Judges 20 (BOSCB)

1 Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa. 2 Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo. 3 (VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwidza kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa kudai chakaitika sei?” 4 Saka muRevhi, murume womukadzi akapondwa akati, “Ini nomurongo wangu takasvika paGibhea muBhenjamini kuti tindovatamo. 5 Panguva dzousiku, varume veGibhea vakauya kwandiri vakakomba imba vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, uye akafa. 6 Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri. 7 Zvino, imi vaIsraeri mose, taurai uye mupe mutongo wenyu.” 8 Vanhu vose vakasimuka somunhu mumwe chete vakati, “Hakuna mumwe wedu achaenda kumba. Kwete, hakuna mumwe wedu achadzokera kumba kwake. 9 Asi zvino izvi ndizvo zvatichaita kuGibhea: Tichakwidza kundorwa nayo sokuratidza kwomujenya. 10 Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.” 11 Saka varume vose veIsraeri vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete kuti vandorwisa guta. 12 Marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vachiti, “Munoti kudiniko pamusoro pemhosva yakaipisisa yakaparwa pakati penyu? 13 Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.”Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri. 14 Vakabva mumaguta avo vakaungana pamwe chete paGibhea kuti vazorwa navaIsraeri. 15 Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea. 16 Pakati pavarwi ava vose pakanga pane mazana manomwe avarume vakasarudzwa vakanga vane ziboshwe, mumwe nomumwe wavo aigona kupotsera ibwe kutsuro asingapotsi. 17 KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi. 18 VaIsraeri vakakwidza kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?”Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.” 19 Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea. 20 Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea. 21 VaBhenjamini vakabuda muGibhea vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro. 22 Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga. 23 VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?”Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.” 24 Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri. 25 Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo. 26 Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. 27 Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo, 28 Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?”Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.” 29 Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea. 30 Vakakwidza kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare. 31 VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea. 32 VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.” 33 Varume vose veIsraeri vakafamba kubva panzvimbo dzavo uye vakandomira paBhaari Tamari, uye vaIsraeri vakanga vakavandira vakabuda munzvimbo dzavo pamavirira eGibhea. 34 Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei. 35 Jehovha akakunda Bhenjamini pamberi peIsraeri, uye pazuva iro vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini, vose vakanga vakapakata minondo zviuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe chete. 36 Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa.Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea. 37 Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo. 38 Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti pavaizorwisa, vamwe vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta, 39 uye ipapo varume veIsraeri vaizovashandukira pakurwa.VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.” 40 Asi utsi pahwakatanga kukwira kubva muguta, vaBhenjamini vakacheuka vakaona utsi hweguta rose huchikwira kudenga. 41 Ipapo varume veIsraeri vakavadzokera, uye varume veBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaziva kuti njodzi yakanga yavawira. 42 Saka vakatiza pamberi pavaIsraeri nenzira inoenda kurenje, asi havana kugona kupunyuka pahondo. Uye varume veIsraeri vakabuda kubva mumaguta vakavauraya ipapo. 43 Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzinganisa vakavabata nyore nyore pedyo neGibhea nechokumabvazuva. 44 VaBhenjamini zviuru gumi nezvisere vakafa, vose vaiva varwi voumhare. 45 Vakati vadzoka vakatiza vakananga kurenje kuruware rwaRimoni, vaIsraeri vakauraya varume zviuru zvishanu (mumigwagwa). Vakaramba vachitevera vaBhenjamini kusvikira paGidhomi uye vakaurayazve vamwe zviuru zviviri. 46 Pazuva iroro, kwakafa varume vaBhenjamini veminondo zviuru makumi maviri nezvishanu, vose varwi voumhare. 47 Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka vakatizira murenje kuruware rweRimoni, kwavakandogara kwemwedzi mina. 48 Varume veIsraeri vakadzokera kuBhenjamini uye vakaparadza maguta ose nomunondo, kusanganisira mhuka nezvimwe zvose zvavakawana. Maguta ose avakaona vakaapisa.

In Other Versions

Judges 20 in the ANGEFD

Judges 20 in the ANTPNG2D

Judges 20 in the AS21

Judges 20 in the BAGH

Judges 20 in the BBPNG

Judges 20 in the BBT1E

Judges 20 in the BDS

Judges 20 in the BEV

Judges 20 in the BHAD

Judges 20 in the BIB

Judges 20 in the BLPT

Judges 20 in the BNT

Judges 20 in the BNTABOOT

Judges 20 in the BNTLV

Judges 20 in the BOATCB

Judges 20 in the BOATCB2

Judges 20 in the BOBCV

Judges 20 in the BOCNT

Judges 20 in the BOECS

Judges 20 in the BOGWICC

Judges 20 in the BOHCB

Judges 20 in the BOHCV

Judges 20 in the BOHLNT

Judges 20 in the BOHNTLTAL

Judges 20 in the BOICB

Judges 20 in the BOILNTAP

Judges 20 in the BOITCV

Judges 20 in the BOKCV

Judges 20 in the BOKCV2

Judges 20 in the BOKHWOG

Judges 20 in the BOKSSV

Judges 20 in the BOLCB

Judges 20 in the BOLCB2

Judges 20 in the BOMCV

Judges 20 in the BONAV

Judges 20 in the BONCB

Judges 20 in the BONLT

Judges 20 in the BONUT2

Judges 20 in the BOPLNT

Judges 20 in the BOSNC

Judges 20 in the BOTLNT

Judges 20 in the BOVCB

Judges 20 in the BOYCB

Judges 20 in the BPBB

Judges 20 in the BPH

Judges 20 in the BSB

Judges 20 in the CCB

Judges 20 in the CUV

Judges 20 in the CUVS

Judges 20 in the DBT

Judges 20 in the DGDNT

Judges 20 in the DHNT

Judges 20 in the DNT

Judges 20 in the ELBE

Judges 20 in the EMTV

Judges 20 in the ESV

Judges 20 in the FBV

Judges 20 in the FEB

Judges 20 in the GGMNT

Judges 20 in the GNT

Judges 20 in the HARY

Judges 20 in the HNT

Judges 20 in the IRVA

Judges 20 in the IRVB

Judges 20 in the IRVG

Judges 20 in the IRVH

Judges 20 in the IRVK

Judges 20 in the IRVM

Judges 20 in the IRVM2

Judges 20 in the IRVO

Judges 20 in the IRVP

Judges 20 in the IRVT

Judges 20 in the IRVT2

Judges 20 in the IRVU

Judges 20 in the ISVN

Judges 20 in the JSNT

Judges 20 in the KAPI

Judges 20 in the KBT1ETNIK

Judges 20 in the KBV

Judges 20 in the KJV

Judges 20 in the KNFD

Judges 20 in the LBA

Judges 20 in the LBLA

Judges 20 in the LNT

Judges 20 in the LSV

Judges 20 in the MAAL

Judges 20 in the MBV

Judges 20 in the MBV2

Judges 20 in the MHNT

Judges 20 in the MKNFD

Judges 20 in the MNG

Judges 20 in the MNT

Judges 20 in the MNT2

Judges 20 in the MRS1T

Judges 20 in the NAA

Judges 20 in the NASB

Judges 20 in the NBLA

Judges 20 in the NBS

Judges 20 in the NBVTP

Judges 20 in the NET2

Judges 20 in the NIV11

Judges 20 in the NNT

Judges 20 in the NNT2

Judges 20 in the NNT3

Judges 20 in the PDDPT

Judges 20 in the PFNT

Judges 20 in the RMNT

Judges 20 in the SBIAS

Judges 20 in the SBIBS

Judges 20 in the SBIBS2

Judges 20 in the SBICS

Judges 20 in the SBIDS

Judges 20 in the SBIGS

Judges 20 in the SBIHS

Judges 20 in the SBIIS

Judges 20 in the SBIIS2

Judges 20 in the SBIIS3

Judges 20 in the SBIKS

Judges 20 in the SBIKS2

Judges 20 in the SBIMS

Judges 20 in the SBIOS

Judges 20 in the SBIPS

Judges 20 in the SBISS

Judges 20 in the SBITS

Judges 20 in the SBITS2

Judges 20 in the SBITS3

Judges 20 in the SBITS4

Judges 20 in the SBIUS

Judges 20 in the SBIVS

Judges 20 in the SBT

Judges 20 in the SBT1E

Judges 20 in the SCHL

Judges 20 in the SNT

Judges 20 in the SUSU

Judges 20 in the SUSU2

Judges 20 in the SYNO

Judges 20 in the TBIAOTANT

Judges 20 in the TBT1E

Judges 20 in the TBT1E2

Judges 20 in the TFTIP

Judges 20 in the TFTU

Judges 20 in the TGNTATF3T

Judges 20 in the THAI

Judges 20 in the TNFD

Judges 20 in the TNT

Judges 20 in the TNTIK

Judges 20 in the TNTIL

Judges 20 in the TNTIN

Judges 20 in the TNTIP

Judges 20 in the TNTIZ

Judges 20 in the TOMA

Judges 20 in the TTENT

Judges 20 in the UBG

Judges 20 in the UGV

Judges 20 in the UGV2

Judges 20 in the UGV3

Judges 20 in the VBL

Judges 20 in the VDCC

Judges 20 in the YALU

Judges 20 in the YAPE

Judges 20 in the YBVTP

Judges 20 in the ZBP