Job 18 (BOSCB)
1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2 “Muchapedza kutaura uku riiniko?Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu. 3 Tinobatirweiko semombeuye tichionekwa samapenzi pamberi penyu? 4 Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here? 5 “Mwenje weakaipa unodzimwa;murazvo womoto wake unopera kupisa. 6 Chiedza chiri mutende rake chinova rima;mwenje uri parutivi pake unodzima. 7 Simba renhambwe dzake rinorukutika;mano ake pachake anomuwisira pasi. 8 Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,uye anodzungaira ari mumaburi awo. 9 Musungo unomubata chitsitsinho;rugombe runomubatisisa. 10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;musungo wakaradzikwa munzira yake. 11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose. 12 Pfumvu inomudokwairira;njodzi yakamugaririra paanowa. 13 Inodya zvikamu zveganda rake;dangwe rorufu rinopedza mitezo yake. 14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naroagoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo. 15 Moto unogara mutende rake;safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake. 16 Moto unogara mutende rake;uye matavi ake anosvava kumusoro. 17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika;haana zita munyika. 18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,uye anodzingwa panyika. 19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,hakuna akasara kwaaimbogara. 20 Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru. 21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”