Genesis 5 (BOSCB)
1 Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu. Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari. 2 Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.” 3 Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti. 4 Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana. 5 Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa. 6 Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi. 7 Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 8 Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa. 9 Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani. 10 Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 11 Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa. 12 Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri. 13 Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 14 Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa. 15 Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi. 16 Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 17 Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa. 18 Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki. 19 Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 20 Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa. 21 Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera. 22 Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 23 Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu. 24 Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora. 25 Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki. 26 Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 27 Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa. 28 Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana. 29 Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.” 30 Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana. 31 Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa. 32 Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti.
In Other Versions
Genesis 5 in the ANGEFD
Genesis 5 in the ANTPNG2D
Genesis 5 in the AS21
Genesis 5 in the BAGH
Genesis 5 in the BBPNG
Genesis 5 in the BBT1E
Genesis 5 in the BDS
Genesis 5 in the BEV
Genesis 5 in the BHAD
Genesis 5 in the BIB
Genesis 5 in the BLPT
Genesis 5 in the BNT
Genesis 5 in the BNTABOOT
Genesis 5 in the BNTLV
Genesis 5 in the BOATCB
Genesis 5 in the BOATCB2
Genesis 5 in the BOBCV
Genesis 5 in the BOCNT
Genesis 5 in the BOECS
Genesis 5 in the BOGWICC
Genesis 5 in the BOHCB
Genesis 5 in the BOHCV
Genesis 5 in the BOHLNT
Genesis 5 in the BOHNTLTAL
Genesis 5 in the BOICB
Genesis 5 in the BOILNTAP
Genesis 5 in the BOITCV
Genesis 5 in the BOKCV
Genesis 5 in the BOKCV2
Genesis 5 in the BOKHWOG
Genesis 5 in the BOKSSV
Genesis 5 in the BOLCB
Genesis 5 in the BOLCB2
Genesis 5 in the BOMCV
Genesis 5 in the BONAV
Genesis 5 in the BONCB
Genesis 5 in the BONLT
Genesis 5 in the BONUT2
Genesis 5 in the BOPLNT
Genesis 5 in the BOSNC
Genesis 5 in the BOTLNT
Genesis 5 in the BOVCB
Genesis 5 in the BOYCB
Genesis 5 in the BPBB
Genesis 5 in the BPH
Genesis 5 in the BSB
Genesis 5 in the CCB
Genesis 5 in the CUV
Genesis 5 in the CUVS
Genesis 5 in the DBT
Genesis 5 in the DGDNT
Genesis 5 in the DHNT
Genesis 5 in the DNT
Genesis 5 in the ELBE
Genesis 5 in the EMTV
Genesis 5 in the ESV
Genesis 5 in the FBV
Genesis 5 in the FEB
Genesis 5 in the GGMNT
Genesis 5 in the GNT
Genesis 5 in the HARY
Genesis 5 in the HNT
Genesis 5 in the IRVA
Genesis 5 in the IRVB
Genesis 5 in the IRVG
Genesis 5 in the IRVH
Genesis 5 in the IRVK
Genesis 5 in the IRVM
Genesis 5 in the IRVM2
Genesis 5 in the IRVO
Genesis 5 in the IRVP
Genesis 5 in the IRVT
Genesis 5 in the IRVT2
Genesis 5 in the IRVU
Genesis 5 in the ISVN
Genesis 5 in the JSNT
Genesis 5 in the KAPI
Genesis 5 in the KBT1ETNIK
Genesis 5 in the KBV
Genesis 5 in the KJV
Genesis 5 in the KNFD
Genesis 5 in the LBA
Genesis 5 in the LBLA
Genesis 5 in the LNT
Genesis 5 in the LSV
Genesis 5 in the MAAL
Genesis 5 in the MBV
Genesis 5 in the MBV2
Genesis 5 in the MHNT
Genesis 5 in the MKNFD
Genesis 5 in the MNG
Genesis 5 in the MNT
Genesis 5 in the MNT2
Genesis 5 in the MRS1T
Genesis 5 in the NAA
Genesis 5 in the NASB
Genesis 5 in the NBLA
Genesis 5 in the NBS
Genesis 5 in the NBVTP
Genesis 5 in the NET2
Genesis 5 in the NIV11
Genesis 5 in the NNT
Genesis 5 in the NNT2
Genesis 5 in the NNT3
Genesis 5 in the PDDPT
Genesis 5 in the PFNT
Genesis 5 in the RMNT
Genesis 5 in the SBIAS
Genesis 5 in the SBIBS
Genesis 5 in the SBIBS2
Genesis 5 in the SBICS
Genesis 5 in the SBIDS
Genesis 5 in the SBIGS
Genesis 5 in the SBIHS
Genesis 5 in the SBIIS
Genesis 5 in the SBIIS2
Genesis 5 in the SBIIS3
Genesis 5 in the SBIKS
Genesis 5 in the SBIKS2
Genesis 5 in the SBIMS
Genesis 5 in the SBIOS
Genesis 5 in the SBIPS
Genesis 5 in the SBISS
Genesis 5 in the SBITS
Genesis 5 in the SBITS2
Genesis 5 in the SBITS3
Genesis 5 in the SBITS4
Genesis 5 in the SBIUS
Genesis 5 in the SBIVS
Genesis 5 in the SBT
Genesis 5 in the SBT1E
Genesis 5 in the SCHL
Genesis 5 in the SNT
Genesis 5 in the SUSU
Genesis 5 in the SUSU2
Genesis 5 in the SYNO
Genesis 5 in the TBIAOTANT
Genesis 5 in the TBT1E
Genesis 5 in the TBT1E2
Genesis 5 in the TFTIP
Genesis 5 in the TFTU
Genesis 5 in the TGNTATF3T
Genesis 5 in the THAI
Genesis 5 in the TNFD
Genesis 5 in the TNT
Genesis 5 in the TNTIK
Genesis 5 in the TNTIL
Genesis 5 in the TNTIN
Genesis 5 in the TNTIP
Genesis 5 in the TNTIZ
Genesis 5 in the TOMA
Genesis 5 in the TTENT
Genesis 5 in the UBG
Genesis 5 in the UGV
Genesis 5 in the UGV2
Genesis 5 in the UGV3
Genesis 5 in the VBL
Genesis 5 in the VDCC
Genesis 5 in the YALU
Genesis 5 in the YAPE
Genesis 5 in the YBVTP
Genesis 5 in the ZBP