Jeremiah 22 (BOSCB)

1 Zvanzi naJehovha: “Burukira kumuzinda wamambo weJudha undoparidza shoko iri ikoko uchiti, 2 ‘Inzwai shoko raJehovha, imi mambo weJudha, iyemi munogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, imi namachinda enyu navanhu venyu vanopinda napamasuo aya. 3 Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino. 4 Nokuti kana mukachenjerera kuteerera mirayiro, ipapo madzimambo anogara pachigaro chaDhavhidhi achapinda napamasuo omuzinda uyu, vakakwira mungoro nepamabhiza vachiperekedzwa namachinda avo navanhu vavo. 5 Asi kana mukaramba kunzwa mirayiro iyi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndinopika neni ndimene kuti nzvimbo ino ichava dongo.’ ” 6 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha:“Kunyange wakaita seGireadhi kwandiri,wakaita somusoro weRebhanoni,zvirokwazvo ndichakuita segwenga,semaguta asingagarwi. 7 Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu,mumwe nomumwe nezvombo zvake,uye vachatema matanda enyu emisidhari akanakavagoakanda mumoto. 8 “Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’ 9 Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata uye vakashumira vamwe vamwari.’ ” 10 Musachema mambo akafa kana kuungudza nezvake;asi muchemere kwazvo uyo akatapwa,nokuti haachambodzoki kana kuzoonazve nyika yaakaberekerwa. 11 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino: “Haazombodzoki. 12 Achafira munzvimbo yavakamuendesa kuutapwa; haachazombooni nyika inozve.” 13 “Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama,namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira,anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa,asingavaripiri pakushanda kwavo. 14 Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakurauna makamuri okumusoro anoyevedza.’Saka anoita mawindo makuru mairi,achiabatanidza nomusidhari,agoashongedza nezvitsvuku. 15 “Izvozvo zvinokuita mambo here,kuva nemisidhari yakawandawanda?Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here?Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira,saka zvose zvakamufambira zvakanaka. 16 Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo,nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka.Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?”ndizvo zvinotaura Jehovha. 17 “Asi meso enyu nemwoyo yenyuzvakangotarisa chete papfuma isakarurama,pakuteura ropa risina mhosvanapakumanikidza nokuita nechisimba.” 18 Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha:“Havangamuchemi vachiti:‘Yowe-e, mununʼuna wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’Havangamuchemi vachiti:‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’ 19 Achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro,achakwekweredzwa agoraswa kure,kunze kwamasuo eJerusarema.” 20 “Kwirai kuRebhanoni mudanidzire,inzwi renyu ngarinzwike paBhashani,danidzirai kubva paAbharimi,nokuti shamwari dzenyu dzose dzaparadzwa. 21 Ndakakuyambira uchigere zvakanaka,asi iwe wakati, ‘Handidi kuteerera!’Ndiyo yanga iri nzira yako kubva pauduku hwako;hauna kunditeerera. 22 Mhepo ichadzingira kure vafudzi vako vose,uye shamwari dzako dzichaenda kuutapwa.Ipapo iwe uchanyara uye uchanyadziswa,nokuda kwokuipa kwako kwose. 23 Imi mugere mu‘Rebhanoni,’iyemi makavakirwa matendere mudzimba dzemisidhari,muchagomera sei kurwadza pakuchauya pamusoro penyu,kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka! 24 “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange kana iwe Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, wakanga uri mhete muruoko rwangu rworudyi, ndaingokubvisa zvakadaro. 25 Ndichakuisa mumaoko aavo vanotsvaka kukuuraya, ivo vaunotya, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvaBhabhironi. 26 Ndichapotsera iwe namai vakakubereka kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa, uye ikoko kwamuchandofira muri vaviri. 27 Hamuzombodzokizve kunyika yamunoshuva kudzokera kwairi.” 28 Ko, murume uyu Jehoyakini munhu akazvidzika, ihari yakaputsika,chinhu chisina angada here?Seiko iye navana vake vapotserwa kunze,vakarasirwa kunyika yavasingazivi? 29 Iwe nyika, nyika, nyika,inzwa shoko raJehovha! 30 Zvanzi naJehovha:“Nyora munhu uyu seasina mwana,munhu asingazobudiriri pamazuva oupenyu hwake,nokuti hakuna mwana wake achapfuma,hakuna achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi,kana kutongazve munyika yeJudha.”

In Other Versions

Jeremiah 22 in the ANGEFD

Jeremiah 22 in the ANTPNG2D

Jeremiah 22 in the AS21

Jeremiah 22 in the BAGH

Jeremiah 22 in the BBPNG

Jeremiah 22 in the BBT1E

Jeremiah 22 in the BDS

Jeremiah 22 in the BEV

Jeremiah 22 in the BHAD

Jeremiah 22 in the BIB

Jeremiah 22 in the BLPT

Jeremiah 22 in the BNT

Jeremiah 22 in the BNTABOOT

Jeremiah 22 in the BNTLV

Jeremiah 22 in the BOATCB

Jeremiah 22 in the BOATCB2

Jeremiah 22 in the BOBCV

Jeremiah 22 in the BOCNT

Jeremiah 22 in the BOECS

Jeremiah 22 in the BOGWICC

Jeremiah 22 in the BOHCB

Jeremiah 22 in the BOHCV

Jeremiah 22 in the BOHLNT

Jeremiah 22 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 22 in the BOICB

Jeremiah 22 in the BOILNTAP

Jeremiah 22 in the BOITCV

Jeremiah 22 in the BOKCV

Jeremiah 22 in the BOKCV2

Jeremiah 22 in the BOKHWOG

Jeremiah 22 in the BOKSSV

Jeremiah 22 in the BOLCB

Jeremiah 22 in the BOLCB2

Jeremiah 22 in the BOMCV

Jeremiah 22 in the BONAV

Jeremiah 22 in the BONCB

Jeremiah 22 in the BONLT

Jeremiah 22 in the BONUT2

Jeremiah 22 in the BOPLNT

Jeremiah 22 in the BOSNC

Jeremiah 22 in the BOTLNT

Jeremiah 22 in the BOVCB

Jeremiah 22 in the BOYCB

Jeremiah 22 in the BPBB

Jeremiah 22 in the BPH

Jeremiah 22 in the BSB

Jeremiah 22 in the CCB

Jeremiah 22 in the CUV

Jeremiah 22 in the CUVS

Jeremiah 22 in the DBT

Jeremiah 22 in the DGDNT

Jeremiah 22 in the DHNT

Jeremiah 22 in the DNT

Jeremiah 22 in the ELBE

Jeremiah 22 in the EMTV

Jeremiah 22 in the ESV

Jeremiah 22 in the FBV

Jeremiah 22 in the FEB

Jeremiah 22 in the GGMNT

Jeremiah 22 in the GNT

Jeremiah 22 in the HARY

Jeremiah 22 in the HNT

Jeremiah 22 in the IRVA

Jeremiah 22 in the IRVB

Jeremiah 22 in the IRVG

Jeremiah 22 in the IRVH

Jeremiah 22 in the IRVK

Jeremiah 22 in the IRVM

Jeremiah 22 in the IRVM2

Jeremiah 22 in the IRVO

Jeremiah 22 in the IRVP

Jeremiah 22 in the IRVT

Jeremiah 22 in the IRVT2

Jeremiah 22 in the IRVU

Jeremiah 22 in the ISVN

Jeremiah 22 in the JSNT

Jeremiah 22 in the KAPI

Jeremiah 22 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 22 in the KBV

Jeremiah 22 in the KJV

Jeremiah 22 in the KNFD

Jeremiah 22 in the LBA

Jeremiah 22 in the LBLA

Jeremiah 22 in the LNT

Jeremiah 22 in the LSV

Jeremiah 22 in the MAAL

Jeremiah 22 in the MBV

Jeremiah 22 in the MBV2

Jeremiah 22 in the MHNT

Jeremiah 22 in the MKNFD

Jeremiah 22 in the MNG

Jeremiah 22 in the MNT

Jeremiah 22 in the MNT2

Jeremiah 22 in the MRS1T

Jeremiah 22 in the NAA

Jeremiah 22 in the NASB

Jeremiah 22 in the NBLA

Jeremiah 22 in the NBS

Jeremiah 22 in the NBVTP

Jeremiah 22 in the NET2

Jeremiah 22 in the NIV11

Jeremiah 22 in the NNT

Jeremiah 22 in the NNT2

Jeremiah 22 in the NNT3

Jeremiah 22 in the PDDPT

Jeremiah 22 in the PFNT

Jeremiah 22 in the RMNT

Jeremiah 22 in the SBIAS

Jeremiah 22 in the SBIBS

Jeremiah 22 in the SBIBS2

Jeremiah 22 in the SBICS

Jeremiah 22 in the SBIDS

Jeremiah 22 in the SBIGS

Jeremiah 22 in the SBIHS

Jeremiah 22 in the SBIIS

Jeremiah 22 in the SBIIS2

Jeremiah 22 in the SBIIS3

Jeremiah 22 in the SBIKS

Jeremiah 22 in the SBIKS2

Jeremiah 22 in the SBIMS

Jeremiah 22 in the SBIOS

Jeremiah 22 in the SBIPS

Jeremiah 22 in the SBISS

Jeremiah 22 in the SBITS

Jeremiah 22 in the SBITS2

Jeremiah 22 in the SBITS3

Jeremiah 22 in the SBITS4

Jeremiah 22 in the SBIUS

Jeremiah 22 in the SBIVS

Jeremiah 22 in the SBT

Jeremiah 22 in the SBT1E

Jeremiah 22 in the SCHL

Jeremiah 22 in the SNT

Jeremiah 22 in the SUSU

Jeremiah 22 in the SUSU2

Jeremiah 22 in the SYNO

Jeremiah 22 in the TBIAOTANT

Jeremiah 22 in the TBT1E

Jeremiah 22 in the TBT1E2

Jeremiah 22 in the TFTIP

Jeremiah 22 in the TFTU

Jeremiah 22 in the TGNTATF3T

Jeremiah 22 in the THAI

Jeremiah 22 in the TNFD

Jeremiah 22 in the TNT

Jeremiah 22 in the TNTIK

Jeremiah 22 in the TNTIL

Jeremiah 22 in the TNTIN

Jeremiah 22 in the TNTIP

Jeremiah 22 in the TNTIZ

Jeremiah 22 in the TOMA

Jeremiah 22 in the TTENT

Jeremiah 22 in the UBG

Jeremiah 22 in the UGV

Jeremiah 22 in the UGV2

Jeremiah 22 in the UGV3

Jeremiah 22 in the VBL

Jeremiah 22 in the VDCC

Jeremiah 22 in the YALU

Jeremiah 22 in the YAPE

Jeremiah 22 in the YBVTP

Jeremiah 22 in the ZBP