1 Corinthians 3 (BOSCB)

1 Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu. 2 Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino. 3 Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamusi venyika here? Ko, hamusi kufamba savanhuwo zvavo here? 4 Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporosi,” ko, hamusi vanhuwo zvavo here? 5 Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. 6 Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa. 7 Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu. 8 Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake. 9 Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. 10 Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo. 11 Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu. 12 Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga, 13 basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe. 14 Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake. 15 Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto. 16 Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri? 17 Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi temberi yacho. 18 Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera. 19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,” 20 uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.” 21 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu, 22 angava Pauro kana Aporosi, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu, 23 uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

In Other Versions

1 Corinthians 3 in the ANGEFD

1 Corinthians 3 in the ANTPNG2D

1 Corinthians 3 in the AS21

1 Corinthians 3 in the BAGH

1 Corinthians 3 in the BBPNG

1 Corinthians 3 in the BBT1E

1 Corinthians 3 in the BDS

1 Corinthians 3 in the BEV

1 Corinthians 3 in the BHAD

1 Corinthians 3 in the BIB

1 Corinthians 3 in the BLPT

1 Corinthians 3 in the BNT

1 Corinthians 3 in the BNTABOOT

1 Corinthians 3 in the BNTLV

1 Corinthians 3 in the BOATCB

1 Corinthians 3 in the BOATCB2

1 Corinthians 3 in the BOBCV

1 Corinthians 3 in the BOCNT

1 Corinthians 3 in the BOECS

1 Corinthians 3 in the BOGWICC

1 Corinthians 3 in the BOHCB

1 Corinthians 3 in the BOHCV

1 Corinthians 3 in the BOHLNT

1 Corinthians 3 in the BOHNTLTAL

1 Corinthians 3 in the BOICB

1 Corinthians 3 in the BOILNTAP

1 Corinthians 3 in the BOITCV

1 Corinthians 3 in the BOKCV

1 Corinthians 3 in the BOKCV2

1 Corinthians 3 in the BOKHWOG

1 Corinthians 3 in the BOKSSV

1 Corinthians 3 in the BOLCB

1 Corinthians 3 in the BOLCB2

1 Corinthians 3 in the BOMCV

1 Corinthians 3 in the BONAV

1 Corinthians 3 in the BONCB

1 Corinthians 3 in the BONLT

1 Corinthians 3 in the BONUT2

1 Corinthians 3 in the BOPLNT

1 Corinthians 3 in the BOSNC

1 Corinthians 3 in the BOTLNT

1 Corinthians 3 in the BOVCB

1 Corinthians 3 in the BOYCB

1 Corinthians 3 in the BPBB

1 Corinthians 3 in the BPH

1 Corinthians 3 in the BSB

1 Corinthians 3 in the CCB

1 Corinthians 3 in the CUV

1 Corinthians 3 in the CUVS

1 Corinthians 3 in the DBT

1 Corinthians 3 in the DGDNT

1 Corinthians 3 in the DHNT

1 Corinthians 3 in the DNT

1 Corinthians 3 in the ELBE

1 Corinthians 3 in the EMTV

1 Corinthians 3 in the ESV

1 Corinthians 3 in the FBV

1 Corinthians 3 in the FEB

1 Corinthians 3 in the GGMNT

1 Corinthians 3 in the GNT

1 Corinthians 3 in the HARY

1 Corinthians 3 in the HNT

1 Corinthians 3 in the IRVA

1 Corinthians 3 in the IRVB

1 Corinthians 3 in the IRVG

1 Corinthians 3 in the IRVH

1 Corinthians 3 in the IRVK

1 Corinthians 3 in the IRVM

1 Corinthians 3 in the IRVM2

1 Corinthians 3 in the IRVO

1 Corinthians 3 in the IRVP

1 Corinthians 3 in the IRVT

1 Corinthians 3 in the IRVT2

1 Corinthians 3 in the IRVU

1 Corinthians 3 in the ISVN

1 Corinthians 3 in the JSNT

1 Corinthians 3 in the KAPI

1 Corinthians 3 in the KBT1ETNIK

1 Corinthians 3 in the KBV

1 Corinthians 3 in the KJV

1 Corinthians 3 in the KNFD

1 Corinthians 3 in the LBA

1 Corinthians 3 in the LBLA

1 Corinthians 3 in the LNT

1 Corinthians 3 in the LSV

1 Corinthians 3 in the MAAL

1 Corinthians 3 in the MBV

1 Corinthians 3 in the MBV2

1 Corinthians 3 in the MHNT

1 Corinthians 3 in the MKNFD

1 Corinthians 3 in the MNG

1 Corinthians 3 in the MNT

1 Corinthians 3 in the MNT2

1 Corinthians 3 in the MRS1T

1 Corinthians 3 in the NAA

1 Corinthians 3 in the NASB

1 Corinthians 3 in the NBLA

1 Corinthians 3 in the NBS

1 Corinthians 3 in the NBVTP

1 Corinthians 3 in the NET2

1 Corinthians 3 in the NIV11

1 Corinthians 3 in the NNT

1 Corinthians 3 in the NNT2

1 Corinthians 3 in the NNT3

1 Corinthians 3 in the PDDPT

1 Corinthians 3 in the PFNT

1 Corinthians 3 in the RMNT

1 Corinthians 3 in the SBIAS

1 Corinthians 3 in the SBIBS

1 Corinthians 3 in the SBIBS2

1 Corinthians 3 in the SBICS

1 Corinthians 3 in the SBIDS

1 Corinthians 3 in the SBIGS

1 Corinthians 3 in the SBIHS

1 Corinthians 3 in the SBIIS

1 Corinthians 3 in the SBIIS2

1 Corinthians 3 in the SBIIS3

1 Corinthians 3 in the SBIKS

1 Corinthians 3 in the SBIKS2

1 Corinthians 3 in the SBIMS

1 Corinthians 3 in the SBIOS

1 Corinthians 3 in the SBIPS

1 Corinthians 3 in the SBISS

1 Corinthians 3 in the SBITS

1 Corinthians 3 in the SBITS2

1 Corinthians 3 in the SBITS3

1 Corinthians 3 in the SBITS4

1 Corinthians 3 in the SBIUS

1 Corinthians 3 in the SBIVS

1 Corinthians 3 in the SBT

1 Corinthians 3 in the SBT1E

1 Corinthians 3 in the SCHL

1 Corinthians 3 in the SNT

1 Corinthians 3 in the SUSU

1 Corinthians 3 in the SUSU2

1 Corinthians 3 in the SYNO

1 Corinthians 3 in the TBIAOTANT

1 Corinthians 3 in the TBT1E

1 Corinthians 3 in the TBT1E2

1 Corinthians 3 in the TFTIP

1 Corinthians 3 in the TFTU

1 Corinthians 3 in the TGNTATF3T

1 Corinthians 3 in the THAI

1 Corinthians 3 in the TNFD

1 Corinthians 3 in the TNT

1 Corinthians 3 in the TNTIK

1 Corinthians 3 in the TNTIL

1 Corinthians 3 in the TNTIN

1 Corinthians 3 in the TNTIP

1 Corinthians 3 in the TNTIZ

1 Corinthians 3 in the TOMA

1 Corinthians 3 in the TTENT

1 Corinthians 3 in the UBG

1 Corinthians 3 in the UGV

1 Corinthians 3 in the UGV2

1 Corinthians 3 in the UGV3

1 Corinthians 3 in the VBL

1 Corinthians 3 in the VDCC

1 Corinthians 3 in the YALU

1 Corinthians 3 in the YAPE

1 Corinthians 3 in the YBVTP

1 Corinthians 3 in the ZBP