Jeremiah 42 (BOSCB)
1 Ipapo vakuru vose vehondo, pamwe chete naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaya, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru vakasvika 2 kuna Jeremia muprofita vakati kwaari, “Tapota inzwai chikumbiro chedu mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu nokuda kwavose ava vakasara. Nokuti sezvamunoona zvino, kuti kunyange taiva vazhinji, iye zvino kwangosara vashoma chete. 3 Nyengeterai kuti Jehovha Mwari wenyu atiudze kwatinofanira kuenda uye zvatinofanira kuita.” 4 Jeremia muprofita akapindura achiti, “Ndakunzwai. Zvirokwazvo ndichakunyengetererai kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira, ndichakuzivisai zvinhu zvose zvicharehwa naJehovha uye handingambokuvanzirai chinhu.” 5 Ipapo vakati kuna Jeremia, “Jehovha ngaave chapupu chezvokwadi uye chakatendeka pamusoro pedu kana tisingaiti zvose zvamunenge matumwa naJehovha kuzotiudza. 6 Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.” 7 Mazuva gumi akati apera, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia. 8 Naizvozvo akaunganidza Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaaiva navo navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. 9 Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, iye wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu: 10 ‘Kana mukagara munyika ino, ndichakuvakai handizokukoromorei; ndichakusimai uye handingakudzurei, nokuti ndinorwadziwa nokuda kwenjodzi yandakaisa pamusoro penyu. 11 Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake. 12 Ndichakunzwirai tsitsi kuitira kuti agokunzwirai tsitsi, agokudzoserai kunyika yenyu.’ 13 “Kunyange zvakadaro, kana mukati, ‘Hatidi kugara munyika ino,’ nokudaro musingateerere Jehovha Mwari wenyu, 14 uye kana mukati, ‘Kwete tichaenda kundogara kuIjipiti, kwatisingazooni hondo kana kunzwa hwamanda kana kunzwa nzara yechingwa,’ 15 zvino chinzwai shoko raJehovha imi vakasara vaJudha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana mashinga kuenda kuIjipiti kana mukaenda kundogarako, 16 ipapo munondo wamunotya uchakukundai ikoko uye nenzara yamunotya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko. 17 Zvirokwazvo, vose vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako vachafa nomunondo, nenzara uye nedenda; hakuna achasara pakati pavo kana kupukunyuka njodzi yandichauyisa pamusoro pavo.’ 18 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Sokudururwa kwakaitwa hasha dzangu nokutsamwa kwangu pamusoro peavo vaigara muJerusarema, saizvozvo kutsamwa kwangu kuchadururirwa pamusoro penyu kana maenda kuIjipiti. Muchava chinhu chinotukwa nechinosemwa, nechinomhurwa, nokuzvidzwa; hamuchazombooni nzvimbo ino zvakare.’ 19 “Haiwa imi vakasara veJudha, Jehovha akuudzai kuti, ‘Musaenda kuIjipiti.’ Ivai nechokwadi: ndinokuyambirai nhasi 20 kuti makakanganisa kwazvo pamakandituma kuna Jehovha Mwari wenyu muchiti, ‘Tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu, utiudze zvose zvaanoreva uye isu tichazviita.’ 21 Ndakuudzai nhasi, asi kunyange zvakadaro hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu pane zvose zvaakandituma kuzokuzivisai imi. 22 Saka zvino, ivai nechokwadi nezvizvi: Muchafa nomunondo, nenzara, uye nedenda kunzvimbo yamunoda kuenda kundogara.”
In Other Versions
Jeremiah 42 in the ANGEFD
Jeremiah 42 in the ANTPNG2D
Jeremiah 42 in the AS21
Jeremiah 42 in the BAGH
Jeremiah 42 in the BBPNG
Jeremiah 42 in the BBT1E
Jeremiah 42 in the BDS
Jeremiah 42 in the BEV
Jeremiah 42 in the BHAD
Jeremiah 42 in the BIB
Jeremiah 42 in the BLPT
Jeremiah 42 in the BNT
Jeremiah 42 in the BNTABOOT
Jeremiah 42 in the BNTLV
Jeremiah 42 in the BOATCB
Jeremiah 42 in the BOATCB2
Jeremiah 42 in the BOBCV
Jeremiah 42 in the BOCNT
Jeremiah 42 in the BOECS
Jeremiah 42 in the BOGWICC
Jeremiah 42 in the BOHCB
Jeremiah 42 in the BOHCV
Jeremiah 42 in the BOHLNT
Jeremiah 42 in the BOHNTLTAL
Jeremiah 42 in the BOICB
Jeremiah 42 in the BOILNTAP
Jeremiah 42 in the BOITCV
Jeremiah 42 in the BOKCV
Jeremiah 42 in the BOKCV2
Jeremiah 42 in the BOKHWOG
Jeremiah 42 in the BOKSSV
Jeremiah 42 in the BOLCB
Jeremiah 42 in the BOLCB2
Jeremiah 42 in the BOMCV
Jeremiah 42 in the BONAV
Jeremiah 42 in the BONCB
Jeremiah 42 in the BONLT
Jeremiah 42 in the BONUT2
Jeremiah 42 in the BOPLNT
Jeremiah 42 in the BOSNC
Jeremiah 42 in the BOTLNT
Jeremiah 42 in the BOVCB
Jeremiah 42 in the BOYCB
Jeremiah 42 in the BPBB
Jeremiah 42 in the BPH
Jeremiah 42 in the BSB
Jeremiah 42 in the CCB
Jeremiah 42 in the CUV
Jeremiah 42 in the CUVS
Jeremiah 42 in the DBT
Jeremiah 42 in the DGDNT
Jeremiah 42 in the DHNT
Jeremiah 42 in the DNT
Jeremiah 42 in the ELBE
Jeremiah 42 in the EMTV
Jeremiah 42 in the ESV
Jeremiah 42 in the FBV
Jeremiah 42 in the FEB
Jeremiah 42 in the GGMNT
Jeremiah 42 in the GNT
Jeremiah 42 in the HARY
Jeremiah 42 in the HNT
Jeremiah 42 in the IRVA
Jeremiah 42 in the IRVB
Jeremiah 42 in the IRVG
Jeremiah 42 in the IRVH
Jeremiah 42 in the IRVK
Jeremiah 42 in the IRVM
Jeremiah 42 in the IRVM2
Jeremiah 42 in the IRVO
Jeremiah 42 in the IRVP
Jeremiah 42 in the IRVT
Jeremiah 42 in the IRVT2
Jeremiah 42 in the IRVU
Jeremiah 42 in the ISVN
Jeremiah 42 in the JSNT
Jeremiah 42 in the KAPI
Jeremiah 42 in the KBT1ETNIK
Jeremiah 42 in the KBV
Jeremiah 42 in the KJV
Jeremiah 42 in the KNFD
Jeremiah 42 in the LBA
Jeremiah 42 in the LBLA
Jeremiah 42 in the LNT
Jeremiah 42 in the LSV
Jeremiah 42 in the MAAL
Jeremiah 42 in the MBV
Jeremiah 42 in the MBV2
Jeremiah 42 in the MHNT
Jeremiah 42 in the MKNFD
Jeremiah 42 in the MNG
Jeremiah 42 in the MNT
Jeremiah 42 in the MNT2
Jeremiah 42 in the MRS1T
Jeremiah 42 in the NAA
Jeremiah 42 in the NASB
Jeremiah 42 in the NBLA
Jeremiah 42 in the NBS
Jeremiah 42 in the NBVTP
Jeremiah 42 in the NET2
Jeremiah 42 in the NIV11
Jeremiah 42 in the NNT
Jeremiah 42 in the NNT2
Jeremiah 42 in the NNT3
Jeremiah 42 in the PDDPT
Jeremiah 42 in the PFNT
Jeremiah 42 in the RMNT
Jeremiah 42 in the SBIAS
Jeremiah 42 in the SBIBS
Jeremiah 42 in the SBIBS2
Jeremiah 42 in the SBICS
Jeremiah 42 in the SBIDS
Jeremiah 42 in the SBIGS
Jeremiah 42 in the SBIHS
Jeremiah 42 in the SBIIS
Jeremiah 42 in the SBIIS2
Jeremiah 42 in the SBIIS3
Jeremiah 42 in the SBIKS
Jeremiah 42 in the SBIKS2
Jeremiah 42 in the SBIMS
Jeremiah 42 in the SBIOS
Jeremiah 42 in the SBIPS
Jeremiah 42 in the SBISS
Jeremiah 42 in the SBITS
Jeremiah 42 in the SBITS2
Jeremiah 42 in the SBITS3
Jeremiah 42 in the SBITS4
Jeremiah 42 in the SBIUS
Jeremiah 42 in the SBIVS
Jeremiah 42 in the SBT
Jeremiah 42 in the SBT1E
Jeremiah 42 in the SCHL
Jeremiah 42 in the SNT
Jeremiah 42 in the SUSU
Jeremiah 42 in the SUSU2
Jeremiah 42 in the SYNO
Jeremiah 42 in the TBIAOTANT
Jeremiah 42 in the TBT1E
Jeremiah 42 in the TBT1E2
Jeremiah 42 in the TFTIP
Jeremiah 42 in the TFTU
Jeremiah 42 in the TGNTATF3T
Jeremiah 42 in the THAI
Jeremiah 42 in the TNFD
Jeremiah 42 in the TNT
Jeremiah 42 in the TNTIK
Jeremiah 42 in the TNTIL
Jeremiah 42 in the TNTIN
Jeremiah 42 in the TNTIP
Jeremiah 42 in the TNTIZ
Jeremiah 42 in the TOMA
Jeremiah 42 in the TTENT
Jeremiah 42 in the UBG
Jeremiah 42 in the UGV
Jeremiah 42 in the UGV2
Jeremiah 42 in the UGV3
Jeremiah 42 in the VBL
Jeremiah 42 in the VDCC
Jeremiah 42 in the YALU
Jeremiah 42 in the YAPE
Jeremiah 42 in the YBVTP
Jeremiah 42 in the ZBP