Genesis 31 (BOSCB)

1 Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.” 2 Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga. 3 Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.” 4 Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake. 5 Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni. 6 Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, 7 asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze. 8 Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse. 9 Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri. 10 “Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa. 11 Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’ 12 Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri. 13 Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’ ” 14 Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here? 15 Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose. 16 Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndeyedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.” 17 Ipapo Jakobho akaisa vana vake navakadzi vake pangamera, 18 uye akatinha zvipfuwo zvose pamwe chete nepfuma yose yaakanga aunganidza muPadhani Aramu, kuti aende kuna baba vake Isaka kunyika yeKenani. 19 Rabhani akati aenda kundoveura makwai ake, Rakeri akaba vamwari vomumba mababa vake. 20 Pamusoro paizvozvo, Jakobho akanyengera Rabhani muAramu nokusamuudza kuti ava kuenda. 21 Saka akatiza nezvose zvaakanga anazvo, akayambuka Rwizi akananga kunyika yezvikomo yeGireadhi. 22 Pazuva rechitatu Rabhani akazoudzwa kuti Jakobho akanga atiza. 23 Akatora hama dzake, akatevera Jakobho kwamazuva manomwe uye vakamubatira munyika yezvikomo yeGireadhi. 24 Ipapo Mwari akasvika kuna Rabhani muAramu mukurota usiku uye akati kwaari, “Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.” 25 Jakobho akanga adzika tende rake munyika yezvikomo yeGireadhi paakabatwa naRabhani, uye Rabhani nehama dzake vakadzikawo musasa ipapo. 26 Ipapo Rabhani akati kuna Jakobho, “Waiteiko? Wandinyengera, uye watakura vanasikana vangu senhapwa muhondo. 27 Ko, watizirei muchivande uye ukandinyengera? Seiko usina kundiudza, kuitira kuti ndaidai ndakuendesa nomufaro uye kuchiimbwa nziyo nokuridzwa matambureni norudimbwa? 28 Hauna kunditendera kutsvoda vazukuru vangu kana kuonekana navanasikana vangu. Waita zvoupenzi. 29 Ndine simba rokukukuvadza; asi usiku Mwari wababa vako ati kwandiri, ‘Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.’ 30 Zvino wakada kuenda nokuda kwokushuva kudzokera kuimba yababa vako. Asi wakabireiko vamwari vangu?” 31 Jakobho akapindura Rabhani akati, “Ndakanga ndichitya, nokuti ndakafunga kuti maizonditorera vanasikana venyu nechisimba. 32 Asi kana mukawana munhu upi zvake anenge ana vamwari venyu, iyeye haafaniri kurarama. Pamberi pehama dzedu zvionerei pachenyu kana pane chinhu chenyu pano neni; uye kana zvakadaro, muchitore henyu.” Zvino Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga aba vamwari vacho. 33 Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nomutende raRea uye nomumatende maviri avarandakadzi, asi haana kuwana chinhu. Mushure mokubuda kwake mutende raRea, akapinda mutende raRakeri. 34 Zvino Rakeri akanga atora vamwari vomuimba yababa vake akavaisa pasi pechigaro chengamera yake uye akanga agere pamusoro pazvo. Rabhani akatsvaka pakati pezvinhu zvose mutende asi haana kuwana chinhu. 35 Rakeri akati kuna baba vake, “Regai henyu kutsamwa, ishe wangu, kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; ndiri pamutowo wavakadzi.” Saka akatsvaka asi haana kuwana vamwari veimba yake. 36 Jakobho akatsamwa uye akapopotera Rabhani akati, “Mhaka yangu ndeyeiko? Chivi chandakaita ndecheiko zvamandivhima mukadai? 37 Zvino zvamatsvaka pakati penhumbi dzangu dzose, chiiko chamawana chokumba kwenyu? Chiisei pano pamberi pehama dzenyu, uye ngavatonge pakati pedu isu vaviri. 38 “Ndakanga ndinemi makore makumi maviri aya. Makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kusvodza, uye handina kudya makondobwe amakwai enyu. 39 Handina kuuya kwamuri nezvipfuwo zvakabvamburwa nezvikara zvesango; ndakatakura mutoro wacho pachangu. Uye makareva muripo kubva kwandiri pane zvose zvakabiwa masikati kana usiku. 40 Aya ndiwo aiva magariro angu: Ndakapiswa nezuva masikati uye nechando usiku, uye hope dzakatiza mumaziso angu. 41 Zvakanga zvakaita saizvozvi kwamakore gumi namana nokuda kwavanasikana venyu vaviri ava nemakore matanhatu nokuda kwezvipfuwo zvenyu, uye makashandura mubayiro wangu kagumi. 42 Dai Mwari wababa vangu, iye Mwari waAbhurahama uye aityiwa naIsaka, akanga asineni, zvirokwazvo mungadai makandiendesa ndisina chinhu. Asi Mwari akaona kutambudzika kwangu nokubata kwamaoko angu, uye usiku akakutsiurai.” 43 Rabhani akapindura Jakobho akati, “Madzimai aya vanasikana vangu, uye vana ava vana vangu, uye zvipfuwo izvi ndezvangu. Zvose zvaunoona ndezvangu. Asi ndichaiteiko nhasi pamusoro pavanasikana vangu ava, kana pamusoro pavana vavakabereka? 44 Uya zvino, ngatiite sungano, iwe neni, uye ngaive chapupu pakati pedu.” 45 Saka Jakobho akatora ibwe akarimisa sembiru. 46 Akati kuhama dzake, “Unganidzai mamwe mabwe.” Saka vakatora mabwe vakaaunganidza vakaita murwi, uye vakadya ipapo pamurwi. 47 Rabhani akautumidza zita rokuti Jegari Sahadhuta, uye Jakobho akautumidza kuti Gareedhi. 48 Rabhani akati, “Murwi uyu ndiwo uchapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakanzi Gareedhi. 49 Wakanga uchinziwo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaachengete iwe neni patinenge tiri kure nokure. 50 Kana ukabata vanasikana vangu zvakaipa kana kutora vamwe vakadzi kunze kwevanasikana vangu, kunyange dai mumwe munhu akasava nesu, rangarira kuti Mwari ndiye chapupu pakati pako neni.” 51 Rabhani akatiwo kuna Jakobho, “Hoyu murwi uyu, uye heyi mbiru yandamisa iyi pakati pako neni. 52 Murwi uyu ndiwo chapupu uye mbiru iyi ndiyo chapupu, kuti handizopfuuri murwi uno ndichiuya kwauri kuti ndizokukuvadza uye kuti iwe hauzopfuuri murwi uno nembiru uchiuya kurutivi rwangu kuti uzondikuvadza. 53 Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.”Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka. 54 Akapa chibayiro imomo munyika yezvikomo uye akakoka hama dzake kuti dzizodya. Mushure mokudya vakavatapo usiku ihwohwo. 55 Mangwanani akatevera Rabhani akatsvoda vazukuru vake navanasikana vake uye akavaropafadza. Ipapo akabva akadzokera kumusha kwake.

In Other Versions

Genesis 31 in the ANGEFD

Genesis 31 in the ANTPNG2D

Genesis 31 in the AS21

Genesis 31 in the BAGH

Genesis 31 in the BBPNG

Genesis 31 in the BBT1E

Genesis 31 in the BDS

Genesis 31 in the BEV

Genesis 31 in the BHAD

Genesis 31 in the BIB

Genesis 31 in the BLPT

Genesis 31 in the BNT

Genesis 31 in the BNTABOOT

Genesis 31 in the BNTLV

Genesis 31 in the BOATCB

Genesis 31 in the BOATCB2

Genesis 31 in the BOBCV

Genesis 31 in the BOCNT

Genesis 31 in the BOECS

Genesis 31 in the BOGWICC

Genesis 31 in the BOHCB

Genesis 31 in the BOHCV

Genesis 31 in the BOHLNT

Genesis 31 in the BOHNTLTAL

Genesis 31 in the BOICB

Genesis 31 in the BOILNTAP

Genesis 31 in the BOITCV

Genesis 31 in the BOKCV

Genesis 31 in the BOKCV2

Genesis 31 in the BOKHWOG

Genesis 31 in the BOKSSV

Genesis 31 in the BOLCB

Genesis 31 in the BOLCB2

Genesis 31 in the BOMCV

Genesis 31 in the BONAV

Genesis 31 in the BONCB

Genesis 31 in the BONLT

Genesis 31 in the BONUT2

Genesis 31 in the BOPLNT

Genesis 31 in the BOSNC

Genesis 31 in the BOTLNT

Genesis 31 in the BOVCB

Genesis 31 in the BOYCB

Genesis 31 in the BPBB

Genesis 31 in the BPH

Genesis 31 in the BSB

Genesis 31 in the CCB

Genesis 31 in the CUV

Genesis 31 in the CUVS

Genesis 31 in the DBT

Genesis 31 in the DGDNT

Genesis 31 in the DHNT

Genesis 31 in the DNT

Genesis 31 in the ELBE

Genesis 31 in the EMTV

Genesis 31 in the ESV

Genesis 31 in the FBV

Genesis 31 in the FEB

Genesis 31 in the GGMNT

Genesis 31 in the GNT

Genesis 31 in the HARY

Genesis 31 in the HNT

Genesis 31 in the IRVA

Genesis 31 in the IRVB

Genesis 31 in the IRVG

Genesis 31 in the IRVH

Genesis 31 in the IRVK

Genesis 31 in the IRVM

Genesis 31 in the IRVM2

Genesis 31 in the IRVO

Genesis 31 in the IRVP

Genesis 31 in the IRVT

Genesis 31 in the IRVT2

Genesis 31 in the IRVU

Genesis 31 in the ISVN

Genesis 31 in the JSNT

Genesis 31 in the KAPI

Genesis 31 in the KBT1ETNIK

Genesis 31 in the KBV

Genesis 31 in the KJV

Genesis 31 in the KNFD

Genesis 31 in the LBA

Genesis 31 in the LBLA

Genesis 31 in the LNT

Genesis 31 in the LSV

Genesis 31 in the MAAL

Genesis 31 in the MBV

Genesis 31 in the MBV2

Genesis 31 in the MHNT

Genesis 31 in the MKNFD

Genesis 31 in the MNG

Genesis 31 in the MNT

Genesis 31 in the MNT2

Genesis 31 in the MRS1T

Genesis 31 in the NAA

Genesis 31 in the NASB

Genesis 31 in the NBLA

Genesis 31 in the NBS

Genesis 31 in the NBVTP

Genesis 31 in the NET2

Genesis 31 in the NIV11

Genesis 31 in the NNT

Genesis 31 in the NNT2

Genesis 31 in the NNT3

Genesis 31 in the PDDPT

Genesis 31 in the PFNT

Genesis 31 in the RMNT

Genesis 31 in the SBIAS

Genesis 31 in the SBIBS

Genesis 31 in the SBIBS2

Genesis 31 in the SBICS

Genesis 31 in the SBIDS

Genesis 31 in the SBIGS

Genesis 31 in the SBIHS

Genesis 31 in the SBIIS

Genesis 31 in the SBIIS2

Genesis 31 in the SBIIS3

Genesis 31 in the SBIKS

Genesis 31 in the SBIKS2

Genesis 31 in the SBIMS

Genesis 31 in the SBIOS

Genesis 31 in the SBIPS

Genesis 31 in the SBISS

Genesis 31 in the SBITS

Genesis 31 in the SBITS2

Genesis 31 in the SBITS3

Genesis 31 in the SBITS4

Genesis 31 in the SBIUS

Genesis 31 in the SBIVS

Genesis 31 in the SBT

Genesis 31 in the SBT1E

Genesis 31 in the SCHL

Genesis 31 in the SNT

Genesis 31 in the SUSU

Genesis 31 in the SUSU2

Genesis 31 in the SYNO

Genesis 31 in the TBIAOTANT

Genesis 31 in the TBT1E

Genesis 31 in the TBT1E2

Genesis 31 in the TFTIP

Genesis 31 in the TFTU

Genesis 31 in the TGNTATF3T

Genesis 31 in the THAI

Genesis 31 in the TNFD

Genesis 31 in the TNT

Genesis 31 in the TNTIK

Genesis 31 in the TNTIL

Genesis 31 in the TNTIN

Genesis 31 in the TNTIP

Genesis 31 in the TNTIZ

Genesis 31 in the TOMA

Genesis 31 in the TTENT

Genesis 31 in the UBG

Genesis 31 in the UGV

Genesis 31 in the UGV2

Genesis 31 in the UGV3

Genesis 31 in the VBL

Genesis 31 in the VDCC

Genesis 31 in the YALU

Genesis 31 in the YAPE

Genesis 31 in the YBVTP

Genesis 31 in the ZBP