1 Kings 17 (BOSCB)
1 Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazova nedova kana mvura inonaya mumakore anotevera kunze kwokutenge ndareva ini.” 2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Eria richiti, 3 “Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani. 4 Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira makunguo kuti akupe zvokudya ikoko.” 5 Saka akaita zvaakanga audzwa naJehovha. Akaenda kuRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani, akagarako. 6 Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama manheru, uye akanwa mvura murukova. 7 Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika. 8 Zvino shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, 9 “Simuka izvozvi uende kuZarefati kunyika yeSidhoni undogarako. Ndarayira chirikadzi iri munzvimbo iyoyo kuti ikupe zvokudya.” 10 Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?” 11 Paakanga ava kuenda kundoitora, iye akadanidzira akati, “Mundivigirewo chimedu chechingwa, ndapota.” 12 Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushoma shoma muhari namafuta mashoma shoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife hedu.” 13 Eria akati kwaari, “Usatya. Enda kumba undoita sezvawareva. Asi tanga wandibikira chingwa chiduku pane zvaunazvo ugouya nacho kwandiri, mushure ugozvigadzirira iwe nomwanakomana wako. 14 Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Furawu iri muhari imomo haizoperi uye mafuta ari muhari haazoperi kusvikira zuva iro richanayiswa mvura panyika naJehovha.’ ” 15 Akaenda akandoita sezvaakanga audzwa naEria. Saka zvokudya zvaEria zvakavapo mazuva ose uyewo nezvomukadzi nemhuri yake. 16 Furawu yaiva muhari haina kupera uye mafuta aiva muhari haana kupera, sezvazvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria. 17 Kwapera nguva yakati, mwanakomana womukadzi, muridzi weimba, akarwara. Kurwara kwake kwakanyanya kwazvo, pakupedzisira akamira kufema. 18 Mukadzi akati kuna Eria, “Ndakakutadzireiko, munhu waMwari? Wakauya here kuzondirangaridza chivi changu nokuuraya mwanakomana wangu?” 19 Eria akapindura akati, “Ndipe mwanakomana wako kuno.” Akamutora kubva mumaoko ake, akamutakura akaenda naye kuimba yapamusoro yaaigara, akamuradzika pamubhedha wake. 20 Ipapo akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wangu, mauyisawo here dambudziko pachirikadzi iyi yandiri kugara nayo, nokuuraya mwanakomana wayo?” 21 Ipapo akazvambarara pamusoro pomukomana katatu akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha Mwari wangu, itai kuti mweya womukomana uyu udzokere maari!” 22 Jehovha akanzwa kudanidzira kwaEria, mweya womukomana ukadzokera maari, akararama. 23 Eria akatora mwana akamutakura achibuda mumba maakanga ari akaenda naye mumba huru. Akamupa kuna mai vake akati, “Tarirai, mwanakomana wenyu mupenyu!” 24 Ipapo mukadzi akati kuna Eria, “Zvino ndazoziva kuti muri munhu waMwari uye kuti shoko raJehovha rinobuda mumuromo menyu nderechokwadi.”
In Other Versions
1 Kings 17 in the ANGEFD
1 Kings 17 in the ANTPNG2D
1 Kings 17 in the AS21
1 Kings 17 in the BAGH
1 Kings 17 in the BBPNG
1 Kings 17 in the BBT1E
1 Kings 17 in the BDS
1 Kings 17 in the BEV
1 Kings 17 in the BHAD
1 Kings 17 in the BIB
1 Kings 17 in the BLPT
1 Kings 17 in the BNT
1 Kings 17 in the BNTABOOT
1 Kings 17 in the BNTLV
1 Kings 17 in the BOATCB
1 Kings 17 in the BOATCB2
1 Kings 17 in the BOBCV
1 Kings 17 in the BOCNT
1 Kings 17 in the BOECS
1 Kings 17 in the BOGWICC
1 Kings 17 in the BOHCB
1 Kings 17 in the BOHCV
1 Kings 17 in the BOHLNT
1 Kings 17 in the BOHNTLTAL
1 Kings 17 in the BOICB
1 Kings 17 in the BOILNTAP
1 Kings 17 in the BOITCV
1 Kings 17 in the BOKCV
1 Kings 17 in the BOKCV2
1 Kings 17 in the BOKHWOG
1 Kings 17 in the BOKSSV
1 Kings 17 in the BOLCB
1 Kings 17 in the BOLCB2
1 Kings 17 in the BOMCV
1 Kings 17 in the BONAV
1 Kings 17 in the BONCB
1 Kings 17 in the BONLT
1 Kings 17 in the BONUT2
1 Kings 17 in the BOPLNT
1 Kings 17 in the BOSNC
1 Kings 17 in the BOTLNT
1 Kings 17 in the BOVCB
1 Kings 17 in the BOYCB
1 Kings 17 in the BPBB
1 Kings 17 in the BPH
1 Kings 17 in the BSB
1 Kings 17 in the CCB
1 Kings 17 in the CUV
1 Kings 17 in the CUVS
1 Kings 17 in the DBT
1 Kings 17 in the DGDNT
1 Kings 17 in the DHNT
1 Kings 17 in the DNT
1 Kings 17 in the ELBE
1 Kings 17 in the EMTV
1 Kings 17 in the ESV
1 Kings 17 in the FBV
1 Kings 17 in the FEB
1 Kings 17 in the GGMNT
1 Kings 17 in the GNT
1 Kings 17 in the HARY
1 Kings 17 in the HNT
1 Kings 17 in the IRVA
1 Kings 17 in the IRVB
1 Kings 17 in the IRVG
1 Kings 17 in the IRVH
1 Kings 17 in the IRVK
1 Kings 17 in the IRVM
1 Kings 17 in the IRVM2
1 Kings 17 in the IRVO
1 Kings 17 in the IRVP
1 Kings 17 in the IRVT
1 Kings 17 in the IRVT2
1 Kings 17 in the IRVU
1 Kings 17 in the ISVN
1 Kings 17 in the JSNT
1 Kings 17 in the KAPI
1 Kings 17 in the KBT1ETNIK
1 Kings 17 in the KBV
1 Kings 17 in the KJV
1 Kings 17 in the KNFD
1 Kings 17 in the LBA
1 Kings 17 in the LBLA
1 Kings 17 in the LNT
1 Kings 17 in the LSV
1 Kings 17 in the MAAL
1 Kings 17 in the MBV
1 Kings 17 in the MBV2
1 Kings 17 in the MHNT
1 Kings 17 in the MKNFD
1 Kings 17 in the MNG
1 Kings 17 in the MNT
1 Kings 17 in the MNT2
1 Kings 17 in the MRS1T
1 Kings 17 in the NAA
1 Kings 17 in the NASB
1 Kings 17 in the NBLA
1 Kings 17 in the NBS
1 Kings 17 in the NBVTP
1 Kings 17 in the NET2
1 Kings 17 in the NIV11
1 Kings 17 in the NNT
1 Kings 17 in the NNT2
1 Kings 17 in the NNT3
1 Kings 17 in the PDDPT
1 Kings 17 in the PFNT
1 Kings 17 in the RMNT
1 Kings 17 in the SBIAS
1 Kings 17 in the SBIBS
1 Kings 17 in the SBIBS2
1 Kings 17 in the SBICS
1 Kings 17 in the SBIDS
1 Kings 17 in the SBIGS
1 Kings 17 in the SBIHS
1 Kings 17 in the SBIIS
1 Kings 17 in the SBIIS2
1 Kings 17 in the SBIIS3
1 Kings 17 in the SBIKS
1 Kings 17 in the SBIKS2
1 Kings 17 in the SBIMS
1 Kings 17 in the SBIOS
1 Kings 17 in the SBIPS
1 Kings 17 in the SBISS
1 Kings 17 in the SBITS
1 Kings 17 in the SBITS2
1 Kings 17 in the SBITS3
1 Kings 17 in the SBITS4
1 Kings 17 in the SBIUS
1 Kings 17 in the SBIVS
1 Kings 17 in the SBT
1 Kings 17 in the SBT1E
1 Kings 17 in the SCHL
1 Kings 17 in the SNT
1 Kings 17 in the SUSU
1 Kings 17 in the SUSU2
1 Kings 17 in the SYNO
1 Kings 17 in the TBIAOTANT
1 Kings 17 in the TBT1E
1 Kings 17 in the TBT1E2
1 Kings 17 in the TFTIP
1 Kings 17 in the TFTU
1 Kings 17 in the TGNTATF3T
1 Kings 17 in the THAI
1 Kings 17 in the TNFD
1 Kings 17 in the TNT
1 Kings 17 in the TNTIK
1 Kings 17 in the TNTIL
1 Kings 17 in the TNTIN
1 Kings 17 in the TNTIP
1 Kings 17 in the TNTIZ
1 Kings 17 in the TOMA
1 Kings 17 in the TTENT
1 Kings 17 in the UBG
1 Kings 17 in the UGV
1 Kings 17 in the UGV2
1 Kings 17 in the UGV3
1 Kings 17 in the VBL
1 Kings 17 in the VDCC
1 Kings 17 in the YALU
1 Kings 17 in the YAPE
1 Kings 17 in the YBVTP
1 Kings 17 in the ZBP