Joshua 22 (BOSCB)

1 Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase 2 akati kwavari, “Makaita zvose zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha uye makateerera zvose zvandakakurayirai. 3 Kwenguva refu, kusvikira nhasi, hamuna kurasa hama dzenyu, asi makaita zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu. 4 Zvino Jehovha Mwari wenyu zvaakazorodza hama dzenyu sezvaakavimbisa, imi chidzokerai kumisha yenyu munyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha mhiri kweJorodhani. 5 Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.” 6 Ipapo Joshua akavaropafadza akati vaende havo, ivo vakaenda kumisha yavo. 7 (Rudzi rwehafu rwaManase, Mozisi akanga apa nyika yomuBhashani, uye imwe hafu yorudzi rwaManase yakapiwa nyika naJoshua kumavirazuva pamwe chete nehama dzavo.) Joshua akati avaendesa kumusha, akavaropafadza, 8 achiti, “Dzokerai kumisha yenyu nepfuma yenyu zhinji, nemombe dzakawanda, nesirivha, negoridhe, ndarira nesimbi, nenhumbi dzakawanda chose, mundogovana nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.” 9 Saka vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakasiya vaIsraeri paShiro munyika yeKenani vakadzokera kunyika yeGireadhi, nyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. 10 Vakati vasvika paGeriroti pedyo neJorodhani munyika yeKenani, vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari huru kwazvo ipapo paJorodhani. 11 Zvino vaIsraeri vakati vanzwa kuti vakanga vavaka aritari pamuganhu weKenani paGeriroti pedyo neJorodhani kudivi reIsraeri, 12 ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro kuti vaende kundorwa navo. 13 Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase. 14 Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri. 15 Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase, vakati kwavari, 16 “Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino. 17 Ko, chivi chepaPeori chakanga chisina kutiringana here? Kusvikira pazuva ranhasi hatina kuzvichenesa pachivi ichocho kunyange zvazvo hasha dzakawira ungano yaJehovha! 18 Ko, zvino mava kutsauka kubva pana Jehovha here?“ ‘Kana mukamukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yavaIsraeri. 19 Kana nyika yamunayo yakasvibiswa, yambukirai kuno kunyika yaJehovha, kwakamira tabhenakeri yaJehovha mugogovana nyika nesu. Asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe aritari parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wedu. 20 Akani mwanakomana waZera paakadarika nokusatenda pachinhu chakatsaurwa naJehovha, kutsamwa hakuna kuwira ungano yose yaIsraeri here? Haasi iye oga akafira chivi chake.’ ” 21 Ipapo Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase vakapindura vakuru vedzimba dzaIsraeri vakati, 22 “Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Anoziva! Uye Israeri ngaizive! Kana izvi kwanga kuri kumukira kana kusateerera Jehovha, musatiponesa nhasi. 23 Kana takazvivakira aritari yedu kuti tifuratire Jehovha uye kuti tipe zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, kana kuti tibayire zvibayiro zvokuwadzana pamusoro payo, Jehovha pachake ngaatitonge. 24 “Kwete! Takazviita tichitya kuti rimwe zuva zvizvarwa zvenyu zvichazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Mune chii chokuita naJehovha Mwari waIsraeri? 25 Jehovha akaita kuti Jorodhani uve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni navaGadhi! Hamuna mugove muna Jehovha.’ Saka zvizvarwa zvenyu zvingangokonzera kuti zvizvarwa zvedu zvirege kutya Jehovha. 26 “Ndokusaka takati, ‘Ngatizvigadzirirei tivake aritari, asi isiri yezvipiriso zvinopiswa kana yezvibayiro.’ 27 Asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi uye napakati pezvizvarwa zvedu zvinotevera, kuti tichanamata Jehovha panzvimbo yake tsvene, nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro uye nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo panguva inouya zvizvarwa zvenyu hazvingazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Hamuna mugove muna Jehovha.’ 28 “Uye isu tikati, ‘Kana vakazotaura izvo kwatiri, kana kuzvizvarwa zvedu, tichazopindura tichiti: Tarirai muone mufananidzo wearitari yaJehovha, wakaitwa namadzibaba edu; usiri wezvipiriso zvinopiswa kana wokubayira ipapo, asi sechapupu pakati pedu nemi.’ 29 “Ngazvirege kutomboitika kuti isu timukire Jehovha tichitsauka nhasi kubva kwaari nokuvaka aritari yezvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, nezvibayiro kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu, imire pamberi petabhenakeri yake.” 30 Finehasi muprista, navatungamiri veungano, vakuru vemhuri dzavaIsraeri, vakati vanzwa zvakanga zvataurwa naRubheni naGadhi naManase, vakafara. 31 Zvino Finehasi mwanakomana waEreazari, muprista, akati kuna Rubheni, Gadhi naManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kutadzira Jehovha pachinhu ichi. Zvino madzikinura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.” 32 Ipapo Finehasi, mwanakomana waEreazari muprista, navatungamiri vakadzokera kuKenani, vachibva kumusangano wavo navaRubheni navaGadhi muGireadhi uye vakandozivisa vaIsraeri zvakanga zvaitika. 33 Vakafara kunzwa shoko iri vakarumbidza Mwari. Uye havana kuzotaurazve kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika yakanga igere vaRubheni navaGadhi. 34 Zvino vaRubheni navanakomana vaGadhi vakatumidza aritari iyi kuti: Aritari yeChapupu Pakati Pedu kuti Jehovha ndiye Mwari.

In Other Versions

Joshua 22 in the ANGEFD

Joshua 22 in the ANTPNG2D

Joshua 22 in the AS21

Joshua 22 in the BAGH

Joshua 22 in the BBPNG

Joshua 22 in the BBT1E

Joshua 22 in the BDS

Joshua 22 in the BEV

Joshua 22 in the BHAD

Joshua 22 in the BIB

Joshua 22 in the BLPT

Joshua 22 in the BNT

Joshua 22 in the BNTABOOT

Joshua 22 in the BNTLV

Joshua 22 in the BOATCB

Joshua 22 in the BOATCB2

Joshua 22 in the BOBCV

Joshua 22 in the BOCNT

Joshua 22 in the BOECS

Joshua 22 in the BOGWICC

Joshua 22 in the BOHCB

Joshua 22 in the BOHCV

Joshua 22 in the BOHLNT

Joshua 22 in the BOHNTLTAL

Joshua 22 in the BOICB

Joshua 22 in the BOILNTAP

Joshua 22 in the BOITCV

Joshua 22 in the BOKCV

Joshua 22 in the BOKCV2

Joshua 22 in the BOKHWOG

Joshua 22 in the BOKSSV

Joshua 22 in the BOLCB

Joshua 22 in the BOLCB2

Joshua 22 in the BOMCV

Joshua 22 in the BONAV

Joshua 22 in the BONCB

Joshua 22 in the BONLT

Joshua 22 in the BONUT2

Joshua 22 in the BOPLNT

Joshua 22 in the BOSNC

Joshua 22 in the BOTLNT

Joshua 22 in the BOVCB

Joshua 22 in the BOYCB

Joshua 22 in the BPBB

Joshua 22 in the BPH

Joshua 22 in the BSB

Joshua 22 in the CCB

Joshua 22 in the CUV

Joshua 22 in the CUVS

Joshua 22 in the DBT

Joshua 22 in the DGDNT

Joshua 22 in the DHNT

Joshua 22 in the DNT

Joshua 22 in the ELBE

Joshua 22 in the EMTV

Joshua 22 in the ESV

Joshua 22 in the FBV

Joshua 22 in the FEB

Joshua 22 in the GGMNT

Joshua 22 in the GNT

Joshua 22 in the HARY

Joshua 22 in the HNT

Joshua 22 in the IRVA

Joshua 22 in the IRVB

Joshua 22 in the IRVG

Joshua 22 in the IRVH

Joshua 22 in the IRVK

Joshua 22 in the IRVM

Joshua 22 in the IRVM2

Joshua 22 in the IRVO

Joshua 22 in the IRVP

Joshua 22 in the IRVT

Joshua 22 in the IRVT2

Joshua 22 in the IRVU

Joshua 22 in the ISVN

Joshua 22 in the JSNT

Joshua 22 in the KAPI

Joshua 22 in the KBT1ETNIK

Joshua 22 in the KBV

Joshua 22 in the KJV

Joshua 22 in the KNFD

Joshua 22 in the LBA

Joshua 22 in the LBLA

Joshua 22 in the LNT

Joshua 22 in the LSV

Joshua 22 in the MAAL

Joshua 22 in the MBV

Joshua 22 in the MBV2

Joshua 22 in the MHNT

Joshua 22 in the MKNFD

Joshua 22 in the MNG

Joshua 22 in the MNT

Joshua 22 in the MNT2

Joshua 22 in the MRS1T

Joshua 22 in the NAA

Joshua 22 in the NASB

Joshua 22 in the NBLA

Joshua 22 in the NBS

Joshua 22 in the NBVTP

Joshua 22 in the NET2

Joshua 22 in the NIV11

Joshua 22 in the NNT

Joshua 22 in the NNT2

Joshua 22 in the NNT3

Joshua 22 in the PDDPT

Joshua 22 in the PFNT

Joshua 22 in the RMNT

Joshua 22 in the SBIAS

Joshua 22 in the SBIBS

Joshua 22 in the SBIBS2

Joshua 22 in the SBICS

Joshua 22 in the SBIDS

Joshua 22 in the SBIGS

Joshua 22 in the SBIHS

Joshua 22 in the SBIIS

Joshua 22 in the SBIIS2

Joshua 22 in the SBIIS3

Joshua 22 in the SBIKS

Joshua 22 in the SBIKS2

Joshua 22 in the SBIMS

Joshua 22 in the SBIOS

Joshua 22 in the SBIPS

Joshua 22 in the SBISS

Joshua 22 in the SBITS

Joshua 22 in the SBITS2

Joshua 22 in the SBITS3

Joshua 22 in the SBITS4

Joshua 22 in the SBIUS

Joshua 22 in the SBIVS

Joshua 22 in the SBT

Joshua 22 in the SBT1E

Joshua 22 in the SCHL

Joshua 22 in the SNT

Joshua 22 in the SUSU

Joshua 22 in the SUSU2

Joshua 22 in the SYNO

Joshua 22 in the TBIAOTANT

Joshua 22 in the TBT1E

Joshua 22 in the TBT1E2

Joshua 22 in the TFTIP

Joshua 22 in the TFTU

Joshua 22 in the TGNTATF3T

Joshua 22 in the THAI

Joshua 22 in the TNFD

Joshua 22 in the TNT

Joshua 22 in the TNTIK

Joshua 22 in the TNTIL

Joshua 22 in the TNTIN

Joshua 22 in the TNTIP

Joshua 22 in the TNTIZ

Joshua 22 in the TOMA

Joshua 22 in the TTENT

Joshua 22 in the UBG

Joshua 22 in the UGV

Joshua 22 in the UGV2

Joshua 22 in the UGV3

Joshua 22 in the VBL

Joshua 22 in the VDCC

Joshua 22 in the YALU

Joshua 22 in the YAPE

Joshua 22 in the YBVTP

Joshua 22 in the ZBP