Proverbs 31 (BOSCB)
1 Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake: 2 “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka,iwe mwanakomana wemhiko dzangu, 3 usapedzera simba rako pavakadzi,nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo. 4 “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri,hazvina kufanira madzimambo kunwa waini,hazvina kufanira vatongi kukara doro, 5 nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro,uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose. 6 Ipai doro kuna avo vari kuparara,newaini kuna avo vari mukurwadziwa: 7 regai vanwe vakanganwe urombo hwavo,uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo. 8 “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira,pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa. 9 Taura utonge zvakanaka;udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.” 10 Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi. 11 Murume wake anovimba naye zvizere,uye haana chaanoshayiwa chinokosha. 12 Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa,mazuva ose oupenyu hwake. 13 Anosarudza wuru neshindauye anoshanda namaoko anoshingaira. 14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi,anondotora zvokudya zvake kure. 15 Anomuka kuchakasviba;agotsvagira mhuri yake zvokudyauye agopa varandakadzi vake basa ravo. 16 Anonanʼanidza munda agoutenga;anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake. 17 Anoita basa rake nesimba;maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake. 18 Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira,uye mwenje wake haudzimi pausiku. 19 Muruoko rwake anobata chirukiso,uye anobata chirukwa neminwe yake. 20 Anotambanudzira maoko ake kuvarombo,uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa. 21 Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake;nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya. 22 Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake;anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru. 23 Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta,kana agere pakati pavakuru venyika. 24 Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa,uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro. 25 Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake;anofara akatarisana namazuva anouya. 26 Anotaura nouchenjeri,uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake. 27 Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake,uye haadyi zvokudya zvousimbe. 28 Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa,murume wakewo, anomurumbidza: 29 “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka,asi iwe unovakunda vose.” 30 Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku;asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa. 31 Mupeiwo mubayiro wake waakashandira,uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.
In Other Versions
Proverbs 31 in the ANGEFD
Proverbs 31 in the ANTPNG2D
Proverbs 31 in the AS21
Proverbs 31 in the BAGH
Proverbs 31 in the BBPNG
Proverbs 31 in the BBT1E
Proverbs 31 in the BDS
Proverbs 31 in the BEV
Proverbs 31 in the BHAD
Proverbs 31 in the BIB
Proverbs 31 in the BLPT
Proverbs 31 in the BNT
Proverbs 31 in the BNTABOOT
Proverbs 31 in the BNTLV
Proverbs 31 in the BOATCB
Proverbs 31 in the BOATCB2
Proverbs 31 in the BOBCV
Proverbs 31 in the BOCNT
Proverbs 31 in the BOECS
Proverbs 31 in the BOGWICC
Proverbs 31 in the BOHCB
Proverbs 31 in the BOHCV
Proverbs 31 in the BOHLNT
Proverbs 31 in the BOHNTLTAL
Proverbs 31 in the BOICB
Proverbs 31 in the BOILNTAP
Proverbs 31 in the BOITCV
Proverbs 31 in the BOKCV
Proverbs 31 in the BOKCV2
Proverbs 31 in the BOKHWOG
Proverbs 31 in the BOKSSV
Proverbs 31 in the BOLCB
Proverbs 31 in the BOLCB2
Proverbs 31 in the BOMCV
Proverbs 31 in the BONAV
Proverbs 31 in the BONCB
Proverbs 31 in the BONLT
Proverbs 31 in the BONUT2
Proverbs 31 in the BOPLNT
Proverbs 31 in the BOSNC
Proverbs 31 in the BOTLNT
Proverbs 31 in the BOVCB
Proverbs 31 in the BOYCB
Proverbs 31 in the BPBB
Proverbs 31 in the BPH
Proverbs 31 in the BSB
Proverbs 31 in the CCB
Proverbs 31 in the CUV
Proverbs 31 in the CUVS
Proverbs 31 in the DBT
Proverbs 31 in the DGDNT
Proverbs 31 in the DHNT
Proverbs 31 in the DNT
Proverbs 31 in the ELBE
Proverbs 31 in the EMTV
Proverbs 31 in the ESV
Proverbs 31 in the FBV
Proverbs 31 in the FEB
Proverbs 31 in the GGMNT
Proverbs 31 in the GNT
Proverbs 31 in the HARY
Proverbs 31 in the HNT
Proverbs 31 in the IRVA
Proverbs 31 in the IRVB
Proverbs 31 in the IRVG
Proverbs 31 in the IRVH
Proverbs 31 in the IRVK
Proverbs 31 in the IRVM
Proverbs 31 in the IRVM2
Proverbs 31 in the IRVO
Proverbs 31 in the IRVP
Proverbs 31 in the IRVT
Proverbs 31 in the IRVT2
Proverbs 31 in the IRVU
Proverbs 31 in the ISVN
Proverbs 31 in the JSNT
Proverbs 31 in the KAPI
Proverbs 31 in the KBT1ETNIK
Proverbs 31 in the KBV
Proverbs 31 in the KJV
Proverbs 31 in the KNFD
Proverbs 31 in the LBA
Proverbs 31 in the LBLA
Proverbs 31 in the LNT
Proverbs 31 in the LSV
Proverbs 31 in the MAAL
Proverbs 31 in the MBV
Proverbs 31 in the MBV2
Proverbs 31 in the MHNT
Proverbs 31 in the MKNFD
Proverbs 31 in the MNG
Proverbs 31 in the MNT
Proverbs 31 in the MNT2
Proverbs 31 in the MRS1T
Proverbs 31 in the NAA
Proverbs 31 in the NASB
Proverbs 31 in the NBLA
Proverbs 31 in the NBS
Proverbs 31 in the NBVTP
Proverbs 31 in the NET2
Proverbs 31 in the NIV11
Proverbs 31 in the NNT
Proverbs 31 in the NNT2
Proverbs 31 in the NNT3
Proverbs 31 in the PDDPT
Proverbs 31 in the PFNT
Proverbs 31 in the RMNT
Proverbs 31 in the SBIAS
Proverbs 31 in the SBIBS
Proverbs 31 in the SBIBS2
Proverbs 31 in the SBICS
Proverbs 31 in the SBIDS
Proverbs 31 in the SBIGS
Proverbs 31 in the SBIHS
Proverbs 31 in the SBIIS
Proverbs 31 in the SBIIS2
Proverbs 31 in the SBIIS3
Proverbs 31 in the SBIKS
Proverbs 31 in the SBIKS2
Proverbs 31 in the SBIMS
Proverbs 31 in the SBIOS
Proverbs 31 in the SBIPS
Proverbs 31 in the SBISS
Proverbs 31 in the SBITS
Proverbs 31 in the SBITS2
Proverbs 31 in the SBITS3
Proverbs 31 in the SBITS4
Proverbs 31 in the SBIUS
Proverbs 31 in the SBIVS
Proverbs 31 in the SBT
Proverbs 31 in the SBT1E
Proverbs 31 in the SCHL
Proverbs 31 in the SNT
Proverbs 31 in the SUSU
Proverbs 31 in the SUSU2
Proverbs 31 in the SYNO
Proverbs 31 in the TBIAOTANT
Proverbs 31 in the TBT1E
Proverbs 31 in the TBT1E2
Proverbs 31 in the TFTIP
Proverbs 31 in the TFTU
Proverbs 31 in the TGNTATF3T
Proverbs 31 in the THAI
Proverbs 31 in the TNFD
Proverbs 31 in the TNT
Proverbs 31 in the TNTIK
Proverbs 31 in the TNTIL
Proverbs 31 in the TNTIN
Proverbs 31 in the TNTIP
Proverbs 31 in the TNTIZ
Proverbs 31 in the TOMA
Proverbs 31 in the TTENT
Proverbs 31 in the UBG
Proverbs 31 in the UGV
Proverbs 31 in the UGV2
Proverbs 31 in the UGV3
Proverbs 31 in the VBL
Proverbs 31 in the VDCC
Proverbs 31 in the YALU
Proverbs 31 in the YAPE
Proverbs 31 in the YBVTP
Proverbs 31 in the ZBP