Psalms 29 (BOSCB)
undefined Pisarema raDhavhidhi. 1 Ipai kuna Jehovha, imi mune simbaipai kuna Jehovha rukudzo nesimba. 2 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. 3 Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji.Mwari wokubwinya anotinhira,Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji. 4 Inzwi raJehovha rine simba;inzwi raJehovha rinokudzwa. 5 Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari,Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni. 6 Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru,neSirioni senzombe yenyati. 7 Inzwi raJehovha rinorovanokuvaima kwemheni. 8 Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga;Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi. 9 Inzwi raJehovha rinomonyorora mioukiuye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e.Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!” 10 Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura;Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi. 11 Jehovha anopa simba kuvanhu vake;Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.