Jeremiah 34 (BOSCB)
1 Shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nehondo yake yose, noushe hwose hwapanyika hwaakanga akabata, navanhu vose vakanga vachirwa neJerusarema namaguta ose akanga akaripoteredza, richiti, 2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Enda kuna Zedhekia mambo weJudha umuudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava pedyo nokuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa. 3 Iwe haungapukunyuki muruoko rwake asi zvirokwazvo uchabatwa ugoiswa mumaoko ake. Uchaona mambo weBhabhironi nameso ako, uye achataura newe makatarisana. Uye iwe uchaenda kuBhabhironi. 4 “ ‘Asi chinzwa chivimbiso chaJehovha, iwe Zedhekia mambo weJudha. Zvanzi naJehovha pamusoro pako iwe: Haungafi nomunondo; 5 uchafa murunyararo. Vanhu sezvavakavesa moto pamariro vachiremekedza madzibaba ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachavesa moto vachikuremekedza vagochema vachiti, “Yowe-e, nhai tenzi!” Ndini pachangu ndavimbisa izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ” 6 Ipapo muprofita Jeremia akataurira Zedhekia mambo weJudha zvose izvi, ari muJerusarema, 7 hondo yamambo weBhabhironi payakanga ichirwa neJerusarema namamwe maguta eJudha akanga achakashingirira, Rakishi neAzeka. Aya ndiwo chete maguta akanga asara muJudha akakomberedzwa namasvingo. 8 Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokunge Mambo Zedhekia aita sungano navanhu vose vemuJerusarema kuti vadanidzire kusunungurwa kwenhapwa. 9 Mumwe nomumwe aifanira kusunungura varanda vake vechiHebheru, vose varume navakadzi; hakuna aifanira kurega hama yake yechiJudha iri pausungwa. 10 Saka machinda ose navanhu vose vakapinda pasungano iyi, vakatenderana ndokuvasunungura. 11 Asi mushure maizvozvo vakashandura pfungwa dzavo, vakadzosa nhapwa dzavakanga vasunungura ndokuvaita varanda zvakare. 12 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, 13 “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Ndakaita sungano namadzitateguru enyu pandakavabudisa kubva muIjipiti, munyika youranda. Ndakati, 14 ‘Gore rechinomwe roga roga, mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura hama ipi zvayo yechiHebheru yakazvitengesa kwaari. Mushure mokukushandira makore matanhatu, unofanira kumurega aende.’ Kunyange zvakadaro, madzibaba enyu haana kunditeerera kana kundirerekera nzeve dzavo. 15 Munguva shoma yakapfuura, makatendeuka mukaita zvakanaka pamberi pangu: Mumwe nomumwe wenyu akadanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwake. Makabva maita sungano pamberi pangu muimba inodanwa neZita rangu. 16 Asi zvino mashanduka ndokuzvidza zita rangu; mumwe nomumwe wenyu adzosa nhapwa dzavarume navakadzi vamakanga masunungura kuti vaende kwavaida. Mavamanikidza kuti vave nhapwa dzenyu zvakare. 17 “Naizvozvo zvanzi naJehovha: Hamuna kunditeerera; hamuna kudanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwenyu. Saka, zvino ini ndava kukudanidzirai rusununguko, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘rusununguko’ rwokufa nomunondo, nenzara uye nedenda. Ndichakuitai chinhu chinonyangadza kuushe hwose hwenyika. 18 Varume vakadarika sungano yangu uye vakasazadzisa zvakatemwa zvesungano yavakaita pamberi pangu, ndichavaita semhuru yavakagura kuita mapandi maviri vakafamba napakati pamapandi acho. 19 Vatungamiri veJudha neJerusarema, namachinda omuruvazhe, navaprista navanhu vose venyika vakafamba napakati pamapandi emhuru, 20 Ndichavaisa mumaoko avavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika. 21 “Ndichaisa Zedhekia mambo weJudha namachinda ake mumaoko avavengi vavo avo vanotsvaka kuvauraya, nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iyo yakabva kwamuri. 22 Ndicharayira, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye ndichavadzosa kuguta rino. Vacharwa naro, vagorikunda, uye vagoripisa. Uye ndichaparadza maguta eJudha, zvokuti hakuna angagaramo.”
In Other Versions
Jeremiah 34 in the ANGEFD
Jeremiah 34 in the ANTPNG2D
Jeremiah 34 in the AS21
Jeremiah 34 in the BAGH
Jeremiah 34 in the BBPNG
Jeremiah 34 in the BBT1E
Jeremiah 34 in the BDS
Jeremiah 34 in the BEV
Jeremiah 34 in the BHAD
Jeremiah 34 in the BIB
Jeremiah 34 in the BLPT
Jeremiah 34 in the BNT
Jeremiah 34 in the BNTABOOT
Jeremiah 34 in the BNTLV
Jeremiah 34 in the BOATCB
Jeremiah 34 in the BOATCB2
Jeremiah 34 in the BOBCV
Jeremiah 34 in the BOCNT
Jeremiah 34 in the BOECS
Jeremiah 34 in the BOGWICC
Jeremiah 34 in the BOHCB
Jeremiah 34 in the BOHCV
Jeremiah 34 in the BOHLNT
Jeremiah 34 in the BOHNTLTAL
Jeremiah 34 in the BOICB
Jeremiah 34 in the BOILNTAP
Jeremiah 34 in the BOITCV
Jeremiah 34 in the BOKCV
Jeremiah 34 in the BOKCV2
Jeremiah 34 in the BOKHWOG
Jeremiah 34 in the BOKSSV
Jeremiah 34 in the BOLCB
Jeremiah 34 in the BOLCB2
Jeremiah 34 in the BOMCV
Jeremiah 34 in the BONAV
Jeremiah 34 in the BONCB
Jeremiah 34 in the BONLT
Jeremiah 34 in the BONUT2
Jeremiah 34 in the BOPLNT
Jeremiah 34 in the BOSNC
Jeremiah 34 in the BOTLNT
Jeremiah 34 in the BOVCB
Jeremiah 34 in the BOYCB
Jeremiah 34 in the BPBB
Jeremiah 34 in the BPH
Jeremiah 34 in the BSB
Jeremiah 34 in the CCB
Jeremiah 34 in the CUV
Jeremiah 34 in the CUVS
Jeremiah 34 in the DBT
Jeremiah 34 in the DGDNT
Jeremiah 34 in the DHNT
Jeremiah 34 in the DNT
Jeremiah 34 in the ELBE
Jeremiah 34 in the EMTV
Jeremiah 34 in the ESV
Jeremiah 34 in the FBV
Jeremiah 34 in the FEB
Jeremiah 34 in the GGMNT
Jeremiah 34 in the GNT
Jeremiah 34 in the HARY
Jeremiah 34 in the HNT
Jeremiah 34 in the IRVA
Jeremiah 34 in the IRVB
Jeremiah 34 in the IRVG
Jeremiah 34 in the IRVH
Jeremiah 34 in the IRVK
Jeremiah 34 in the IRVM
Jeremiah 34 in the IRVM2
Jeremiah 34 in the IRVO
Jeremiah 34 in the IRVP
Jeremiah 34 in the IRVT
Jeremiah 34 in the IRVT2
Jeremiah 34 in the IRVU
Jeremiah 34 in the ISVN
Jeremiah 34 in the JSNT
Jeremiah 34 in the KAPI
Jeremiah 34 in the KBT1ETNIK
Jeremiah 34 in the KBV
Jeremiah 34 in the KJV
Jeremiah 34 in the KNFD
Jeremiah 34 in the LBA
Jeremiah 34 in the LBLA
Jeremiah 34 in the LNT
Jeremiah 34 in the LSV
Jeremiah 34 in the MAAL
Jeremiah 34 in the MBV
Jeremiah 34 in the MBV2
Jeremiah 34 in the MHNT
Jeremiah 34 in the MKNFD
Jeremiah 34 in the MNG
Jeremiah 34 in the MNT
Jeremiah 34 in the MNT2
Jeremiah 34 in the MRS1T
Jeremiah 34 in the NAA
Jeremiah 34 in the NASB
Jeremiah 34 in the NBLA
Jeremiah 34 in the NBS
Jeremiah 34 in the NBVTP
Jeremiah 34 in the NET2
Jeremiah 34 in the NIV11
Jeremiah 34 in the NNT
Jeremiah 34 in the NNT2
Jeremiah 34 in the NNT3
Jeremiah 34 in the PDDPT
Jeremiah 34 in the PFNT
Jeremiah 34 in the RMNT
Jeremiah 34 in the SBIAS
Jeremiah 34 in the SBIBS
Jeremiah 34 in the SBIBS2
Jeremiah 34 in the SBICS
Jeremiah 34 in the SBIDS
Jeremiah 34 in the SBIGS
Jeremiah 34 in the SBIHS
Jeremiah 34 in the SBIIS
Jeremiah 34 in the SBIIS2
Jeremiah 34 in the SBIIS3
Jeremiah 34 in the SBIKS
Jeremiah 34 in the SBIKS2
Jeremiah 34 in the SBIMS
Jeremiah 34 in the SBIOS
Jeremiah 34 in the SBIPS
Jeremiah 34 in the SBISS
Jeremiah 34 in the SBITS
Jeremiah 34 in the SBITS2
Jeremiah 34 in the SBITS3
Jeremiah 34 in the SBITS4
Jeremiah 34 in the SBIUS
Jeremiah 34 in the SBIVS
Jeremiah 34 in the SBT
Jeremiah 34 in the SBT1E
Jeremiah 34 in the SCHL
Jeremiah 34 in the SNT
Jeremiah 34 in the SUSU
Jeremiah 34 in the SUSU2
Jeremiah 34 in the SYNO
Jeremiah 34 in the TBIAOTANT
Jeremiah 34 in the TBT1E
Jeremiah 34 in the TBT1E2
Jeremiah 34 in the TFTIP
Jeremiah 34 in the TFTU
Jeremiah 34 in the TGNTATF3T
Jeremiah 34 in the THAI
Jeremiah 34 in the TNFD
Jeremiah 34 in the TNT
Jeremiah 34 in the TNTIK
Jeremiah 34 in the TNTIL
Jeremiah 34 in the TNTIN
Jeremiah 34 in the TNTIP
Jeremiah 34 in the TNTIZ
Jeremiah 34 in the TOMA
Jeremiah 34 in the TTENT
Jeremiah 34 in the UBG
Jeremiah 34 in the UGV
Jeremiah 34 in the UGV2
Jeremiah 34 in the UGV3
Jeremiah 34 in the VBL
Jeremiah 34 in the VDCC
Jeremiah 34 in the YALU
Jeremiah 34 in the YAPE
Jeremiah 34 in the YBVTP
Jeremiah 34 in the ZBP