Numbers 19 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko. 3 Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake. 4 Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi kweTende Rokusangana. 5 Akatarisa, tsiru rinofanira kupiswa, dehwe raro, nyama yaro namazvizvi aro. 6 Muprista anofanira kutora huni dzomusidhari, hisopi newuru tsvuku agozvikanda pamusoro petsiru riri kutsva. 7 Shure kwaizvozvo, muprista anofanira kusuka nguo dzake uye azvishambidze nemvura. Ipapo angachipinda hake mumusasa, asi achange asina kunatswa kusvikira madekwana. 8 Munhu acharipisa naiyewo anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura uye iyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. 9 “Munhu akachena achaunganidza madota etsiru agoaisa panzvimbo yakanaka iri kunze kwomusasa. Achachengetwa neungano yavaIsraeri kuti agoshandiswa pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa kubva pachivi. 10 Munhu anounganidza madota etsiru anofanirawo kusuka nguo dzake, naiyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. Mutemo uyu uchagara uripo pakati pavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo. 11 “Ani naani anobata chitunha chaani zvake achava asina kuchena kwamazuva manomwe. 12 Anofanira kuzvinatsa nemvura nezuva retatu uye nezuva rechinomwe; ipapo achava akachena. 13 Ani naani anobata chitunha chaani zvake akasazvinatsa anosvibisa tabhenakeri yaJehovha. Munhu uyu anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Nokuti mvura yokunatsa haina kumbosaswa pamusoro pake, haana kuchena; kusachena kwake kucharamba kuri paari. 14 “Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe, 15 uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena. 16 “Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe. 17 “Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena. 18 Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake. 19 Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena. 20 Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena. 21 Uyu mutemo uchagara uripo kwavari.“Munhu anosasa mvura yokunatsa anofanirawo kusuka nguo dzake, uye ani naani anobata mvura yokunatsa achava asina kunaka kusvikira madekwana. 22 Chinhu chose chinobatwa nomunhu asina kuchena chinova chisina kuchena, uye ani naani anochibata anova asina kuchena kusvikira madekwana.”

In Other Versions

Numbers 19 in the ANGEFD

Numbers 19 in the ANTPNG2D

Numbers 19 in the AS21

Numbers 19 in the BAGH

Numbers 19 in the BBPNG

Numbers 19 in the BBT1E

Numbers 19 in the BDS

Numbers 19 in the BEV

Numbers 19 in the BHAD

Numbers 19 in the BIB

Numbers 19 in the BLPT

Numbers 19 in the BNT

Numbers 19 in the BNTABOOT

Numbers 19 in the BNTLV

Numbers 19 in the BOATCB

Numbers 19 in the BOATCB2

Numbers 19 in the BOBCV

Numbers 19 in the BOCNT

Numbers 19 in the BOECS

Numbers 19 in the BOGWICC

Numbers 19 in the BOHCB

Numbers 19 in the BOHCV

Numbers 19 in the BOHLNT

Numbers 19 in the BOHNTLTAL

Numbers 19 in the BOICB

Numbers 19 in the BOILNTAP

Numbers 19 in the BOITCV

Numbers 19 in the BOKCV

Numbers 19 in the BOKCV2

Numbers 19 in the BOKHWOG

Numbers 19 in the BOKSSV

Numbers 19 in the BOLCB

Numbers 19 in the BOLCB2

Numbers 19 in the BOMCV

Numbers 19 in the BONAV

Numbers 19 in the BONCB

Numbers 19 in the BONLT

Numbers 19 in the BONUT2

Numbers 19 in the BOPLNT

Numbers 19 in the BOSNC

Numbers 19 in the BOTLNT

Numbers 19 in the BOVCB

Numbers 19 in the BOYCB

Numbers 19 in the BPBB

Numbers 19 in the BPH

Numbers 19 in the BSB

Numbers 19 in the CCB

Numbers 19 in the CUV

Numbers 19 in the CUVS

Numbers 19 in the DBT

Numbers 19 in the DGDNT

Numbers 19 in the DHNT

Numbers 19 in the DNT

Numbers 19 in the ELBE

Numbers 19 in the EMTV

Numbers 19 in the ESV

Numbers 19 in the FBV

Numbers 19 in the FEB

Numbers 19 in the GGMNT

Numbers 19 in the GNT

Numbers 19 in the HARY

Numbers 19 in the HNT

Numbers 19 in the IRVA

Numbers 19 in the IRVB

Numbers 19 in the IRVG

Numbers 19 in the IRVH

Numbers 19 in the IRVK

Numbers 19 in the IRVM

Numbers 19 in the IRVM2

Numbers 19 in the IRVO

Numbers 19 in the IRVP

Numbers 19 in the IRVT

Numbers 19 in the IRVT2

Numbers 19 in the IRVU

Numbers 19 in the ISVN

Numbers 19 in the JSNT

Numbers 19 in the KAPI

Numbers 19 in the KBT1ETNIK

Numbers 19 in the KBV

Numbers 19 in the KJV

Numbers 19 in the KNFD

Numbers 19 in the LBA

Numbers 19 in the LBLA

Numbers 19 in the LNT

Numbers 19 in the LSV

Numbers 19 in the MAAL

Numbers 19 in the MBV

Numbers 19 in the MBV2

Numbers 19 in the MHNT

Numbers 19 in the MKNFD

Numbers 19 in the MNG

Numbers 19 in the MNT

Numbers 19 in the MNT2

Numbers 19 in the MRS1T

Numbers 19 in the NAA

Numbers 19 in the NASB

Numbers 19 in the NBLA

Numbers 19 in the NBS

Numbers 19 in the NBVTP

Numbers 19 in the NET2

Numbers 19 in the NIV11

Numbers 19 in the NNT

Numbers 19 in the NNT2

Numbers 19 in the NNT3

Numbers 19 in the PDDPT

Numbers 19 in the PFNT

Numbers 19 in the RMNT

Numbers 19 in the SBIAS

Numbers 19 in the SBIBS

Numbers 19 in the SBIBS2

Numbers 19 in the SBICS

Numbers 19 in the SBIDS

Numbers 19 in the SBIGS

Numbers 19 in the SBIHS

Numbers 19 in the SBIIS

Numbers 19 in the SBIIS2

Numbers 19 in the SBIIS3

Numbers 19 in the SBIKS

Numbers 19 in the SBIKS2

Numbers 19 in the SBIMS

Numbers 19 in the SBIOS

Numbers 19 in the SBIPS

Numbers 19 in the SBISS

Numbers 19 in the SBITS

Numbers 19 in the SBITS2

Numbers 19 in the SBITS3

Numbers 19 in the SBITS4

Numbers 19 in the SBIUS

Numbers 19 in the SBIVS

Numbers 19 in the SBT

Numbers 19 in the SBT1E

Numbers 19 in the SCHL

Numbers 19 in the SNT

Numbers 19 in the SUSU

Numbers 19 in the SUSU2

Numbers 19 in the SYNO

Numbers 19 in the TBIAOTANT

Numbers 19 in the TBT1E

Numbers 19 in the TBT1E2

Numbers 19 in the TFTIP

Numbers 19 in the TFTU

Numbers 19 in the TGNTATF3T

Numbers 19 in the THAI

Numbers 19 in the TNFD

Numbers 19 in the TNT

Numbers 19 in the TNTIK

Numbers 19 in the TNTIL

Numbers 19 in the TNTIN

Numbers 19 in the TNTIP

Numbers 19 in the TNTIZ

Numbers 19 in the TOMA

Numbers 19 in the TTENT

Numbers 19 in the UBG

Numbers 19 in the UGV

Numbers 19 in the UGV2

Numbers 19 in the UGV3

Numbers 19 in the VBL

Numbers 19 in the VDCC

Numbers 19 in the YALU

Numbers 19 in the YAPE

Numbers 19 in the YBVTP

Numbers 19 in the ZBP