Genesis 48 (BOSCB)

1 Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa kuti, “Baba vako vanorwara.” Saka akatora vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu pamwe chete naye. 2 Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo. 3 Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari Wamasimba Ose akazviratidza kwandiri paRuzi munyika yeKenani, uye akandiropafadza ipapo, 4 uye akati kwandiri, ‘Ndichakuita kuti ubereke vana uye ndichaita kuti muwande. Ndichakuita vanhu vazhinji, uye ndichakupa nyika ino kuti ive yako nokuzvizvarwa zvako nokusingaperi.’ 5 “Ipapo zvino, vanakomana vako vaviri vawakaberekerwa muIjipiti ndisati ndasvika kwauri kuno vachanzi ndevangu; Efuremu naManase vachava vangu, saRubheni naSimeoni vari vangu. 6 Vana vose vawakaberekerwa mumashure mavo vachava vako; munyika yavo yenhaka vachazivikanwa pasi pamazita amadzikoma avo. 7 Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema). 8 Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?” 9 Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa kuno naMwari.”Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.” 10 Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira. 11 Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.” 12 Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri akakotama pasi nechiso chake. 13 Uye Josefa akavatora vose vari vaviri, Efuremu kurudyi kwake akatarira kuruoko rworuboshwe rwaIsraeri, uye Manase kuruboshwe, akatarira kuruoko rworudyi rwaIsraeri, uye akavaswededza pedyo navo. 14 Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfuremu, kunyange zvake akanga ari muduku, uye akachinjika maoko ake, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, kunyange hazvo Manase akanga ari iye dangwe. 15 Ipapo akaropafadza Josefa akati,“Mwari uyo madzibaba angu,ivo Abhurahama naIsaka, vakafamba pamberi pake,iye Mwari akanga ari mufudzi wanguupenyu hwangu hwose kusvikira nhasi, 16 Mutumwa akandisunungura kubva pane zvakaipa zvose,ngaaropafadze vakomana ava.Ngavadanwe nezita ranguuye namazita amadzibaba angu Abhurahama naIsaka,uye ngavawande zvikurupamusoro penyika.” 17 Josefa paakaona baba vake vachiisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu haana kufadzwa nazvo; saka akabata ruoko rwababa vake kuti arubvise pamusoro waEfuremu aruise pamusoro waManase. 18 Josefa akati kwavari, “Kwete, baba vangu, uyu ndiye dangwe; isai ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.” 19 Asi baba vakaramba vakati, “Ndinozviziva, mwana wangu, ndinozviziva. Naiyewo achava rudzi, uye naiyewo achava mukuru. Kunyange zvakadaro hazvo muduku achava mukuru kupfuura iye, uye zvizvarwa zvake zvichava boka rendudzi zhinji.” 20 Akavaropafadza pazuva iro akati,“Muzita rako, Israeri achataura ropafadzo iyi achiti:‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ”Saka akaisa Efuremu pamberi paManase. 21 Ipapo Israeri akati kuna Josefa, “Ndava pedyo nokufa, asi Mwari achava newe uye achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu. 22 Uye kwauri, sezvo uri munhu ari pamusoro pamadzikoma ako, ndinokupa mugove wenyika yandakatorera vaAmori nomunondo wangu uye nouta hwangu.”

In Other Versions

Genesis 48 in the ANGEFD

Genesis 48 in the ANTPNG2D

Genesis 48 in the AS21

Genesis 48 in the BAGH

Genesis 48 in the BBPNG

Genesis 48 in the BBT1E

Genesis 48 in the BDS

Genesis 48 in the BEV

Genesis 48 in the BHAD

Genesis 48 in the BIB

Genesis 48 in the BLPT

Genesis 48 in the BNT

Genesis 48 in the BNTABOOT

Genesis 48 in the BNTLV

Genesis 48 in the BOATCB

Genesis 48 in the BOATCB2

Genesis 48 in the BOBCV

Genesis 48 in the BOCNT

Genesis 48 in the BOECS

Genesis 48 in the BOGWICC

Genesis 48 in the BOHCB

Genesis 48 in the BOHCV

Genesis 48 in the BOHLNT

Genesis 48 in the BOHNTLTAL

Genesis 48 in the BOICB

Genesis 48 in the BOILNTAP

Genesis 48 in the BOITCV

Genesis 48 in the BOKCV

Genesis 48 in the BOKCV2

Genesis 48 in the BOKHWOG

Genesis 48 in the BOKSSV

Genesis 48 in the BOLCB

Genesis 48 in the BOLCB2

Genesis 48 in the BOMCV

Genesis 48 in the BONAV

Genesis 48 in the BONCB

Genesis 48 in the BONLT

Genesis 48 in the BONUT2

Genesis 48 in the BOPLNT

Genesis 48 in the BOSNC

Genesis 48 in the BOTLNT

Genesis 48 in the BOVCB

Genesis 48 in the BOYCB

Genesis 48 in the BPBB

Genesis 48 in the BPH

Genesis 48 in the BSB

Genesis 48 in the CCB

Genesis 48 in the CUV

Genesis 48 in the CUVS

Genesis 48 in the DBT

Genesis 48 in the DGDNT

Genesis 48 in the DHNT

Genesis 48 in the DNT

Genesis 48 in the ELBE

Genesis 48 in the EMTV

Genesis 48 in the ESV

Genesis 48 in the FBV

Genesis 48 in the FEB

Genesis 48 in the GGMNT

Genesis 48 in the GNT

Genesis 48 in the HARY

Genesis 48 in the HNT

Genesis 48 in the IRVA

Genesis 48 in the IRVB

Genesis 48 in the IRVG

Genesis 48 in the IRVH

Genesis 48 in the IRVK

Genesis 48 in the IRVM

Genesis 48 in the IRVM2

Genesis 48 in the IRVO

Genesis 48 in the IRVP

Genesis 48 in the IRVT

Genesis 48 in the IRVT2

Genesis 48 in the IRVU

Genesis 48 in the ISVN

Genesis 48 in the JSNT

Genesis 48 in the KAPI

Genesis 48 in the KBT1ETNIK

Genesis 48 in the KBV

Genesis 48 in the KJV

Genesis 48 in the KNFD

Genesis 48 in the LBA

Genesis 48 in the LBLA

Genesis 48 in the LNT

Genesis 48 in the LSV

Genesis 48 in the MAAL

Genesis 48 in the MBV

Genesis 48 in the MBV2

Genesis 48 in the MHNT

Genesis 48 in the MKNFD

Genesis 48 in the MNG

Genesis 48 in the MNT

Genesis 48 in the MNT2

Genesis 48 in the MRS1T

Genesis 48 in the NAA

Genesis 48 in the NASB

Genesis 48 in the NBLA

Genesis 48 in the NBS

Genesis 48 in the NBVTP

Genesis 48 in the NET2

Genesis 48 in the NIV11

Genesis 48 in the NNT

Genesis 48 in the NNT2

Genesis 48 in the NNT3

Genesis 48 in the PDDPT

Genesis 48 in the PFNT

Genesis 48 in the RMNT

Genesis 48 in the SBIAS

Genesis 48 in the SBIBS

Genesis 48 in the SBIBS2

Genesis 48 in the SBICS

Genesis 48 in the SBIDS

Genesis 48 in the SBIGS

Genesis 48 in the SBIHS

Genesis 48 in the SBIIS

Genesis 48 in the SBIIS2

Genesis 48 in the SBIIS3

Genesis 48 in the SBIKS

Genesis 48 in the SBIKS2

Genesis 48 in the SBIMS

Genesis 48 in the SBIOS

Genesis 48 in the SBIPS

Genesis 48 in the SBISS

Genesis 48 in the SBITS

Genesis 48 in the SBITS2

Genesis 48 in the SBITS3

Genesis 48 in the SBITS4

Genesis 48 in the SBIUS

Genesis 48 in the SBIVS

Genesis 48 in the SBT

Genesis 48 in the SBT1E

Genesis 48 in the SCHL

Genesis 48 in the SNT

Genesis 48 in the SUSU

Genesis 48 in the SUSU2

Genesis 48 in the SYNO

Genesis 48 in the TBIAOTANT

Genesis 48 in the TBT1E

Genesis 48 in the TBT1E2

Genesis 48 in the TFTIP

Genesis 48 in the TFTU

Genesis 48 in the TGNTATF3T

Genesis 48 in the THAI

Genesis 48 in the TNFD

Genesis 48 in the TNT

Genesis 48 in the TNTIK

Genesis 48 in the TNTIL

Genesis 48 in the TNTIN

Genesis 48 in the TNTIP

Genesis 48 in the TNTIZ

Genesis 48 in the TOMA

Genesis 48 in the TTENT

Genesis 48 in the UBG

Genesis 48 in the UGV

Genesis 48 in the UGV2

Genesis 48 in the UGV3

Genesis 48 in the VBL

Genesis 48 in the VDCC

Genesis 48 in the YALU

Genesis 48 in the YAPE

Genesis 48 in the YBVTP

Genesis 48 in the ZBP