Genesis 50 (BOSCB)
1 Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda. 2 Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika, 3 vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika mutumbi. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe. 4 Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti, 5 ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwidze ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’ ” 6 Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.” 7 Saka Josefa akakwidza kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti, 8 tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni. 9 Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo. 10 Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake. 11 VaKenani vaigara ikoko vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, “VaIjipita vari pakuchema kukuru.” Ndokusaka nzvimbo iyo iri pedyo neJorodhani yakatumidzwa zita rokuti Abheri Miziraimi. 12 Saka vanakomana vaJakobho vakaita sezvaakavarayira: 13 Vakamutakura vakaenda naye kunyika yeKenani uye vakamuviga mubako mumunda weMakapera, pedyo neMamure, rakatengwa naAbhurahama senzvimbo yokuviga kubva kuna Efuroni muHiti, pamwe chete nomunda wacho. 14 Shure kwokuvigwa kwababa vake, Josefa akadzokera kuIjipiti, pamwe chete namadzikoma ake navamwe vose vakanga vaenda naye kundoviga baba vake. 15 Madzikoma aJosefa akati aona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati, “Zvimwe Josefa angadaro achiri kutivenga uye akatitsiva pane zvakaipa zvose zvatakaita kwaari?” 16 Saka vakatuma shoko kwaari vakati, “Baba vako vakasiya varayira vasati vafa vachiti: 17 ‘Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna Josefa: Ndinokumbira kuti ukanganwire madzikoma ako zvivi zvavo nezvitadzo zvavakaita pavakakuitira zvakaipa kwazvo. Zvino ndapota kanganwira hako zvivi zvavaranda vaMwari wababa vako.’ ” Pakasvika shoko ravo kwaari, Josefa akachema. 18 Ipapo madzikoma ake akauya akazviwisira pasi pamberi pake. Vakati, “Tiri varanda venyu.” 19 Asi Josefa akati kwavari, “Musatya. Ko, ini ndiri pachinzvimbo chaMwari here? 20 Imi makafunga kundiitira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuita zvakanaka kuti apedzise zviri kuitwa iye zvino, iko kuponeswa kwemweya mizhinji. 21 Naizvozvo zvino, musatya. Ndichakuriritirai imi navana venyu.” Akavasimbaradza uye akataura nounyoro kwavari. 22 Josefa akagara muIjipiti pamwe chete nemhuri yose yababa vake. Akararama kwamakore zana negumi, 23 uye akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu. Uyewo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaiswa pamakumbo aJosefa pavakaberekwa. 24 Ipapo Josefa akati kumadzikoma ake, “Ini ndava kuzofa. Asi zvirokwazvo Mwari achakubatsirai nokukubudisai munyika muno achikuendesai kunyika yakavimbiswa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho.” 25 Uye Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko uye akati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva munzvimbo ino.” 26 Saka Josefa akafa ava namakore zana negumi. Uye shure kwokumusasika, akaiswa mubhokisi muIjipiti.
In Other Versions
Genesis 50 in the ANGEFD
Genesis 50 in the ANTPNG2D
Genesis 50 in the AS21
Genesis 50 in the BAGH
Genesis 50 in the BBPNG
Genesis 50 in the BBT1E
Genesis 50 in the BDS
Genesis 50 in the BEV
Genesis 50 in the BHAD
Genesis 50 in the BIB
Genesis 50 in the BLPT
Genesis 50 in the BNT
Genesis 50 in the BNTABOOT
Genesis 50 in the BNTLV
Genesis 50 in the BOATCB
Genesis 50 in the BOATCB2
Genesis 50 in the BOBCV
Genesis 50 in the BOCNT
Genesis 50 in the BOECS
Genesis 50 in the BOGWICC
Genesis 50 in the BOHCB
Genesis 50 in the BOHCV
Genesis 50 in the BOHLNT
Genesis 50 in the BOHNTLTAL
Genesis 50 in the BOICB
Genesis 50 in the BOILNTAP
Genesis 50 in the BOITCV
Genesis 50 in the BOKCV
Genesis 50 in the BOKCV2
Genesis 50 in the BOKHWOG
Genesis 50 in the BOKSSV
Genesis 50 in the BOLCB
Genesis 50 in the BOLCB2
Genesis 50 in the BOMCV
Genesis 50 in the BONAV
Genesis 50 in the BONCB
Genesis 50 in the BONLT
Genesis 50 in the BONUT2
Genesis 50 in the BOPLNT
Genesis 50 in the BOSNC
Genesis 50 in the BOTLNT
Genesis 50 in the BOVCB
Genesis 50 in the BOYCB
Genesis 50 in the BPBB
Genesis 50 in the BPH
Genesis 50 in the BSB
Genesis 50 in the CCB
Genesis 50 in the CUV
Genesis 50 in the CUVS
Genesis 50 in the DBT
Genesis 50 in the DGDNT
Genesis 50 in the DHNT
Genesis 50 in the DNT
Genesis 50 in the ELBE
Genesis 50 in the EMTV
Genesis 50 in the ESV
Genesis 50 in the FBV
Genesis 50 in the FEB
Genesis 50 in the GGMNT
Genesis 50 in the GNT
Genesis 50 in the HARY
Genesis 50 in the HNT
Genesis 50 in the IRVA
Genesis 50 in the IRVB
Genesis 50 in the IRVG
Genesis 50 in the IRVH
Genesis 50 in the IRVK
Genesis 50 in the IRVM
Genesis 50 in the IRVM2
Genesis 50 in the IRVO
Genesis 50 in the IRVP
Genesis 50 in the IRVT
Genesis 50 in the IRVT2
Genesis 50 in the IRVU
Genesis 50 in the ISVN
Genesis 50 in the JSNT
Genesis 50 in the KAPI
Genesis 50 in the KBT1ETNIK
Genesis 50 in the KBV
Genesis 50 in the KJV
Genesis 50 in the KNFD
Genesis 50 in the LBA
Genesis 50 in the LBLA
Genesis 50 in the LNT
Genesis 50 in the LSV
Genesis 50 in the MAAL
Genesis 50 in the MBV
Genesis 50 in the MBV2
Genesis 50 in the MHNT
Genesis 50 in the MKNFD
Genesis 50 in the MNG
Genesis 50 in the MNT
Genesis 50 in the MNT2
Genesis 50 in the MRS1T
Genesis 50 in the NAA
Genesis 50 in the NASB
Genesis 50 in the NBLA
Genesis 50 in the NBS
Genesis 50 in the NBVTP
Genesis 50 in the NET2
Genesis 50 in the NIV11
Genesis 50 in the NNT
Genesis 50 in the NNT2
Genesis 50 in the NNT3
Genesis 50 in the PDDPT
Genesis 50 in the PFNT
Genesis 50 in the RMNT
Genesis 50 in the SBIAS
Genesis 50 in the SBIBS
Genesis 50 in the SBIBS2
Genesis 50 in the SBICS
Genesis 50 in the SBIDS
Genesis 50 in the SBIGS
Genesis 50 in the SBIHS
Genesis 50 in the SBIIS
Genesis 50 in the SBIIS2
Genesis 50 in the SBIIS3
Genesis 50 in the SBIKS
Genesis 50 in the SBIKS2
Genesis 50 in the SBIMS
Genesis 50 in the SBIOS
Genesis 50 in the SBIPS
Genesis 50 in the SBISS
Genesis 50 in the SBITS
Genesis 50 in the SBITS2
Genesis 50 in the SBITS3
Genesis 50 in the SBITS4
Genesis 50 in the SBIUS
Genesis 50 in the SBIVS
Genesis 50 in the SBT
Genesis 50 in the SBT1E
Genesis 50 in the SCHL
Genesis 50 in the SNT
Genesis 50 in the SUSU
Genesis 50 in the SUSU2
Genesis 50 in the SYNO
Genesis 50 in the TBIAOTANT
Genesis 50 in the TBT1E
Genesis 50 in the TBT1E2
Genesis 50 in the TFTIP
Genesis 50 in the TFTU
Genesis 50 in the TGNTATF3T
Genesis 50 in the THAI
Genesis 50 in the TNFD
Genesis 50 in the TNT
Genesis 50 in the TNTIK
Genesis 50 in the TNTIL
Genesis 50 in the TNTIN
Genesis 50 in the TNTIP
Genesis 50 in the TNTIZ
Genesis 50 in the TOMA
Genesis 50 in the TTENT
Genesis 50 in the UBG
Genesis 50 in the UGV
Genesis 50 in the UGV2
Genesis 50 in the UGV3
Genesis 50 in the VBL
Genesis 50 in the VDCC
Genesis 50 in the YALU
Genesis 50 in the YAPE
Genesis 50 in the YBVTP
Genesis 50 in the ZBP