Psalms 61 (BOSCB)
undefined Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi. 1 Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari;rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu. 2 Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri,ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya;nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura. 3 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu,shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. 4 Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi,uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera 5 Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari;makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu. 6 Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo,makore ake kumarudzi namarudzi. 7 Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi;gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire. 8 Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo,uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.