Proverbs 16 (BOSCB)
1 Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu,asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha. 2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake,asi Jehovha anoyera zvinangwa. 3 Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita,ipapo urongwa hwako huchabudirira. 4 Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo;kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi. 5 Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza.Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa. 6 Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa,kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa. 7 Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha,anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare. 8 Zviri nani kuva nezvishoma mukururama,pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira. 9 Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake,asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake. 10 Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chaMwari,uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira. 11 Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha;zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita. 12 Madzimambo anovenga kuita zvakaipa,nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama. 13 Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi;anoremekedza munhu anotaura chokwadi. 14 Kutsamwa kwamambo inhume yorufu,asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku. 15 Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu,nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe. 16 Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe,kusarudza njere pane sirivha! 17 Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa;uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake. 18 Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa,mweya wamanyawi unotangira kuwa. 19 Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwapane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza. 20 Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira,uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha. 21 Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera,uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa. 22 Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo,asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi. 23 Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake,uye miromo yake inokurudzira kurayirwa. 24 Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi,anozipa kumweya, anoporesa mapfupa. 25 Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu,asi magumo ayo inoenda kurufu. 26 Nzara yomushandi inomushandira;nzara yake inoita kuti arambe achishanda. 27 Munhu asina maturo anoronga zvakaipa,uye matauriro ake akaita somoto unopisa. 28 Munhu akatsauka anomutsa kupesana,uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo. 29 Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake,uye anomufambisa napanzira isina kunaka. 30 Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa;uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa. 31 Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka;inowanikwa noupenyu hwakarurama. 32 Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi,munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta. 33 Mujenya unokandirwa pamakumbo,asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.
In Other Versions
Proverbs 16 in the ANGEFD
Proverbs 16 in the ANTPNG2D
Proverbs 16 in the AS21
Proverbs 16 in the BAGH
Proverbs 16 in the BBPNG
Proverbs 16 in the BBT1E
Proverbs 16 in the BDS
Proverbs 16 in the BEV
Proverbs 16 in the BHAD
Proverbs 16 in the BIB
Proverbs 16 in the BLPT
Proverbs 16 in the BNT
Proverbs 16 in the BNTABOOT
Proverbs 16 in the BNTLV
Proverbs 16 in the BOATCB
Proverbs 16 in the BOATCB2
Proverbs 16 in the BOBCV
Proverbs 16 in the BOCNT
Proverbs 16 in the BOECS
Proverbs 16 in the BOGWICC
Proverbs 16 in the BOHCB
Proverbs 16 in the BOHCV
Proverbs 16 in the BOHLNT
Proverbs 16 in the BOHNTLTAL
Proverbs 16 in the BOICB
Proverbs 16 in the BOILNTAP
Proverbs 16 in the BOITCV
Proverbs 16 in the BOKCV
Proverbs 16 in the BOKCV2
Proverbs 16 in the BOKHWOG
Proverbs 16 in the BOKSSV
Proverbs 16 in the BOLCB
Proverbs 16 in the BOLCB2
Proverbs 16 in the BOMCV
Proverbs 16 in the BONAV
Proverbs 16 in the BONCB
Proverbs 16 in the BONLT
Proverbs 16 in the BONUT2
Proverbs 16 in the BOPLNT
Proverbs 16 in the BOSNC
Proverbs 16 in the BOTLNT
Proverbs 16 in the BOVCB
Proverbs 16 in the BOYCB
Proverbs 16 in the BPBB
Proverbs 16 in the BPH
Proverbs 16 in the BSB
Proverbs 16 in the CCB
Proverbs 16 in the CUV
Proverbs 16 in the CUVS
Proverbs 16 in the DBT
Proverbs 16 in the DGDNT
Proverbs 16 in the DHNT
Proverbs 16 in the DNT
Proverbs 16 in the ELBE
Proverbs 16 in the EMTV
Proverbs 16 in the ESV
Proverbs 16 in the FBV
Proverbs 16 in the FEB
Proverbs 16 in the GGMNT
Proverbs 16 in the GNT
Proverbs 16 in the HARY
Proverbs 16 in the HNT
Proverbs 16 in the IRVA
Proverbs 16 in the IRVB
Proverbs 16 in the IRVG
Proverbs 16 in the IRVH
Proverbs 16 in the IRVK
Proverbs 16 in the IRVM
Proverbs 16 in the IRVM2
Proverbs 16 in the IRVO
Proverbs 16 in the IRVP
Proverbs 16 in the IRVT
Proverbs 16 in the IRVT2
Proverbs 16 in the IRVU
Proverbs 16 in the ISVN
Proverbs 16 in the JSNT
Proverbs 16 in the KAPI
Proverbs 16 in the KBT1ETNIK
Proverbs 16 in the KBV
Proverbs 16 in the KJV
Proverbs 16 in the KNFD
Proverbs 16 in the LBA
Proverbs 16 in the LBLA
Proverbs 16 in the LNT
Proverbs 16 in the LSV
Proverbs 16 in the MAAL
Proverbs 16 in the MBV
Proverbs 16 in the MBV2
Proverbs 16 in the MHNT
Proverbs 16 in the MKNFD
Proverbs 16 in the MNG
Proverbs 16 in the MNT
Proverbs 16 in the MNT2
Proverbs 16 in the MRS1T
Proverbs 16 in the NAA
Proverbs 16 in the NASB
Proverbs 16 in the NBLA
Proverbs 16 in the NBS
Proverbs 16 in the NBVTP
Proverbs 16 in the NET2
Proverbs 16 in the NIV11
Proverbs 16 in the NNT
Proverbs 16 in the NNT2
Proverbs 16 in the NNT3
Proverbs 16 in the PDDPT
Proverbs 16 in the PFNT
Proverbs 16 in the RMNT
Proverbs 16 in the SBIAS
Proverbs 16 in the SBIBS
Proverbs 16 in the SBIBS2
Proverbs 16 in the SBICS
Proverbs 16 in the SBIDS
Proverbs 16 in the SBIGS
Proverbs 16 in the SBIHS
Proverbs 16 in the SBIIS
Proverbs 16 in the SBIIS2
Proverbs 16 in the SBIIS3
Proverbs 16 in the SBIKS
Proverbs 16 in the SBIKS2
Proverbs 16 in the SBIMS
Proverbs 16 in the SBIOS
Proverbs 16 in the SBIPS
Proverbs 16 in the SBISS
Proverbs 16 in the SBITS
Proverbs 16 in the SBITS2
Proverbs 16 in the SBITS3
Proverbs 16 in the SBITS4
Proverbs 16 in the SBIUS
Proverbs 16 in the SBIVS
Proverbs 16 in the SBT
Proverbs 16 in the SBT1E
Proverbs 16 in the SCHL
Proverbs 16 in the SNT
Proverbs 16 in the SUSU
Proverbs 16 in the SUSU2
Proverbs 16 in the SYNO
Proverbs 16 in the TBIAOTANT
Proverbs 16 in the TBT1E
Proverbs 16 in the TBT1E2
Proverbs 16 in the TFTIP
Proverbs 16 in the TFTU
Proverbs 16 in the TGNTATF3T
Proverbs 16 in the THAI
Proverbs 16 in the TNFD
Proverbs 16 in the TNT
Proverbs 16 in the TNTIK
Proverbs 16 in the TNTIL
Proverbs 16 in the TNTIN
Proverbs 16 in the TNTIP
Proverbs 16 in the TNTIZ
Proverbs 16 in the TOMA
Proverbs 16 in the TTENT
Proverbs 16 in the UBG
Proverbs 16 in the UGV
Proverbs 16 in the UGV2
Proverbs 16 in the UGV3
Proverbs 16 in the VBL
Proverbs 16 in the VDCC
Proverbs 16 in the YALU
Proverbs 16 in the YAPE
Proverbs 16 in the YBVTP
Proverbs 16 in the ZBP