Numbers 18 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista. 2 Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira pamberi peTende reChipupuriro. 3 Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa. 4 Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri. 5 “Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve. 6 Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana. 7 Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.” 8 Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose. 9 Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosara pane zvinopiswa. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako. 10 Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri. 11 “Izvi ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake. 12 “Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo. 13 Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya. 14 “Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako. 15 Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka. 16 Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanu esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. 17 “Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi, zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 18 Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako. 19 Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.” 20 Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri. 21 “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana. 22 Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa. 23 VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavanhu. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri. 24 Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ” 25 Jehovha akati kuna Mozisi, 26 “Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha. 27 Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini. 28 Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista. 29 Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’ 30 “Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini, 31 iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana. 32 Hamungazovi nemhosva pachinhu kana muchiuyisa chikamu chakanakisisa chacho; ipapo hamungazosvibisi zvitsvene zvavaIsraeri, uye hamuzofi.’ ”

In Other Versions

Numbers 18 in the ANGEFD

Numbers 18 in the ANTPNG2D

Numbers 18 in the AS21

Numbers 18 in the BAGH

Numbers 18 in the BBPNG

Numbers 18 in the BBT1E

Numbers 18 in the BDS

Numbers 18 in the BEV

Numbers 18 in the BHAD

Numbers 18 in the BIB

Numbers 18 in the BLPT

Numbers 18 in the BNT

Numbers 18 in the BNTABOOT

Numbers 18 in the BNTLV

Numbers 18 in the BOATCB

Numbers 18 in the BOATCB2

Numbers 18 in the BOBCV

Numbers 18 in the BOCNT

Numbers 18 in the BOECS

Numbers 18 in the BOGWICC

Numbers 18 in the BOHCB

Numbers 18 in the BOHCV

Numbers 18 in the BOHLNT

Numbers 18 in the BOHNTLTAL

Numbers 18 in the BOICB

Numbers 18 in the BOILNTAP

Numbers 18 in the BOITCV

Numbers 18 in the BOKCV

Numbers 18 in the BOKCV2

Numbers 18 in the BOKHWOG

Numbers 18 in the BOKSSV

Numbers 18 in the BOLCB

Numbers 18 in the BOLCB2

Numbers 18 in the BOMCV

Numbers 18 in the BONAV

Numbers 18 in the BONCB

Numbers 18 in the BONLT

Numbers 18 in the BONUT2

Numbers 18 in the BOPLNT

Numbers 18 in the BOSNC

Numbers 18 in the BOTLNT

Numbers 18 in the BOVCB

Numbers 18 in the BOYCB

Numbers 18 in the BPBB

Numbers 18 in the BPH

Numbers 18 in the BSB

Numbers 18 in the CCB

Numbers 18 in the CUV

Numbers 18 in the CUVS

Numbers 18 in the DBT

Numbers 18 in the DGDNT

Numbers 18 in the DHNT

Numbers 18 in the DNT

Numbers 18 in the ELBE

Numbers 18 in the EMTV

Numbers 18 in the ESV

Numbers 18 in the FBV

Numbers 18 in the FEB

Numbers 18 in the GGMNT

Numbers 18 in the GNT

Numbers 18 in the HARY

Numbers 18 in the HNT

Numbers 18 in the IRVA

Numbers 18 in the IRVB

Numbers 18 in the IRVG

Numbers 18 in the IRVH

Numbers 18 in the IRVK

Numbers 18 in the IRVM

Numbers 18 in the IRVM2

Numbers 18 in the IRVO

Numbers 18 in the IRVP

Numbers 18 in the IRVT

Numbers 18 in the IRVT2

Numbers 18 in the IRVU

Numbers 18 in the ISVN

Numbers 18 in the JSNT

Numbers 18 in the KAPI

Numbers 18 in the KBT1ETNIK

Numbers 18 in the KBV

Numbers 18 in the KJV

Numbers 18 in the KNFD

Numbers 18 in the LBA

Numbers 18 in the LBLA

Numbers 18 in the LNT

Numbers 18 in the LSV

Numbers 18 in the MAAL

Numbers 18 in the MBV

Numbers 18 in the MBV2

Numbers 18 in the MHNT

Numbers 18 in the MKNFD

Numbers 18 in the MNG

Numbers 18 in the MNT

Numbers 18 in the MNT2

Numbers 18 in the MRS1T

Numbers 18 in the NAA

Numbers 18 in the NASB

Numbers 18 in the NBLA

Numbers 18 in the NBS

Numbers 18 in the NBVTP

Numbers 18 in the NET2

Numbers 18 in the NIV11

Numbers 18 in the NNT

Numbers 18 in the NNT2

Numbers 18 in the NNT3

Numbers 18 in the PDDPT

Numbers 18 in the PFNT

Numbers 18 in the RMNT

Numbers 18 in the SBIAS

Numbers 18 in the SBIBS

Numbers 18 in the SBIBS2

Numbers 18 in the SBICS

Numbers 18 in the SBIDS

Numbers 18 in the SBIGS

Numbers 18 in the SBIHS

Numbers 18 in the SBIIS

Numbers 18 in the SBIIS2

Numbers 18 in the SBIIS3

Numbers 18 in the SBIKS

Numbers 18 in the SBIKS2

Numbers 18 in the SBIMS

Numbers 18 in the SBIOS

Numbers 18 in the SBIPS

Numbers 18 in the SBISS

Numbers 18 in the SBITS

Numbers 18 in the SBITS2

Numbers 18 in the SBITS3

Numbers 18 in the SBITS4

Numbers 18 in the SBIUS

Numbers 18 in the SBIVS

Numbers 18 in the SBT

Numbers 18 in the SBT1E

Numbers 18 in the SCHL

Numbers 18 in the SNT

Numbers 18 in the SUSU

Numbers 18 in the SUSU2

Numbers 18 in the SYNO

Numbers 18 in the TBIAOTANT

Numbers 18 in the TBT1E

Numbers 18 in the TBT1E2

Numbers 18 in the TFTIP

Numbers 18 in the TFTU

Numbers 18 in the TGNTATF3T

Numbers 18 in the THAI

Numbers 18 in the TNFD

Numbers 18 in the TNT

Numbers 18 in the TNTIK

Numbers 18 in the TNTIL

Numbers 18 in the TNTIN

Numbers 18 in the TNTIP

Numbers 18 in the TNTIZ

Numbers 18 in the TOMA

Numbers 18 in the TTENT

Numbers 18 in the UBG

Numbers 18 in the UGV

Numbers 18 in the UGV2

Numbers 18 in the UGV3

Numbers 18 in the VBL

Numbers 18 in the VDCC

Numbers 18 in the YALU

Numbers 18 in the YAPE

Numbers 18 in the YBVTP

Numbers 18 in the ZBP