Leviticus 11 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya: 3 Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya. 4 “ ‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka; haina kuchena kwamuri. 5 Mbira kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri. 6 Tsuro kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri. 7 Nguruve kunyange ine mahwanda akanyatsopatsanuka, haizeyi zvokudya, haina kuchena kwamuri. 8 Hamufaniri kudya nyama yazvo kana kubata zvitunha zvazvo; hazvina kuchena kwamuri. 9 “ ‘Pazvisikwa zvose zvinogara mumvura yamakungwa nenzizi, munogona kudya dzose dzine zvimbi namakwati. 10 Asi zvipuka zvose zvomugungwa kana munzizi zvisina zvimbi namakwati, kunyange pakati pezvinouya samatutu kana pakati pezvose zvisikwa zvinorarama mumvura, zvinonyangadza kwamuri. 11 Uye sezvo zvichinyangadza kwamuri hamufaniri kudya nyama yazvo uye munofanira kusema zvitunha zvazvo. 12 Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri. 13 “ ‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu, 14 njerere, marudzi ose oruvangu rutema, 15 marudzi ose amakunguo, 16 marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu, 17 nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru, 18 nejichidza, nekondo, negora, 19 neshuramurove, namarudzi ose ekondo, nemhupupu nechiremwaremwa. 20 “ ‘Zvose zvipukanana zvinobhururuka, zvinofamba namakumbo mana zvinonyangadza kwamuri. 21 Kunyange zvakadaro, kunewo zvimwe zvipuka zvine mapapiro zvinofamba namakumbo mana zvamunogona kudya, izvo zvine makumbo akabatanidzwa okukwakuka nawo. 22 Pakati pezvizvi munogona kudya marudzi ose emhashu, namarudzi ose amakurwe namarudzi ebambamukota. 23 Asi zvimwe zvose zvipukanana zvine mapapiro zvine makumbo mana munofanira kuzvisema. 24 “ ‘Musazvisvibisa nezvizvi; ani naani anobata zvitunha zvazvo achava akasviba kusvikira manheru. 25 Ani naani achanhonga chimwe chezvitunha zvazvo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. 26 “ ‘Mhuka yose yose ina mahwanda akapararana asi asina kunyatsopararana, isingazeyi kudya, haina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chayo achava asina kuchena. 27 Pamhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, idzo dzine tsoka dzakafara hadzina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chadzo achava akasviba kusvikira manheru. 28 Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri. 29 “ ‘Pamhuka dzinokambaira panyika, idzi hadzina kuchena kwamuri: chidembo, gonzo, namarudzi ose egwavava, 30 chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi. 31 Pane zvose zvinokambaira panyika, izvi hazvina kuchena kwamuri. Asi ani naani anozvibata kana zvafa achava akasviba kusvikira manheru. 32 Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena. 33 Kana chimwe chazvo chikawira muhari yevhu, zvose zviri mairi zvichava zvisina kuchena, uye munofanira kuputsa hari yacho. 34 Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena. 35 Chose chinhu chinowirwa nechitunha chazvo chinova chisina kuchena; choto kana hari yokubikira zvinofanira kuputswa. Hazvina kuchena uye munofanira kuzvibata sezvisina kuchena. 36 Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena. 37 Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena. 38 Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri. 39 “ ‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata mutumbi wayo achava asina kuchena kusvikira manheru. 40 Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru. 41 “ ‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa. 42 Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza. 43 Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo. 44 Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi. 45 Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene. 46 “ ‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika. 47 Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’ ”

In Other Versions

Leviticus 11 in the ANGEFD

Leviticus 11 in the ANTPNG2D

Leviticus 11 in the AS21

Leviticus 11 in the BAGH

Leviticus 11 in the BBPNG

Leviticus 11 in the BBT1E

Leviticus 11 in the BDS

Leviticus 11 in the BEV

Leviticus 11 in the BHAD

Leviticus 11 in the BIB

Leviticus 11 in the BLPT

Leviticus 11 in the BNT

Leviticus 11 in the BNTABOOT

Leviticus 11 in the BNTLV

Leviticus 11 in the BOATCB

Leviticus 11 in the BOATCB2

Leviticus 11 in the BOBCV

Leviticus 11 in the BOCNT

Leviticus 11 in the BOECS

Leviticus 11 in the BOGWICC

Leviticus 11 in the BOHCB

Leviticus 11 in the BOHCV

Leviticus 11 in the BOHLNT

Leviticus 11 in the BOHNTLTAL

Leviticus 11 in the BOICB

Leviticus 11 in the BOILNTAP

Leviticus 11 in the BOITCV

Leviticus 11 in the BOKCV

Leviticus 11 in the BOKCV2

Leviticus 11 in the BOKHWOG

Leviticus 11 in the BOKSSV

Leviticus 11 in the BOLCB

Leviticus 11 in the BOLCB2

Leviticus 11 in the BOMCV

Leviticus 11 in the BONAV

Leviticus 11 in the BONCB

Leviticus 11 in the BONLT

Leviticus 11 in the BONUT2

Leviticus 11 in the BOPLNT

Leviticus 11 in the BOSNC

Leviticus 11 in the BOTLNT

Leviticus 11 in the BOVCB

Leviticus 11 in the BOYCB

Leviticus 11 in the BPBB

Leviticus 11 in the BPH

Leviticus 11 in the BSB

Leviticus 11 in the CCB

Leviticus 11 in the CUV

Leviticus 11 in the CUVS

Leviticus 11 in the DBT

Leviticus 11 in the DGDNT

Leviticus 11 in the DHNT

Leviticus 11 in the DNT

Leviticus 11 in the ELBE

Leviticus 11 in the EMTV

Leviticus 11 in the ESV

Leviticus 11 in the FBV

Leviticus 11 in the FEB

Leviticus 11 in the GGMNT

Leviticus 11 in the GNT

Leviticus 11 in the HARY

Leviticus 11 in the HNT

Leviticus 11 in the IRVA

Leviticus 11 in the IRVB

Leviticus 11 in the IRVG

Leviticus 11 in the IRVH

Leviticus 11 in the IRVK

Leviticus 11 in the IRVM

Leviticus 11 in the IRVM2

Leviticus 11 in the IRVO

Leviticus 11 in the IRVP

Leviticus 11 in the IRVT

Leviticus 11 in the IRVT2

Leviticus 11 in the IRVU

Leviticus 11 in the ISVN

Leviticus 11 in the JSNT

Leviticus 11 in the KAPI

Leviticus 11 in the KBT1ETNIK

Leviticus 11 in the KBV

Leviticus 11 in the KJV

Leviticus 11 in the KNFD

Leviticus 11 in the LBA

Leviticus 11 in the LBLA

Leviticus 11 in the LNT

Leviticus 11 in the LSV

Leviticus 11 in the MAAL

Leviticus 11 in the MBV

Leviticus 11 in the MBV2

Leviticus 11 in the MHNT

Leviticus 11 in the MKNFD

Leviticus 11 in the MNG

Leviticus 11 in the MNT

Leviticus 11 in the MNT2

Leviticus 11 in the MRS1T

Leviticus 11 in the NAA

Leviticus 11 in the NASB

Leviticus 11 in the NBLA

Leviticus 11 in the NBS

Leviticus 11 in the NBVTP

Leviticus 11 in the NET2

Leviticus 11 in the NIV11

Leviticus 11 in the NNT

Leviticus 11 in the NNT2

Leviticus 11 in the NNT3

Leviticus 11 in the PDDPT

Leviticus 11 in the PFNT

Leviticus 11 in the RMNT

Leviticus 11 in the SBIAS

Leviticus 11 in the SBIBS

Leviticus 11 in the SBIBS2

Leviticus 11 in the SBICS

Leviticus 11 in the SBIDS

Leviticus 11 in the SBIGS

Leviticus 11 in the SBIHS

Leviticus 11 in the SBIIS

Leviticus 11 in the SBIIS2

Leviticus 11 in the SBIIS3

Leviticus 11 in the SBIKS

Leviticus 11 in the SBIKS2

Leviticus 11 in the SBIMS

Leviticus 11 in the SBIOS

Leviticus 11 in the SBIPS

Leviticus 11 in the SBISS

Leviticus 11 in the SBITS

Leviticus 11 in the SBITS2

Leviticus 11 in the SBITS3

Leviticus 11 in the SBITS4

Leviticus 11 in the SBIUS

Leviticus 11 in the SBIVS

Leviticus 11 in the SBT

Leviticus 11 in the SBT1E

Leviticus 11 in the SCHL

Leviticus 11 in the SNT

Leviticus 11 in the SUSU

Leviticus 11 in the SUSU2

Leviticus 11 in the SYNO

Leviticus 11 in the TBIAOTANT

Leviticus 11 in the TBT1E

Leviticus 11 in the TBT1E2

Leviticus 11 in the TFTIP

Leviticus 11 in the TFTU

Leviticus 11 in the TGNTATF3T

Leviticus 11 in the THAI

Leviticus 11 in the TNFD

Leviticus 11 in the TNT

Leviticus 11 in the TNTIK

Leviticus 11 in the TNTIL

Leviticus 11 in the TNTIN

Leviticus 11 in the TNTIP

Leviticus 11 in the TNTIZ

Leviticus 11 in the TOMA

Leviticus 11 in the TTENT

Leviticus 11 in the UBG

Leviticus 11 in the UGV

Leviticus 11 in the UGV2

Leviticus 11 in the UGV3

Leviticus 11 in the VBL

Leviticus 11 in the VDCC

Leviticus 11 in the YALU

Leviticus 11 in the YAPE

Leviticus 11 in the YBVTP

Leviticus 11 in the ZBP