Jeremiah 37 (BOSCB)

1 Zedhekia mwanakomana waJosia akagadzwa kuva mambo weJudha naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi; iye akabata ushe panzvimbo yaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi. 2 Asi iye kana varanda vake kana vanhu venyika iyoyo, havana kuteerera mashoko akanga ataurwa naJehovha kubudikidza naJeremia muprofita. 3 Kunyange zvakadaro, mambo Zedhekia akatuma Jehukari mwanakomana waSheremia, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya kuna Jeremia muprofita namashoko aya: “Ndapota tinyengetererewo kuna Jehovha Mwari wedu.” 4 Zvino Jeremia akanga akasununguka kupinda nokubuda pakati pavanhu, nokuti akanga asati apfigirwa mutorongo. 5 Hondo yaFaro yakanga yauya ichibva kuIjipiti, zvino vaBhabhironi vakanga vakakomba Jerusarema vakati vanzwa shoko pamusoro pavo, vakabva paJerusarema. 6 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita, richiti, 7 “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udza mambo weJudha, iye akakutuma kuzondibvunza, kuti, ‘Hondo yaFaro yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera kuIjipiti kunyika yavo. 8 Ipapo vaBhabhironi vachadzokazve vagorwisa guta rino; vacharikunda uye vacharipisa nomoto.’ 9 “Zvanzi naJehovha: Musazvinyengera muchifunga kuti, ‘Zvirokwazvo vaBhabhironi vachabva kwatiri.’ Kwete, havangabvi! 10 Kunyange dai mungakunda hondo yose yavaBhabhironi iri kukurwisai uye kugosara vakakuvara bedzi mumatende, ivavo vachauya vagopisa guta rino.” 11 Shure kwokubva kwehondo yavaBhabhironi muJerusarema nokuda kwehondo yaFaro, 12 Jeremia akatanga kubuda muguta kuti aende kunyika yeBhenjamini kundotora mugove wake wenhaka pakati pavanhu ikoko. 13 Asi akati asvika paSuo raBhenjamini, mukuru wavarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremia, mwanakomana waHanania, akamusunga ndokuti, “Iwe wava kutiza uchienda kuvaBhabhironi!” 14 Jeremia akati, “Handizvo, kwete! Handizi kutiza ndichienda kuvaBhabhironi!” Asi Irija haana kuda kumunzwa; asi akasunga Jeremia ndokumuendesa kumachinda. 15 Ivo vakatsamwira Jeremia vakaita kuti arohwe uye kuti aiswe mutorongo mumba maJonatani munyori, yavakanga vaita torongo. 16 Jeremia akaiswa mutorongo romugomba, umo maakagara nguva yakareba. 17 Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume kundomutora akaita kuti aiswe kumuzinda, kwaakamubvunza pakavanda, achiti, “Pane shoko rabva kuna Jehovha here?”Jeremia akapindura akati, “Hongu, muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.” 18 Ipapo Jeremia akati kuna Mambo Zedhekia, “Mhaka yandakapara nemi kana machinda enyu kana navanhu ava, ndeyeiko kuti mundipfigire mutorongo? 19 Varipiko vaprofita venyu vakakuprofitirai vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haazi kuzokurwisai kana kurwisa nyika ino’? 20 Asi zvino ishe wangu mambo, ndapota inzwai. Regai ndisvitse kwamuri chikumbiro changu: Musandidzoserazve kumba kwaJonatani munyori nokuti ndingafirako.” 21 Ipapo mambo Zedhekia akarayira kuti Jeremia aiswe muruvazhe rwavarindi uye kuti apiwe chingwa chaibva mumugwagwa wavabiki zuva rimwe nerimwe kusvikira musisina chingwa muguta. Saka Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi.

In Other Versions

Jeremiah 37 in the ANGEFD

Jeremiah 37 in the ANTPNG2D

Jeremiah 37 in the AS21

Jeremiah 37 in the BAGH

Jeremiah 37 in the BBPNG

Jeremiah 37 in the BBT1E

Jeremiah 37 in the BDS

Jeremiah 37 in the BEV

Jeremiah 37 in the BHAD

Jeremiah 37 in the BIB

Jeremiah 37 in the BLPT

Jeremiah 37 in the BNT

Jeremiah 37 in the BNTABOOT

Jeremiah 37 in the BNTLV

Jeremiah 37 in the BOATCB

Jeremiah 37 in the BOATCB2

Jeremiah 37 in the BOBCV

Jeremiah 37 in the BOCNT

Jeremiah 37 in the BOECS

Jeremiah 37 in the BOGWICC

Jeremiah 37 in the BOHCB

Jeremiah 37 in the BOHCV

Jeremiah 37 in the BOHLNT

Jeremiah 37 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 37 in the BOICB

Jeremiah 37 in the BOILNTAP

Jeremiah 37 in the BOITCV

Jeremiah 37 in the BOKCV

Jeremiah 37 in the BOKCV2

Jeremiah 37 in the BOKHWOG

Jeremiah 37 in the BOKSSV

Jeremiah 37 in the BOLCB

Jeremiah 37 in the BOLCB2

Jeremiah 37 in the BOMCV

Jeremiah 37 in the BONAV

Jeremiah 37 in the BONCB

Jeremiah 37 in the BONLT

Jeremiah 37 in the BONUT2

Jeremiah 37 in the BOPLNT

Jeremiah 37 in the BOSNC

Jeremiah 37 in the BOTLNT

Jeremiah 37 in the BOVCB

Jeremiah 37 in the BOYCB

Jeremiah 37 in the BPBB

Jeremiah 37 in the BPH

Jeremiah 37 in the BSB

Jeremiah 37 in the CCB

Jeremiah 37 in the CUV

Jeremiah 37 in the CUVS

Jeremiah 37 in the DBT

Jeremiah 37 in the DGDNT

Jeremiah 37 in the DHNT

Jeremiah 37 in the DNT

Jeremiah 37 in the ELBE

Jeremiah 37 in the EMTV

Jeremiah 37 in the ESV

Jeremiah 37 in the FBV

Jeremiah 37 in the FEB

Jeremiah 37 in the GGMNT

Jeremiah 37 in the GNT

Jeremiah 37 in the HARY

Jeremiah 37 in the HNT

Jeremiah 37 in the IRVA

Jeremiah 37 in the IRVB

Jeremiah 37 in the IRVG

Jeremiah 37 in the IRVH

Jeremiah 37 in the IRVK

Jeremiah 37 in the IRVM

Jeremiah 37 in the IRVM2

Jeremiah 37 in the IRVO

Jeremiah 37 in the IRVP

Jeremiah 37 in the IRVT

Jeremiah 37 in the IRVT2

Jeremiah 37 in the IRVU

Jeremiah 37 in the ISVN

Jeremiah 37 in the JSNT

Jeremiah 37 in the KAPI

Jeremiah 37 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 37 in the KBV

Jeremiah 37 in the KJV

Jeremiah 37 in the KNFD

Jeremiah 37 in the LBA

Jeremiah 37 in the LBLA

Jeremiah 37 in the LNT

Jeremiah 37 in the LSV

Jeremiah 37 in the MAAL

Jeremiah 37 in the MBV

Jeremiah 37 in the MBV2

Jeremiah 37 in the MHNT

Jeremiah 37 in the MKNFD

Jeremiah 37 in the MNG

Jeremiah 37 in the MNT

Jeremiah 37 in the MNT2

Jeremiah 37 in the MRS1T

Jeremiah 37 in the NAA

Jeremiah 37 in the NASB

Jeremiah 37 in the NBLA

Jeremiah 37 in the NBS

Jeremiah 37 in the NBVTP

Jeremiah 37 in the NET2

Jeremiah 37 in the NIV11

Jeremiah 37 in the NNT

Jeremiah 37 in the NNT2

Jeremiah 37 in the NNT3

Jeremiah 37 in the PDDPT

Jeremiah 37 in the PFNT

Jeremiah 37 in the RMNT

Jeremiah 37 in the SBIAS

Jeremiah 37 in the SBIBS

Jeremiah 37 in the SBIBS2

Jeremiah 37 in the SBICS

Jeremiah 37 in the SBIDS

Jeremiah 37 in the SBIGS

Jeremiah 37 in the SBIHS

Jeremiah 37 in the SBIIS

Jeremiah 37 in the SBIIS2

Jeremiah 37 in the SBIIS3

Jeremiah 37 in the SBIKS

Jeremiah 37 in the SBIKS2

Jeremiah 37 in the SBIMS

Jeremiah 37 in the SBIOS

Jeremiah 37 in the SBIPS

Jeremiah 37 in the SBISS

Jeremiah 37 in the SBITS

Jeremiah 37 in the SBITS2

Jeremiah 37 in the SBITS3

Jeremiah 37 in the SBITS4

Jeremiah 37 in the SBIUS

Jeremiah 37 in the SBIVS

Jeremiah 37 in the SBT

Jeremiah 37 in the SBT1E

Jeremiah 37 in the SCHL

Jeremiah 37 in the SNT

Jeremiah 37 in the SUSU

Jeremiah 37 in the SUSU2

Jeremiah 37 in the SYNO

Jeremiah 37 in the TBIAOTANT

Jeremiah 37 in the TBT1E

Jeremiah 37 in the TBT1E2

Jeremiah 37 in the TFTIP

Jeremiah 37 in the TFTU

Jeremiah 37 in the TGNTATF3T

Jeremiah 37 in the THAI

Jeremiah 37 in the TNFD

Jeremiah 37 in the TNT

Jeremiah 37 in the TNTIK

Jeremiah 37 in the TNTIL

Jeremiah 37 in the TNTIN

Jeremiah 37 in the TNTIP

Jeremiah 37 in the TNTIZ

Jeremiah 37 in the TOMA

Jeremiah 37 in the TTENT

Jeremiah 37 in the UBG

Jeremiah 37 in the UGV

Jeremiah 37 in the UGV2

Jeremiah 37 in the UGV3

Jeremiah 37 in the VBL

Jeremiah 37 in the VDCC

Jeremiah 37 in the YALU

Jeremiah 37 in the YAPE

Jeremiah 37 in the YBVTP

Jeremiah 37 in the ZBP