

Ezekiel 16 in the TFTU

Ezekiel 16 in the TGNTATF3T

Ezekiel 16 in the THAI

Ezekiel 16 in the TNFD

Ezekiel 16 in the TNT

Ezekiel 16 in the TNTIK

Ezekiel 16 in the TNTIL

Ezekiel 16 in the TNTIN

Ezekiel 16 in the TNTIP

Ezekiel 16 in the TNTIZ

Ezekiel 16 in the TOMA

Ezekiel 16 in the TTENT

Ezekiel 16 in the UBG

Ezekiel 16 in the UGV

Ezekiel 16 in the UGV2

Ezekiel 16 in the UGV3

Ezekiel 16 in the VBL

Ezekiel 16 in the VDCC

Ezekiel 16 in the YALU

Ezekiel 16 in the YAPE

Ezekiel 16 in the YBVTP

Ezekiel 16 in the ZBP