Psalms 15 (BOSCB)
undefined Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?Ndiani angagara pagomo renyu dzvene? 2 Iye anofamba asina chaanopomerwa uyeanoita zvakarurama,anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake, 3 uye asina makuhwa parurimi rwake,asingaitiri wokwake zvakaipauye asingatuki waagere naye, 4 anozvidza munhu akaipaasi anokudza vaya vanotya Jehovha,anochengeta mhiko yakekunyange kana zvichirwadza, 5 anokweretesa mari yake asingarevi mhinduuye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvihaangatongozungunuswi.