1 Samuel 10 (BOSCB)

1 Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadurura pamusoro waSauro akamutsvoda uye akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiri wenhaka yake? 2 Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?” ’ 3 “Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini. 4 Vachakukwazisa vagokupa marofu maviri echingwa, auchatambira kubva kwavari. 5 “Mushure maizvozvo uchaenda kuGibhea, Gomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita. 6 Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba uye uchaprofita pamwe chete navo, uye uchashandurwa ugova mumwe munhu. 7 Kana zviratidzo izvi zvangozadziswa, ita chinhu chipi nechipi chinowanikwa noruoko rwako kuti ruite, nokuti Mwari anewe. 8 “Tungamira mberi kwangu udzike kuGirigari. Zvirokwazvo ndichauya kwauri kuti ndizobayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, asi unofanira kundimirira kwamazuva manomwe kusvikira ndauya kwauri ndigokuudza zvaunofanira kuita.” 9 Sauro akati achangotendeuka kuti abve pana Samueri, Mwari akashandura mwoyo waSauro, uye zviratidzo zvose izvi zvakazadziswa zuva iroro. 10 Pavakasvika kuGibhea, akasangana neboka ravaprofita; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, uye akabatana navo mukuprofita kwavo. 11 Vose vakanga vachimuziva kare vakati vamuona achiprofita pamwe chete navaprofita, vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro ava pakati pavaprofitawo here?” 12 Mumwe murume aigarako akapindura achiti, “Zvino baba vavo ndiani?” Saka chakava chirevo chokuti, “Sauro ava pakati pavaprofitawo here?” 13 Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira. 14 Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?”Akapindura achiti, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.” 15 Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.” 16 Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri. 17 Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa 18 akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri: ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’ 19 Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.” 20 Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa. 21 Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa. 22 Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?”Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.” 23 Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro. 24 Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.”Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!” 25 Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake. 26 Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari. 27 Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.

In Other Versions

1 Samuel 10 in the ANGEFD

1 Samuel 10 in the ANTPNG2D

1 Samuel 10 in the AS21

1 Samuel 10 in the BAGH

1 Samuel 10 in the BBPNG

1 Samuel 10 in the BBT1E

1 Samuel 10 in the BDS

1 Samuel 10 in the BEV

1 Samuel 10 in the BHAD

1 Samuel 10 in the BIB

1 Samuel 10 in the BLPT

1 Samuel 10 in the BNT

1 Samuel 10 in the BNTABOOT

1 Samuel 10 in the BNTLV

1 Samuel 10 in the BOATCB

1 Samuel 10 in the BOATCB2

1 Samuel 10 in the BOBCV

1 Samuel 10 in the BOCNT

1 Samuel 10 in the BOECS

1 Samuel 10 in the BOGWICC

1 Samuel 10 in the BOHCB

1 Samuel 10 in the BOHCV

1 Samuel 10 in the BOHLNT

1 Samuel 10 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 10 in the BOICB

1 Samuel 10 in the BOILNTAP

1 Samuel 10 in the BOITCV

1 Samuel 10 in the BOKCV

1 Samuel 10 in the BOKCV2

1 Samuel 10 in the BOKHWOG

1 Samuel 10 in the BOKSSV

1 Samuel 10 in the BOLCB

1 Samuel 10 in the BOLCB2

1 Samuel 10 in the BOMCV

1 Samuel 10 in the BONAV

1 Samuel 10 in the BONCB

1 Samuel 10 in the BONLT

1 Samuel 10 in the BONUT2

1 Samuel 10 in the BOPLNT

1 Samuel 10 in the BOSNC

1 Samuel 10 in the BOTLNT

1 Samuel 10 in the BOVCB

1 Samuel 10 in the BOYCB

1 Samuel 10 in the BPBB

1 Samuel 10 in the BPH

1 Samuel 10 in the BSB

1 Samuel 10 in the CCB

1 Samuel 10 in the CUV

1 Samuel 10 in the CUVS

1 Samuel 10 in the DBT

1 Samuel 10 in the DGDNT

1 Samuel 10 in the DHNT

1 Samuel 10 in the DNT

1 Samuel 10 in the ELBE

1 Samuel 10 in the EMTV

1 Samuel 10 in the ESV

1 Samuel 10 in the FBV

1 Samuel 10 in the FEB

1 Samuel 10 in the GGMNT

1 Samuel 10 in the GNT

1 Samuel 10 in the HARY

1 Samuel 10 in the HNT

1 Samuel 10 in the IRVA

1 Samuel 10 in the IRVB

1 Samuel 10 in the IRVG

1 Samuel 10 in the IRVH

1 Samuel 10 in the IRVK

1 Samuel 10 in the IRVM

1 Samuel 10 in the IRVM2

1 Samuel 10 in the IRVO

1 Samuel 10 in the IRVP

1 Samuel 10 in the IRVT

1 Samuel 10 in the IRVT2

1 Samuel 10 in the IRVU

1 Samuel 10 in the ISVN

1 Samuel 10 in the JSNT

1 Samuel 10 in the KAPI

1 Samuel 10 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 10 in the KBV

1 Samuel 10 in the KJV

1 Samuel 10 in the KNFD

1 Samuel 10 in the LBA

1 Samuel 10 in the LBLA

1 Samuel 10 in the LNT

1 Samuel 10 in the LSV

1 Samuel 10 in the MAAL

1 Samuel 10 in the MBV

1 Samuel 10 in the MBV2

1 Samuel 10 in the MHNT

1 Samuel 10 in the MKNFD

1 Samuel 10 in the MNG

1 Samuel 10 in the MNT

1 Samuel 10 in the MNT2

1 Samuel 10 in the MRS1T

1 Samuel 10 in the NAA

1 Samuel 10 in the NASB

1 Samuel 10 in the NBLA

1 Samuel 10 in the NBS

1 Samuel 10 in the NBVTP

1 Samuel 10 in the NET2

1 Samuel 10 in the NIV11

1 Samuel 10 in the NNT

1 Samuel 10 in the NNT2

1 Samuel 10 in the NNT3

1 Samuel 10 in the PDDPT

1 Samuel 10 in the PFNT

1 Samuel 10 in the RMNT

1 Samuel 10 in the SBIAS

1 Samuel 10 in the SBIBS

1 Samuel 10 in the SBIBS2

1 Samuel 10 in the SBICS

1 Samuel 10 in the SBIDS

1 Samuel 10 in the SBIGS

1 Samuel 10 in the SBIHS

1 Samuel 10 in the SBIIS

1 Samuel 10 in the SBIIS2

1 Samuel 10 in the SBIIS3

1 Samuel 10 in the SBIKS

1 Samuel 10 in the SBIKS2

1 Samuel 10 in the SBIMS

1 Samuel 10 in the SBIOS

1 Samuel 10 in the SBIPS

1 Samuel 10 in the SBISS

1 Samuel 10 in the SBITS

1 Samuel 10 in the SBITS2

1 Samuel 10 in the SBITS3

1 Samuel 10 in the SBITS4

1 Samuel 10 in the SBIUS

1 Samuel 10 in the SBIVS

1 Samuel 10 in the SBT

1 Samuel 10 in the SBT1E

1 Samuel 10 in the SCHL

1 Samuel 10 in the SNT

1 Samuel 10 in the SUSU

1 Samuel 10 in the SUSU2

1 Samuel 10 in the SYNO

1 Samuel 10 in the TBIAOTANT

1 Samuel 10 in the TBT1E

1 Samuel 10 in the TBT1E2

1 Samuel 10 in the TFTIP

1 Samuel 10 in the TFTU

1 Samuel 10 in the TGNTATF3T

1 Samuel 10 in the THAI

1 Samuel 10 in the TNFD

1 Samuel 10 in the TNT

1 Samuel 10 in the TNTIK

1 Samuel 10 in the TNTIL

1 Samuel 10 in the TNTIN

1 Samuel 10 in the TNTIP

1 Samuel 10 in the TNTIZ

1 Samuel 10 in the TOMA

1 Samuel 10 in the TTENT

1 Samuel 10 in the UBG

1 Samuel 10 in the UGV

1 Samuel 10 in the UGV2

1 Samuel 10 in the UGV3

1 Samuel 10 in the VBL

1 Samuel 10 in the VDCC

1 Samuel 10 in the YALU

1 Samuel 10 in the YAPE

1 Samuel 10 in the YBVTP

1 Samuel 10 in the ZBP