Leviticus 13 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Kana ani naani ane pakazvimba kana kuti ane tumapundu kana chivara chichena paganda rake chinogona kunge chiri chirwere chinotapukira anofanira kuuyiswa kuna Aroni muprista kana kuno mumwe wavanakomana vake muprista. 3 Muprista achatarisa chironda chiri paganda rake, uye kana bvudzi riri pachironda rachena uye ronda roratidza kudzika kudarika paganda, chirwere cheganda chinotapukira. Kana muprista akamuongorora achamuzivisa kuvanhu somunhu asina kuchena. 4 Kana gwapa riri paari riri jena asi risingaratidzi kudzika kudarika paganda uye bvudzi risina kuchena, muprista anofanira kugarisa munhu iyeye oga kwamazuva manomwe. 5 Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye akaona kuti chironda hachina kupinduka uye hachina kupararira muganda anofanira kumuchengeta pake oga kwamamwe mazuva manomwe. 6 Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora zvakare, uye kana chironda chaserera uye chisina kupararira neganda, muprista achamuzivisa somunhu akachena, tunongova tumapundu. Munhu anofanira kusuka nguo dzake uye achava akachena. 7 Asi kana tumapundu tukapararira nomuviri wake shure kwokunge azviratidza kumuprista kuti zviziviswe kuti akachena, anofanira kuenda kumuprista zvakare. 8 Muprista anofanira kumuongorora, uye kana tumapundu twapararira neganda, achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira. 9 “Kana munhu upi zvake ane chirwere chinotapukira, anofanira kuuyiswa kumuprista. 10 Muprista anofanira kumuongorora, uye kana pane kuzvimba nokucheneruka paganda, uye zvapindura bvudzi kuti rive jena, uye kana pane nyama yakatsvuka, pakazvimba, 11 chirwere cheganda chava nenguva uye muprista achazivisa kuti haana kuchena. Haafaniri kumugarisa ari oga, nokuti atogara asina kuchena. 12 “Kana chirwere chikabuda paganda rake rose uye sokuona kwomuprista, chakafukidza ganda rose romunhu abatwa nehosha, kubva kumusoro kusvika kutsoka, 13 muprista anofanira kumuongorora uye kana chirwere chapararira nomuviri wake wose, achazivisa kuti munhu uyu akachena, sezvo zvose zvachenuruka, akachena. 14 Asi pose panoonekwa ronda paari, achava asina kuchena. 15 Muprista paachaona ronda, achazivisa kuti haana kuchena. Ronda harina kuchena ane chirwere chinotapukira. 16 Zvikaitika kuti ronda richeneruke, anofanira kuenda kumuprista. 17 Ipapo muprista anofanira kumuongorora uye kana zvironda zvachenuruka, muprista achazivisa kuti munhu ane hosha uyu akachena, ipapo achava akachena. 18 “Kana munhu akava nemota paganda rake rikapora, 19 uye panzvimbo panga pane mota pakazvimba pakacheneruka kana kuti pakatsvuka, anofanira kuzviratidza kumuprista. 20 Muprista anofanira kumuongorora uye kana zvikaratidza kudzika kudarika paganda uye bvudzi riri pachiri rikapinduka rikava jena, muprista achazivisa kuti haana kuchena, chirwere chinotapukira cheganda chabuda panga pane mota. 21 Asi kana muprista achiongorora, pasina bvudzi jena pachiri uye paserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe. 22 Kana zviri kupararira muganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena, zvinotapukira. 23 Asi kana gwapa risina kupinduka uye risina kupararira, rinongova vanga kubva pamota uye muprista achazivisa kuti akachena. 24 “Kana munhu akatsva paganda uye akabuda gwapa dzvuku kana rakacheneruka paronda rokutsva, 25 muprista anofanira kutarisa gwapa uye kana bvudzi riri pariri rapinduka rikava jena uye zvakadzika kudarika ganda, chirwere chinotapukira cheganda chabuda pakatsva. 26 Asi kana muprista akachiongorora, pasina bvudzi jena pagwapa uye kana zvisina kudzika kudarika ganda uye zvaserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe. 27 Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye kana zvichipararira neganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira cheganda. 28 Asi kana gwapa rikasapinduka uye risina kupararira neganda, asi raserera, kuzvimba kunobva pakutsva uye muprista achazivisa kuti akachena, rinongova vanga rinobva pakutsva. 29 “Kana munhurume kana munhukadzi akava nechironda mumusoro kana pachirebvu, 30 muprista anofanira kuongorora chironda, uye kana chichiratidza kudzika kudarika ganda, uye bvudzi riri machiri riri renhundurwa uye riri dete, muprista achazivisa kuti munhu iyeye haana kuchena, kuvava, chirwere chinotapukira chomusoro kana chechirebvu. 31 Asi kana muprista akaongorora ronda iri uye kana risingaratidzi kudzika kudarika ganda uye pasina bvudzi dema pariri, zvino muprista anofanira kuchengeta munhu ane hosha ari oga kwamazuva manomwe. 32 Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora ronda, uye kana kuvava kusina kupararira uye pasina bvudzi renhundurwa uye risingaratidzi kudzika kudarika ganda, 33 anofanira kuveurwa bvudzi pachisiyiwa nzvimbo ine hosha, uye muprista anofanira kumuchengeta ari oga kwamamwe mazuva manomwe. 34 Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora panovava, uye kana pasina kupararira neganda zvichiratidza kuti hazvina kudzika kudarika ganda, muprista achazivisa kuti akachena. Anofanira kusuka nguo dzake agova akachena. 35 Asi kana kuvava kukaparira neganda iye aziviswa kuti akachena, 36 muprista anofanira kumuongorora, uye kana kuvava kwapararira neganda, muprista haafaniri kutsvaga bvudzi renhundurwa, nokuti munhu iyeye haana kuchena. 37 Zvisinei hazvo, kana zvikaitika kuti sokuona kwake hazvina kupinduka, uye bvudzi dema ramera mazviri, kuvava kwaporeswa, achena uye muprista achazivisa kuti akachena. 38 “Kana munhurume kana munhukadzi ane makwapa machena paganda 39 muprista anofanira kuaongorora uye kana makwapa asina kunyanyochena, tumapundu tusingakuvadzi twabuda paganda, munhu iyeye akachena. 40 “Kana bvudzi romumwe rikabva akasara asisina bvudzi, ava nemhanza, akachena. 41 Kana akabva bvudzi pahuma uye akasara ava nemhanza, akachena. 42 Asi kana ane chironda chichena chakatsvukuruka pamhanza yake kana pahuma, chirwere chinotapukira chabuda pamusoro pake kana pahuma. 43 Muprista anofanira kumuongorora uye kana kuzvimba kuri pamusoro pake kana pamhanza kwakatsvukuruka nokuchena sechirwere chinotapukira cheganda, 44 murume iyeye arwara uye haana kuchena. Muprista anofanira kuzivisa kuti haana kuchena nokuda kwechironda chiri pamusoro wake. 45 “Munhu ane chirwere chinotapukira ichi anofanira kupfeka nguo dzakabvaruka, osiya bvudzi rake risina kukamwa, ofukidza chikamu chepasi cheuso hwake, odanidzira achiti, ‘Handina kuchena! Handina kuchena!’ 46 Kana aramba ane chirwere ichocho anongoramba asina kuchena. Anofanira kugara oga; anofanira kugara kunze kwomusasa. 47 “Kana nguo ipi neipi yazadzwa maperembudzi, ingava nguo yeshinda, kana yewuru kana yomucheka, 48 ungava mucheka wakarukwa kana mucheka wewuru kana wedehwe kana chinhu chakagadzirwa nedehwe, 49 uye kana utachiona huri muchipfeko kana dehwe kana mucheka wakarukwa kana chinhu chedehwe, chiri choruvara rwezerere kana chakatsvukuruka, chirwere chinopararira chamaperembudzi uye chinofanira kuratidzwa kumuprista. 50 Muprista anofanira kuchiongorora agochengeta chinhu chacho pacho choga kwamazuva manomwe. 51 Pazuva rechinomwe anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi apararira muchipfeko kana nguo yakarukwa, zvisinei kuti chinoshandiswei, chirwere chinoparadza chamaperembudzi; chinhu ichocho hachina kuchena. 52 Anofanira kupisa nguo yacho, kana mucheka wakarukwa wewuru kana mucheka weshinda, kana wedehwe une utachiona mauri, nokuti maperembudzi anoparadza, chinhu ichocho chinofanira kupiswa. 53 “Asi kana muprista akachiongorora, maperembudzi asina kupararira muchipfeko kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chakagadzirwa nedehwe, 54 acharayira kuti chinhu chine utachiona chisukwe. Ipapo anofanira kuchigarisa choga kwamamwe mazuva manomwe. 55 Mushure mokunge chinhu chine utachiona chasukwa, muprista anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi asina kuratidza kupinduka maonekero awo, kunyange zvisina kupararira, hachina kuchena. Pisai chinhu ichocho nomoto kunyange maperembudzi akanganisa divi rimwe chete. 56 Kana muprista akachiongorora, maperembudzi akange aumbuka mushure mokunge chinhu chasukwa, anofanira kubvarura chidimbu chapinda utachiona kubva panguo, kana padehwe kana pamucheka wakarukwa. 57 Asi kana zvikabuda zvakare pachipfeko, kana pamucheka wakarukwa, kana pachinhu chedehwe, zviri kupararira uye chose chine maperembudzi chinofanira kupiswa nomoto. 58 Nguo iyi, kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chedehwe chasukwa uye chabviswa maperembudzi, chinofanira kusukwa zvakare uye chichava chakachena.” 59 Iyi ndiyo mirayiro inoenderana nokuzadzwa namaperembudzi kwechipfeko chewuru kana chomucheka, mucheka wakarukwa kana chinhu chose chedehwe kuti zvigoziviswa kuti zvakachena kana kuti hazvina kuchena.

In Other Versions

Leviticus 13 in the ANGEFD

Leviticus 13 in the ANTPNG2D

Leviticus 13 in the AS21

Leviticus 13 in the BAGH

Leviticus 13 in the BBPNG

Leviticus 13 in the BBT1E

Leviticus 13 in the BDS

Leviticus 13 in the BEV

Leviticus 13 in the BHAD

Leviticus 13 in the BIB

Leviticus 13 in the BLPT

Leviticus 13 in the BNT

Leviticus 13 in the BNTABOOT

Leviticus 13 in the BNTLV

Leviticus 13 in the BOATCB

Leviticus 13 in the BOATCB2

Leviticus 13 in the BOBCV

Leviticus 13 in the BOCNT

Leviticus 13 in the BOECS

Leviticus 13 in the BOGWICC

Leviticus 13 in the BOHCB

Leviticus 13 in the BOHCV

Leviticus 13 in the BOHLNT

Leviticus 13 in the BOHNTLTAL

Leviticus 13 in the BOICB

Leviticus 13 in the BOILNTAP

Leviticus 13 in the BOITCV

Leviticus 13 in the BOKCV

Leviticus 13 in the BOKCV2

Leviticus 13 in the BOKHWOG

Leviticus 13 in the BOKSSV

Leviticus 13 in the BOLCB

Leviticus 13 in the BOLCB2

Leviticus 13 in the BOMCV

Leviticus 13 in the BONAV

Leviticus 13 in the BONCB

Leviticus 13 in the BONLT

Leviticus 13 in the BONUT2

Leviticus 13 in the BOPLNT

Leviticus 13 in the BOSNC

Leviticus 13 in the BOTLNT

Leviticus 13 in the BOVCB

Leviticus 13 in the BOYCB

Leviticus 13 in the BPBB

Leviticus 13 in the BPH

Leviticus 13 in the BSB

Leviticus 13 in the CCB

Leviticus 13 in the CUV

Leviticus 13 in the CUVS

Leviticus 13 in the DBT

Leviticus 13 in the DGDNT

Leviticus 13 in the DHNT

Leviticus 13 in the DNT

Leviticus 13 in the ELBE

Leviticus 13 in the EMTV

Leviticus 13 in the ESV

Leviticus 13 in the FBV

Leviticus 13 in the FEB

Leviticus 13 in the GGMNT

Leviticus 13 in the GNT

Leviticus 13 in the HARY

Leviticus 13 in the HNT

Leviticus 13 in the IRVA

Leviticus 13 in the IRVB

Leviticus 13 in the IRVG

Leviticus 13 in the IRVH

Leviticus 13 in the IRVK

Leviticus 13 in the IRVM

Leviticus 13 in the IRVM2

Leviticus 13 in the IRVO

Leviticus 13 in the IRVP

Leviticus 13 in the IRVT

Leviticus 13 in the IRVT2

Leviticus 13 in the IRVU

Leviticus 13 in the ISVN

Leviticus 13 in the JSNT

Leviticus 13 in the KAPI

Leviticus 13 in the KBT1ETNIK

Leviticus 13 in the KBV

Leviticus 13 in the KJV

Leviticus 13 in the KNFD

Leviticus 13 in the LBA

Leviticus 13 in the LBLA

Leviticus 13 in the LNT

Leviticus 13 in the LSV

Leviticus 13 in the MAAL

Leviticus 13 in the MBV

Leviticus 13 in the MBV2

Leviticus 13 in the MHNT

Leviticus 13 in the MKNFD

Leviticus 13 in the MNG

Leviticus 13 in the MNT

Leviticus 13 in the MNT2

Leviticus 13 in the MRS1T

Leviticus 13 in the NAA

Leviticus 13 in the NASB

Leviticus 13 in the NBLA

Leviticus 13 in the NBS

Leviticus 13 in the NBVTP

Leviticus 13 in the NET2

Leviticus 13 in the NIV11

Leviticus 13 in the NNT

Leviticus 13 in the NNT2

Leviticus 13 in the NNT3

Leviticus 13 in the PDDPT

Leviticus 13 in the PFNT

Leviticus 13 in the RMNT

Leviticus 13 in the SBIAS

Leviticus 13 in the SBIBS

Leviticus 13 in the SBIBS2

Leviticus 13 in the SBICS

Leviticus 13 in the SBIDS

Leviticus 13 in the SBIGS

Leviticus 13 in the SBIHS

Leviticus 13 in the SBIIS

Leviticus 13 in the SBIIS2

Leviticus 13 in the SBIIS3

Leviticus 13 in the SBIKS

Leviticus 13 in the SBIKS2

Leviticus 13 in the SBIMS

Leviticus 13 in the SBIOS

Leviticus 13 in the SBIPS

Leviticus 13 in the SBISS

Leviticus 13 in the SBITS

Leviticus 13 in the SBITS2

Leviticus 13 in the SBITS3

Leviticus 13 in the SBITS4

Leviticus 13 in the SBIUS

Leviticus 13 in the SBIVS

Leviticus 13 in the SBT

Leviticus 13 in the SBT1E

Leviticus 13 in the SCHL

Leviticus 13 in the SNT

Leviticus 13 in the SUSU

Leviticus 13 in the SUSU2

Leviticus 13 in the SYNO

Leviticus 13 in the TBIAOTANT

Leviticus 13 in the TBT1E

Leviticus 13 in the TBT1E2

Leviticus 13 in the TFTIP

Leviticus 13 in the TFTU

Leviticus 13 in the TGNTATF3T

Leviticus 13 in the THAI

Leviticus 13 in the TNFD

Leviticus 13 in the TNT

Leviticus 13 in the TNTIK

Leviticus 13 in the TNTIL

Leviticus 13 in the TNTIN

Leviticus 13 in the TNTIP

Leviticus 13 in the TNTIZ

Leviticus 13 in the TOMA

Leviticus 13 in the TTENT

Leviticus 13 in the UBG

Leviticus 13 in the UGV

Leviticus 13 in the UGV2

Leviticus 13 in the UGV3

Leviticus 13 in the VBL

Leviticus 13 in the VDCC

Leviticus 13 in the YALU

Leviticus 13 in the YAPE

Leviticus 13 in the YBVTP

Leviticus 13 in the ZBP