Zechariah 1 (BOSCB)

1 “Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti: 2 “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru. 3 Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 4 Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa nepazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha. 5 Aripiko madzibaba enyu zvino? Uye vaprofita vacho, vanorarama zvandakarayira nokusingaperi here? 6 Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu ivo vaprofita, hazvina kurarama kupfuura madzibaba enyu here?“Ipapo vakatendeuka ndokuti, ‘Jehovha Wamasimba Ose akatiitira zvakafanira mabasa edu nenzira dzedu, sezvaakafunga kuita.’ ” 7 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho. 8 Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena. 9 Ipapo ndakati, “Izvi zviiko, ishe wangu?”Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, “Ndichakuratidza kuti zvii.” 10 Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose.” 11 Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, “Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo.” 12 Ipapo mutumwa waJehovha akati, “Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?” 13 Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni. 14 Ipapo mutumwa aitaura neni akati, “Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni, 15 asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’ 16 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha: ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 17 “Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’ ” 18 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina! 19 Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, “Zviiko izvi?”Akandipindura achiti, “Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema.” 20 Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina. 21 Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?”Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.”

In Other Versions

Zechariah 1 in the ANGEFD

Zechariah 1 in the ANTPNG2D

Zechariah 1 in the AS21

Zechariah 1 in the BAGH

Zechariah 1 in the BBPNG

Zechariah 1 in the BBT1E

Zechariah 1 in the BDS

Zechariah 1 in the BEV

Zechariah 1 in the BHAD

Zechariah 1 in the BIB

Zechariah 1 in the BLPT

Zechariah 1 in the BNT

Zechariah 1 in the BNTABOOT

Zechariah 1 in the BNTLV

Zechariah 1 in the BOATCB

Zechariah 1 in the BOATCB2

Zechariah 1 in the BOBCV

Zechariah 1 in the BOCNT

Zechariah 1 in the BOECS

Zechariah 1 in the BOGWICC

Zechariah 1 in the BOHCB

Zechariah 1 in the BOHCV

Zechariah 1 in the BOHLNT

Zechariah 1 in the BOHNTLTAL

Zechariah 1 in the BOICB

Zechariah 1 in the BOILNTAP

Zechariah 1 in the BOITCV

Zechariah 1 in the BOKCV

Zechariah 1 in the BOKCV2

Zechariah 1 in the BOKHWOG

Zechariah 1 in the BOKSSV

Zechariah 1 in the BOLCB

Zechariah 1 in the BOLCB2

Zechariah 1 in the BOMCV

Zechariah 1 in the BONAV

Zechariah 1 in the BONCB

Zechariah 1 in the BONLT

Zechariah 1 in the BONUT2

Zechariah 1 in the BOPLNT

Zechariah 1 in the BOSNC

Zechariah 1 in the BOTLNT

Zechariah 1 in the BOVCB

Zechariah 1 in the BOYCB

Zechariah 1 in the BPBB

Zechariah 1 in the BPH

Zechariah 1 in the BSB

Zechariah 1 in the CCB

Zechariah 1 in the CUV

Zechariah 1 in the CUVS

Zechariah 1 in the DBT

Zechariah 1 in the DGDNT

Zechariah 1 in the DHNT

Zechariah 1 in the DNT

Zechariah 1 in the ELBE

Zechariah 1 in the EMTV

Zechariah 1 in the ESV

Zechariah 1 in the FBV

Zechariah 1 in the FEB

Zechariah 1 in the GGMNT

Zechariah 1 in the GNT

Zechariah 1 in the HARY

Zechariah 1 in the HNT

Zechariah 1 in the IRVA

Zechariah 1 in the IRVB

Zechariah 1 in the IRVG

Zechariah 1 in the IRVH

Zechariah 1 in the IRVK

Zechariah 1 in the IRVM

Zechariah 1 in the IRVM2

Zechariah 1 in the IRVO

Zechariah 1 in the IRVP

Zechariah 1 in the IRVT

Zechariah 1 in the IRVT2

Zechariah 1 in the IRVU

Zechariah 1 in the ISVN

Zechariah 1 in the JSNT

Zechariah 1 in the KAPI

Zechariah 1 in the KBT1ETNIK

Zechariah 1 in the KBV

Zechariah 1 in the KJV

Zechariah 1 in the KNFD

Zechariah 1 in the LBA

Zechariah 1 in the LBLA

Zechariah 1 in the LNT

Zechariah 1 in the LSV

Zechariah 1 in the MAAL

Zechariah 1 in the MBV

Zechariah 1 in the MBV2

Zechariah 1 in the MHNT

Zechariah 1 in the MKNFD

Zechariah 1 in the MNG

Zechariah 1 in the MNT

Zechariah 1 in the MNT2

Zechariah 1 in the MRS1T

Zechariah 1 in the NAA

Zechariah 1 in the NASB

Zechariah 1 in the NBLA

Zechariah 1 in the NBS

Zechariah 1 in the NBVTP

Zechariah 1 in the NET2

Zechariah 1 in the NIV11

Zechariah 1 in the NNT

Zechariah 1 in the NNT2

Zechariah 1 in the NNT3

Zechariah 1 in the PDDPT

Zechariah 1 in the PFNT

Zechariah 1 in the RMNT

Zechariah 1 in the SBIAS

Zechariah 1 in the SBIBS

Zechariah 1 in the SBIBS2

Zechariah 1 in the SBICS

Zechariah 1 in the SBIDS

Zechariah 1 in the SBIGS

Zechariah 1 in the SBIHS

Zechariah 1 in the SBIIS

Zechariah 1 in the SBIIS2

Zechariah 1 in the SBIIS3

Zechariah 1 in the SBIKS

Zechariah 1 in the SBIKS2

Zechariah 1 in the SBIMS

Zechariah 1 in the SBIOS

Zechariah 1 in the SBIPS

Zechariah 1 in the SBISS

Zechariah 1 in the SBITS

Zechariah 1 in the SBITS2

Zechariah 1 in the SBITS3

Zechariah 1 in the SBITS4

Zechariah 1 in the SBIUS

Zechariah 1 in the SBIVS

Zechariah 1 in the SBT

Zechariah 1 in the SBT1E

Zechariah 1 in the SCHL

Zechariah 1 in the SNT

Zechariah 1 in the SUSU

Zechariah 1 in the SUSU2

Zechariah 1 in the SYNO

Zechariah 1 in the TBIAOTANT

Zechariah 1 in the TBT1E

Zechariah 1 in the TBT1E2

Zechariah 1 in the TFTIP

Zechariah 1 in the TFTU

Zechariah 1 in the TGNTATF3T

Zechariah 1 in the THAI

Zechariah 1 in the TNFD

Zechariah 1 in the TNT

Zechariah 1 in the TNTIK

Zechariah 1 in the TNTIL

Zechariah 1 in the TNTIN

Zechariah 1 in the TNTIP

Zechariah 1 in the TNTIZ

Zechariah 1 in the TOMA

Zechariah 1 in the TTENT

Zechariah 1 in the UBG

Zechariah 1 in the UGV

Zechariah 1 in the UGV2

Zechariah 1 in the UGV3

Zechariah 1 in the VBL

Zechariah 1 in the VDCC

Zechariah 1 in the YALU

Zechariah 1 in the YAPE

Zechariah 1 in the YBVTP

Zechariah 1 in the ZBP