Ezekiel 23 (BOSCB)

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete. 3 Vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa. 4 Zita romukoma rainzi Ohora, uye mununʼuna wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema. 5 “Ohora akaita ufeve iye achiri wangu; akachiva zvikomba zvake, ivo vaAsiria, varwi 6 vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza. 7 Akaita ufeve navapamusoro-soro vose veAsiria uye akazvisvibisa nezvifananidzo zvose zvavose vaaichiva. 8 Haana kurega ufeve hwaakatangira kuIjipiti, paakavata navarume achiri muduku, vakabata-bata chipfuva choumhandara hwake uye vakadurura ruchiva rwavo pamusoro pake. 9 “Naizvozvo ndakamuisa kuzvikomba zvake, ivo vaAsiria, vaakanga achichiva. 10 Vakamubvisa nguo akasara asina, ashama, vakatora vanakomana vake navanasikana ndokubva vamuuraya nomunondo. Akabva ava shumo pakati pavakadzi uye akarangwa. 11 “Mununʼuna wake Ohoribha akazviona izvozvo, asi nokuda kworuchiva rwake noufeve hwake, akanyanya ufeve kupfuura mukoma wake. 12 Akachivawo vaAsiria, vatongi navatungamiri vehondo, varwi vakapfeka zvakakwana, vatasvi vaifamba namabhiza, namajaya akanaka ose. 13 Ndakaona kuti naiyewo akazvisvibisa; vose vari vaviri vakafamba nenzira imwe cheteyo. 14 “Asi akaenderera mberi noufeve hwake. Akaona mifananidzo yavarume pamadziro, mifananidzo yavaKaradhea mitsvuku, 15 vana mabhandi akamonera muzviuno zvavo nenguwani dzemicheka dzairembera pamisoro yavo; vakaita samachinda engoro dzeBhabhironi, vagari veKaradhea. 16 Paakangovaona, akabva avachiva ndokutumira nhume kwavari muKaradhea. 17 Ipapo vaBhabhironi vakauya kwaari, kunhoo yorudo, mukuchiva kwavo, vakamusvibisa. Shure kwokusvibiswa kwake navo, akavafuratira kwazvo. 18 Paakaenderera mberi noufeve hwake pachena uye akaratidza kushama kwake, ndakamufuratira zvandisembura, sokufuratira kwandakanga ndaita mukoma wake. 19 Asi akaramba achiwedzera unzenza hwake achirangarira mazuva ouduku hwake, paakanga ari chifeve muIjipiti. 20 Akachiva zvikomba zvake ikoko, vane mitezo yakaita sembongoro uye zvinobuda mavari zvakaita sezvamabhiza. 21 Saka wakapanga unzenza hwouduku hwako, pawaiva muIjipiti chipfuva chako chakabatwa-batwa uye mazamu ouduku hwako akabatwa-batwa. 22 “Naizvozvo, Ohoribha, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakumutsira zvikomba zvako kuti zvikurwise, ivo vawakasemburwa navo ukavafuratira, ndichavauyisa kuzorwa newe vachibva kumativi ose, 23 vaBhabhironi navaKaradhea vose, varume vePekodhi neveShowa neKowa, uye vaAsiria vose pamwe chete navo, majaya akanaka, vose vari vabati nevatungamiri vamauto, namachinda engoro navarume vezvigaro zvapamusoro, vose vakatasva mabhiza. 24 Vachauya kuzorwa newe vaine zvombo, nengoro uye neboka ravanhu vazhinji, vachagadzirira kuti varwe newe kumativi ose nenhoo huru neduku uye nenguwani dzokurwa nadzo. Ndichakudzorera kwavari kuti urangwe, uye vachakuranga sezvakafanira mitemo yavo. 25 Ndichamutsa godo rangu kuti ndirwe newe, uye ivo vachakurwisa nehasha. Vachagura mhino yako nenzeve dzako, uye vakasara venyu vachaurayiwa nomunondo. Vachakutorerai vanakomana venyu navanasikana venyu, uye vachasara venyu vachaparadzwa nomoto. 26 Vachakubvisai nguo dzenyu uye vachakutorerai ukomba hwenyu hwakaisvonaka. 27 Saka ndichagumisa unzenza hwenyu noufeve hwamakatangira muIjipiti. Hamuchazotariri zvinhu izvi muchizvishuva kana kuzorangarira Ijipiti zvakare. 28 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndava kuzokuisa mumaoko avanhu vaunovenga, kuna avo vawakafuratira wasemburwa navo. 29 Ivo vachakuitira ruvengo vagokutorera zvinhu zvose zvawakashandira. Vachakusiya usina kupfeka wakashama, uye kunyadzisa kwoufeve hwako kuchaiswa pachena. Unzenza hwako nokupata kwako 30 zvakaisa izvi pamusoro pako, nokuti iwe wakachiva ndudzi ndokuzvisvibisa nezvifananidzo zvadzo. 31 Wakafamba nenzira yomununʼuna wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako. 32 “Zvanzi naIshe Jehovha:“Uchanwa mukombe womukoma wako,mukombe mukuru wakadzika;uchakuvigira kusekwa nokumhurwa,nokuti une zvakawanda. 33 Uchazadzwa nokudhakwa nokusuwa,mukombe wokuparadza nokuputsa,mukombe womukoma wako Samaria. 34 Uchanwa zvokupedza kuti tsvai;uchauputsa ukava zvaengauye uchacheka mazamu ako.Ndini ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 35 “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirasira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.” 36 Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu unganditongerewo Ohora naOhoribha here? Ipapo uvazivise zvinonyangadza zvavanoita, 37 nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo. 38 Vakaitawo izvi kwandiri: Panguva imwe cheteyo vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene vakasvibisa maSabata angu. 39 Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu. 40 “Vakatuma kunyange nenhume kundodana varume uye pavakasvika iwe wakazvishambidza nokuda kwavo, ukazodza meso ako ndokuzvishongedza noukomba. 41 Wakagara panhoo yakaisvonaka ine tafura yakagadzikwa pamberi payo pawakanga wakaisa zvinonhuhwira namafuta akanga ari angu. 42 “Mheremhere yavanhu vakanga vasina hanya yakanga yakamukomberedza: VaSabhea vakaunzwa kubva kugwenga pamwe chete navarume vaibva pamhomho yavanhu vezhowezhowe, uye vakashongedza mabhenguro mumaoko omukadzi nomununʼuna wake nekorona dzakaisvonaka pamisoro yavo. 43 Ipapo ndakati pamusoro paiye akanga apera noufeve, ‘Zvino ngavamushandise sechifeve, nokuti ndizvo zvaari.’ 44 Ipapo vakavata naye. Sokuvata kunoita varume nechifeve, saizvozvo vakavata navakadzi nzenza, ivo vanaOhora naOhoribha. 45 Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve uye vanoteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo. 46 “Zvanzi naIshe Jehovha: Uyai neboka ravarwi vazovarwisa muvatyise uye muvapambe. 47 Mhomho ichavatema namabwe uye igovabaya neminondo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo vagopisa dzimba dzavo. 48 “Saka ndichagumisa unzenza panyika, kuti vakadzi vose vayambirwe vagorega kutevedzera. 49 Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”

In Other Versions

Ezekiel 23 in the ANGEFD

Ezekiel 23 in the ANTPNG2D

Ezekiel 23 in the AS21

Ezekiel 23 in the BAGH

Ezekiel 23 in the BBPNG

Ezekiel 23 in the BBT1E

Ezekiel 23 in the BDS

Ezekiel 23 in the BEV

Ezekiel 23 in the BHAD

Ezekiel 23 in the BIB

Ezekiel 23 in the BLPT

Ezekiel 23 in the BNT

Ezekiel 23 in the BNTABOOT

Ezekiel 23 in the BNTLV

Ezekiel 23 in the BOATCB

Ezekiel 23 in the BOATCB2

Ezekiel 23 in the BOBCV

Ezekiel 23 in the BOCNT

Ezekiel 23 in the BOECS

Ezekiel 23 in the BOGWICC

Ezekiel 23 in the BOHCB

Ezekiel 23 in the BOHCV

Ezekiel 23 in the BOHLNT

Ezekiel 23 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 23 in the BOICB

Ezekiel 23 in the BOILNTAP

Ezekiel 23 in the BOITCV

Ezekiel 23 in the BOKCV

Ezekiel 23 in the BOKCV2

Ezekiel 23 in the BOKHWOG

Ezekiel 23 in the BOKSSV

Ezekiel 23 in the BOLCB

Ezekiel 23 in the BOLCB2

Ezekiel 23 in the BOMCV

Ezekiel 23 in the BONAV

Ezekiel 23 in the BONCB

Ezekiel 23 in the BONLT

Ezekiel 23 in the BONUT2

Ezekiel 23 in the BOPLNT

Ezekiel 23 in the BOSNC

Ezekiel 23 in the BOTLNT

Ezekiel 23 in the BOVCB

Ezekiel 23 in the BOYCB

Ezekiel 23 in the BPBB

Ezekiel 23 in the BPH

Ezekiel 23 in the BSB

Ezekiel 23 in the CCB

Ezekiel 23 in the CUV

Ezekiel 23 in the CUVS

Ezekiel 23 in the DBT

Ezekiel 23 in the DGDNT

Ezekiel 23 in the DHNT

Ezekiel 23 in the DNT

Ezekiel 23 in the ELBE

Ezekiel 23 in the EMTV

Ezekiel 23 in the ESV

Ezekiel 23 in the FBV

Ezekiel 23 in the FEB

Ezekiel 23 in the GGMNT

Ezekiel 23 in the GNT

Ezekiel 23 in the HARY

Ezekiel 23 in the HNT

Ezekiel 23 in the IRVA

Ezekiel 23 in the IRVB

Ezekiel 23 in the IRVG

Ezekiel 23 in the IRVH

Ezekiel 23 in the IRVK

Ezekiel 23 in the IRVM

Ezekiel 23 in the IRVM2

Ezekiel 23 in the IRVO

Ezekiel 23 in the IRVP

Ezekiel 23 in the IRVT

Ezekiel 23 in the IRVT2

Ezekiel 23 in the IRVU

Ezekiel 23 in the ISVN

Ezekiel 23 in the JSNT

Ezekiel 23 in the KAPI

Ezekiel 23 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 23 in the KBV

Ezekiel 23 in the KJV

Ezekiel 23 in the KNFD

Ezekiel 23 in the LBA

Ezekiel 23 in the LBLA

Ezekiel 23 in the LNT

Ezekiel 23 in the LSV

Ezekiel 23 in the MAAL

Ezekiel 23 in the MBV

Ezekiel 23 in the MBV2

Ezekiel 23 in the MHNT

Ezekiel 23 in the MKNFD

Ezekiel 23 in the MNG

Ezekiel 23 in the MNT

Ezekiel 23 in the MNT2

Ezekiel 23 in the MRS1T

Ezekiel 23 in the NAA

Ezekiel 23 in the NASB

Ezekiel 23 in the NBLA

Ezekiel 23 in the NBS

Ezekiel 23 in the NBVTP

Ezekiel 23 in the NET2

Ezekiel 23 in the NIV11

Ezekiel 23 in the NNT

Ezekiel 23 in the NNT2

Ezekiel 23 in the NNT3

Ezekiel 23 in the PDDPT

Ezekiel 23 in the PFNT

Ezekiel 23 in the RMNT

Ezekiel 23 in the SBIAS

Ezekiel 23 in the SBIBS

Ezekiel 23 in the SBIBS2

Ezekiel 23 in the SBICS

Ezekiel 23 in the SBIDS

Ezekiel 23 in the SBIGS

Ezekiel 23 in the SBIHS

Ezekiel 23 in the SBIIS

Ezekiel 23 in the SBIIS2

Ezekiel 23 in the SBIIS3

Ezekiel 23 in the SBIKS

Ezekiel 23 in the SBIKS2

Ezekiel 23 in the SBIMS

Ezekiel 23 in the SBIOS

Ezekiel 23 in the SBIPS

Ezekiel 23 in the SBISS

Ezekiel 23 in the SBITS

Ezekiel 23 in the SBITS2

Ezekiel 23 in the SBITS3

Ezekiel 23 in the SBITS4

Ezekiel 23 in the SBIUS

Ezekiel 23 in the SBIVS

Ezekiel 23 in the SBT

Ezekiel 23 in the SBT1E

Ezekiel 23 in the SCHL

Ezekiel 23 in the SNT

Ezekiel 23 in the SUSU

Ezekiel 23 in the SUSU2

Ezekiel 23 in the SYNO

Ezekiel 23 in the TBIAOTANT

Ezekiel 23 in the TBT1E

Ezekiel 23 in the TBT1E2

Ezekiel 23 in the TFTIP

Ezekiel 23 in the TFTU

Ezekiel 23 in the TGNTATF3T

Ezekiel 23 in the THAI

Ezekiel 23 in the TNFD

Ezekiel 23 in the TNT

Ezekiel 23 in the TNTIK

Ezekiel 23 in the TNTIL

Ezekiel 23 in the TNTIN

Ezekiel 23 in the TNTIP

Ezekiel 23 in the TNTIZ

Ezekiel 23 in the TOMA

Ezekiel 23 in the TTENT

Ezekiel 23 in the UBG

Ezekiel 23 in the UGV

Ezekiel 23 in the UGV2

Ezekiel 23 in the UGV3

Ezekiel 23 in the VBL

Ezekiel 23 in the VDCC

Ezekiel 23 in the YALU

Ezekiel 23 in the YAPE

Ezekiel 23 in the YBVTP

Ezekiel 23 in the ZBP