Hosea 14 (BOSCB)
1 Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako.Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako! 2 Endai namashokouye mudzokere kuna Jehovha.Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvosemutigamuchire nenyasha,kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu. 3 Asiria haingatiponesi;hatingatasvi mabhiza ehondo.Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo,nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.” 4 “Ndichaporesa kusateerera kwavouye ndichangovada hangu,nokuti hasha dzangu dzabva kwavari. 5 Ndichava sedova kuna Israeri;achatunga seruva remahapa.Somusidhari weRebhanoniachadzikisa midzi yake; 6 mabukira ake achakura.Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi,kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni. 7 Vanhu vachagarazve mumumvuri wake.Achabudirira sezviyo.Achatunga maruva somuzambiringa,uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni. 8 Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo?Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira;kubereka kwako kunobva kwandiri.” 9 Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi.Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa.Nzira dzaJehovha dzakarurama;vakarurama vanofamba madziri,asi vatadzi vanogumburwa madziri.