Leviticus 5 (BOSCB)
1 “ ‘Kana munhu akatadza nokuti aramba kupa uchapupu iye achinzi ape uchapupu pamusoro pezvaakaona kana zvaakanzwa, achava nemhosva. 2 “ ‘Kana kuti munhu akabata zvinhu zvipi zvazvo zvisina kuchena, zvingava zvitunha zvemhuka dzesango dzisina kuchena, kana mombe isina kuchena, kana zvipuka zvisina kuchena zvinofamba pavhu, kunyange asingazvizivi, atova asina kuchena uye ane mhosva. 3 “ ‘Kana kuti akabata zvisakachena zvavanhu, chinhu chipi zvacho chinoita kuti asava akachena, kunyange asingazvizivi, paanozozviziva, achava nemhosva. 4 “ ‘Kana kuti munhu asina kunyatsofungisisa akaita mhiko yokuti achaita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, panyaya ipi zvayo, munhu yaanenge apika pamusoro payo asina kufungisisa, kunyange zvazvo asingazvizivi, paanozozviziva achava nemhosva. 5 “ ‘Kana munhu akava nemhosva pane chimwe chaizvozvi anofanira kureurura nzira yaakatadza nayo 6 uye somuripo wechivi chaakaita, anofanira kuuya kuna Jehovha negwayana sheshe kana mbudzana sechipiriso chechivi uye muprista achamuyananisira chivi chake. 7 “ ‘Kana asingakwanisi kuuya negwayana anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri kuna Jehovha somuripo wechivi chake, imwe somuripo wechivi, imwe sechipiriso chinopiswa. 8 Anofanira kudziuyisa kumuprista uyo achatanga kupa imwe yacho sechipiriso chechivi. Anofanira kumonyorora mutsipa wayo asingabvisi musoro zvachose. 9 Achasasa rimwe ropa rechipiriso chezvivi kumativi earitari, rimwe ropa rose rinofanira kudururwa mujinga mearitari. Ichi chipiriso chechivi. 10 Ipapo muprista achapa chimwe chacho sechipiriso chinopiswa nenzira yakatarwa agomuyananisira pachivi chaakaita, uye acharegererwa. 11 “ ‘Asi, kana asingakwanisi kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechipiriso chezvivi zvake chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezvivi. Haafaniri kuisa mafuta kana zvinonhuhwira pazviri nokuti chipiriso chechivi. 12 Anofanira kuzviuyisa kumuprista uyo achatora tsama sechikamu chechirangaridzo agozvipisa paaritari pamusoro pezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chezvivi. 13 Nenzira iyi muprista achamuyananisira pazvivi zvose zvaakaita uye acharegererwa. Zvimwe zvose zvezvipiriso zvinosara zvichava zvomuprista, sezvinoitwa nezvipiriso zvezviyo.’ ” 14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi: 15 “Kana munhu akakanganisa chimwe chinhu uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondobwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsvene. Ichi chipiriso chezvivi. 16 Anofanira kuripira zvaakatadza kuita maererano nezvinhu zvitsvene, agowedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu agopa zvose kumuprista, achamuyananisira negondobwe sechipiriso chemhosva, uye acharegererwa. 17 “Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka. 18 Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondobwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa. 19 Ichi chipiriso chezvivi, akabatwa nemhosva yaakapara kuna Jehovha.”
In Other Versions
Leviticus 5 in the ANGEFD
Leviticus 5 in the ANTPNG2D
Leviticus 5 in the AS21
Leviticus 5 in the BAGH
Leviticus 5 in the BBPNG
Leviticus 5 in the BBT1E
Leviticus 5 in the BDS
Leviticus 5 in the BEV
Leviticus 5 in the BHAD
Leviticus 5 in the BIB
Leviticus 5 in the BLPT
Leviticus 5 in the BNT
Leviticus 5 in the BNTABOOT
Leviticus 5 in the BNTLV
Leviticus 5 in the BOATCB
Leviticus 5 in the BOATCB2
Leviticus 5 in the BOBCV
Leviticus 5 in the BOCNT
Leviticus 5 in the BOECS
Leviticus 5 in the BOGWICC
Leviticus 5 in the BOHCB
Leviticus 5 in the BOHCV
Leviticus 5 in the BOHLNT
Leviticus 5 in the BOHNTLTAL
Leviticus 5 in the BOICB
Leviticus 5 in the BOILNTAP
Leviticus 5 in the BOITCV
Leviticus 5 in the BOKCV
Leviticus 5 in the BOKCV2
Leviticus 5 in the BOKHWOG
Leviticus 5 in the BOKSSV
Leviticus 5 in the BOLCB
Leviticus 5 in the BOLCB2
Leviticus 5 in the BOMCV
Leviticus 5 in the BONAV
Leviticus 5 in the BONCB
Leviticus 5 in the BONLT
Leviticus 5 in the BONUT2
Leviticus 5 in the BOPLNT
Leviticus 5 in the BOSNC
Leviticus 5 in the BOTLNT
Leviticus 5 in the BOVCB
Leviticus 5 in the BOYCB
Leviticus 5 in the BPBB
Leviticus 5 in the BPH
Leviticus 5 in the BSB
Leviticus 5 in the CCB
Leviticus 5 in the CUV
Leviticus 5 in the CUVS
Leviticus 5 in the DBT
Leviticus 5 in the DGDNT
Leviticus 5 in the DHNT
Leviticus 5 in the DNT
Leviticus 5 in the ELBE
Leviticus 5 in the EMTV
Leviticus 5 in the ESV
Leviticus 5 in the FBV
Leviticus 5 in the FEB
Leviticus 5 in the GGMNT
Leviticus 5 in the GNT
Leviticus 5 in the HARY
Leviticus 5 in the HNT
Leviticus 5 in the IRVA
Leviticus 5 in the IRVB
Leviticus 5 in the IRVG
Leviticus 5 in the IRVH
Leviticus 5 in the IRVK
Leviticus 5 in the IRVM
Leviticus 5 in the IRVM2
Leviticus 5 in the IRVO
Leviticus 5 in the IRVP
Leviticus 5 in the IRVT
Leviticus 5 in the IRVT2
Leviticus 5 in the IRVU
Leviticus 5 in the ISVN
Leviticus 5 in the JSNT
Leviticus 5 in the KAPI
Leviticus 5 in the KBT1ETNIK
Leviticus 5 in the KBV
Leviticus 5 in the KJV
Leviticus 5 in the KNFD
Leviticus 5 in the LBA
Leviticus 5 in the LBLA
Leviticus 5 in the LNT
Leviticus 5 in the LSV
Leviticus 5 in the MAAL
Leviticus 5 in the MBV
Leviticus 5 in the MBV2
Leviticus 5 in the MHNT
Leviticus 5 in the MKNFD
Leviticus 5 in the MNG
Leviticus 5 in the MNT
Leviticus 5 in the MNT2
Leviticus 5 in the MRS1T
Leviticus 5 in the NAA
Leviticus 5 in the NASB
Leviticus 5 in the NBLA
Leviticus 5 in the NBS
Leviticus 5 in the NBVTP
Leviticus 5 in the NET2
Leviticus 5 in the NIV11
Leviticus 5 in the NNT
Leviticus 5 in the NNT2
Leviticus 5 in the NNT3
Leviticus 5 in the PDDPT
Leviticus 5 in the PFNT
Leviticus 5 in the RMNT
Leviticus 5 in the SBIAS
Leviticus 5 in the SBIBS
Leviticus 5 in the SBIBS2
Leviticus 5 in the SBICS
Leviticus 5 in the SBIDS
Leviticus 5 in the SBIGS
Leviticus 5 in the SBIHS
Leviticus 5 in the SBIIS
Leviticus 5 in the SBIIS2
Leviticus 5 in the SBIIS3
Leviticus 5 in the SBIKS
Leviticus 5 in the SBIKS2
Leviticus 5 in the SBIMS
Leviticus 5 in the SBIOS
Leviticus 5 in the SBIPS
Leviticus 5 in the SBISS
Leviticus 5 in the SBITS
Leviticus 5 in the SBITS2
Leviticus 5 in the SBITS3
Leviticus 5 in the SBITS4
Leviticus 5 in the SBIUS
Leviticus 5 in the SBIVS
Leviticus 5 in the SBT
Leviticus 5 in the SBT1E
Leviticus 5 in the SCHL
Leviticus 5 in the SNT
Leviticus 5 in the SUSU
Leviticus 5 in the SUSU2
Leviticus 5 in the SYNO
Leviticus 5 in the TBIAOTANT
Leviticus 5 in the TBT1E
Leviticus 5 in the TBT1E2
Leviticus 5 in the TFTIP
Leviticus 5 in the TFTU
Leviticus 5 in the TGNTATF3T
Leviticus 5 in the THAI
Leviticus 5 in the TNFD
Leviticus 5 in the TNT
Leviticus 5 in the TNTIK
Leviticus 5 in the TNTIL
Leviticus 5 in the TNTIN
Leviticus 5 in the TNTIP
Leviticus 5 in the TNTIZ
Leviticus 5 in the TOMA
Leviticus 5 in the TTENT
Leviticus 5 in the UBG
Leviticus 5 in the UGV
Leviticus 5 in the UGV2
Leviticus 5 in the UGV3
Leviticus 5 in the VBL
Leviticus 5 in the VDCC
Leviticus 5 in the YALU
Leviticus 5 in the YAPE
Leviticus 5 in the YBVTP
Leviticus 5 in the ZBP