Ezekiel 18 (BOSCB)

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Munoreveiko vanhu imi zvamunodzokorora tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti,“ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava,meno avana akaita ugugu’? 3 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazodzokororizve tsumo iyi muIsraeri. 4 Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa. 5 “Ngatiti pane munhu akaruramaanoita zvinhu nokururamisira uye nokururama. 6 Haadyiri pashongwe dzezvifananidzo mumakomokana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri.Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake,kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi. 7 Haamanikidzi mumwe munhu,asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti.Haaiti zvougororo,asi anopa zvokudya zvake kune vane nzarauye anopfekedza vakashama. 8 Haarevi chimbadzo paanokweretesakana kutora mhindu yakakurisa.Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa,uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu. 9 Anotevera mitemo yangu,uye akatendeka pakuchengeta mirayiro yangu.Munhu uyo akarurama;zvirokwazvo achararama,ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 10 “Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi 11 (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo):“Anodya pashongwe dzezvifananidzo mumakomo.Anochinya mukadzi womuvakidzani wake. 12 Anomanikidza varombo navanoshayiwa.Anoita zvougororo.Haadzoreri zvaakakwereta.Anotarisira kuzvifananidzo.Anoita zvinonyangadza. 13 Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura.Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake. 14 “Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ane mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai: 15 “Haadyi pashongwe dzamakomokana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri.Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake. 16 Haamanikidzi munhu upi zvakekana kureva rubatso pachikwereti.Haaiti ugororo,asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara,uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko. 17 Anodzivisa ruoko rwake kutadzauye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura.Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu.Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama. 18 Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba mununʼuna wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo. 19 “Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo. 20 Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa. 21 “Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu, akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo. 22 Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama. 23 Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame? 24 “Asi kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita chivi uye akaitawo zvinonyangadza zvinoitwa nomunhu akaipa, angararama here? Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi. Nokuda kwemhosva yokusatendeuka kwaanako uye nokuda kwezvivi zvaakaita, iye achafa zvirokwazvo. 25 “Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here? 26 Kana munhu akarurama akatsauka akaita chivi, achafa nokuda kwechivi chake; nokuda kwechivi chaakaita achafa. 27 Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake. 28 Nokuti anorangarira kudarika kwake kwose kwaakaita uye anotendeuka kubva panzira dzake, zvirokwazvo achararama; haangafi. 29 Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here? 30 “Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirei pasi. 31 Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri? 32 Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!

In Other Versions

Ezekiel 18 in the ANGEFD

Ezekiel 18 in the ANTPNG2D

Ezekiel 18 in the AS21

Ezekiel 18 in the BAGH

Ezekiel 18 in the BBPNG

Ezekiel 18 in the BBT1E

Ezekiel 18 in the BDS

Ezekiel 18 in the BEV

Ezekiel 18 in the BHAD

Ezekiel 18 in the BIB

Ezekiel 18 in the BLPT

Ezekiel 18 in the BNT

Ezekiel 18 in the BNTABOOT

Ezekiel 18 in the BNTLV

Ezekiel 18 in the BOATCB

Ezekiel 18 in the BOATCB2

Ezekiel 18 in the BOBCV

Ezekiel 18 in the BOCNT

Ezekiel 18 in the BOECS

Ezekiel 18 in the BOGWICC

Ezekiel 18 in the BOHCB

Ezekiel 18 in the BOHCV

Ezekiel 18 in the BOHLNT

Ezekiel 18 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 18 in the BOICB

Ezekiel 18 in the BOILNTAP

Ezekiel 18 in the BOITCV

Ezekiel 18 in the BOKCV

Ezekiel 18 in the BOKCV2

Ezekiel 18 in the BOKHWOG

Ezekiel 18 in the BOKSSV

Ezekiel 18 in the BOLCB

Ezekiel 18 in the BOLCB2

Ezekiel 18 in the BOMCV

Ezekiel 18 in the BONAV

Ezekiel 18 in the BONCB

Ezekiel 18 in the BONLT

Ezekiel 18 in the BONUT2

Ezekiel 18 in the BOPLNT

Ezekiel 18 in the BOSNC

Ezekiel 18 in the BOTLNT

Ezekiel 18 in the BOVCB

Ezekiel 18 in the BOYCB

Ezekiel 18 in the BPBB

Ezekiel 18 in the BPH

Ezekiel 18 in the BSB

Ezekiel 18 in the CCB

Ezekiel 18 in the CUV

Ezekiel 18 in the CUVS

Ezekiel 18 in the DBT

Ezekiel 18 in the DGDNT

Ezekiel 18 in the DHNT

Ezekiel 18 in the DNT

Ezekiel 18 in the ELBE

Ezekiel 18 in the EMTV

Ezekiel 18 in the ESV

Ezekiel 18 in the FBV

Ezekiel 18 in the FEB

Ezekiel 18 in the GGMNT

Ezekiel 18 in the GNT

Ezekiel 18 in the HARY

Ezekiel 18 in the HNT

Ezekiel 18 in the IRVA

Ezekiel 18 in the IRVB

Ezekiel 18 in the IRVG

Ezekiel 18 in the IRVH

Ezekiel 18 in the IRVK

Ezekiel 18 in the IRVM

Ezekiel 18 in the IRVM2

Ezekiel 18 in the IRVO

Ezekiel 18 in the IRVP

Ezekiel 18 in the IRVT

Ezekiel 18 in the IRVT2

Ezekiel 18 in the IRVU

Ezekiel 18 in the ISVN

Ezekiel 18 in the JSNT

Ezekiel 18 in the KAPI

Ezekiel 18 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 18 in the KBV

Ezekiel 18 in the KJV

Ezekiel 18 in the KNFD

Ezekiel 18 in the LBA

Ezekiel 18 in the LBLA

Ezekiel 18 in the LNT

Ezekiel 18 in the LSV

Ezekiel 18 in the MAAL

Ezekiel 18 in the MBV

Ezekiel 18 in the MBV2

Ezekiel 18 in the MHNT

Ezekiel 18 in the MKNFD

Ezekiel 18 in the MNG

Ezekiel 18 in the MNT

Ezekiel 18 in the MNT2

Ezekiel 18 in the MRS1T

Ezekiel 18 in the NAA

Ezekiel 18 in the NASB

Ezekiel 18 in the NBLA

Ezekiel 18 in the NBS

Ezekiel 18 in the NBVTP

Ezekiel 18 in the NET2

Ezekiel 18 in the NIV11

Ezekiel 18 in the NNT

Ezekiel 18 in the NNT2

Ezekiel 18 in the NNT3

Ezekiel 18 in the PDDPT

Ezekiel 18 in the PFNT

Ezekiel 18 in the RMNT

Ezekiel 18 in the SBIAS

Ezekiel 18 in the SBIBS

Ezekiel 18 in the SBIBS2

Ezekiel 18 in the SBICS

Ezekiel 18 in the SBIDS

Ezekiel 18 in the SBIGS

Ezekiel 18 in the SBIHS

Ezekiel 18 in the SBIIS

Ezekiel 18 in the SBIIS2

Ezekiel 18 in the SBIIS3

Ezekiel 18 in the SBIKS

Ezekiel 18 in the SBIKS2

Ezekiel 18 in the SBIMS

Ezekiel 18 in the SBIOS

Ezekiel 18 in the SBIPS

Ezekiel 18 in the SBISS

Ezekiel 18 in the SBITS

Ezekiel 18 in the SBITS2

Ezekiel 18 in the SBITS3

Ezekiel 18 in the SBITS4

Ezekiel 18 in the SBIUS

Ezekiel 18 in the SBIVS

Ezekiel 18 in the SBT

Ezekiel 18 in the SBT1E

Ezekiel 18 in the SCHL

Ezekiel 18 in the SNT

Ezekiel 18 in the SUSU

Ezekiel 18 in the SUSU2

Ezekiel 18 in the SYNO

Ezekiel 18 in the TBIAOTANT

Ezekiel 18 in the TBT1E

Ezekiel 18 in the TBT1E2

Ezekiel 18 in the TFTIP

Ezekiel 18 in the TFTU

Ezekiel 18 in the TGNTATF3T

Ezekiel 18 in the THAI

Ezekiel 18 in the TNFD

Ezekiel 18 in the TNT

Ezekiel 18 in the TNTIK

Ezekiel 18 in the TNTIL

Ezekiel 18 in the TNTIN

Ezekiel 18 in the TNTIP

Ezekiel 18 in the TNTIZ

Ezekiel 18 in the TOMA

Ezekiel 18 in the TTENT

Ezekiel 18 in the UBG

Ezekiel 18 in the UGV

Ezekiel 18 in the UGV2

Ezekiel 18 in the UGV3

Ezekiel 18 in the VBL

Ezekiel 18 in the VDCC

Ezekiel 18 in the YALU

Ezekiel 18 in the YAPE

Ezekiel 18 in the YBVTP

Ezekiel 18 in the ZBP