Ezekiel 28 (BOSCB)
1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:“ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wakoiwe unoti, “Ini ndiri mwari;ndinogara pachigaro choushe chamwari,pakati pomwoyo wamakungwa.”Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari,kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari. 3 Wakachenjera kukunda Dhanieri here?Hauna chakavanzika chausingazivi here? 4 Wakazviwanira pfumanouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako,uye wakazviunganidzira goridhe nesirivhamuzvivigiro zvepfuma yako. 5 Wakawanza pfuma yakonouchenjeri hwako hwokutengesa,uye nokuda kwepfuma yakomwoyo wako wakazvikudza. 6 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:“ ‘Nokuti unofunga kuti wakangwara,sokungwara kwamwari, 7 ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa,rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose,vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako,vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako. 8 Vachakuburutsira kugomba,uye uchafa rufu runorwadzapakati pomwoyo wamakungwa. 9 Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,”pamberi pavanokuuraya?Uchava munhu chete, kwete mwari,mumaoko aivo vanokuuraya. 10 Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswapamaoko avatorwa.Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” 11 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 12 “Mwanakomana womunhu, chemera mambo weTire ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:“ ‘Wakanga uri muenzaniso wokukwana,uzere nouchenjeri wakakwana parunako. 13 Wakanga uri muEdheni,bindu raMwari;wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti:rubhi, tapazi neemeradhi,krisorite, onikisi, jasipa,safuri, turikoise nebheriri.Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe;zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako. 14 Wakazodzwa sekerubhi rinorinda,nokuti ndiko kugadza kwandakakuita.Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari;wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto. 15 Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako,kubva pazuva rawakasikwakusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri. 16 Nokuwanda kwokushambadzira kwakowakabva wazara nechisimba,ndokubva watadza.Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari,uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda,kuti ubve pakati pamabwe omoto. 17 Mwoyo wako wakazvikudzanokuda kworunako rwako,uye wakaodza uchenjeri hwakonokuda kwokubwinya kwako.Saka ndakakukanda panyika;ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo. 18 Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira,wakazvidza nzvimbo dzako tsvene.Saka ndakaita kuti moto ubude kubva mauri,ukakuparadza,uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika,pamberi pavose vaikuona. 19 Ndudzi dzose dzaikuzivadzinoshamiswa newe;wasvika pamagumo akaipisisauye hauchazovapozve.’ ” 20 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 21 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro, 22 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni,uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako.Vachaziva kuti ndini Jehovha,pandicharirangandigozviratidza mariri kuti ndiri mutsvene. 23 Ndichatuma denda pamusoro parondigoita kuti ropa riyerere munzira dzaro.Vakaurayiwa vachawa mariri,nomunondo uchirirwisa kumativi ose.Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. 24 “ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha. 25 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho. 26 Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”
In Other Versions
Ezekiel 28 in the ANGEFD
Ezekiel 28 in the ANTPNG2D
Ezekiel 28 in the AS21
Ezekiel 28 in the BAGH
Ezekiel 28 in the BBPNG
Ezekiel 28 in the BBT1E
Ezekiel 28 in the BDS
Ezekiel 28 in the BEV
Ezekiel 28 in the BHAD
Ezekiel 28 in the BIB
Ezekiel 28 in the BLPT
Ezekiel 28 in the BNT
Ezekiel 28 in the BNTABOOT
Ezekiel 28 in the BNTLV
Ezekiel 28 in the BOATCB
Ezekiel 28 in the BOATCB2
Ezekiel 28 in the BOBCV
Ezekiel 28 in the BOCNT
Ezekiel 28 in the BOECS
Ezekiel 28 in the BOGWICC
Ezekiel 28 in the BOHCB
Ezekiel 28 in the BOHCV
Ezekiel 28 in the BOHLNT
Ezekiel 28 in the BOHNTLTAL
Ezekiel 28 in the BOICB
Ezekiel 28 in the BOILNTAP
Ezekiel 28 in the BOITCV
Ezekiel 28 in the BOKCV
Ezekiel 28 in the BOKCV2
Ezekiel 28 in the BOKHWOG
Ezekiel 28 in the BOKSSV
Ezekiel 28 in the BOLCB
Ezekiel 28 in the BOLCB2
Ezekiel 28 in the BOMCV
Ezekiel 28 in the BONAV
Ezekiel 28 in the BONCB
Ezekiel 28 in the BONLT
Ezekiel 28 in the BONUT2
Ezekiel 28 in the BOPLNT
Ezekiel 28 in the BOSNC
Ezekiel 28 in the BOTLNT
Ezekiel 28 in the BOVCB
Ezekiel 28 in the BOYCB
Ezekiel 28 in the BPBB
Ezekiel 28 in the BPH
Ezekiel 28 in the BSB
Ezekiel 28 in the CCB
Ezekiel 28 in the CUV
Ezekiel 28 in the CUVS
Ezekiel 28 in the DBT
Ezekiel 28 in the DGDNT
Ezekiel 28 in the DHNT
Ezekiel 28 in the DNT
Ezekiel 28 in the ELBE
Ezekiel 28 in the EMTV
Ezekiel 28 in the ESV
Ezekiel 28 in the FBV
Ezekiel 28 in the FEB
Ezekiel 28 in the GGMNT
Ezekiel 28 in the GNT
Ezekiel 28 in the HARY
Ezekiel 28 in the HNT
Ezekiel 28 in the IRVA
Ezekiel 28 in the IRVB
Ezekiel 28 in the IRVG
Ezekiel 28 in the IRVH
Ezekiel 28 in the IRVK
Ezekiel 28 in the IRVM
Ezekiel 28 in the IRVM2
Ezekiel 28 in the IRVO
Ezekiel 28 in the IRVP
Ezekiel 28 in the IRVT
Ezekiel 28 in the IRVT2
Ezekiel 28 in the IRVU
Ezekiel 28 in the ISVN
Ezekiel 28 in the JSNT
Ezekiel 28 in the KAPI
Ezekiel 28 in the KBT1ETNIK
Ezekiel 28 in the KBV
Ezekiel 28 in the KJV
Ezekiel 28 in the KNFD
Ezekiel 28 in the LBA
Ezekiel 28 in the LBLA
Ezekiel 28 in the LNT
Ezekiel 28 in the LSV
Ezekiel 28 in the MAAL
Ezekiel 28 in the MBV
Ezekiel 28 in the MBV2
Ezekiel 28 in the MHNT
Ezekiel 28 in the MKNFD
Ezekiel 28 in the MNG
Ezekiel 28 in the MNT
Ezekiel 28 in the MNT2
Ezekiel 28 in the MRS1T
Ezekiel 28 in the NAA
Ezekiel 28 in the NASB
Ezekiel 28 in the NBLA
Ezekiel 28 in the NBS
Ezekiel 28 in the NBVTP
Ezekiel 28 in the NET2
Ezekiel 28 in the NIV11
Ezekiel 28 in the NNT
Ezekiel 28 in the NNT2
Ezekiel 28 in the NNT3
Ezekiel 28 in the PDDPT
Ezekiel 28 in the PFNT
Ezekiel 28 in the RMNT
Ezekiel 28 in the SBIAS
Ezekiel 28 in the SBIBS
Ezekiel 28 in the SBIBS2
Ezekiel 28 in the SBICS
Ezekiel 28 in the SBIDS
Ezekiel 28 in the SBIGS
Ezekiel 28 in the SBIHS
Ezekiel 28 in the SBIIS
Ezekiel 28 in the SBIIS2
Ezekiel 28 in the SBIIS3
Ezekiel 28 in the SBIKS
Ezekiel 28 in the SBIKS2
Ezekiel 28 in the SBIMS
Ezekiel 28 in the SBIOS
Ezekiel 28 in the SBIPS
Ezekiel 28 in the SBISS
Ezekiel 28 in the SBITS
Ezekiel 28 in the SBITS2
Ezekiel 28 in the SBITS3
Ezekiel 28 in the SBITS4
Ezekiel 28 in the SBIUS
Ezekiel 28 in the SBIVS
Ezekiel 28 in the SBT
Ezekiel 28 in the SBT1E
Ezekiel 28 in the SCHL
Ezekiel 28 in the SNT
Ezekiel 28 in the SUSU
Ezekiel 28 in the SUSU2
Ezekiel 28 in the SYNO
Ezekiel 28 in the TBIAOTANT
Ezekiel 28 in the TBT1E
Ezekiel 28 in the TBT1E2
Ezekiel 28 in the TFTIP
Ezekiel 28 in the TFTU
Ezekiel 28 in the TGNTATF3T
Ezekiel 28 in the THAI
Ezekiel 28 in the TNFD
Ezekiel 28 in the TNT
Ezekiel 28 in the TNTIK
Ezekiel 28 in the TNTIL
Ezekiel 28 in the TNTIN
Ezekiel 28 in the TNTIP
Ezekiel 28 in the TNTIZ
Ezekiel 28 in the TOMA
Ezekiel 28 in the TTENT
Ezekiel 28 in the UBG
Ezekiel 28 in the UGV
Ezekiel 28 in the UGV2
Ezekiel 28 in the UGV3
Ezekiel 28 in the VBL
Ezekiel 28 in the VDCC
Ezekiel 28 in the YALU
Ezekiel 28 in the YAPE
Ezekiel 28 in the YBVTP
Ezekiel 28 in the ZBP